RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g02 3/8 pp. 14-15
  • Kunzwa Uine Mhosva—Kwakaipa Nguva Dzose Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kunzwa Uine Mhosva—Kwakaipa Nguva Dzose Here?
  • Mukai!—2002
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuva Nemhosva Kudini?
  • Kunzwa Uine Mhosva Kunogona Kuva Kwakanaka
  • Rudzi Rwokunzwa Uine Mhaka Rwakanaka
  • Bhaibheri Rinogona Kundinyaradza Here Kana Ndichizvipa Mhosva?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • “Nyatsotarisa Mberi” Uchiona Ramangwana
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2020
  • Ndakaita Chivi Chisingakanganwirwi Here?
    Mukai!—1994
  • Musarega!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1995
Ona Zvimwe
Mukai!—2002
g02 3/8 pp. 14-15

Zvinotaura Bhaibheri

Kunzwa Uine Mhosva—Kwakaipa Nguva Dzose Here?

VANHU vakawanda nhasi vanofunga kuti kunzwa uine mhosva hakuna kunaka. Vanofunga sezvakaitwa nomuzivi wokuGermany anonzi Friedrich Nietzsche, akati: “Kunzwa uine mhosva ndicho chirwere chakaipisisa chatambudza vanhu kwenguva refu.”

Asi vamwe vatsvakurudzi voruzivo vave kusvika pamugumisiro wakasiyana nouyu. “Kunzwa uine mhosva chinhu chinokosha chokuva munhu anofunga nezvevamwe, uye anozvidavirira,” anodaro Susan Forward, Ph.D., chiremba uye munyori anozivikanwa pasi pose. “Kunoshandiswa nehana.” Kana zvakadaro, kunzwa uine mhosva kwose kwakaipa here? Pane mamwe mamiriro ezvinhu apo kunzwa uine mhosva kungabatsira here?

Kuva Nemhosva Kudini?

Kunzwa tiine mhosva kunouya patinoziva kuti tarwadzisa mumwe munhu watinoda kana kuti dzimwe nguva patinotadza kuita zvinhu zvatinofunga kuti tinofanira kurarama tichiita. Sezvakanyorwa murimwe bhuku, kunzwa uine mhosva kunoreva “kunzwa kuti une chikwereti nemhaka yokuti wakundikana, wapara mhaka, waita chitsotsi, kana kuti waita chivi.”

MuMagwaro echiHebheru, kuva nemhosva kwaireva kutadza kwomuIsraeri kurarama maererano noMutemo waMwari—mitemo inopfuura hafu yacho inowanikwa mumabhuku eBhaibheri aRevhitiko neNumeri. Zvinofadza kuti shoko racho hariwanzotaurwa muMagwaro echiKristu echiGiriki. Asi mudzimwe nzvimbo marinowanika, rinoreva zvakafanana nokupara mhosva dzakakomba kuna Mwari.—Mako 3:29; 1 VaKorinde 11:27.

Asi, zvinoitika kuti tinganzwa tiine mhosva nepo isu tisina mhosva chaizvo. Somuenzaniso, kana munhu ari uya anonyanya kuda zvinhu zvakakwana uye achizvitarisira kuita zvinhu zvakanyanya kunaka, kukundikana kwose kwaanoita kunogona kumuita kuti anzwe aine mhosva. (Muparidzi 7:16) Kana kuti tingabvumira kusuruvara kwakakodzera nezvechikanganiso kana kutadza kwataita kuti kukure kuva kunzwa kunyara topedzisira tave kuzviranga zvisina kukodzera. Saka zvino, kunzwa tiine mhosva kunofanira kuita kuti tiite sei?

Kunzwa Uine Mhosva Kunogona Kuva Kwakanaka

Kunzwa uine mhosva kunogona kuva kwakanaka munzira dzinenge nhatu. Kutanga, zvinoratidza kuti tinoziva zvinhu zvakanaka. Zvinoratidza kuti tine hana inoshanda. (VaRoma 2:15) Chokwadi, bhuku rakabudiswa neAmerican Psychiatric Association rinotaura kuti vanhu vasinganzwi vaine mhosva vanhu vane ngozi kunzanga. Vaya vane hana dzakasvibiswa kana kuti dzakafa vane chinetso chokuona musiyano pakati pezvakanaka nezvakaipa, uye izvozvo zvinogona kuva zvine ngozi.—Tito 1:15, 16.

Chechipiri, hana inotiudza kuti takanganisa inogona kutibatsira kuti tisaita zvinhu zvisina kunaka. Kungofanana nezvinoita marwadzo anotinyevera nezvechinetso choutano chingavapo, kurwadziwa mwoyo kunovapo nemhaka yokunzwa uine mhosva kunonyevera nezvechinetso chetsika kana chokunamata chatinoda kugadzirisa. Kana tangoziva zvatinokundikana kuita, tinoita zvinhu zvinoita kuti isu, vatinoda, kana vamwe varege kukuvara munguva yemberi.—Mateu 7:12.

Pakupedzisira, kureurura mhosva kunogona kubatsira ane mhosva wacho neatadzirwa. Somuenzaniso, kunzwa kwaMambo Dhavhidhi kuti ane mhosva kwakanga kuchisanganisira kurwadziwa mumwoyo kukuru. “Panguva yandakaramba ndinyerere, mapfupa angu akasakara nokuvuvura kwangu zuva rose,” akanyora kudaro. Asi paakapedzisira areurura chivi chake kuna Mwari, Dhavhidhi akaimba nomufaro kuti: “Muchandikomberedza nenziyo dzokurwirwa.” (Pisarema 32:3, 7) Kureurura kunotogona kuita kuti munhu akanganisirwa wacho anzwe zvakanaka nokuti kubvuma mhosva kunogona kuvimbisa akanganisirwa wacho kuti mumwe munhu wacho anomuda zvokuti anodemba kurwadzisa kwose kwaakonzera.—2 Samueri 11:2-15.

Rudzi Rwokunzwa Uine Mhaka Rwakanaka

Kuti uone kuva nemhosva zviri pakati nepakati, cherechedza kusiyana kukuru munzira iyo Jesu nevaFarisi vaiona vatadzi uye chivi. Pana Ruka 7:36-50, tinoverenga nezvomukadzi nzenza akapinda mumba momuFarisi umo Jesu akanga achidya. Akageza tsoka dzake nemisodzi yake, ndokudzizora mafuta anonhuwirira anodhura.

MuFarisi wacho aishingaira akashora mukadzi wacho zvokuratidza kuti akanga asingabatsiri chinhu. Akati mumwoyo make: “Kudai munhu uyu [Jesu] aiva muprofita, aizoziva kuti mukadzi uyu ari kumubata ndiani uye kuti akadini, kuti munhu anoita zvivi.” (Ruka 7:39) Jesu akakurumidza kugadzirisa mafungiro ake. “Hauna kuzora musoro wangu mafuta,” Jesu akadaro. “Asi mukadzi uyu azora makumbo angu mafuta anonhuhwirira. Nemhaka yaizvozvi, ndinokuudza, zvivi zvake, kunyange zvakawanda, zvakanganwirwa, nokuti ada zvikuru.” Pasina mubvunzo mashoko aya akafadza mukadzi wacho uye akarerutsa zvairemera mwoyo wake.—Ruka 7:46, 47.

Jesu akanga asiri kuti unzenza hahuna kushata. Pane kudaro, akanga ari kudzidzisa muFarisi iyeye aidada kukura kworudo kuti ndiko kunokurudzira munhu kushumira Mwari. (Mateu 22:36-40) Zvisinei, zvakanga zvakakodzera kuti mukadzi wacho anzwe aine mhosva younzenza hwaaiita kare. Zviri pachena kuti akanga apfidza, nokuti akachema, haana kuda kupomera mumwe munhu nezvomufambiro wake wekare, uye akaita matanho akanaka okukudza Jesu pachena. Achiona izvi, Jesu akamuudza kuti: “Kutenda kwako kwakuponesa; enda hako norugare.”—Ruka 7:50.

Kune rimwe divi, muFarisi akapfuurira kuona mukadzi wacho somutadzi. Zvichida aida kumuita kuti ‘anzwe aine mhaka kuna Mwari’ uye kumunyadzisa. Asi kuramba tichiedza kuita kuti vamwe vanzwe vaine mhaka kana vasingagari vachiita zvinhu nenzira yatinofunga kuti ndiyo yavanofanira kuita nayo hakusi kuratidza rudo, uye pakupedzisira, kunokanganisa zvinhu. (2 VaKorinde 9:7) Migumisiro yakanaka inobva pakutevedzera Jesu—nokupa muenzaniso wakanaka, kurumbidza vamwe zvechokwadi, uye kuratidza chivimbo mavari kunyange zvazvo dzimwe nguva kuvatsiura kana kuvapa zano zvingadiwa.—Mateu 11:28-30; VaRoma 12:10; VaEfeso 4:29.

Saka kunzwa tiine mhosva kungava kwakanaka, kunyange kwakakodzera, kana taita chinhu chisina kururama. Zvirevo 14:9 (Knox) inoti: “Mapenzi anorerutsa mhosva inoda rudzikinuro.” Hana ine mhosva inogona uye inofanira kutiita kuti tireurure uye kutora matanho akakodzera. Zvisinei, chikonzero chedu chikuru chokushumira Jehovha chinofanira kuramba chiri chorudo, kwete chokunzwa tiine mhosva. (Jobho 1:9-11; 2:4, 5) Bhaibheri rinotivimbisa kuti apo vanhu vakanaka vanokurudzirwa uye vanozorodzwa pachifungwa izvi, vachaita zvose zvavanogona. Zvinotokosha zvikuru, vachafara kuzviita.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe