Kuziva Chinokonzera Chirwere Chacho
“Kakawanda kacho, kuora mwoyo kwevachiri kuyaruka hakukonzerwi nechinhu chimwe chete asi kuti nezvinhu zvakati kuti zvinoshungurudza.”—Dr. Kathleen McCoy.
CHII chinokonzera kuora mwoyo kwevachiri kuyaruka? Zvinhu zvinoverengeka zvinogona kunge zviripo. Chimwe chacho, kuchinja kunoitika kana vana vachikura kunogona kukangaidza vana zvokuti vanotya uye vanoshaya zano, zvichiita kuti zvive nyore kuva nepfungwa dzisina kunaka. Uyewo, kazhinji vachiri kuyaruka vanonzwa vasina basa kana vakaona sokuti varambwa neshamwari dzavo kana kuti nomumwe munhu wavanga vava kuda. Uyezve, sezvambotaurwa munyaya yokutanga, vachiri kuyaruka nhasi vari kukurira munyika inoodza mwoyo. Zvechokwadi tiri kurarama mu“nguva dzinonetsa dzakaoma kubata nadzo.”—2 Timoti 3:1.
Chinowedzera nhamo yacho ndechokuti vachiri kuyaruka vakatarisana nezvinonetsa zvoupenyu kokutanga, uye havana mano kana ruzivo rune vanhu vakura. Nokudaro, vachiri kuyaruka vanenge vachiedza kuona kuti zvinhu zviri kufamba sei muupenyu—uye kazhinji kacho vasinganzwisisi kuti zviri kufamba sei uye kakawanda kacho havadi kukumbira kubatsirwa. Zvinhu izvi ndizvo zvinogona kuita kuti pave nokuora mwoyo.
Asi kune zvimwe zvakawanda zvinogona kukonzera kuora mwoyo kwevachiri kuyaruka. Ngatikurukure zvishoma zvacho.
Kuora Mwoyo uye Kurasikirwa
Kakawanda kuora mwoyo kunouya kana munhu arasikirwa zvikuru—zvichida rufu rwomudiwa kana kuti kurambana kwevabereki. Kunyange kufirwa nembwa kana katsi chaiko kunogona kuodza mwoyo weachiri kuyaruka.
Kunewo mamwe marudzi asiri pachena okurasikirwa. Somuenzaniso, kutamira kune imwe nzvimbo zvinoreva kusiya nzvimbo yawanga wajaira uye shamwari dzepamwoyo. Kunyange kuwana zvinhu zvawanga wakamirira nemeso matsvuku—zvakadai sokupedza chikoro—zvinogona kuita kuti munhu anzwe kurasikirwa. Izvi imhaka yokuti kutanga chinhu chitsva zvinoreva kuti wava kurasikirwa nezvakanaka zvawanga unazvo kare. Uye pane vamwe vachiri kuyaruka vane zvirwere zvisingaperi. Kana zvakadaro, kurwadziwa nemhaka yokuti wakasiyana nevaunotamba navo—zvichida kana vasingadi kutamba newe—kunogona kuita kuti achiri kuyaruka anzwe sokuti haabatsiri chinhu.
Ichokwadi kuti vechiduku vakawanda vanorasikirwa zvakadaro havabvi vanzwisa urombo chaizvo. Vanosuruvara, vanochema, vanoshushikana, vanoungudza—asi pashure penguva yakati vanochinja. Asi nei zvichiti vazhinji vachiri kuyaruka vanokwanisa kukunda kuora mwoyo nepo vamwe vachitadza? Hapana mhinduro dziri nyore, nokuti kuora mwoyo chirwere chakaoma kunzwisisa. Asi vamwe vachiri kuyaruka vanogona kuora mwoyo nyore nyore.
Zvinoitwa Nemakemikari Mumuviri
Vanamazvikokota voutano hwepfungwa vakawanda vanodavira kuti kusagadzikana kwemakemikari muuropi ndiko kunonyanya kukonzera kuora mwoyo.a Kusagadzikana uku kunogona kubva kuvabereki, nokuti vanotsvakurudza vakawana kuti vachiri kuyaruka vane mubereki akaora mwoyo vane mukana wakakura wokuora mwoyo. “Vana vakaora mwoyo kakawanda vane mubereki akaora mwoyo,” rinodaro bhuku rinonzi Lonely, Sad and Angry.
Izvi zvinomutsa mubvunzo wokuti, Vana vanoberekwa vaine kuora mwoyo zvechokwadi here, kana kuti vanodzidza kuora mwoyo kubva pakurarama nomubereki akaora mwoyo? Mubvunzo uyu wakaoma kupindura, nokuti uropi hahusi nyore kunzwisisa kungofanana nezvinhu zvakasiyana-siyana zvinokonzera kuora mwoyo kwevachiri kuyaruka zvakaoma kunzwisisawo.
Kuora Mwoyo uye Zvinoitika Mumba
Kuora mwoyo kwakanzi idambudziko remhuri, uye pane chikonzero chakanaka chokudaro. Sezvambotaurwa, kuora mwoyo kunogona kubva kuvabereki kuchienda kuvana. Asi zvinoitika mumba zvinogona kuitawo chimwe chinhu. “Vana vanobatwa zvisina kunaka nevabereki vavo vane mukana wakakura wokuora mwoyo,” akanyora kudaro Dr. Mark S. Gold. “Izvi ndizvo zvinoitikawo kuvana vane vabereki vakaoma kufadza vanongotaura zvinokanganiswa nomwana wavo chete.” Kuora mwoyo kunogona kuvapo kana vabereki vachiyemedza mwana uye kunyanya kumudzivirira. Zvisinei, mumwe anotsvakurudza akawana kuti vana vane mukana wakatokura wokuora mwoyo kana vabereki vavo vasingavafariri.
Zvisinei, izvi hazvirevi kuti vana vose vakaora mwoyo vanobatwa zvisina kunaka nevabereki vavo. Kutaura kudaro kunenge kuri kuramba zvimwe zvinhu zvakawanda zvinoitawo kuti dambudziko racho rivepo. Kunyange zvakadaro, mune zvimwe zviitiko, zvinoitika mumba zvinowedzerawo padambudziko racho. “Vana vanokurira mumba munenge muine makakatanwa pakati pevabereki nguva dzose vane mukana wakakura wokuora mwoyo pane vana vanorerwa mudzimba dzine runyararo,” akanyora kudaro Dr. David G. Fassler. “Chimwe chikonzero ndechokuti vabereki vari kunetsana vanobatikana chaizvo mumakakatanwa avo zvokuti vanoshaya hanya nezvinodiwa nevana vavo. Chimwe ndechokuti vabereki vanowanzonetsana nenyaya yevana, zvinogona kuita kuti vana vafunge kuti imhosva yavo kana kuti kunzwa vaine mhaka, vakashatirwa kana kuti vaine pfundepfunde.”
Izvi ndizvo zvimwe zvezvinhu zvinogona kukonzera kuora mwoyo kwevachiri kuyaruka. Kune zvimwe. Somuenzaniso, vamwe vanamazvikokota vanoti zvinhu (zvakadai sezvokudya zvisingavaki muviri, mishonga inokachidza, uye zvinhu zvinodhaka) zvinogona kuita kuti mwana aore mwoyo. Vamwe vanoti mimwe mishonga (yakadai seinopedza kurwadziwa) inogona kukonzerawo izvi. Zvinoitawo sokuti vana vane zvinetso pakudzidza vane mukana wakakura wokuora mwoyo, zvichida nemhaka yokuzvishora kwavanoita sezvavanotadza kuita zvinoitwa nevamwe vana.
Zvisinei, pasinei nechinokonzera chacho, zvakakosha kukurukura mubvunzo wokuti: Vachiri kuyaruka vakaora mwoyo vangabatsirwa sei?
[Mashoko Omuzasi]
a Vamwe vanofungidzira kuti nepo vari kutambura vakawanda vachiberekwa vaine kusagadzikana kwemakemikari, vamwe vanotanga vaine utano hwakanaka asi vozotanga kuora mwoyo kana vawirwa nedambudziko rinovhiringidza pfungwa.
[Mifananidzo iri papeji 8, 9]
Makakatanwa mumhuri kazhinji anowedzera kuora mwoyo