Kuva Muchizarira Chomuchato Usina Rudo
“Munzanga yakazara kurambana, hakusi kuti chete mhuri dzakawanda dzisina mufaro dzinoguma nokurambana, asiwo, dzimwe dziri kuwanzova dzisina mufaro.”—SANGANO RINOONA NEZVEMHURI MUAMERICA.
ZVAVE zvichiwanzotaurwa kuti muupenyu wakawanda womufaro uye matambudziko zvinobva pachinhu chimwe chete—muchato womunhu. Zvechokwadi, zvinhu zvishomanana muupenyu zvinogona kuunza mufaro wakawanda wakadaro—kana kuti kutambudzika kwakadaro. Sezvinoratidzwa nebhokisi rinotevera, vakaroorana vakawanda vari kutambudzika zvikuru.
Asi kuverenga vari kurambana kunongobudisa rutivi rwechinetso chacho. Pamuchato woga woga unoparara, mimwe isingaverengeki inoramba iripo asi yakamomoterwa nezvinetso. “Taimbova mhuri inofara, asi makore 12 apfuura anga akashata zvikuru,” akabvuma kudaro mumwe mukadzi akaroorwa kwemakore anodarika 30. “Murume wangu haana basa nemanzwiro angu. Zvechokwadi ndiye munhu wandinovenga zvikuru mupfungwa dzangu.” Saizvozvowo, mumwe murume ane makore anenge 25 akachema-chema kuti: “Mudzimai wangu akandiudza kuti haachandidi. Anoti dai taingogara sevanhu vanogara mukamuri rimwe chete mumwe nomumwe achiita zvaanoda kana yava nguva yokuzvifadza, pamwe zvinhu zvaitombova nani.”
Zvechokwadi, vamwe vari mumamiriro ezvinhu akaoma kudaro vanodimbura muchato wavo. Zvisinei, vakawanda havatombofungi nezvokurambana. Nei? Maererano naDr. Karen Kayser, zvikonzero zvakadai sevana, kunyara nzanga, mari, shamwari, hama, uye zvinodavirwa zvechitendero zvingaramba zvakabatanidza vakaroorana, kunyange pasina rudo. “Vaona kuti hazvibviri kurambana zviri pamutemo,” iye anodaro “vakaroorana ava vanosarudza kuramba vaine munhu wavakarambana naye mupfungwa.”
Vakaroorana vane ukama hwatonhora vanofanira kukanda mapfumo pasi vorarama upenyu hwokusagutsikana here? Muchato usina rudo ndiwo chete here unotsiva kurambana? Zvakaitika zvinoratidza kuti mhuri dzakawanda dziri kutambura dzinogona kununurwa—kwete chete kubva mumarwadzo okurambana asiwo kubva mukusafara kunokonzerwa nokushayiwa rudo.
[Bhokisi riri papeji 3]
KURAMBANA MUNYIKA YOSE
• Australia: Kurambana kwawedzera zvakapetwa kanoda kusvika kana kubvira kuma 1960.
• Britain: Maererano nokufanoongorora, michato mina mugumi ichaguma nokurambana.
• Canada neJapan: Kurambana kunokanganisa muchato mumwe mumitatu yoga yoga.
• United States: Kubvira muna 1970, vaviri vanoroorana havana mikana inopfuura pakati nepakati yokuramba vari vose.
• Zimbabwe: Kurambana kunogumisa michato inenge miviri pamishanu yoga yoga.