RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g01 12/8 pp. 16-18
  • Ndinofanira Kubata sei Nevanhu Vane Hasha?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndinofanira Kubata sei Nevanhu Vane Hasha?
  • Mukai!—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvaungaita Paunotarisana Nomunhu Ane Hasha
  • Unyoro—Umbwende Here Kana Kuti Kwete?
  • Mienzaniso yomuBhaibheri Younyoro
  • ‘Ibva Panzvimbo Yacho’
  • Zvaakaita Zvairatidza Kungwara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Abhigairi naDhavhidhi
    Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri
  • Akaratidza Kungwara
    Tevedzera Kutenda Kwavo
  • “Njere Dzomunhu Dzinodzora Kutsamwa Kwake”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2014
Ona Zvimwe
Mukai!—2001
g01 12/8 pp. 16-18

Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .

Ndinofanira Kubata sei Nevanhu Vane Hasha?

“Akanga akatsamwa kwazvo. Ndinofunga kuti nemhaka yokuti akaona kuti ndaiva muduku kwaari, aida kundirova. Pandaidududza, ndakati: ‘Imbomira zvishoma! Imbomira! Imbomira zvishoma! Uri kuda kundiroverei? Hapana chandakuita. Handitombozivi kuti chii chakutsamwisa. Tingataura nezvazvo here?’”—David ane makore 16.

WATI wamborohwa nomunhu anoita basa rokurova vamwe here? Bhaibheri rakafanotaura kuti vanhu nhasi vaizova “vanotyisa, vasingadi zvakanaka.” (2 Timoti 3:3) Uye kunyange wakaita zvose zvaunokwanisa kutambira kure “nomunhu unotsamwa . . . , une hasha,” kungava nedzimwe nguva pausingagoni kutambira kure zvachose nevanhu vane hasha. (Zvirevo 22:24) Unofanira kuita sei paunozviwana uri mumamiriro ezvinhu akadaro?

Zvaungaita Paunotarisana Nomunhu Ane Hasha

Nhasi pwere dzakawanda dzingadzorera nokutsamwawo. Asi kuita kudaro kunongokonzera kuremerwa kukuru mupfungwa. Uyezve, kushaya kuzvidzora kwako kuchaita kuti ufanane nouyo anenge akatsamwa. Zvirevo 26:4 inoti: “Usapindura benzi noupenzi hwaro, kuti urege kufanana naro.” Jeremy muduku akadzidza chokwadi chemashoko aya nenzira yakaoma. Anoyeuka izvi akagara patafura yezvokudya zvemasikati kuchikoro: “Paiva neboka revakomana vaiwanzotsvinyirana uye vaitsvinyira vamwe vanhu. Vaiwanzotaura nezvangu. Kazhinji ndaingoisa zvimiti munzeve. Zvisinei, mumwe wavo paakatanga kutaura nezvaamai vangu, ndakatsamwa ndokumunhamukira nehasha ndakananga paaiva.” Zvakaguma nei? “Akandirova zvokurova zviya,” anodaro Jeremy.

Bhaibheri rinopa zano rokuchenjera rokuti: “Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa; asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.” (Zvirevo 15:1) Hungu, kutaura “shoko rinorwadza” kumunhu ane hasha kunongoita kuti mamiriro acho ezvinhu ave akaoma. Zvisinei, mhinduro nyoro inowanzoita kuti zvinhu zviterame uye inoita kuti hasha dzipere.

Funga nezvaDavid ataurwa nezvake patangira nyaya ino. Akakwanisa kuita kuti mukomana wacho atsanangure chikonzero nei akanga akatsamwa. Zvakaitika kuti mumwe munhu akanga aba zvokudya zvomukomana wacho zvemasikati, uye akanga achingopedzera hasha dzake pamunhu wokutanga waakasangana naye. “Kundirova hakuiti kuti uwane zvokudya zvako,” akadaro David. Ipapo akamukumbira kuti vaende vose panotengeserwa zvokudya. “Sezvo ndaizivana nomutengesi wepo,” anoyeuka kudaro David, “ndakakwanisa kumutsvakira zvimwe zvokudya. Akandibata chishanu, uye akatanga kundifarira kubvira ipapo.” Unoona here kuti mashoko manyoro anogona kuva nesimba zvakadini? Sokutaurwa kwazvinoitwa mune chimwe chirevo, “rurimi runyoro runovhuna mapfupa.”—Zvirevo 25:15.

Unyoro—Umbwende Here Kana Kuti Kwete?

Ichokwadi kuti pfungwa yokuva ‘norurimi runyoro’ ingasanzwika zvakanaka. Kupindura munhu akatsamwa nehasha kungaonekwa sechiratidzo chokuti uri mhitsa. Ungatotya kuti kana uri munhu munyoro, vamwe vachafunga kuti uri mbwende chaiyo. Asi zvinomborevei kuva munyoro? Maererano nerimwe bhuku, kuva munyoro zvinoreva kuva akadzikama. Zvisinei, bhuku rimwe chetero rinowedzera kuti: “Mukudzikama imomo mune kusimba kwakaita sesimbi.” Saka, pane kuva chiratidzo choumbwende, unyoro hunogona kuva chiratidzo chokusimba. Zvinodaro sei?

Chimwe chikonzero ndechokuti munhu munyoro anokwanisa kuzvidzora uye haangorasikirwi nokudzikama kwake nyore nyore. Ukuwo, munhu asiri munyoro anoratidza kusachengeteka, kuvhiringidzika, kunyange kushaya kuti obata papi. Haakwanisiwo kuzvidzora. Nokuti haakwanisi kudzora hasha dzake, ane mukana wakakura wokugara achinetsana nevamwe. Hungu, “munhu usingadzori mweya wake, wakafanana neguta rakaputswa, risina rusvingo.” (Zvirevo 25:28) Saka, munhu munyoro ndiye akasimba chaizvoizvo!

Mienzaniso yomuBhaibheri Younyoro

Funga nezvaJesu Kristu. Akazvirondedzera somunhu “munyoro uye anozvininipisa mumwoyo.” (Mateu 11:29) Haana kumbobvira ava nehasha kana kuti asinganzwisisi, kana kudzorera chakaipa nechakaipa. Kutaura zvazviri, muapostora Petro, shamwari yaJesu, akati: “Paakanga achitukwa, [Jesu] haana kutanga kutukawo. Paakanga achitambura, haana kutanga kutyisidzira, asi akaramba achizviisa kune uyo anotonga zvakarurama.” (1 Petro 2:23) Zvisinei, yeuka kuti Jesu mumwe chete iyeye “akapinda mutemberi akadzingira kunze vose vaitengesa nokutenga mutemberi.” (Mateu 21:12) Uye dai aida kubatsirwa naMwari, Jesu aikwanisa kudaidza “mapoka makuru engirozi anopfuura gumi nemaviri”! (Mateu 26:53) Aiwa, akanga asiri mbwende.

Fungawo nezvomuenzaniso woMutongi Gidhiyoni, sezvakanyorwa muBhaibheri pana Vatongi 8:1-3. Pashure pokukunda kukuru muhondo, vamwe varwi kubva mudzinza raEfraimi vakatsamwa nokuti vaifunga kuti vakanga vasina kudaidzwa kuhondo yacho. Vakamupopotera vachiti: “Watiitireiko, zvausina kutidana nguva yawakandorwa naMidhiani? Vakamupopotera kwazvo.” Zvino Gidhiyoni aiva “nesimba noumhare.” (Vatongi 6:12) Aikwanisa kudai akada kuvapindura nehasha. Pane kudaro, akapa mhinduro nyoro yakabva yapodza vanhu ivavo vaipisa misoro. “Ini zvino ndaiteiko hangu, kana ndichizvifananidza nemi?” akabvunza kudaro Gidhiyoni. Mhinduro nyoro iyi yakaguma nei? “Kutsamwa kwavo kwakanyarara kwaari.”

Pakupedzisira, funga nezvenhoroondo iri muBhaibheri yomukadzi ainzi Abhigairi. Dhavhidhi akanga akahwanda achitiza muvengi wake Sauro, mambo weIsraeri. Kunyange zvazvo vakanga vari muusungwa, varume vaDhavhidhi vaiwanzorindira vamwe vaIsraeri uye kuvadzivirira. Mumwe munhu akabatsirwa aiva murume waAbhigairi, Nabhari, murume akanga akapfuma kwazvo. Zvisinei, Nabhari akanga “ane mwoyo mukukutu, akaipa pamugarire wake.” Varume vaDhavhidhi pavaida zvokudya, vakakumbira zvokudya kuna Nabhari. Pane kuratidza kuonga kudzivirirwa pasina muripo kwaakanga aitwa neboka raDhavhidhi, Nabhari ‘akatuka kwazvo’ nhume dzaDhavhidhi ndokuvaendesa vakangobata maoko chete.—1 Samueri 25:2-11, 14.

Paakanzwa izvi, Dhavhidhi akatsamwa ndokurayira varume vake kuti: “Mumwe nomumwe wenyu ngaasunge munondo wake.” Dhavhidhi nevarume vake vakanga vari munzira kunouraya Nabhari nevamwe varume veimba yake apo Abhigairi akamira-mira. Paakasangana naDhavhidhi akamupa chipo chomutsa chezvokudya nezvokunwa. Akakumbira ruregerero nokuda kwemaitiro omurume wake okusafunga uye akakumbira Dhavhidhi kusauraya vanhu vasina mhaka.—1 Samueri 25:13, 18-31.

Kuteterera kwokuzvininipisa kwaAbhigairi kwakaita kuti kutsamwa kwaDhavhidhi kupere. Zvechokwadi, achiziva kuti kutsamwa kwake kwaiva nengozi zvakadini, Dhavhidhi akati: “Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, newewo ukudzwe, nokuti wakandidzivirira nhasi kuti ndirege kuteura ropa, nokuzvitsiva noruoko rwangu. (1 Samueri 25:32-35) Hungu, muzviitiko zvakawanda ‘mhinduro nyoro’ inodzora kutsamwa kwevamwe. Zvisinei, zvakadini kana mhinduro yako nyoro ikasava nomugumisiro wakadaro?

‘Ibva Panzvimbo Yacho’

Unogona kudzivisa kuwedzera chimoto nokungofamba uchibva panzvimbo yacho. Bhaibheri rinoti: “Moto unodzima nokushayiwa huni.” Rinobayirawo zanhi kuti: “Rega rukave, kurwa kusati kwasvika.” (Zvirevo 17:14; 26:20) “Mumwe mukomana aizivikanwa zvikuru pachikoro akauya pandiri uye aida kutaura neni,” anodaro Merissa ane makore 17. “Akandiudza kuti ndiri tsvarakadenga. Ndisati ndaziva zvaiitika, musikana wake akauya kwandiri achiviruka nehasha. Akandipomera kuti ndaidanana nomukomana wake uye aida kurwa neni! Ndakaedza kutsanangura zvakanga zvaitika, asi haana kuda kuzvinzwa. Tapedza chikoro akadzoka nevamwe vasikana kuti vandirove! Ndakakurumidza kuenda paiva nagadhi, uye ndakatsanangurira musikana wacho akanga akatsamwa kuti handirwi uye kuti mukomana wake ndiye akanga auya kwandiri. Zvadaro, ndakafamba ndichibva ipapo.” Merissa haana kutadza kudzora hasha dzake. Haana kungofamba achibvapo chete asi akatorawo matanho okuzvidzivirira. Sezvinotaurwa pana Zvirevo 17:27, “unozvidzora pamashoko ake, une zivo; uye une mweya wakagadzikana, munhu wenjere.”

Zvisinei, zvakadini kana uriwe watsamwisa mumwe munhu zvechokwadi—zvimwe usingadi? Kumbira ruregerero, uye ita izvozvo nokukurumidza! Zvingava ndizvo chete zvaunoda kudzora hasha dzomumwe munhu. Dzino inguva dzakazara nezvinonetsa, uye vanhu vakawanda vane chinya sechehwiza. Asi kana ukashandisa nheyo dziri muBhaibheri pakubata kwako nevamwe, unogona kudzivisa kurohwa nomumwe munhu ane hasha.

[Mifananidzo iri papeji 17]

“Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa”

[Mufananidzo uri papeji 18]

Dzimwe nguva unofanira kungofamba uchibva panzvimbo yacho

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe