RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g03 6/8 pp. 27-28
  • Zvinhu Zvichazombovandudzika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvinhu Zvichazombovandudzika Here?
  • Mukai!—2003
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chikonzero Chetariro
  • Nei Zvakadzoka?
    Mukai!—2003
  • Kutsiva Kweutachiona
    Mukai!—1996
  • Zvirwere Zvinoparadzirwa Nezvipembenene Chinetso—Chiri Kuramba Chichikura
    Mukai!—2003
  • Nyika Isina Hosha
    Mukai!—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—2003
g03 6/8 pp. 27-28

Zvinhu Zvichazombovandudzika Here?

NHASI World Health Organization nemamwe mapoka anonetseka nezvenyaya iyi ari kuita zvirongwa zvokuongorora nokudzora zvirwere. Masangano akasiyana-siyana ari kuparadzira mashoko uye kusimudzira zvirongwa zvokutsvakurudza mishonga mitsva uye nzira itsva dzokudzora, zvose zvichiitirwa kuenderana nechinetso chiripo chokuwedzera kwezvirwere zvinoparadzirwa nezvipembenene. Vanhu nenzanga vanogona kuita basa guru nokudzidza uye kuzvichengetedza. Asi, kuchengetedza vanhu kwakasiyana nokudzora chirwere pasi pose.

Nyanzvi dzakawanda dzinofunga kuti kushandira pamwe munyika yose uye kuvimbana zvinokosha kuti kuedza kupedza zvirwere kubudirire. Kuwedzera kwokukura kwokudyidzana kwevanhu pasi pose kunoda kuti vanhu vari kwose kwose panyika vaite zvinopfuura kungoona nharaunda, dunhu, nyika, kana kwavanogara senzvimbo bedzi yavanogona kuraramira,” anonyora kudaro akahwina mubayiro wePulitzer, Laurie Garrett mubhuku rake rinonzi The Coming Plague—Newly Emerging Diseases in a World out of Balance. “Utachiona, nezvinohutakura, hazvizivi miganhu yakaitwa nevanhu.” Kuvapo kwechirwere mune imwe nyika kunovhundutsa kwete vanhu vomunyika dzakapoteredza chete asi pasi pose.

Dzimwe hurumende nevanhu vanoramba vachifungira kupindira kupi nokupi—kunyange zvirongwa zvokuedza kupedza zvirwere—zvinobva kune dzimwe nyika. Uyezve, kutadza kuona zviri mberi kwehurumende uye vezvokutengeserana vane makaro kunowanzokanganisa kuedza kwevanhu vepasi vanenge vabatana. Mukuedza kwevanhu kupedza zvirwere, utachiona huchakunda here? Munyori Eugene Linden, anofunga kuti huchadaro, anoti: “Kwatova kunonoka kuti zvigadzirisike.”

Chikonzero Chetariro

Kufambira mberi mune zvesayenzi uye unyanzvi hwokugadzira zvinhu kuri kumashure chaizvo mukuedza kupedza zvirwere. Uyewo zvekare, chinetso chezvirwere zvinoparadzirwa nezvipembenene rutivi rumwe bedzi rwengozi dzoutano hwevanhu. Asi pane chikonzero chetariro. Kunyange zvazvo ari kutanga kunzwisisa kudyidzana kwakaoma kunzwisisa kwezvinhu zvipenyu, masayendisiti anoona kuti nyika inogona kuzvirapa yoga. Pasi redu rakasikwa riine miitiro inogona kuita kuti zvinhu zvienderane. Somuenzaniso, masango anomera munzvimbo dzakambogoborwa uye kudyidzana kwoutachiona, zvipembenene, uye mhuka kune muitiro wokugadzikana nokufamba kwenguva.

Chinokosha zvikuru, kugadzirwa kwounyanzvi kwezvinhu zvakasikwa kunoratidza kuti kune Musiki, Mwari akatanga kuita kuti zvinhu zviri munyika zvitange kushanda. Masayendisiti akawanda pachawo anobvuma kuti panofanira kuve paine mumwe munhu ane unyanzvi akasika zvinhu zviri panyika. Nokutika vanhu chaivo vanofunga havangabudiriri kuramba kuti Mwari aripo. Bhaibheri rinotsanangura Musiki, Jehovha Mwari, sewamasimba ose uye ane rudo. Anoda kwazvo kuti tive nomufaro.

Bhaibheri rinotsanangurawo kuti nemhaka yechivi choune chakaitwa nomunhu wokutanga, vanhu vakagara nhaka kusakwana, kurwara, norufu. Izvi zvinoreva here kuti tichangoramba tichitambura nokusingaperi? Aiwa! Chinangwa chaMwari ndechokuita pasi paradhiso, umo vanhu vanogona kurarama vakasununguka nezvimwe zvisikwa, zvose zvikuru nezviduku-duku. Bhaibheri rinotaura nezvenyika inenge isina zvisikwa, ringava zimhuka kana kapembenene zvichange zviine ngozi kuvanhu.—Isaya 11:6-9.

Chokwadi, vanhu vanenge vaine basa rokuita kuti mamiriro ezvinhu akadaro arambe aripo—mumagariro evanhu uye mukudyidzana nezvimwe zvisikwa. Mwari akarayira munhu ku“chengeta” pasi. (Genesi 2:15) Muparadhiso yomunguva yemberi, vanhu vachapedza basa iroro zvizere nokutevera nhungamiro yoMusiki pachake vachiteerera. Saka, tinogona kutarira kuzuva apo kunenge kusina “ugeremo, uchati: Ndinorwara.’”—Isaya 33:24.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe