Kufadzwa Nengirozi
“Isu ‘tose’ tine ngirozi dzinotitungamirira, dzinotichengeta . . . Kana tikasadzinetsa uye tozviita sevana, tine chivimbo nerudo nokuonga tichizvininipisa, dzichatidururira zvikomborero zvadzo zvakawanda kwazvo. Dzinotamba nesu. Dzinotitarisira. Dzinotiporesa, dzinotibata, dzinotinyaradza nemaoko adzo akanaka asingaoneki, uye nguva dzose dzinoedza kutipa zvatinoda.”—Kubva mubhuku rinonzi “Angel Letters.”
UNOFANIRA kubvuma kuti pfungwa iyi inozivikanwa pamusoro pengirozi inonyaradza. Maererano nepfungwa inonzi nevamwe “mudzimu mutsva,” mumwe nemumwe wedu akapiwa inenge ngirozi imwe, ngirozi ine basa rokutinyaradza nokutidzivirira pane zvinokuvadza. Ngirozi yako inonzi ine simba nerudo. Haidi kuteererwa kana kunamatwa, uye haimbofi yakakutonga kana kukuranga. Nguva dzose inenge inewe, ichifiririra kuti ugare zvakanaka uye ichida kuita zvose zvaunoda. Nhasi vakawanda vanonyatsodavira zvinhu izvi.
Zvechokwadi, kudavira ngirozi hakuzi kutsva. Dzakaita basa guru kwazvo mune zvinodavirwa nevanhu muzvitendero kubvira munguva yekare. Izvi zvinoonekwa mumifananidzo. Mifananidzo yemakerubhi, rumwe rudzi rwengirozi, yaishongedza tabhenekari yekare yevaJudha netemberi. Ngirozi dzinoshongedzeswa machechi nemacathedral muchiKristudhomu chose. Mamiziyemu akazara nemifananidzo nezvivezwa zvengirozi.
Kukurumbira Kwengirozi
Munguva pfupi yapfuura, ngirozi dzazova dzakakurumbira zvakanyanya mune dzimwe nyika. Mafirimu anowanzoratidza ngirozi sevanhu vakafa uye vanenge vadzoka panyika kuzoita mabasa akanaka. Mune imwe firimu, ngirozi dzinobatsira imwe timu yebaseball yava kukundwa. Mune imwe, ngirozi inotarisira inobatsira mumwe mukomana wechiduku kutsiva kupondwa kwemusikana wake. Musoro wenyaya yengirozi inobatsira unobudawo kwazvo mupurogiramu yakakurumbira inoratidzwa muterevhizheni yekuUnited States.
Nziyo dzinotaura nezvengirozi dziri kuwanda. Mumakumi emakore achangobva kupfuura aya muUnited States, nziyo imwe yakakurumbira pagumi dzoga dzoga yaitaura nezvengirozi. Ma1990 paakasvika pakati, “zvitoro zvengirozi” zvinopfuura 120 zvakanga zvavhurwa muAmerica. Zvitoro izvi zvinotengesa zvivezwa zvengirozi, twuzvidhori twekuturika mumba, zvinhu zvinoshandiswa pakunyora—kunyange zvinotambiswa nevana zvakashongedzwa nemifananidzo yengirozi. Misangano nemapepanhau zvinofungidzirwa kuti zvinodzidzisa zvingaitwa nevanhu kuti vakurukurirane nezvisikwa izvi zvekudenga. Magazini, mapepanhau, uye hurukuro dzemunhepfenyuro nemuterevhizheni dzinotaura nezvevanhu vakasangana nengirozi.
Mazana Emabhuku
Uyewo pane mabhuku. Chimwe chitoro chikuru chemabhuku chemuNew York City chinogovera mabhuku akasiyana-siyana anopfuura 500 anotaura zvengirozi, kunyanya ngirozi dzinotarisira. Mabhuku akadaro anovimbisa kuratidza varavi vawo kukurukurirana kwavangaita nengirozi dzinotarisira, kudzidza mazita adzo, kutaura nadzo, uye kukumbira rubatsiro rwadzo. Mabhuku aya ane nyaya dzakawanda dzekubatsira kwakaita ngirozi panguva yekushayiwa, kubudisa vanhu vaida kutsikwa nemotokari mumugwagwa, kurapa zvirwere zvinouraya, kunyaradza vanotambudzika, uye kudzivirira masoja munhandare yehondo. Ngirozi dzakadaro dzinoita mabasa iwayo “dzisingakumbiri chero chiratidzo chipi zvacho chekupfidza, chekutendeuka, kana kuti chekutsigira dzidziso yakati.” Asi kashoma kuti “vanosangana” nadzo vakadaro vemazuva ano vaite kuti vanhu vachinje muupenyu hwavo. Vaya vanotaura kuti zvakadaro zvakaitika kwavari kazhinji vanosara vasinganyatsofari.
Munguva yekushushikana neyezvinetso, nyaya idzi dzingaratidzika semashoko akanaka asingadaviriki. Asi dzinogona kuvimbwa nadzo here? Dzine basa here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 24]
Vakawanda vanodavira kuti vakasangana nengirozi pachavo