RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 6/8 pp. 15-17
  • Ndingawana Sei Wokugara Naye Akanaka?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndingawana Sei Wokugara Naye Akanaka?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Ngozi Yeshamwari Dzakashata
  • Kuwana Vokugara Navo Vakakodzera
  • Kutsvaka Mashoko Anokosha
  • Kukurukura
  • “Nenzira Yakafanira uye Nokurongeka”
  • Ndingawirirana Sei Newandinogara Naye?
    Mukai!—2002
  • Nei Wandinogara Naye Achinetsa?
    Mukai!—2002
  • Ndava Kukwanisa Kugara Ndega Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • Munhu Uyu Ndiye Akandikodzera Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
Mukai!—2002
g02 6/8 pp. 15-17

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndingawana Sei Wokugara Naye Akanaka?

“Pasina vamwe vokugara navo ndaisambokwanisa kuparidza mashoko akanaka kwenguva yakazara kwava kubhadhara rendi uye zvimwe zvinhu.”—Lynn.a

APO vechiduku vanobva pamba, kakawanda vanoshamiswa chaizvo kuziva kuti zvinodhura zvakadini kurarama ‘munyika chaiyo.’ Kana vari vakawanda, nzira yokukwanisa kupedza nhamo yemari ndeyokubatsirana kubhadhara mari yezvinodiwa nomumwe kana vamwe vokugara navo.

Asi sezvakaratidzwa nenyaya yaiva mumagazini yapfuura, kugara nomumwe munhu—kunyanya wausingatombozivi zvachose—kunogona kuva kwakaoma chaizvo.b Izvi zvinoitikawo kuvaKristu vechiduku vari kugara pamwe chete kuti vakwanise kushanda sevaparidzi vemashoko akanaka venguva yakazara. Pasinei nokuti zvinhu zvako zviri sei, kana uri kufunga zvokugara nomumwe munhu, zvakanaka kuti ushandise “uchenjeri” pakusarudza munhu wacho.c—Zvirevo 3:21.

Ngozi Yeshamwari Dzakashata

Vechiduku vakawanda vanotarisa mumapepanhau uye paIndaneti kuti vawane wokugara naye. Asi kana vari vaKristu vechiduku, izvi zvine ngozi. Izvi zvinogona kuguma nokusangana nevanhu vasingabvumi zvaunodavira, vasina tsika sedzako, uye vasingaiti zvinhu sezvaunoita. Kuda kugara nomumwe munhu waunonamata naye kuomesa musoro kana kuti kutadza kugarisana nevamwe here? Kwete, kutori kuchenjera. Bhaibheri pacharo rinonyevera richiti: “Songaniro dzakaipa dzinoshatisa miitiro inobetsera.”—1 VaKorinde 15:33.

Funga nezvomumwe musikana wechiduku anonzi Lee. Akanga asati ava muKristu akabhabhatidzwa paakatanga kugara payunivhesiti. “Kugara apa kwakanga kuine ngozi,” anoyeuka kudaro. “Vamwe vasikana vaidzoka kumba vowana wavanogara naye akarara nomukomana.” Nenguva isipi kugara ipapo kwakakanganisa kunamata kwaLee. “Kakawanda ndaitadza kuenda kumisangano yechiKristu,” anodaro. Hazvishamisi kuti mararamiro ake akatanga kuchinja kuva akashata. “Mumwe musi ndakangoerekana ndashandisa mutauro wakasviba, uye mumwe wevasikana akanditi: ‘Jehovha anofarira izvozvo here?’” Ndakashaya pokupinda nokunyara! Asi zvinofadza kuti Lee akakwanisa kubva panzvimbo isina kunaka iyoyo uye akatanga kufambira mberi mune zvokunamata. Asi zvakaitika kwaari zvinoratidza kuti kugara nevanhu vasingaremekedzi zvaunodavira kune ngozi.

Kuwana Vokugara Navo Vakakodzera

Saka zvino, ungatsvakira kupi? Tangira muungano yako yeZvapupu zvaJehovha. Chokwadi, vaya vari vaparidzi vemashoko akanaka venguva yakazara kazhinji vanosangana nevamwe vechiduku vane pfungwa sedzavo kuzvikoro zvakasiyana-siyana nemisangano zvinenge zvakananga vaparidzi venguva yakazara.d Vabereki, vakuru vomuungano, vatariri vanofambira, uye vamwe vanokwanisawo kubatsira; vangaziva vamwe vechiduku vari kutsvaka vokugara navo vakakodzera.

Kubvunza vamwe kunokwanisa kubatsira chaizvo. Kana ukaudza vanhu vakawanda nezvezvauri kutsvaka, mukana mukuru uripo wokuti uchawana zvauri kuda. (Muparidzi 11:6) Chinonyanya kukosha, kumbira Jehovha kuti akubatsire kuwana wokugara naye, uye vimba naye kuti akomborere zvaunoedza kuita.—1 Johani 5:14, 15.

Kutsvaka Mashoko Anokosha

Uchinge wawana munhu anoda kugara newe, munganzwa muchida kukurumidza kutanga kugara mose. Asi zvakanaka kuti utange wawana mashoko anokosha. Munhu iyeye ‘anopupurirwa zvakanaka kwazvo nehama’ dzomuungano yake here? (Mabasa 16:1, 2) Zvichida iwe nevabereki vako munogona kutaura nevakakura mumudzimu vanomuziva. Mungabvunza kuti: ‘Munhu uyu ane mukurumbira wakaita sei? Munhu akadzikama mupfungwa uye mumudzimu here? Anoparidza nevamwe uye anopindura pamisangano here? Munhu uyu anozivikanwa kuti ane mufambiro wakanaka here?’

Yeuka kuti, ‘anofambidzana navakachenjera achava akachenjerawo.’ (Zvirevo 13:20) “Wandinogara naye anoda zvokunamata chaizvo,” anodaro David. “Izvi zvinondibatsira kuti ndirambe ndichipfuurira pakunamata.” Renee, uyo akagara nevanhu vakati wandei, anotiwo: “Vamwe vandakagara navo vaigona kuti tiverenge chitsauko cheBhaibheri pamwe chete manheru oga oga. Sezvo vabereki vangu vakanga vasiri Zvapupu, hatina kumbodzidza Bhaibheri semhuri. Saka kukwanisa ‘kudzidza semhuri’ nevandaigara navo kwaindifadza chaizvo!” Kuva nomumwe munhu waunogara naye anofarirawo zvinhu zvokunamata sezvaunoita kunogona kuva chikomborero chaicho.

Kukurukura

Zvadaro, onana nomunhu wacho mokurukura zvinhu. Kukurukura kwakadaro kunokwanisa kukubatsira kuona kana unhu hwenyu huchipindirana. Hungu, kumwe kuongorora kwakabuda mumagazini inonzi Communication Research Reports kwakaratidza kuti vaigara pamwe chete vakanga vachifarira nyaya dzakafanana “vakanga vachifara kukunda vamwe.” Saka kana uri munhu anofara, anotaura, unogona kuva nezvinetso kana ukagara nomunhu asina nyaya, kana kuti anoda kuva oga.

Nepo musingafaniri kuita kunge muri mapurisa ari kubvunzurudza, zvingava zvinobatsira kukurukura zvirongwa zvomunhu mumwe nomumwe zvemunguva pfupi iri kutevera uye zvinotarisirwa newauchange uchigara naye. Iye ane vavariro dzaanadzo pakunamata here kana kuti anongofarira kubva pamba? Lynn anotaura nezverimwe dambudziko rinokwanisa kumuka achiti: “Ndakambogara nomumwe akanga ane mukomana wake, uye mukomana wacho aigara ari pamba pedu nguva dzose, achizodzokera pakati pousiku.” Lynn ainyangadzwa nokubatana kwavaiita. Zvisinei, dzimwe nguva zvinetso zvakadaro zvinokwanisa kudziviswa kana mukaisa mitemo yamunobvumirana pachine nguva. Somuenzaniso, Renee anoti: “Takanga tiine mutemo wokuti vakomana havafaniri kuramba varipo kusvika pane imwe nguva.” Zvingava zvakanaka zvekare kana vari kugara vose vakabvumirana kuti hapana anofanira kuva nomusikana kana mukomana vari voga mumba.

Zvimwewo zvingava zvakanaka kukurukura zvinhu zvakadai sezvamunofarira kuita kuti muvaraidze nguva, zvamunoda, uye mimhanzi yamunofarira. “Ndinoda kugara nomumwe anofarira zvinhu zvandinofarira, ane unhu sehwangu, uye anoda kuita zvinhu zvandinoda kuita,” anodaro Mark. Ichokwadi kuti kusafarira zvinhu zvakafanana hakurevi kuti hamukwanisi kugara mose. Nyaya chaiyo iripo ndeyokuti, Muri vaviri munoda kuchinja ndokuita zvinoda mumwe zvakadini? Munoda kuregerera uye kuchinja zvimwe zvinhu kuti mufadze wamuri kugara naye here?

Lee anoti: “Unofanira kubvunza mumwe wacho kuti chii chaanoda kuti chiitwe kana mava kugara mose. Vamwe vanhu vanoda kuti uve shamwari yavo yepamwoyo kana kuti munhu wavanovimba naye. Asi handizvo zvandinoda.” David anotiwo: “Ndinoda munhu wandinokwanisa kuita zvinhu naye asi ndisinganzwi sokuti ari kunditeverera nguva dzose pandinenge ndichida kuita zvinhu nevamwe vanhu.” Tiri panyaya iyoyi, bvunza munhu ari kuda kugara newe kana achida kubatana newe mubasa rokuparidza kana kuti ane zvimwe mupfungwa, zvakadai sokushanda neungano yomumwe mutauro.

Pakupedzisira, iva nechokwadi chokuti haukanganwi zvinhu zvakadai sokubika (pane mumwe wenyu anogona kubika here?), kubatsirana basa romumba, kushandisa zvinhu zvomumwe, nzvimbo yepokuisa mbatya, fenicha, nzvimbo yokuchengetera zvinhu uye imbwa nekatsi. Kukurukura zvinhu zvakadaro kunokwanisa kudzivisa kusanzwisisana uye kugumburisana. Zvirevo 20:18 inoti: “Mano anobva pakurangana.”

“Nenzira Yakafanira uye Nokurongeka”

Mamwe mashoko anoshanda anowanikwa pana Ruka 14:28, panoti: ‘Verenga zvinodiwa.’ Hungu, edzai kuona kuti muchashandisa mari yakawanda zvakadini. Muchabhadhara rendi marii? Ko zvokudya? Zvokushandisa? Muchashandisa foni mose here? Kana zvakadaro, muchabhadhara mari yacho sei? “Ndaiva nechokwadi chokuti musikana iyeye anokwanisa kubhadhara mari inodiwa ndisati ndagara pamwe chete naye,” anodaro Lynn. Magazini inowanikwa paIndaneti inonzi The Next Step nenzira yakarurama inoti: “Vokugara navo vasingadi kubvisa mari yerendi uye yezvokudya . . . kana kuti vanoita zvikwereti zvakakura vanonetsa chaizvo.”

“Dzimwe nguva inenge isiri nyaya yokuti imarii,” anodaro Renee, “asi kuti inodiwa rini!” Anotsanangura kuti: “Tinofanira kubhadhara rendi yedu musi wa3 wemwedzi. Asi dzimwe nguva wandinogara naye anoenda kune imwe nzvimbo pakupera kwevhiki asati abvisa mari yake, uye ndinofanira kukumbira ruregerero kumuridzi wemba.” Zviri pachena kuti kuchenjera kuita zvinhu zvose “nenzira yakafanira uye nokurongeka” kwete kusiya kuti zvinhu zvinokosha zvichaitika zvoga. (1 VaKorinde 14:40) Kazhinji kacho, zvakanaka kunyorerana pasi zvamunenge mabvumirana.

Kungwarira uye kushandisa njere kunowedzera mukana wokuti iwe newaunogara naye muchagara muchifara uye kuti hamuzonetsani. Zvisinei, zvakadini kana zvinetso zvokusawirirana paunhu hwenyu zvikamuka? Nyaya ichazobuda ichakurukura izvozvo.

[Mashoko Omuzasi]

a Mamwe mazita akachinjwa.

b Ona nyaya ine musoro unoti “Nei Wandinogara Naye Achinetsa?” iri mumagazini yedu yaMay 8, 2002.

c Tichiyeuka kuti vakawanda mazuva ano vanogara pamwe chete kuti vaite zvounzenza, tinoda kutaura zvakasimba kuti nyaya ino inotaura nezvevanhu vanogara vari vakomana voga kana kuti vasikana voga nemhaka yokuti vanenge vachida kuchengetedza mari uye kurerukirwa nezvinhu.

d Vaparidzi vemashoko akanaka vane ropafadzo yokupinda Chikoro Chebasa Roupiyona. Misangano yevaparidzi vemashoko akanaka venguva yakazara inoitwa panguva imwe chete nemagungano edunhu gore negore.

[Mufananidzo uri papeji 16]

Zvine ngozi kugara nevanhu vasingatevedzeri tsika dzinodzidziswa neBhaibheri

[Mufananidzo uri papeji 16]

Usati wabvuma kugara nomumwe munhu, onanai mokurukura zvinhu zvinokosha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe