Zvakaitika Kare—Tinofanira Kuvimba Nazvo Here?
“Kuziva zvakaitika kare . . . kunoita kuti tinzwe tiri muushamwari hunopfuurira hwakabvira kare kwazvo isu tisati taberekwa kusvikira kunguva inoramba ichipfuurira isu tatofa.”—A Companion To The Study Of History, Rakanyorwa Namichael Stanford.
KURARAMA usingazivi zvakaitika kare kushaiwa chimwe chinhu chinokosha muupenyu. Pasina zivo yezvakaitika kare iwe, mhuri yako, dzinza rako, kunyange kana rudzi rwako rwaizoita kunge rusina kwarwakabva, rwakanga rusipo. Nguva iripo iyi ingaita seisina hwaro uye isina zvainoreva.
Zvakaitika kare zvinogona kuva zidura rezvidzidzo zvoupenyu. Zvinogona kutibatsira kudzivisa mhosho dzekare dzimwe chetedzo nguva nenguva. Sezvakataurwa nomumwe muzivi, vanhu vanokanganwa zvakapfuura vane nhamo yokuzvidzokorora. Kuziva zvakaitika kare kunoita kuti tizive nezvemararamiro ekare, zvakawanikwa zvinoshamisa, vanhu vanoshamisa, uye nzira dzakasiyana dzokutarisa nadzo zvinhu.
Asi sezvo zvakaitika kare zvichitaura nezvevanhu nezviitiko zvekare-kare, tingaziva sei kana zvichivimbika? Kana tichizodzidza zvidzidzo zvinokosha kubva muzvakaitika kare, zviri pachena kuti zvinofanira kuva zvechokwadi. Uye patinowana chokwadi, tinofanira kuchibvuma, kunyange zvazvo chingasanzwika zvakanaka pane dzimwe nguva. Nguva yakapfuura inogona kuva sebindu remarose—rine runako rwaro neminzwa yaro; rinogona kufadza, rinogona kubaya.
Munyaya dziri kutevera, tichakurukura nezvezvimwe zvinhu zvakaitika kare zvinogona kutibatsira kuongorora kuti tione kana zvatinoverenga zvakarurama. Tichakurukurawo nezvokuti zvakaitika kare zvechokwadi zvingabatsira sei muverengi anonzwisisa.
[Mufananidzo uri papeji 3]
Mambokadzi Nefertiti
[Mufananidzo uri papeji 3]
Zvidzidzoi zvingadzidzwa kubva muzvakaitika kare?
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Nefertiti: Ägyptisches Museum der Staatlichen Museen Preußischer Kulturbesitz, Berlin
Border: Photograph taken by courtesy of the British Museum