RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 7/8 pp. 16-18
  • Kutamba Kworudo Kwakaipei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutamba Kworudo Kwakaipei?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kana Munhu Akaroora Kana Kuti Kuroorwa
  • Nyengano Yemirangariro
  • Zvakadiniko Navasina Kuroorana?
  • Kutamba Nemwoyo Wemunhu Kwakaipa Here?
    Vechidiki Vanobvunza Kuti
  • 1 Bhaibheri Rinokubatsira Kudzivisa Matambudziko
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
  • Ramba Une Tsika Dzakachena Nokuchengeta Mwoyo Wako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Nyaya Ine Chokuita Newe
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 7/8 pp. 16-18

Murangariro weBhaibheri

Kutamba Kworudo Kwakaipei?

“Nei tichifunga nezvokutamba kworudo sokunokuvadza kana kuti kunonyengera kana kuti kwakaipa? Hakuna! Mutambo! Uye mutambo unobetsera mose muri vaviri nokuti uri kuita kuti mumwe munhu wacho anzwe zvakanaka.”—Susan Rabin, mutungamiri weSchool of Flirting, New York City.

VANHU vakawanda vanorangarira kutamba kworudo sokwenguva dzose, kusina mhaka, uye kunyange kurimadikanwa mukuumba nokuchengeta ukama hwavanhu. Munyika dzokuMadokero, kune kuwanda kwazvino uno kwamabhuku, nyaya dzamagazini, uye kosi chaidzo dzinofundisa majangariko, zvimiro, kutarisa, uye kuringa izvo zvinokosha ku“unyanzvi hwokutamba kworudo.”

Kutamba kworudo chii? Kune rondedzero nedudziro dzakasiyana-siyana. Rimwe duramashoko rinokurondedzera somuitiro “wenhando unobatanidza zvevatano kana kuti unokwezva mune zvevatano.” Rimwe duramashoko rinorondedzera kutamba kworudo sokuita “zvinobatanidza zvevatano usina vavariro yechokwadi.” Nokudaro, unoratidzika kuva kazhinji kazhinji mufungo unogamuchirwa kuti munhu anotamba zvorudo munhu anoratidza fariro yenyengano pasina vavariro yokuroora. Ko kutamba kworudo kunofanira kurangarirwa sokusingakuvadzi here? Ndoupi uri murangariro weBhaibheri wokutamba kworudo?a

Kunyange zvazvo kutamba kworudo kusingadudzwi zvakananga muMagwaro, tinogona kuziva murangariro waMwari. Sei? Kupfurikidza nokunzvera nheyo dzeBhaibheri dzine chokuita nenhau yacho. Nokudaro tinokudziridza ‘masimba edu okunzwisisa kuti titsauranise chakarurama nechisina kururama.’ (VaHebheru 5:14) Kutanga, ngatirangarirei kana kutamba kworudo uri muitiro wakakodzera vanhu vakaroora.

Kana Munhu Akaroora Kana Kuti Kuroorwa

Ndokwomuzvarirwo zvikuru kuti vanyakuroorana vaite zvinobatanidza zvevatano nomumwe nomumwe vari voga. (Enzanisa naGenesi 26:8.) Asi kunangidzira ngwariro dzakadaro kuvanhu vari kunze kweroorano kunopesana nenheyo dzaMwari. Jehovha akaronga kuti vanyakuroorana vafarikanye ukama hwapedyo nohwokuvimba. (Genesi 2:24; VaEfeso 5:21-33) Anorangarira roorano somubatanidzwa unoyera, wechigarire. Maraki 2:16 inoti nezvaMwari: “ndinovenga kurambana.”b

Ko kutamba kworudo kunoitwa nomunhu akaroora kana kuti akaroorwa kunowirirana nomurangariro waMwari weroorano here? Inhau yakakomba nokuti kutamba kworudo kwomunhu akaroora kana kuti akaroorwa kunoratidza kusaremekedza kuyera kwegadziriro yaMwari yeroorano. Ipapowo, VaEfeso 5:33 inorayira murume wechiKristu ku“d[a] mukadzi wake sezvaanozvida iye” nomudzimai kuti “atye murume wake.” Ko kutamba kworudo, uko kunomutsa godo, kunoratidza kuda kana kuti kuremekedza mukwanyina womunhu here?

Rinotova rakanaka iidi rokuti kutamba kworudo kunogona kutungamirira kuupombwe, chivi icho Jehovha anoshora zvikuru uye anorondedzera sechokunyengera. (Eksodho 20:14; Revhitiko 20:10; Maraki 2:14, 15; Marko 10:17-19) Zvirokwazvo, Jehovha anorangarira upombwe kuva hwakakomba zvikuru zvokuti anobvumira vanyajambwa vokusatendeseka muroorano kurambana. (Mateo 5:32) Tinogona kufungidzira here, ipapoka, kuti Jehovha angatendera chivaraidzo chine ngozi zvakadaro chakadai sokutamba kworudo? Mwari haangachitenderi kungofanana nomubereki ane rudo asingatenderi mwana wake muduku kutamba nebanga romukicheni rakapinza.

Pamusoro poupombwe Bhaibheri rinonyevera kuti: “Ko munhu angaisa moto muchifuva chake, nguo dzake dzikasatsva here? Kana munhu angatsika mazimbe anopisa, tsoka dzake dzikasapiswa here? Ndizvo zvakaita munhu unopinda kumukadzi wowokwake; aninani unomunyangata iye mukadzi haangaregwi kurohwa.” (Zvirevo 6:27-29) Zvisinei, kunyange kana upombwe husingatongoitwi, munhu akaroora kana kuti kuroorwa anoita kutamba kworudo anokoka chimwe chinetso—kuva anobatanidzwa mune chakadanwa kuti “nyengano yemirangariro.”

Nyengano Yemirangariro

Vamwe vanhu vakasakurira ukama kunze kweroorano yavo umo munotanga mirangariro yenyengano, kunyange zvazvo pasina vatano. Zvisinei, Jesu akanyevera kuti: “Mumwe nomumwe unotarira mukadzi achimuchiva, watoita upombwe naye mumwoyo make.” (Mateo 5:28) Nei Jesu akaramba ruchiva runorambira mumwoyo?

Chimwe chinhu ndechokuti “mumwoyo munobuda . . . upombwe.” (Mateo 15:19) Zvisinei, ukama hwakadaro hunokuvadza kunyange kana husina kupfuurira kusvikira kunguva apo upombwe hunoda kuitika. Zvinodaro sei? Rimwe bhuku panhau iyoyi rinotsanangura kuti: “Chiito chipi nechipi kana kuti ukama hunotora nguva yakawandisa nesimba muupenyu nomukwanyina wako chimiro chokusatendeka.” Hungu, nyengano yemirangariro inobira mukwanyina womunhu nguva, ngwariro, uye chidakadaka. Nemhaka yomurayiro waJesu wokuti tibate vamwe sezvatinoshuva kubatwa, akaroora kana kuti kuroorwa anoita kutamba kworudo anoita zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndinganzwa sei kana mukwanyina wangu akaita nenzira iyi nomumwe?’—Zvirevo 5:15-23; Mateo 7:12.

Kana munhu aita chisungo chemirangariro chisina kukodzera chakadai, anofanira kuitei? Munhu akaroora kana kuti kuroorwa akabatanidzwa mumurangariro zvisakafanira akaita somutyairi anorara achityaira. Anofanira kuziva zvizere chinetso chake ndokuita chiito chapakarepo, chakasimba roorano yake noukama hwake naMwari zvisati zvaparadzwa. Jesu akaenzanisa kudikanwa kwechiito chakakomba apo akati kunyange chimwe chinhu chinokosha seziso chinofanira kubviswa kana kuti ruoko kudimburwa kana rwaizoparadza chimiro chakanaka chomunhu naMwari.—Mateo 5:29, 30.

Nokudaro kwaizova kuchenjera kuganhurira kwaunoonera nouzhinji hwaunoona mumwe munhu wacho. Zvirokwazvo, dzivisa kuva uri woga nomunhu wacho, uye kana muri munzvimbo yebasa, ganhurira rudzi rwekurukurirano. Kungatova madikanwa kugumisa batano yose nomunhu wacho. Pashure pacho, kuzvidzora kwakakomba kunofanira kushandiswa pamusoro pamaziso omunhu, mifungo, mirangariro, uye muitiro. (Genesi 39:7-12; Pisarema 19:14; Zvirevo 4:23; 1 VaTesaronika 4:4-6) Jobho, murume akaroora, akagadza muenzaniso wakaisvonaka apo akati: “Ndakaita sungano nameso angu; zvino ndingatarira musikana seiko?”—Jobho 31:1.

Nenzira yakajeka, zvine ngozi uye hazvisi paMagwaro kuti munhu akaroora kana kuti kuroorwa aite kutamba kworudo. Zvisinei, chii chiri murangariro weBhaibheri wokutamba kworudo pakati pavanhu vasina kuroora kana kuti kuroorwa? Ko kunofanira kurangarirwa sokwenguva dzose, kusina mhaka, kana kuti kuri madikanwa kutanga ukama nevemitezo yakasiyana yokubereka nayo here? Kuvadziko chaiyoiyo ipi neipi ingagona kuparirwa nazvo here?

Zvakadiniko Navasina Kuroorana?

Hapana chisina kururama navanhu vaviri vasina kuroora kana kuti kuroorwa vanoratidzirana fariro yenyengano, chero bedzi vari kurangarira roorano uye vachidzivisa mufambiro usina kuchena. (VaGaratia 5:19-21) Fariro yakadaro ingaitika mukati menhambo dzokutanga dzenyengano apo roorano ingava ichiri bviro iri kure. Iyoyi haisi hayo isina kufanira apo vavariro dzacho dzinenge dzakanaka. Muitiro wakadaro hausi chaizvoizvo kutamba kworudo.

Zvakadini, kunyange zvakadaro, kana vanhu vasina kuroora kana kuti kuroorwa vachitumirana ratidziro dzorudo nokuda kwevaraidzo bedzi? Zvingaratidzika sezvisingakuvadzi, sezvo vasina kuroorana. Zvisinei, rangarira bviro yokukuvara kwemirangariro. Kana mutoo womunhu anoita kutamba kworudo ukarangarirwa nenzira yakakomba zvikuru kupfuura unorangarirwa, zvinogona kuguma namarwadzo akakomba nokurwadza kwomwoyo. Ndeechokwadi sei mashoko aZvirevo 13:12 anoti: “Tariro kana ichinonoka, inoodza mwoyo; asi kana chapangwa chosvika, ndiwo muti woupenyu”! Kunyange kana vanhu vaviri vachitaura kuva vane nzwisiso yokuti hapana mumwe ane fariro yakakomba mune mumwe wacho—upi noupi wavo anogona kuva nechokwadi cheizvo mumwe wacho ari kufunga chaizvoizvo kana kuti kunzwa here? Bhaibheri rinopindura kuti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose, wakaora chose, ndiani ungauziva?”—Jeremia 17:9; enzanisa naVaFiripi 2:4.

Rangarirawo, ngozi youfeve, nemigumisiro yayo inobvira yechirwere kana kuti pamuviri pasiri pamutemo. Ufeve hunorambidzwa muMagwaro, uye avo vanohuita namaune vanorasikirwa nenyasha dzaMwari. Muapostora Pauro nokuchenjera akanyevera vaKristu kuti kuti vadzivise muedzo, vanofanira ku“uraya, mitezo” yavo “yomuviri . . . kana huri ufeve” ndokudzivisa “kukara kwokuchiva,” uko kunotungamirira kuufeve. (VaKorose 3:5; 1 VaTesaronika 4:3-5) Pana VaEfeso 5:3, anotirayira kuti ufeve “nga[hu]rege kutongodudzwa,” kureva kuti, munzira yokumutsa chishuvo chisina kururama. Kutamba kworudo hakutsinhirani nezano iri. Mwari anotorambidza kurukurirano dzisina kuchena pamusoro pevatano.

Nheyo dzeBhaibheri dzinozivisa kuti kutamba kworudo kunogona kuva utsinye kuvanhu biyedu uye kusingaremekedzi Jehovha, Muvambi weroorano. Murangariro weBhaibheri wokutamba kworudo kusina kufanira zvirokwazvo ndoworudo uye une mufungo, sezvo unodzivirira vanhu pakuvadziko. Vanoda Mwari naizvozvo vacharega kutamba kworudo kusina kufanira ndokubata ane mitezo yakasiyana yokubereka nayo norucheno noruremekedzo.—1 Timotio 2:9, 10; 5:1, 2.

[Mashoko Omuzasi]

a Kutamba kworudo hakufaniri kuvhiringidzwa nokuva ane ushamwari kana kuti kufarira kuva navamwe, pasina vavariro yezvevatano ipi neipi.

b Ona nyaya inoti “Mwari Anovenga Rudzii Rwokuchatanura?” iri muchinyorwa chaFebruary 8, 1994, cheMukai!

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

© The Curtis Publishing Company

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe