RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 p. 19
  • Munhu Ari Kuparadza Zvakasikwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu Ari Kuparadza Zvakasikwa
  • Mukai!—2001
  • Mashoko Akafanana
  • Zvinhu Zvipenyu Zvakaoma Kunzwisisa
    Mukai!—2001
  • Marudzi Ari Mungozi Yokutsakatika—Ukuru Hwechinetso Chacho
    Mukai!—1996
  • Mhuka Dzomusango Dzapasi Dziri Kutsakatika
    Mukai!—1997
  • Kuchengetedza Kunorwisana Nekutsakatika
    Mukai!—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 p. 19

Munhu Ari Kuparadza Zvakasikwa

“Mazuva ano vanhu ndivo vanofanira kubvuma mhaka yokutsakatika kwezvinhu zvipenyu kuri kuwedzera kuitika.”—JANE GOODALL, ANOONA NEZVOKUCHENGETEDZWA KWEZVAKASIKWA.

ZVINHU zvipenyu igumi nefararira pasi pano uye zvinodyidzana. Isu vanhu tiri chikamu chazvo chinokosha. Tinoda zvinhu zvipenyu kuti tiwane zvokudya, mishonga, mhepo yatinofema, uye zvimwe zvinhu zvinoumba miviri yedu. Vanhu vari pasi pano vanoshandisa zvimwe zvinhu zvipenyu zvinopfuura 40 000 pazuva. Zvinhu zvipenyu zvose zvepasi pano zvakaoma kunzwisisa.

Zvisinei, vanamazvikokota vakawanda vanoongorora zvakaoma kunzwisisa izvi vanofunga kuti zvava pangozi! Zvimwe wakanzwa kuti chipembere, mhuka yakada kuita sembada inonzi tiger, imwe mhuka yakada kuita sebheya inonzi panda, uye hove huru dzinonzi whale zviri pangozi yokutsakatika. Mamwe masayendisiti anoti 50 muzana yemiti nemhuka zvinogona kunyangarika zvachose pasi pano mumakore 75 ari kutevera. Vaongorori vanotya kuti mamwe marudzi ezvinhu zvipenyu anganyangarika zvakapetwa ka10 000 pane kunonzi nemasayendisiti kutsakatika kwagara kuchiitika. Mumwe mazvikokota anofungidzira kuti zvinhu zvipenyu zviri kuparara pamwero wechimwe pamaminitsi 10 kusvikira ku20 oga oga.

Masayendisiti anodavira kuti pasichigare, zvinhu zvaingotsakatika zvoga. Asi vanoti chinonyanya kukonzera dambudziko riripo panguva ino chakatosiyana naizvozvo. Zviri pachena kuti kutsakatika kwezvinhu zvipenyu kuri kuitika mazuva ano kunokonzerwa nemabasa evanhu. Mumwe musayendisiti akati vanhu ‘ndivo vanokonzera kuparara kwezvinhu zvipenyu.’

Vanhu vari kukonzera kuparara kunoshamisa kwemhando dzakasiyana-siyana dzezvinhu zvipenyu here? Kana zvakadaro, sei? Tingararama here pasina mhando dzakasiyana-siyana idzi pasi pano? Pane chiri kuitwa here kumisa rinonzi nevamwe dambudziko romunyika yose rokutsakatika kwezvinhu zvipenyu?

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 19]

WHO

NOAA

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe