RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 7/8 pp. 22-26
  • Pachapera Uranda!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Pachapera Uranda!
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Apo Kupindwa Muropa Kunoita Munhu Muranda
  • “Chokwadi Chichakusunungurai”
  • Uranda Hwakaipisisa
  • Tariro Ine Chokwadi
  • Rudzi Rwakasununguka Asi Runozvidavirira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Mwari Akanga Asina Basa Nokutengeswa Kwevaranda Here?
    Mukai!—2001
  • Shumira Jehovha, Mwari Werusununguko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2018
  • “Nhevedzo Yenyika Itsva” Yomunhu Yava Pedyo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 7/8 pp. 22-26

Pachapera Uranda!

RUSUNUNGUKO! Mashoko mashoma anofarirwa nomwoyo womunhu kufanana neshoko iri. Vanhu vakarwa uye vakatambura, vakararama uye vakafa, vachitsvaka rusununguko. Zvisinei, zvinosuruvarisa kuti vakawanda vakaita kudaro vasingambooni kufambira mberi kukuru muzvavaida kuti zviitike. Pane tariro yokuti uranda huchapera here—tariro isingazoperi nokuora mwoyo? Iripo.

Muapostora Pauro akafuridzirwa kuti anyore nezvechipikirwa chaMwari chokuti: “Zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora ndokuva norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Asi tingava sei nechokwadi chokuti chaizvoizvo Mwari achaunza “rusununguko rune mbiri” rwakadaro? Imwe nzira ndeyokuongorora zvakamboitwa naMwari kune vanhu kubvira kare.

“Pane mudzimu waJehovha, pane rusununguko,” Bhaibheri rinodaro. (2 VaKorinde 3:17) Hungu, mudzimu waMwari, kana kuti simba rinobata basa, rine simba guru kwazvo. Ave achiushandisa kupa rusununguko munzira dzakawanda kwenguva refu. Sei? Tinofanira kuramba tichiyeuka kuti pane marudzi akasiyana-siyana ouranda. Tambokurukura nezvorudzi rwakaipa, urwo vane simba vanobata uranda vasina simba nokumanikidzira uye kuita chisimba. Asi funga nezvemamwe marudzi ouranda.

Vanhu vanogona kuzviita varanda nokupindwa muropa nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinenge zvakaoma zvikuru kuzvirega. Uye vanhu vanogona kuitwa varanda nenhema nokunyengera, kunyengedzwa kurarama upenyu hwokudzorwa nedzidziso dzenhema. Chakatoipa kupfuura zvose, pane rudzi rwouranda runotambudza mumwe nomumwe wedu—tingava tichizviziva kana kuti kwete—uye mugumusiro wacho unouraya. Zvisinei, zvinofanira kusimbiswa kuti kunyange zvazvo tiri kubatanidza pamwe chete marudzi akasiyana-siyana ouranda mukurukurirano ino, hatisi kuaenzanisa. Akasiyana zvikuru. Kunyange zvakadaro, pane kamwe kakufanana kanokosha. Pakupedzisira, Mwari worusununguko achaona kuti mutoro wemarudzi ose aya ouranda uchabviswa pavanhu.

Apo Kupindwa Muropa Kunoita Munhu Muranda

Ona kutsanangura kunoita bhuku rinonzi When Luck Runs Out nezvokupindwa muropa nokubheja: “Kukanganisika kunoita kuti munhu amanikidzwe nechido chinomukurira uye chisingadzoreki chokuda kubheja. Chido chacho chinoramba chiripo uye chinowedzera kukura uye nguva yachinoda kuitwa . . . kusvikira, pakupedzisira, chinozara, chinonetesa uye kakawanda chinoparadza chinhu chose chinokosha muupenyu.” Hapana anoziva kuti vanhu vangani vakaitwa varanda nokubheja. Kufungidzira kwenyika imwe chete, United States, kunoda kusvika mamiriyoni matanhatu.

Kurarama nedoro kunoparadzawo, kana kutopfuura, uye munzvimbo dzakawanda kwakapararira zvikuru. Mune imwe nyika huru, vanhu vakawanda zvokusvika hafu yevarume vose vanotambura noudhakwa. Ricardo, uyo akapindwa muropa nedoro makore 20 adarika, anotsanangura kuti kupindwa muropa kworudzi urwu kwakaita sei: “Kubva panguva yaunomuka, muviri wako unonzwa havi yedoro—kuti unzwe zviri nani, kuti ukanganwe zvinetso zvako, kana kuti rikupe ushingi hwakakwana kuti ugone kurarama. Unenge uchingoda kumboti dzvutu, uye unoedza kuzviudza uye kuudza vamwe vako kuti hapana chakaipa nezvauri kuita.”

Doro handiro roga rinopinda muropa rinobata vanhu uranda. Pasi pose, pane mamiriyoni evanhu vakawanda vari kushandisa zvinodhaka zvisingabvumirwi nomutemo. Uyezve, vamwe vanhu mabhiriyoni 1,1 vanoshandisa fodya—ine zvinopinda muropa zvikuru kupfuura zvimwe zvinodhaka zvose. Vanhu vakawanda vanoda kurega kusvuta, asi vanonzwa vari varanda. Jehovha akaratidza kuti iye Mudzikinuri wevanhu mumarudzi ousungwa hwakasimba zvakadaro here?a

Funga nezvomuenzaniso waRicardo. “Anenge makore gumi apfuura, ndakaona kuti doro raidzora upenyu hwangu,” anotsanangura kudaro Ricardo. “Rakanga riri kuparadza muchato wangu, basa rangu, uye mhuri yangu, uye ndaiziva kuti handaimbofa ndakapedza zvinetso zvangu kutoti ndatopfudzuka pakundidzora kwaro. Kubva mukudzidza Bhaibheri, ndakadzidza kuti urombo—chaihwo uye hwepakunamata—hunomomotera vanonyanya kunwa doro. (Zvirevo 23:20, 21) Ndaida kuva noukama hwepedyo naMwari, uye minyengetero yangu yepamwoyo yokukumbira kubatsirwa naMwari yakandigonesa kuti ndizvidzore. Mumwe murume akadzidza neni Bhaibheri uye akava shamwari inokosha zvikuru. Pandaimbodzokera kumuitiro wacho, haana kuneta kundidzidzisa, asi akandiratidza nzira iyo Mwari anoda kuti vaKristu vechokwadi vatevere achidaro nokushivirira uye zvakasimba.”

Nhasi Ricardo anonzwa asunungurwa muuranda hwaaimbova mahuri—kupfuura zvaainzwa. Anobvuma kuti pakutanga aimbodzokera kumuitiro wacho. “Asi pasinei nemhinganidzo idzodzo,” anodaro, “kuda kwangu kushumira Jehovha nokutendeka, pamwe nokutsigirwa nomudzimai wangu nevamwe vaKristu, zvakandibatsira kudzora mamiriro angu ezvinhu. Ndinotarira kunguva iyo Mwari akavimbisa apo ‘pasina anozoti, “Ndinorwara”’ uye kupindwa muropa nedoro kuchava chinhu chomunguva yekare. Panguva ino ndicharamba ndiri muhondo yangu yezuva nezuva yokuti ndipe muviri wangu ‘sechibayiro chipenyu, chitsvene, chinogamuchirika kuna Mwari.’”—Isaya 33:24; VaRoma 12:1

Kupota nyika yose vanhu vane zviuru zvakawanda vakabatsirwa zvakananga naMwari sezvavaishanda kuti vazvisunungure pakupindwa muropa kwakasiyana-siyana. Asi ivo pachavo ndivo vakaita basa guru mukuzviisa muuranda, zvichida vachibvuma kukurirwa nezvinonetsa zvakawanda nemiedzo. Kunyange zvakadaro, vakawana kuti Jehovha Musununguri ane mwoyo murefu zvikuru. Anoda kubatsira uye kusimbisa vose vanoda kumushumira zvechokwadi.

“Chokwadi Chichakusunungurai”

Zvakadini nokubatwa muuranda hwokureva nhema nokunyengera? Jesu Kristu anotivimbisa kuti rusununguko pazvinhu zvakadaro runogona kuvapo. “Kana mukaramba muri mushoko rangu,” akadaro, “muri vadzidzi vangu chaivo, uye muchaziva chokwadi, uye chokwadi chichakusunungurai.” (Johani 8:31, 32) Panguva yaakataura, vateereri vake vakawanda vakanga vari muuranda hwemitemo yetsika dzevaFarisi. Chaizvoizvo, nezvevatungamiriri vechitendero vezuva rake, Jesu akati: “Vanosunga mitoro inorema vachiiisa pamapfudzi evanhu, asi ivo havadi kuitseketudza nomunwe wavo.” (Mateu 23:4) Dzidziso dzaJesu dzakasunungura vanhu kubva muusungwa hwakadaro. Akafumura nhema dzechitendero, kunyange kutaura kwadzaibva. (Johani 8:44) Uye akatsiva nhema dzacho nechokwadi, achiratidza vanhu zvinhu zvakajeka zvinodiwa naMwari zvisina kuoma.—Mateu 11:28-30.

Kufanana nevadzidzi vaJesu, zviuru zvevanhu nhasi zviri kuwana kuti nokubatsirwa naMwari zvinogona kusununguka kunhema dzezvitendero uye tsika dzenhema dzakavabata sevaranda. Vadzidza chokwadi chinozorodza cheBhaibheri, vanozviwana vasingadzvinyirirwi nokutya vakafa, vasingatyi kutsva nokusingaperi muhero inonganduma, vakasununguka pakumanikidzirwa kubhadhara mari yavanowana vafondoka kuti iende kuminamato yechechi inoitwa nevafundisi vanoti vanomiririra Kristu—uyo akati: “Makagamuchira pachena, ipai pachena.” (Mateu 10:8) Uyezve, rumwe rusununguko runotova rukuru ruri pedyo.

Uranda Hwakaipisisa

Ona kurondedzera kwakaita Jesu uranda hwakaipisisa, hwambodudzwa, hunobata murume, mukadzi nomwana wose panyika: “Chokwadi chokwadi ndinoti kwamuri, Munhu wose anoita chivi muranda wechivi.” (Johani 8:34) Ndiani angati haaiti chivi? Kunyange muapostora Pauro akabvuma kuti: “Zvakanaka zvandinoda handizviiti, asi zvakaipa zvandisingadi ndizvo zvandinoita.” (VaRoma 7:19) Kunyange zvazvo pasina anogona kuzvisunungura pacheni dzechivi, mamiriro edu ezvinhu ane tariro.

Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Kana Mwanakomana akakusunungurai, muchava vakasununguka chaizvoizvo.” (Johani 8:36) Kuzadzika kwechipikirwa ichi kuchareva rusununguko kubva pamarudzi ose ouranda anokuvadza. Kuti tinzwisise kuti tingapukunyuka sei pahuri, tinofanira kutanga kuona kuti pakutanga takambopinda sei muuranda.

Bhaibheri rinoratidza kuti Mwari akasika munhu achikwanisa kuzvisarudzira zvaanoda, asina chido chokutadza. Asi mwanakomana waMwari, chisikwa chomudzimu chine udyire chaida kudzora vanhu, pasinei nokutambura kwavaizoita. Kuti iite kudaro, ngirozi iyi yakapanduka inonzi Satani Dhiyabhorosi, yakatsausa vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, kubva kuna Mwari. Pashure pokunge Adhamu arega kuteerera mirayiridzo yaMwari yakananga noune, haana kungova mutadzi oga asi akapfuuridzira kusakwana norufu kuvana vake vose. (VaRoma 5:12) Pakupedzisira, Satani akava ‘mutongi wenyika,’ uye ‘chivi norufu zvakatonga vanhu samambo.’—Johani 12:31; VaRoma 5:21; Zvakazarurwa 12:9.

Tingasunungurwa sei? Nokuva vadzidzi vaJesu, tinogona kubatsirwa norufu rwaJesu rwechibayiro, rune simba rokuti “aparadze uyo ane simba rokuparira rufu, iye Dhiyabhorosi” uye “kuti asunungure vose avo nemhaka yokutya rufu vakanga vari muuranda kwoupenyu hwavo hwose.” (VaHebheru 2:14, 15) Pafunge—kusunungurwa muuranda hwechivi norufu! Kufunga nezvorusununguko irworwo hakufadzi here?

Asi zvakadini nezvorudzi rwouranda rwatakurukura kwokutanga? Pachazombova nokupera kwokubatwa uranda kwevanhu vasingadi here?

Tariro Ine Chokwadi

Hungu, tinogona kuva nechokwadi chokuti rudzi rwouranda runosembura kudaro ruchapedzwa. Nei zvakadaro? Funga nezveizvi: Jehovha Mwari ndiye akaita kuti rumwe rudzi rusunungurwe munhau yose yevanhu zvisina kumboitika. Ungava uchiziva nezvenhoroondo yacho.

Rudzi rwevanhu vaIsraeri rwaiva varanda vevaIjipiti, ruchifondotswa nokurohwa. Vakachemera kubatsirwa naMwari, uye iye, nenyasha dzake huru, akavanzwa akavabatsira. Achishandisa Mosesi naAroni sevatauriri vake, Jehovha akarayira kuti Farao weIjipiti avasiye vaende. Mambo iyeye aidada akaramba arambazve, kunyange apo Jehovha akaunza madambudziko panyika yacho. Pakupedzisira, Mwari akapfugamisa Farao. VaIsraeri vakasununguka pakupedzisira!—Eksodho 12:29-32.

Inhoroondo inonakidza, handizvo here? Zvingakushamisa kuti nei Mwari asina kuita zvakafanana munguva yazvino. Nei asina kupindira munhau dzevanhu ndokugumisa kubatwa uranda kwevanhu? Yeuka kuti, Jehovha haasi ‘mutongi wenyika’—ndiSatani. Nemhaka yenhau dzakamutswa kare muEdheni, Jehovha akabvumira Muvengi uyu akaipa kuti atonge kwenguva pfupi. Uranda, udzvinyiriri, uye utsinye zvinongova zviratidzo zvokutonga kwaSatani. Mukudzorwa kwakadaro, utongi hwevanhu hwakava nenhoroondo yakashata. Bhaibheri rinopfupisa nhoroondo yacho nemashoko mashoma kuti: ‘Kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achamuitira zvakaipa.’—Muparidzi 8:9.

Asi kwenguva yakareba sei? Bhaibheri rinotsanangura kuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira,” nguva apo udyire nemakaro zvinenge zvakawanda. (2 Timoti 3:1, 2) Izvi zvinoreva kuti pasina nguva refu Umambo hwaMwari, hwatakadzidziswa naJesu kunyengeterera, huchaunza nzanga yevanhu yakarurama apo uranda hunenge husisipo. (Mateu 6:9, 10) Jesu Kristu, mambo akagadzwa naMwari, achaparadza karudzi kapi zvako kokubata uranda kusvikira muvengi wokupedzisira, rufu, aparadzwa.—1 VaKorinde 15:25, 26.

Zuva iroro parichazouya, vanhu vakatendeka vachaona kuti kusunungurwa kwevanhu vaMwari kubva muuranda hwomuIjipiti kwakanga kuri kufanoratidzwa kworusununguko urwu rukuru. Hungu, nokufamba kwenguva, “zvisikwa zvichasunungurwawo muuranda hwokuora.” Pakupedzisira, vanhu vose vachagona kunakidzwa kusvika pokupedzisira “norusununguko rune mbiri rwevana vaMwari.”—VaRoma 8:21.

[Mashoko Omuzasi]

a Muzana remakore rokutanga, nhafu yakanga yakakurumbira pamadyo makuru evaRoma. Nokudaro, vaKristu vakanyeverwa kuti vasabvumira zvokudya kana kuti chimwe chinhu chakadaro kuti chivaite varanda.—VaRoma 6:16; 1 VaKorinde 6:12, 13; Tito 2:3.

[Mufananidzo uri papeji 23]

Vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni matanhatu varanda vokubheja muUnited States moga

[Mifananidzo iri papeji 23]

Mazana emamiriyoni evanhu akabatwa muuranda hwokushandisa zvinodhaka, doro, nefodya

[Mifananidzo iri papeji 24, 25]

Kufanana naRicardo, zviuru zvakabatsirwa naMwari kuti zvibve pakupindwa muropa nezvinhu zvakasiyana-siyana

[Mifananidzo iri papeji 26]

Sokusunungurwa kwakaitwa vaIsraeri vekare kubva muuranda, vashumiri vaMwari vechokwadi vachava norusununguko rwakatokura

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe