Ndiani Achachenesa Pasi Redu?
“NDINOFANOKUUDZAI kuti panozosvika gore ra2025 shoko rokuti ‘kusvibisa’ rinenge ratsakatika mumashoko anotaurwa nevanhu verudzi rwedu kana tichitaura nezveindasitiri yedu.” Ndiko kwaiva kufanotaura kwenguva pfupi yapfuura kwapurezidhendi werimwe sangano remakemikoro. Unodavira kuti zvichaitika here? Kana zvakadaro, zvichaitika sei?
Kuda mhindu ndiko kunowanzomanikidza vanhu kutengesa zvinhu zvine ngozi muzvitoro. Somuenzaniso, mitemo yekuchengeta zvakavanzika yezvokutengeserana inobvumira makambani kuchengeta mafomura anovapa mari sechakavanzika kupfurikidza nokunyora pazvinhu zvavanogadzira kuti “wakatonhora,” shoko ringafungwa nyore kuti rinoreva “kusakuvadza.” Asi, “misanganiswa inenge 394 yakatonhora yakashandiswa semishonga yezvipembenene inogona kukuvadza,” inoshuma kudaro magazini inonzi Chemical Week. Pamisanganiswa iyi, 209 ichepfu dzine ngozi, 21 yakanzi pamutemo inokonzera kenza, uye 127 inokuvadza utano pabasa!
Chokwadi, kudzivisa ngozi kwehurumende kazhinji kwanga kuchibatsira. Asi zviri kunyanyonetsekerwa nehurumende, anodaro mumwe munyori, “kukura kwoupfumi nekuwana mari kwemaindasitiri.” Nokudaro, vanoramba vachida kuenzanisa zvinhu zvisingabviri—ngozi nezvazvinobatsira. Chaizvoizvo, mugumisiro wacho ‘kusvibiswa kunodzorwa nemutemo.’
Naizvozvo ndekupi kwatingawane mhinduro? Chimwe Chapupu chaJehovha chakabvunza mubvunzo uyu kuna saimba aiva neushamwari. Achiratidza kuvimba nevatungamiriri nemasayendisiti ari vanhu, munhu wacho akapindura kuti: “Vachagadzirisa zvinhu rimwe zuva.”
“Asi ndivanaani vacho?” Chapupu chacho chakabvunza. “Havasi vanhu vakafanana newe neni here? Vangava vakadzidza kutipfuura, asi pane zvimwe zvavasingagoni kuita, vane utera. Vanokanganisa.” Pane izvi wedzera makurire ezvinetso zvavanotarisana nazvo pamwe chete nemakaro neuori zviri munzanga yevanhu.
Unodavirawo kuti vachagadzirisa zvinhu here? Nhau refu yekukundikana kwemunhu kuita kudaro haipi chivimbo. Magazini yeOutdoor Life yakati: “Masayendisiti nevamiririri vao anogona chaizvo kufunda zvinetso zvekusvibisa kupfuura kuzvipedza.” Ikariroi iripo yokuti vanhu vanogona kupedza chinetso ichi chakakomba?
Vanhu Vanogona Kuzviita Vari Voga Here?
Kudzora kusvibisa kwemakemikoro hachisingori chinetso chevakuru vakuru vemunharaunda. Izvi zvakadaro nemhaka yokuti makemikoro anoshandiswa mune imwe nyika anovhiringidza vanhu vari munyika dzakapoteredza, kunyange vanhu vari mupasi rose! Uye vanhu vakakundikana kushanda pamwe chete kupedza zvinetso zvenyika zvakadaro. Bhaibheri rinoratidza chikonzero nei parinoti: “Munhu akatonga munhu kuti amukuvadze.” (Muparidzi 8:9, NW) Nei vanhu vasingabudiriri mukuzvitonga? Zvakare, Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Munhu, unofamba haagoni kururamisa nhanho dzake.” (Jeremia 10:23) Izvozvo zvinorevei?
Zvinoreva kuti vanhu havana kumbonzi vazvitonge pachavo vasingatungamirirwi naMwari. Chokwadi, vanhu vakaita zvinhu zvinoshamisa—vakavaka dzimba dzakaisvonaka, vakagadzira zvinhu zvokushandisa zvoungwaru, kunyange kuenda kumwedzi—asi havagoni kuzvitonga pachavo pasina kutungamirirwa naMwari. Ndizvo zvinodzidziswa neBhaibheri, uye nhau yakaratidza kuti Bhaibheri rakarurama.
Pasi Rakacheneswa—Sei?
Musiki wedu, Jehovha Mwari, agara ane basa nevanhu nepasi rino, raakagadzirira munhu. Apedza kusika vanhu, akarayira kuti vatarisire pasi noupenyu huri pariri. (Genesi 1:27, 28; 2:15) Gare gare, pashure pokunge vaviri vokutanga varega kuteerera mirayiridzo yake, akapa mirayiridzo kurudzi rwaIsraeri wekare pamusoro pokutarisira nyika, kubatanidza kuti vaifanira kurega kuirima kwegore rose rakazara pashure pemakore manomwe oga oga. Izvi zvaiita kuti ivezve itsva. (Eksodho 23:11; Revhitiko 25:4-6) Asi vanhu vakaita makaro uye vakarega kuteerera Mwari. Ivo nenyika vakatambura.
Chokwadika, kusvibisa kunoita makemikoro nhasi kwakanga kusingaitiki panguva iyoyo. Asi, nyika yakakuvadzwa nemhaka yokuti vaIsraeri vakakundikana kuizorodza maererano nezvaidiwa naMwari, uye vanhu vasina mhaka vakatambura. Naizvozvo Mwari akabvumira vaBhabhironi kukurira Israeri ndokuendesa rudzi rwacho kuutapwa kuBhabhironi kwamakore 70. Chirango ichi chakaitawo kuti nyika izorore kuitira kuti ivezve itsva.—Revhitiko 26:27, 28, 34, 35, 43; 2 Makoronike 36:20, 21.
Nhau iyi inotidzidzisa kuti Mwari anoita kuti vanhu vazvidavirire pamusoro pezvavanoitira pasi. (VaRoma 15:4) Chokwadi ndechokuti, Mwari anovimbisa kuti acha“paradza avo vanoparadza nyika.” (Zvakazarurwa 11:18) Chinokosha ndechokuti Bhaibheri rinorondedzera rudzi rwevanhu vari kubatsira ku“paradza” uku. Maitiro avo, sekurongwa kwaakaitwa muBhaibheri pana 2 Timotio 3:1-5, anobatanidza kupedzera nguva yakawandisa mukutsvaga mari nokuzvifadza kusvika pakusanyanyofunga nezvaMwari uye, kuwedzera, kusafunga nezvechisiko chake, kubatanidza vamwe vanhu.
Naizvozvo magwaro maviri eBhaibheri aya—2 Timotio 3:1-5 uye Zvakazarurwa 11:18—anoratidza mhedziso mbiri dzakasimba. Kutanga, pfungwa dzakasvibiswa dzinokonzera pasi rakasvibiswa. Uye chechipiri, Mwari achapindira kuti aponese pasi rino nevanhu vanotya Mwari apo kusvibisa kwose kuri kuviri kunenge kwanyanyisa. Mwari achapindira sei?
Kupfurikidza nomuporofita wake Dhanieri, Mwari akafanotaura kuti: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo [zvakajeka kuti ihurumende dzanhasi] Mwari wokudenga uchamutsa ushe . . . ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, ihwo huchamira nokusingaperi.” (Dhanieri 2:44) Umambo ihwohwo ihurumende chaiyoiyo yenyika. Jesu Kristu akadzidzisa vateveri vake kunyengeterera hurumende iyoyo paakati: “Zvino imi nyengeterai kudai: Baba vedu vari kudenga, . . . Ushe hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Nokutarisira kworudo kwoUmambo hwaMwari, vagari vapasi vachawana ropafadzo yakaisvonaka yokuita kuti pasi rose rive paradhiso. Mhepo yacho ichava yakanaka, nzizi dzichava dzakachena, uye ivhu racho richave rakazara nezvipenyu zvisina kusvibiswa. (Pisarema 72:16; Isaya 35:1-10; Ruka 23:43) Pashure pacho, Bhaibheri rinopikira kuti: “Zvinhu zvakare [zvirwere, kutambura, kusvibisa, nezvimwe zvinotambudza zvakawanda zvanhasi] hazvingarangarirwi, kana kufungwa mumwoyo.”—Isaya 65:17.
[Mufananidzo uri papeji 30]
Pasi rakacheneswa—uchararamira kuriona here?