Kuona Zviratidzo Zvacho
“Kusuruvara hakuna kuipa; asi kuora mwoyo chirwere. Dambudziko riripo nderokunzwisisa uye kuziva musiyano wacho.”—Dr. David G. Fassler.
KUNGOFANANA nedzimwe hosha dzakawanda, kuora mwoyo kune zviratidzo zvinooneka. Asi zviratidzo zvacho hazvisi nyore kuona. Nei? Nokuti vachiri kuyaruka vakawanda vanombosuruvara-suruvara, sezvinoitawo vanhu vakura. Ndoupi musiyano pakati pokuora mwoyo nokungonetsekawo? Musiyano wacho uri paukuru uye panguva inotorwa nechirwere chacho.
Ukuru hunosanganisira mwero wokuora mwoyo kwowechiduku. Kuora mwoyo kwakati nyanyei kukunda kunetsekana nezvimwe zvinhu, uye kuora mwoyo chirwere chinopedza simba uye chinogona kuita kuti wechiduku asakwanisa kuita zvose zvaanenge achida kuti aite. Dr. Andrew Slaby anotsanangura kukomba kwechirwere chacho achiti: “Fungidzira kurwadziwa kwakanyanya kwawakamboita—kutyoka pfupa, kurwadziwa nezino, kana kuti kurwadziwa pakupona—wowedzeredza kurwadziwa ikoko kanokwana kagumi uye chiita sokuti haumbozivi chiri kukonzera kurwadziwa kwacho; kana wadaro unokwanisa kunzwisisa kuti kuora mwoyo kunorwadza sei.”
Nguva inotorwa nechirwere chacho zvinoreva kuti chirwere chacho chinoramba chiripo kwenguva yakadini. Maererano nachiremba anonzi Leon Cytryn uye chiremba anonzi Donald H. McKnew, Jr., “mwana asingaratidzi kuti ari kunyaradzwa kana kuti asingakwanisi kuva noupenyu hwakanaka muvhiki pashure pokufundumwara (kwakonzerwa nechero chinhu)—kana kuti mumwedzi mitanhatu pashure pezvaanofunga sokurasikirwa zvikuru—ane mukana wakakura wokuora mwoyo.”
Zviratidzo Zvinowanzovapo
Kuora mwoyo kunokwanisa kuonekwa chete kana wechiduku akava nezviratidzo zvinoverengeka zuva nezuva, nguva yakareba pazuva, kana kwevhiki mbiri zvichienda mberi. Kuora mwoyo kwenguva pfupi kunonzi hakuna kunyanya kukura. Kumwe kuora mwoyo kwakakura, kunoonekwa kana zviratidzo zvikaramba zviripo kwerinopfuura gore uye pasina zororo kwemwedzi miviri. Chipi nechipi chingava chichiitika, ndezvipi zviri zviratidzo zvokuora mwoyo zvinowanzovapo?a
Kungoerekana munhu afundumwara uye achinja unhu. Aimbova wechiduku akanaka anongoerekana ava nehasha. Kupandukira kana kutiza pamba zvinowanzoitika kune vachiri kuyaruka vakaora mwoyo.
Kuzviita zindoga. Achiri kuyaruka anotanga kusada kuva neshamwari. Kana kuti zvimwe shamwari dzingatanga kusada kuva nowechiduku akaora mwoyo, dzichiona kuchinja kwadzisingadi muunhu hwake nemafungiro.
Kusafarira zvinhu zvipi nezvipi. Achiri kuyaruka kazhinji anenge asingadi kuita zvinhu nevamwe. Mitambo yaaifarira munguva ichangopfuura anenge ava kuti inofinha.
Kuchinja kunooneka kwemadyiro ake. Vanamazvikokota vakawanda vanofunga kuti zvinetso zvokudya zvakadai sokusada kudya uye kudyisa zvinovapo pamwe chete (uye kazhinji zvinokonzerwa) nokuora mwoyo.
Kunetseka pakurara. Achiri kuyaruka wacho anorara zvishoma kana kuti anorara kwenguva yakareba. Vamwe vanonetseka pakurara, vachishaya hope usiku hwose voswera vakarara.
Kutanga kufoira kuchikoro. Achiri kuyaruka akaora mwoyo anotadza kuwirirana nevadzidzisi vake uye vaanodzidza navo, uye anotanga kufoira. Nenguva isina kufanira, wechiduku anenge asisadi kuenda kuchikoro zvachose.
Kuita zvinhu zvine ngozi kana kuti zvinokuvadza. Maitiro ane ngozi zvikuru angaratidza kuti wechiduku haachadi zvokurarama. Kuzvicheka-cheka kunogonawo kuva chiratidzo.
Kunzwa asingakoshi kana kuti aine mhaka zvikuru. Achiri kuyaruka anotanga kunyanya kuzvitsoropodza, achifunga kuti haabatsiri, kunyange pasina kutadza kwaanenge aita.
Zvirwere zvakasiyana-siyana. Kana pasina kukuvara kunooneka kunenge kuripo, kutemwa nomusoro, kurwadziwa nomusana, kurwadziwa nomudumbu uye zvinetso zvakaita seizvi zvingaratidza kuti pane kuora mwoyo.
Pfungwa dzorufu kana kuti dzokuzviuraya dzinoramba dzichidzoka. Kunyanya kutaura nezvenyaya dzinotyisa zvinogona kuratidzawo kuti pane kuora mwoyo. Ndizvowo zvinoitwa nokutyisidzira kuda kuzviuraya.—Ona bhokisi riri pasi apa.
Rumwe Rudzi Rwokuora Mwoyo (Bipolar Disorder)
Zvimwe zvezviratidzo izvi zvinogona kuvapowo pane rumwe rudzi rwokuora mwoyo—bipolar disorder. Maererano naDr. Barbara D. Ingersoll uye Dr. Sam Goldstein, kuora mwoyo kunonzi bipolar pachirungu “chirwere chinooneka nokuora mwoyo kwenguva pfupi kunopota kuchiteverwa nenguva yokufara uye kuva nesimba zvikuru kukunda munhu anongofarawo zvake.”
Izvi zvinozivikanwa pachirungu nezita rokuti mania. Zviratidzo zvacho zvingasanganisira kufunga zvakawanda-wanda, kutaurisa kwakanyanya, uye kusada kurara. Munhu ane chirwere ichi angapedza mazuva ane chitsama asingarari asi pasina kushaya simba. Chimwe chiratidzo kungoerekana munhu aita chimwe chinhu pasina kufunga nezvemigumisiro yacho. “Mania chirwere chinowanzokanganisa kufunga, kuita zvisarudzo uye kutadza kugarisana nevamwe kunogona kukonzera zvinetso zvakakomba uye kunyadziswa,” unodaro mushumo weU.S. National Institute of Mental Health. Urwere uhu hunogara kwenguva yakareba sei? Dzimwe nguva kwemazuva mashoma chete, uye pane dzimwe nguva kwemwedzi inoverengeka kusati kwachinja kuva kuora mwoyo kwakakomba.
Vanhu vane mukana wakakura wokuva nechirwere chebipolar ndevaya vane vamwe vomumhuri mavo vane chirwere chacho. Mashoko anofadza ndeokuti pane tariro kune vane chirwere ichi. “Kana chirwere ichi chikakurumidza kuonekwa uye chikarapwa zvakanaka,” rinodaro bhuku rinonzi The Bipolar Child, “vana ava uye mhuri dzavo vanogona kurarama zvakanaka chose.”
Zvakakosha kuziva kuti hapana chiratidzo chimwe chete chinoratidza kuora mwoyo kana kuti bipolar. Kazhinji kacho, zviratidzo zvakawanda ndizvo zvinoratidza izvi pashure penguva yakati kuti. Kunyange zvakadaro, mubvunzo unoramba uripo ndewokuti: Nei chirwere ichi chichitambudza vachiri kuyaruka?
[Mashoko Omuzasi]
a Zviratidzo zviri kutaurwa pano ndezvokungopa chiedza chete, hazvisi zvokushandisa kuona kana kuora mwoyo kuripo.
[Bhokisi riri papeji 6]
KANA MWANA ACHIDA KUFA
Maererano neU.S. Centers for Disease Control, mune rimwe gore richangopfuura vechiduku muUnited States vakafa nokuzviuraya, vakawanda kukunda vakafa nekenza, chirwere chomwoyo, AIDS, pakupona vana, sitiroko, mabayo, furuu uye zvirwere zvemapapu vasanganiswa. Mamwe mashoko anokangaidza ndeaya: Kwave kune kuwedzera kukuru kwenhamba yakashumwa yevakazviuraya pavanhu vane makore ari pakati pe10 ne14.
Kuzviuraya kwevachiri kuyaruka kungadziviswa here? Mune zvimwe zviitiko kungadziviswa. “Nhamba dzakaunganidzwa dzinoratidza kuti kuzviuraya kwakawanda kunotanga nokuedza kuzviuraya kana kuti kutaura nezvokuda kuzviuraya,” akanyora kudaro Dr. Kathleen McCoy. “Kana mwana wenyu akakupai chero kapfungwa kokuda kuzviuraya, yava nguva yokuti munyatsongwarira uye zvichida kutsvaka kubatsirwa navanachiremba.”
Kuwanda kwevachiri kuyaruka vakaora mwoyo kunoratidza chaizvo kudiwa kwokuti vabereki uye vamwe vanhu vakura vangwarire chaizvo zviratidzo zvokuti munhu muduku ari kuda kupfuudza upenyu hwake. “Dzinenge nyaya dzose dzokuzviuraya dzandakaongorora, zviratidzo zvokuda kuzviuraya kweachiri kuyaruka zvakafuratirwa kana kuti zvakaonekwa sezvisina basa,” akanyora kudaro Dr. Andrew Slaby mubhuku rake rinonzi No One Saw My Pain. “Vomumhuri uye shamwari havana kunzwisisa kukura kwokuchinja kwavakanga vari kuona. Vakanyanya kutarira pamigumisiro kwete pane chakanga chichikonzera dambudziko, zvokuti ‘zvinetso zvemhuri’ kana kuti ‘kushandisa zvinodhaka’ kana kuti ‘zvinetso zvokudya’ zvakava zviratidzo. Dzimwe nguva hasha, kuvhiringidzika uye kukurumidza kushatirwa zvakarapwa asi kwete kuora mwoyo kwacho. Chinetso chikuru chakasara chiripo, chichitambudza uye chichinyenga seronda.
Mashoko acho akajeka: Musaita zvokutamba nezviratidzo zvose zvokuda kuzviuraya!
[Mufananidzo uri papeji 7]
Pane dzimwe nguva, kupandukira kungaratidza kuti pane kuora mwoyo
[Mufananidzo uri papeji 7]
Vachiri kuyaruka vakaora mwoyo vanowanzotanga kufinhwa nezvinhu zvaimbovanakidza