Ungada Kufadza Mwari Here?
Unoziva zvinodiwa zvemudzimu muupenyu hwako here? Unonzwa here kuti chimwe chinhu chiri kushayikwa munyika umo zvinokosha zvekunyama zvoga zvinoratidzika sezvinokosheswa? Ungada kusvika pakuziva Mwari ndokuva neukama hwapedyo naye here?
Ungataura kuti, ‘Hungu, asi ndingazviita sei izvozvo? Hazvina kuoma here kurava ndokunzwisisa Bhaibheri?’ Zvimwe nemhaka yekurarama mumamiriro ezvinhu akaoma ezvemari, vamwe vanhu vakaenda kuchikoro kwemakore mashomanene chete uye vangave vachinetseka kurava. Vangabetserwa sei kuziva Mwari nezvinodiwa zvake zvekuwana upenyu husingaperi?
Muna 1996 Watch Tower Society yakaburitsa chinyorwa, chiri kuwanika zvino mumitauro 211, chinonzi Mwari Anodei Kwatiri? Ibhurocha rine mapeji 32, rine mavara ose rine zvikamu 16 zvinopa mhinduro dzakapfava dzeBhaibheri kumibvunzo yakadai seyokuti: Mwari ndiani? Jesu Kristu ndiani? Ndechipi chiri chinangwa chaMwari nokuda kwapasi? Ungawana sei chitendero chechokwadi? Bhurocha racho rinotaurawo kuswedera kwatingaita pedyo naMwari mumunyengetero uye kuti tinogona sei kuva neupenyu hwemhuri hunofadza Mwari.
Kana ungada kopi yebhurocha iri, tapota tumira kopani iri.
□ Nditumirei kopi yebhurocha raMwari Anodei Kwatiri?
□ Ndapota ndionei maererano nefundo yeBhaibheri yapamusha yapachena.