Zvinotaura Bhaibheri
Mwari Anoshivirira Zvakadini?
“MWARI, KUNYANGE AIDA KURATIDZIRA HASHA DZAKE UYE KUITA KUTI SIMBA RAKE RIZIVIKANWE, AKASHIVIRIRA NEMWOYO MUREFU ZVIKURU MIDZIYO YOKUITIRWA HASHA YAKAITWA KUTI IKODZERE KUPARADZWA.”—VAROMA 9:22.
KUBVIRA KARE Mwari akashivirira uipi noushati hwakawanda. Anodarika makore 3 000 akapfuura, Jobho akachema chema achiti: “Vakaipa vanoraramireiko, vachikwegura nokuwedzerwa simba here? Vana vavo vanosimbiswa pamwe chete navo pamberi pavo, navazukuru vavo vachizviona nameso avo. Dzimba dzavo dzine rugare, hadzityiswi, uye shamhu yaMwari haigari ichivarova.” (Jobho 21:7-9) Vamwe vanoda kururama, vakadai somuprofita Jeremia, vakaratidzawo kunetseka vachifunga kuti Mwari anoshivirira vanhu vakaipa.—Jeremia 12:1, 2.
Unofungei? Unoshamiswa nokubvumira ushati kunoitwa naMwari here? Dzimwe nguva unombofunga kuti Mwari anofanira kukurumidza ndokuparadza vanhu vose vakashata pakarepo here? Ona zvinotaura Bhaibheri nezvokuti Mwari anoshivirira kusvikira papi uye zvikonzero zvacho.
Nei Mwari Achishivirira?
Kutanga, tinofanira kubvunza kuti: Nei Mwari, anoda zvakarurama kwazvo, achishivirira uipi munzira chero ipi zvayo? (Dheuteronomio 32:4; Habhakuki 1:13) Izvi zvinoreva kuti haana basa nezvakaipa here? Kana! Funga nezvomuenzaniso unotevera: Imbofungidzira kuti kuna chiremba anovhiya asingaiti zvinodiwa zvinokosha zvoutsanana uye anorwadzisa varwere vake zvikuru. Dai aishanda muchipatara, aisazokurumidza kubviswa here? Asi kune mamwe mamiriro ezvinhu apo kushivirira kunopfuura kwenguva dzose kungadiwa. Somuenzaniso, panguva yechimbi-chimbi, zvimwe kuhondo, zvingasava zvakafanira here kushivirira vanachiremba vanovhiya vari kushandira mumamiriro ezvinhu asina kunaka uye ane ngozi, zvimwe vachitoshandisa zvishandiso uye zvokuvhiyisa zvaizonzi zvisina kunaka?
Saizvozvowo, nhasi Mwari ari kushivirira nomwoyo murefu zvinhu zvaanowana kuti hazvigamuchiriki zvachose. Kunyange zvazvo achivenga ushati, ari kuhubvumira kupfuurira kwenguva pfupi. Pane zvikonzero zvakanaka zvokuti aite kudaro. Chokutanga, izvi zvinopa nguva yokuti nyaya dzakakomba dzakamutswa nokupanduka kwaSatani mubindu reEdheni dzigadziriswe kamwe chete dzobva dzapera zvachose. Nyaya idzi dzine chokuita nokunaka uye kururama kwenzira yaMwari yokutonga. Uyewo, kutsungirira kwake nomwoyo murefu zvinhu zvakaipa kunopa nguva nomukana wokuti vaya vari kuita zvakaipa vachinje.
Mwari Ane Ngoni, Nomwoyo Murefu
Vabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, vakabatana naSatani mukupandukira Mwari. Angadai akavaparadza pakarepo. Pane kudaro, akaratidza kuti ane ngoni nomwoyo murefu, achivabvumira kuva nevana. Asi vana ava, nevanhu vose vakabva kwavari, vakaberekwa vaine zvivi.—VaRoma 5:12; 8:20-22.
Mwari akaita chinangwa chokununura vanhu kubva munhamo yavo. (Genesi 3:15) Zvisinei, panguva ino, nokuti anonzwisisa kuti kusakwana kwatakapiwa naAdhamu kunotikanganisa sei, anoratidza kwazvo mwoyo murefu nengoni. (Pisarema 51:5; 103:13) A“ne ngoni zhinji” uye akagadzirira uye anoda ku“kanganwira zvikuru.”—Pisarema 86:5, 15; Isaya 55:6, 7.
Panogumira Kushivirira kwaMwari
Zvisinei, kwaizova kusava norudo kuti Mwari abvumire kuitwa kwezvakaipa kuchipfuurira nokusingaperi. Hapana baba vane rudo vaizoshivirira nokusingaperi zvinhu zvakashata zvinoitwa nomumwe wevana vavo aizoramba achirwadzisa vamwe vomumhuri achiziva. Naizvozvo, mwoyo murefu waMwari mukushivirira chivi, nguva dzose uchava norudo, uchenjeri, uye ruramisiro. (Eksodho 34:6, 7) Chinangwa chomwoyo murefu wake changopera, kushivirira kwake uipi kuchapera.—VaRoma 9:22.
Muapostora Pauro akanyatsoratidza izvi. Pane imwe nguva akati: “Pazvizvarwa zvakapfuura [Mwari] akatendera marudzi ose kuti afambe munzira dzawo.” (Mabasa 14:16) Pane imwewo nguva Pauro akataura nezvokuti “Mwari akafuratira [sei] nguva dzokusaziva kwakadaro” kana toreva nezvevanhu vasina kuteerera mitemo yake nenheyo. Pauro akapfuurira kuti, “zvino [Mwari] ari kuudza vanhu kuti vanofanira kupfidza vose kwose kwose.” Nei? “Nokuti akatara zuva raanoda kutonga naro pasi rinogarwa nokururama.”—Mabasa 17:30, 31.
Batsirwa Zvino Nokushivirira kwaMwari
Saka, hapana anofanira kufungidzira kuti anogona kusateerera mitemo yaMwari ndokungokumbirawo kukanganwirwa naMwari paanenge achida kunzvenga migumisiro yezviito zvake. (Joshua 24:19) Vakawanda murudzi rwekare rwaIsraeri vaifunga kuti vaigona kudaro. Havana kuchinja. Havana kuona chinangwa chokushivirira kwaMwari nomwoyo murefu. Mwari haana kushivirira uipi hwavo nokusingaperi.—Isaya 1:16-20.
Kuti arege kutongwa naMwari pakutonga kwokupedzisira, Bhaibheri rinoratidza kuti munhu anofanira ku“pfidza”—ndiko kuti, kubvuma kusakwana uye kutadza kwake nomwoyo wose pamberi paMwari ndokunyatsosiya zvakaipa. (Mabasa 3:19-21) Zvadaro, pahwaro hwechibayiro chorudzikinuro chaKristu, Jehovha Mwari achakanganwira. (Mabasa 2:38; VaEfeso 1:6, 7) Nguva yake kana yasvika, Mwari achabvisa migumisiro inotambudza yechivi chaAdhamu. Kuchava ne“denga idzva nepasi idzva” paasingazoshiviriri “kuvapo . . . kwezvinhu zvinodanidzira kuti zviparadzwe.” (Zvakazarurwa 21:1-5; VaRoma 9:22, Phillips) Uyu mugumisiro wakazonaka wokushivirira kwaMwari kunoshamisa asi kune pakunogumira!
[Mufananidzo uri papeji 29]
Mwari akabvumira Adhamu naEvha kubereka vana