Masai—Vanhu Vakaisvonaka Vane Mararamiro Avowo
NOMUNYORI WEMUKAI! MUKENYA
RWIYO rwakakwirira rwekakomana kechiMasai (Maasai) rwakaungira mumupata, rwatakurwa kuenda kure nemhepo ine mwando yemambakwedza. Zuva remangwanani paraikwira, inzwi rokufara rekakomana kacho raikwirawo, kufanana nereshiri inorira zvakanyanya muchiedza chokutanga chokubuda kwezuva.
Ndakateerera sezvo zuva raibuda rakaratidza mufudzi wemombe wechiMasai akamira pakati pemombe dzababa vake. Akafuka mucheka mutsvuku murefu wakanga usina kunyatsovhara muviri wake, akamira negumbo rimwe seshuramurove, akazendamira rwiriko rwepfumo rake achiimbira mombe dzake dzakazorora. Rega ndikuudze zvakawanda nezvevanhu vechiMasai vakasiyana nevamwe.
Nyika Yevanhu vechiMasai
Vanhu vechiMasai, vanhu vanofara vanoita basa rokufudza mombe, vanogara mumasango makuru omuGreat Rift Valley yokuMabvazuva kweAfrica. Vachigara muKenya neTanzania, vanhu vechiMasai vanhu vemazuva ano vanorarama sevanhu vekare, vachirarama kungofanana nezvaiitwa nemadzitateguru avo mazana emakore akapfuura. Vasina basa nokufamba kwenguva, upenyu hwavo hunodzorwa nokubuda nokunyura kwezuva uye mwaka inoramba ichichinja.
Unyanzvi hwevanhu vechiMasai hunosanganisira kugona kwavo kurarama mumamiriro okunze akaoma uye nyika ine makoronga yomuRift Valley. Vachikanda nhanho refu, vanofamba madaro marefu vachitsvaka mafuro manyoro nemvura yemombe dzavo. Vanofudza mombe dzavo dzakasangana nemvumba, mbizi, furiramudenga, nedzimwe mhuka dzomumapani dzinogara munyika yavo.
Vanhu Vanokoshesa Mombe
Vanhu vechiMasai vanodavira kuti mombe dzose dziri pasi pano ndedzavo. Kudavira uku kunobva mungano yokuti pakutanga Mwari akanga ane vanakomana vatatu vaakapa mumwe nomumwe chipo chake. Mwanakomana wokutanga akapiwa museve wokuvhimisa, wechipiri akapiwa badza rokurimisa, uye wechitatu akapiwa tsvimbo yokufudza mombe. Zvinonzi mwanakomana wokupedzisira uyu ndiye akabereka vanhu vechiMasai. Kunyange zvazvo mamwe marudzi aine mombe, vanhu vechiMasai vanodavira kuti mombe idzi ndedzavo chaizvoizvo.
Munzanga yevanhu vechiMasai, kuwanda kwemombe dzomunhu uye kuwanda kwevana vake ndizvo zvinoratidza chinzvimbo chake uye kukosha kwake. Murume ane mombe dziri pasi pe50 anotonzi murombo. Achibatsirwa nevana vake nevakadzi vakawanda, murume wechiMasai anova netariro yokuva nemombe dzakawanda dzingatosvika chiuru.
Mhuri dzechiMasai dzinonzwa dziri pedyo zvikuru nemombe dzadzo. Mombe imwe neimwe inokuma zvakasiyana nedzimwe uye maitiro anonyatsozivikanwa nemhuri. Kakawanda mombe dzinoiswa zviratidzo uye kunyorwa nemitsetse mirefu yakakombama uye manyerekete anoitwa kuitira kuwedzera kunaka kwemombe yacho. Nziyo dzinoratidza kunaka kwedzimwe mombe dzinoimbwa uye dzinoratidza kudzida. Mikono ine nyanga dzakakombama inodiwa zvikuru, uye kamhuru kanochengetwa zvakanaka-naka uye kanobatwa sokunge kamwana kacheche.
Misha yevanhu vechiMasai yagara ichivakwa nevakadzi uye inovakwa nemapazi akarukwa pamwe nouswa uye ozodzururwa uye kunamwa nendove yemombe. Dzakaita denderedzwa uye dzakareba, dzimba dzacho dzinovakwa dzakapoteredza nzvimbo huru kuitira kuchengeta danga rinenge riri pakati, rinorara mombe usiku. Musha wacho wose unososerwa nemapazi ane minzwa yakapinza kuitira kuchengeta vanhu vechiMasai nemombe dzavo kuti vasadyiwa nemapere, mbada, neshumba dzinorura.
Kurarama kwevanhu vechiMasai pachakwo kunotsamira pakusimba uye utano zvemombe dzavo. Mukaka wadzo unodyiwa, ndove yacho inoshandiswa kuvhara uye kunama dzimba dzavo. Vanhu vechiMasai havawanzourayi mombe dzavo kuti vadye; hwai nembudzi shoma ndizvo zvinowanzochengeterwa nyama. Asi kana imwe yemombe dzacho yaurayiwa, chinhu chose chepamombe yacho chinoshandiswa. Nyanga dzinoshandiswa somudziyo; zvitsiko nemapfupa zvinogadzirwa kuita zvishongo; uye matehwe anosukutwa kuti agadziriswe shangu, zvipfeko, uye zvokufuka, netambo.
Vakanaka uye Vakasiyana Nevamwe Vanhu
Vanhu vechiMasai vanotaridzika zvakanaka, varefu, vatete uye vane chimiro chakanaka. Zvipfeko zvavo zvakanaka kwazvo. Mbatya dzakapendwa nemavara anoyevedza matsvuku neebhuruu dzinomonerwa pamuviri yavo inotepuka-tepuka dzakaregeredza. Vakadzi vanowanzozvishongedza nezvuma zvomuhuro zvihombe zvedenderedzwa uye zvinosungwa mumusoro zvine mavara akawanda. Maoko nezviziso zvemakumbo zvinogona kunge zvakamonerwa kuti ndi newaya hobvu dzemhangura. Vose varume nevakadzi vanowanzodhadhamura nzeve dzavo nokushonga mhete dzinorema nezvuma. Ocher, chicherwa chitsvuku chinodzvurwa kuita upfu, chinowanzosanganiswa nemafuta emombe chozorwa nounyanzvi pamuviri.
Mamwe manheru, ndichiona nechiedza chomoto, ndinoona boka revanhu vechiMasai vachiungana pamwe kuti vatambe. Vakamira vakaita denderedzwa, vanoramba vachienderana. Panowedzera kutamba kwacho, zvuma zvakawanda zviri mumitsipa yevasikana zvinorira zvichienderana pakukwira nokudzika pamapendekete avo. Varwi vechiMasai vanobva vaita madzoro okupinda mudariro mumwe ari oga mavanotamba vachisvetukira mudenga-denga zvinonakidza kuona. Kutamba kunogona kupfuurira kusvika pakati pousiku kusvikira vose vaneta.
Upenyu Hwavo Hwemhuri
Muzuva rose rinopisa, ndinogara neboka revakadzi vechiMasai mumumvuri womuunze, ndichivaona vachisonerera zvuma zvakanaka pamatehwe akasukutwa. Vachiseka nokukurukurirana, havambofungi nezvemajesa ari kuita ruzha pamusoro pavo, achiruka matendere awo nouswa hwakaoma. Zuva parinodoka, vakadzi vanozvibatikanisa nokunochera mvura nokutsvaka huni, kuvandudza misha yavo, uye kuona kuti pwere dzavo dzaswera zvakanaka here.
Apo zuva rave kuda kunyura rinotanga kugara makomo, vafudzi vanotanga kudzoka nemombe dzavo. Zvishoma nezvishoma danga racho rinofamba kuenda kumba, mahwanda adzo achirotora huruva inovhenekwa nemiranzi mitsvuku yakachinjika yave kupera kubwinya. Vakadzi pavanoona kupfumbuka kwehuruva nechokure, vanokurumidza kusiya basa ravo kuti vagadzirire danga rave kusvika.
Mombe dzacho padzinenge dzangova mudanga makachengeteka, varume vacho vanofamba pakati pemombe dzavo, vachibata-bata nyanga dzemikono yacho uye kuyeva runako rwadzo. Kakomana kanokamira mukaka mukanwa mako kubva pazamu remombe chaipo uye kanobva katukwa ipapo naamai vako. Vasikana vaduku, vanopinda nokubuda mune mombe dzine mazinyanga nemahwanda, vanokama mombe dzacho nounyanzvi, vachizadza maguchu avo marefu kusvikira ave kurasikira.
Manheru tose tinokomba choto chinodzinga chando. Utsi hwenyama yakagochwa huri kunhuwirira uyewo pane kahwema kakasimba kemombe dziri pedyo. Sekuru vanogara vachirondedzera nyaya dzenhoroondo yevanhu vechiMasai uye yezviito zvougamba zvevarwi vechiMasai. Vanongomira bedzi kana shumba yadzvova nechokure, uye vasina basa nazvo vanopfuurira kuruka rungano rwavo zvinofadza vateereri vavo. Pakupedzisira, mumwe nomumwe, vose vanonyangarikira murima romudzimba dzavo dzakaita zvimatumba kuti varare. Kunze kwokufemera kure kwemombe dzakarara, usiku hwakanyarara, hwakavharwa nerima uye sango guru.
Upwere Hwevanhu vechiMasai
Panobuda zuva pamusha vanhu vanenge vatangana nemabasa avo. Pwere, dzakangopfeka zvuma muchiuno nezvishongo zvomuhuro, dzinotamba mukufefetera kwemangwanani. Kuseka kwadzo kunonyaradza kune vanhu vechiMasai, vanoda vana vavo chaizvo uye vanotsamira pavana vavo nokuda kwetariro yavo yomunguva yemberi uye kurarama kwavo chaiko.
Kurera vana kunoitwa nomunhu wose—munhu mukuru wose munzanga yacho anogona kuranga uye kurova mwana asinganzwi. Vana vanodzidziswa kuremekedza vakuru vavo, uye vanokurumidza kudzidza nzira dzoupenyu hwevanhu vechiMasai. Makore avo okutanga ndeokungotamba, asi sezvavanokura, vasikana vaduku vanodzidziswa kuita mabasa omumba uye vakomana vanodzidziswa kutarisira nokuchengeta zvipfuwo. Vabereki vanogona kupa ruzivo rwemishonga yomusango kuvana vavo uye kuvadzidzisa nezvemiteuro netsika dzinoenderana nechinhu chose chevanhu vechiMasai.
Kuva Vanhu Vakuru
Sezvavanokura, vechiduku vanodzidza tsika nemitambo inozoitwa pakupinda kwavo muukuru kubva muuduku. Pane zvinodzidzwa pane zvine chokuita nokurwara, munyama, kuroora, uye rufu. Vanhu vechiMasai vanodavira kuti kutadza kutevedzera mitambo iyi kunoguma nokutukwa kwavo.
Vabereki vechiMasai vanogona kuronga kuzoroorwa kwemwanasikana wavo achiri kasvava. Mwanasikana wacho anovimbiswa kumurume ane mombe dzakakwana dzokubhadhara roora rinodiwa nababa vomusikana. Kakawanda, anozoroorwa nomurume mukuru kwaari nemakore akawanda uye anozotora nzvimbo yake pakati pevamwe vakadzi veimba yacho.
Panokura vakomana vaduku vomunzanga yevanhu vechiMasai, vanoshamwaridzana chaizvo nevamwe vakomana vezera ravo. Ushamwari hwavanova nahwo nevezera ravo hunogona kuramba hwakadaro kwoupenyu hwose. Pamwe vanozobva pakuva vakomana vasina ruzivo kusvika pakuva varwi. Sevarwi, vanobvuma mutoro wokuchengetedza musha wavo, kuchengetedza matsime anoshandiswa nenzanga yose, uye kuchengeta zvipfuyo kubva kuzvikara nembavha. Noushingi hwavo uye chivindi zvavanozivikanwa nazvo, vanhu vechiMasai vanoonekwa vaine mapfumo avo akapinza nguva dzose.
Varwi vacho pavanenge vave nemakore ari kuma30 kana kupfuura, vanopinda mudanho ravo rokupedzisira rokuva vanhu vakuru. Nomufaro mukuru uye kupemberera, vanogamuchirwa kunzi vava vanhu vakuru; uye zvino vanobvumirwa kuroora. Vave kuremekedzwa kudai, vanotanga kutsvaka wokuroora uye kuwedzera kuwanda kwemombe dzavo, uye vanenge vachitarisirwa kupa mazano uye kuyananisa mabopoto.
Remangwana Ravo Rakamira Sei?
Nhasi tsika uye maitirwo ezvinhu evanhu vechiMasai zviri kukurumidza kuparara. Mune dzimwe nzvimbo vanhu vechiMasai havachafambi-fambi vakasununguka nemombe dzavo vachitsvaka mafuro manyoro. Masango makuru aimbova nzvimbo yavo yekare yokugara pari zvino ari kugadziridzwa kuti agare mhuka dzomusango kana kuitwa nzvimbo dzokugara dzevanhu vari kuramba vachiwedzera. Kusanaya kwemvura uye kuoma kwoupfumi zviri kumanikidza vanhu vechiMasai kutengesa mombe dzavo dzavanoda kuti vararame. Pavanoenda kumaguta makuru, vanosangana nezvinetso zvimwe chete zvinonetsa vanhu vose vari munyika yazvino yakavapota.
Nhasi nzanga dzevanhu vechiMasai muEast Africa dziri kusvikwa noushumiri hweZvapupu zvaJehovha. Mabhurocha aFarikanya Upenyu Pasi Pano Nokusingaperi! anopfuura 6 000 akadhindwa mumutauro wechiMasai. Saka vanhu vechiMasai vari kubatsirwa kuona kusiyana kuripo pakati pokudavira mashura asina paakavakirwa uye chokwadi cheBhaibheri. Chokwadi, zvinonyevenutsa mwoyo kuona kuti Musiki wedu, Jehovha Mwari, akapa vanhu ava vakasiyana nevamwe uye vakanaka mukana wokuverengwa pakati pevakawanda vari ‘mumarudzi nemadzinza nevanhu nendimi’ vachapukunyuka kuparadzwa kwenyika ino yatambudzika.—Zvakazarurwa 7:9.
[Mufananidzo uri papeji 17]
Musha wevanhu vechiMasai
[Mufananidzo uri papeji 18]
Vanhu vechiMasai vanoungana pamwe chete kuti vatambe
[Mifananidzo iri papeji 18]
Zvapupu zviviri zvechiMasai