RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 7/8 pp. 24-27
  • Kutarisa Kumusoro, Kwete Pasi, Nokuda Kwemhinduro

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutarisa Kumusoro, Kwete Pasi, Nokuda Kwemhinduro
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mavara Anogarwa Nhaka Emhuka Kana Kuti Akakanganisika Here?
  • Chikonzero Nei Tisingadi Kufa
  • Kuitirwa Kurarama Nekusingaperi
  • Nyika Itsva Yakavakirwa Parudo
  • Kana Munhu Afa Atotsakatika Here?
    Mukai!—2008
  • Upenyu Husingaperi Hunobvira Chaizvoizvo Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Dzakagadzirirwa Kudzidza Nokusingaperi
    Mukai!—2004
  • Unogona Kurarama Nekusingaperi Panyika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2018
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 7/8 pp. 24-27

Kutarisa Kumusoro, Kwete Pasi, Nokuda Kwemhinduro

MHINDUMUPINDU inodzidzisa kuti nhevedzano yekuchinja zvishoma nezvishoma yakatiita chimiro chemhuka chakati kwirirei. Kune rumwe rutivi, Bhaibheri rinotaura kuti takatanga takakwana, mumufananidzo waMwari, asi kuti pashure penguva pfupi, kusakwana kwakatangwa uye rudzi rwemunhu rwakavamba kuderera.

Vabereki vedu vekutanga, Adhama naEvha, vakavamba kuderera uku pavakatsvaka kuzvitonga mutsika uye kukuvadza hana dzavo kupfurikidza nokusateerera Mwari kweune. Neune vakatyaira, sekunge mumotokari, vachipoya bango rinodzivirira remutemo waMwari ndokuwira pasi patiri iye zvino, patinotambura kurwara, kuchembera, uye rufu, tisingatauri kufungira zvakaipa kweurudzi, ruvengo rwerudzidziso, uye hondo dzakaipa.—Genesi 2:17; 3:6, 7.

Mavara Anogarwa Nhaka Emhuka Kana Kuti Akakanganisika Here?

Chokwadika, Bhaibheri haritsananguri mumutauro wesayenzi zvakaitika kumiviri yaAdhama naEvha yakakwana pavakatadza. Bhaibheri harisi bhuku resayenzi, kungofanana nebhuku remirayiridzo remuridzi wemotokari risiri bhuku reuinjiniya hwemotokari. Asi sebhuku remirayiridzo remuridzi, Bhaibheri rakarurama; harisi ngano.

Apo Adhama naEvha vakabondera pamuganhu unodzivirira wemutemo waMwari, miviri yavo yakakuvadzwa. Pashure, vakavamba kuderera zvishoma nezvishoma kuenda kurufu. Kupfurikidza nemitemo yekugara nhaka, vana vavo, mhuri yemunhu, yakagara nhaka kusakwana. Nokudaro, vanofawo.—Jobho 14:4; Pisarema 51:5; VaRoma 5:12.

Nenzira inosuruvarisa, zvatakagara nhaka zvinobatanidza kuda kuita chivi, kunooneka seudyire neunzenza. Vatano, chokwadika, yakafanira munzvimbo yayo. Mwari akarayira vanhu vaviri vokutanga: “Berekai, muwande, muzadze nyika.” (Genesi 1:28) Uye seMusiki ane rudo, akaita kuti kuzadzika murayiro iwoyo kuve mufaro kumurume nemudzimai. (Zvirevo 5:18) Asi kusakwana kwemunhu kwatungamirira kushandisa vatano zvisina kufanira. Kutaura idi, kusakwana kunobata rutivi rwese rweupenyu hwedu, kubatanidza kushanda kwepfungwa nemuviri wedu, sezvo tose zvedu tinoziva.

Asi kusakwana hakuna kudzima pfungwa yedu yetsika. Kana tichinyatsoda, tinogona “kudzora” zvatinoita ndokudzivisa ngozi dzeupenyu kupfurikidza nekurwisa kuda kuita chivi. Chokwadika, hapana munhu asina kukwana anogona kurwisa chivi nekubudirira zvakazara, uye Mwari netsitsi anorangarira izvi.—Pisarema 103:14; VaRoma 7:21-23.

Chikonzero Nei Tisingadi Kufa

Bhaibheri rinojekesawo chimwe chakavanzika icho mhindumupindu isingatsananguri zvinogutsa: kusada kubvuma rufu kwemunhu kwemuzvarirwo, kunyange zvazvo rufu rungaratidzika kuva rwemuzvarirwo uye rusingadzivisiki.

Sekuwadzanyura kunoita Bhaibheri, rufu rwakatangwa nechivi, nekusateerera Mwari. Kudai vabereki vedu vekutanga vakaramba vachiteerera, vangadai vakararama nekusingaperi, pamwe chete nevana vavo. Mwari, chaizvoizvo, akanga aronga ndangariro yemunhu ine chishuvo cheupenyu husingaperi. “Akaisawo kusaguma mumwoyo yevanhu,” inodaro Muparidzi 3:11, maererano neNew International Version. Kutongerwa rufu kwavo, naizvozvo, kwakamutsa kurwisana kwemukati muvanhu, kusawirirana kunopfuurira.

Kuwiriranisa kurwisana kwemukati uku uye kugutsa chishuvo chemuzvarirwo chekupfuurira kurarama, vanhu vakafunga marudzi ose akasiyana-siyana ezvitendero, kubva kudzidziso yekusafa kwemweya kusvika pakudavira kuberekwazve. Vasayendisiti vanoongorora chakavanzika chekuchembera nemhaka yekuti ivowo vanoda kudzivisa rufu kana kuti kurunonotsa. Vezvemhindumupindu vanoramba chishuvo cheupenyu husingaperi sechitsotsi, kana kuti nyengedzo yemhindumupindu, nemhaka yekuti chinobonderana nemurangariro wavo wekuti vanhu vanongova zvavo mhuka dziri nani. Kune rumwe rutivi, kutaura kweBhaibheri kwekuti rufu muvengi kunowirirana nekushuva kwedu kwemuzvarirwo kurarama.—1 VaKorinte 15:26.

Naizvozvo, ipapoka, miviri yedu inopa zviratidzo zvipi nezvipi zvekuti takaitirwa kurarama nekusingaperi here? Mhinduro ndihongu! Uropi hwemunhu hwoga hunotikatyamadza neufakazi hwekuti takaitirwa kurarama kwenguva yakati rebei zvikuru kupfuura zvatinoita.

Kuitirwa Kurarama Nekusingaperi

Uropi hunorema inopfuura 1,4 kg, uye hune tsinga dzine mabhiriyoni 10 kusvika ku100, zvinonzi, pasina mbiri dzadzo, dzakanyatsofanana. Tsinga imwe neimwe inogona kubatana nedzimwe tsinga dzinoda kusvika 200 000, zvichiita mibatanidzwa inoverengeka yakasiyana-siyana, kana kuti nzira, mumaumbirwe europi. Uye sekunge izvozvo zvoga hazvina kukwana “tsinga imwe neimwe ikombiyuta yemberi” pachayo, inodaro Scientific American.

Uropi hwakanyura mumuto wemakemikoro, uyo unotapura nzira iyo tsinga dzinoshanda nayo. Uye uropi hwakaoma kunzwisisa zvikuru kupfuura kunyange kombiyuta ine simba zvikurusa. “Mumusoro wose zvawo,” anonyora kudaro Tony Buzan naTerence Dixon, “mune imba yemagetsi inotyisa, mutezo wakaumbana, unoshanda zvakanaka uyo une zvaunogona kuita zvinoratidzika sezvisingagumi patinowedzera kudzidza zvakawanda pamusoro pawo.” Achinokora mashoko aPurofesa Pyotr Anokhin, anowedzera kuti: “Hapana munhu aripo anogona kushandisa uropi hwake hwose zvahwo. Ndosaka tisingabvumi fungidziro dzisingafadzi dzipi nedzipi dzemiganhu yeuropi hwemunhu. Hahuna muganhu.”

Maidi aya anoshamisa anopesana nerondedzero yemhindumupindu nenzira inozvidza kwazvo. Mhindumupindu “yaizosikirei” vagariwo zvavo vemumapako, kana kuti kunyange vakadzidza zvikuru vanhasi, mutezo unogona kushanda kwemamiriyoni kana kunyange mabhiriyoni enguva dzeupenyu? Chokwadi, upenyu husingaperi bedzi ndihwo hune musoro! Asi zvakadini nemuviri wedu?

Bhuku rinonzi Repair and Renewal—Journey Through the Mind and Body rinotaura kuti: “Nzira iyo mapfupa, nyama, uye mitezo zvakakuvadzwa zvinozvirapa nayo chishamiso chaicho. Uye kudai taizomira kuti tifunge nezvazvo, taizowana kumerazve chinyararire kweganda nebvudzi nenzara—nemimwe mitezo yemuviriwo—kuchishamisa zvikuru: Kunoitika maawa 24 pazuva, vhiki riri rose, chaizvoizvo kuchitigadzirazve, kutaura nenzira yebiochemistry, kakawanda mukati meupenyu hwedu.”

Munguva yaMwari yakafanira, hazvizomunetsi kuchengeta muitiro uyu unoshamisa wekuzvigadzirisa uchipfuurira kunguva isingazivikanwi. Ipapo, pakupedzisira, “muvengi wokupedzisira, uchaparadzwa, ndirwo rufu.” (1 VaKorinte 15:26) Asi kuti tigofara zvechokwadi, tinoda zvinopfuura upenyu husingaperi. Tinoda rugare—rugare naMwari nevamwe vanhu. Rugare rwakadaro runogona kuwanwa bedzi kana vanhu vachidanana zvechokwadi.

Nyika Itsva Yakavakirwa Parudo

“Mwari rudo,” inodaro 1 Johane 4:8. Rudo rwakasimba kwazvo—zvikurukuru rudo rwaJehovha Mwari—zvokuti ndicho chikonzero chikuru nei tichigona kuva netariro yekurarama nekusingaperi. “Nokuti Mwari wakada nyika,” inodaro Johane 3:16, “nokudaro, kuti wakapa Mwanakomana wake wakaberekwa mumwe woga, kuti ani nani unotenda kwaari, arege kufa, asi ave noupenyu husingaperi.”

Upenyu husingaperi! Ikariro inoshamisa zvakadini! Asi sezvo takagara nhaka yechivi, hatina kodzero yeupenyu. “Nokuti mubayiro wezvivi ndirwo rufu,” Bhaibheri rinodaro. (VaRoma 6:23) Nenzira inofadza, kunyange zvakadaro, rudo rwakasunda Mwanakomana waMwari, Jesu Kristu, kutifira. Muapostora Johane akanyora pamusoro paJesu kuti: “Wakatipa upenyu hwake.” (1 Johane 3:16) Hongu, akapa upenyu hwake hwakakwana se“rudzikinuro rwavazhinji” kuitira kuti zvivi zvedu zvidzimwe isu tinotenda maari uye tifarikanye upenyu husingaperi. (Mateo 20:28) Bhaibheri rinotsanangura kuti: “Mwari wakatuma Mwanakomana wake, wakaberekwa ari mumwe chete, munyika, kuti tive noupenyu naye.”—1 Johane 4:9.

Nei, ipapo, tichifanira kudavidza kurudo urwo Mwari neMwanakomana wake vakatiratidza? Bhaibheri rinopfuurira kuti: “Vadikanwa, kana Mwari akatida saizvozvo, nesuwo tinofanira kudana.” (1 Johane 4:11) Tinofanira kudzidzira kuda, nokuti vara iroro ndiro richava chinokosha chenyika itsva yaMwari. Nhasi vakawanda vakasvika pakuziva kukosha kwerudo, kunyange sezvaruchasimbiswa naJehovha Mwari muShoko rake, Bhaibheri.

Bhuku rinonzi Love and Its Place in Nature rakataura kuti pasina rudo “vana vanofa.” Asi, kuda ikoko hakuperi apo vanhu vanokwegura. Nyanzvi inoongorora vanhu yakakurumbira yakataura kuti rudo “ndiwo musimboti wezvinodikanwa zvose zvevanhu sekumira kwakangoita zuva pakati peboka redu renyeredzi . . . Mwana asina kumbodiwa akasiyana zvikuru, mumitoo yebiochemistry, physiology, uye kushanda kwepfungwa neuyo akadiwa. Wekutanga anotokura zvakasiyana newekupedzisira.”

Unogona kufungidzira here kuti upenyu huchava hwakaita sei apo vose vari pasi vanodanana zvechokwadi? Chokwadi, hakuzovizve neupi neupi anofungira mumwe zvakaipa nemhaka yekuti ndewerudzi rwakasiyana, mutezo werimwe dzinza, kana kuti ane ruvara rweganda rwakasiyana nerwake pachake! Mukutonga kwaMambo akagadzwa naMwari, Jesu Kristu, pasi richazadzwa nerugare nerudo, mukuzadzikwa kwepisarema rakafuridzirwa reBhaibheri rinoti:

“Ipai mambo zvamakatonga, Mwari . . . Uchatongera varombo vavanhu, uchaponesa vana vavashayiwi, nokupwanya mumanikidzi. . . . Nemisi yake wakarurama uchakura zvakanaka; rugare rwakawanda ruchavapo, kusvikira mwedzi waguma. Uchabata ushe kubva pagungwa kusvikira pagungwa, nokubva paRwizi kusvikira kumigumo yapasi. Nokuti ucharwira mushayiwi kana achidanidzira; nomurombo usina mubatsiri. Uchanzwira nyasha murombo nomushayiwi, uchaponesa mweya yavashayiwi.” Pisarema 72:1, 4, 7, 8, 12, 13.

Vakaipa havazobvumidzwi kugara munyika itsva yaMwari, kunyange sekupikirwa kwazvakaitwa mune rimwe pisarema reBhaibheri kuti: “Nokuti vanoita zvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha vachagara nhaka yenyika. Kwasara chinguva chiduku, wakaipa haachazovipo; zvirokwazvo, iwe uchacherekedza zvakanaka paaigara, asi haachazovipo. Asi vanyoro ndivo vachagara nhaka yenyika; ndivo vachafarikanya kwazvo norugare rukuru.”—Pisarema 37:9-11.

Ipapo, ndangariro nemiviri zvevanhu vose vanoteerera, kubatanidza avo vachamutswa mumakuva kupfurikidza nekumuka kuvakafa, zvichava zvaporeswa. Pakupedzisira, munhu wose mupenyu acharatidzira zvakakwana mufananidzo waMwari. Pakupedzisira kutamburira kukuru kuita zvakarurama kuchange kwapera. Kusawirirana kuripo pakati pekushuva kwedu upenyu nechokwadi chine utsinye chiripo cherufu kuchave kwaperawo! Hongu, ichi chipikirwa chechokwadi chaMwari wedu ane rudo: “Rufu haruchazovipo.”—Zvakazarurwa 21:4; Mabasa 24:15.

Naizvozvo, usaneta, muhondo yekuita chakarurama. Teerera kurayira kwaMwari: “Urwe kurwa kwakanaka kwokutenda, ubatisise upenyu husingaperi.” Upenyu ihwohwo munyika yaMwari itsva ndihwo hunodaidzwa neBhaibheri kuti “upenyu chaihwo.”—1 Timotio 6:12, 19.

Svika pakunzwisisa chokwadi chinotaurwa muBhaibheri: “Jehovha ndiye Mwari; ndiye wakatiita, tiri vanhu vake.” Kunzwisisa chokwadi ichocho idanho rinokosha mukukwanirisa nokuda kweupenyu munyika itsva yaJehovha yerudo nekururama.—Pisarema 100:3; 2 Petro 3:13.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Upenyu munyika itsva yaMwari ndihwo hunodaidzwa neBhaibheri kuti “upenyu chaihwo.”—1 Timotio 6:19

[Mufananidzo uri papeji 25]

Vanhu vakabondera nekupfuura nepabango remitemo yaMwari, nemigumisiro ine ngwavaira

[Mufananidzo uri papeji 26]

Rudzi rwemunhu, mukutonga kwaMwari, ruchafarikanya nyika itsva yerugare

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe