RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 5/8 pp. 30-31
  • Gore Ra2000 Rinokosha Sei?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Gore Ra2000 Rinokosha Sei?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Jehovha, Muchengeti Wenguva
  • “Izvozvi Zvichagova Riniko?”
  • Chiuru Chemakore Chechitatu Chinovamba Rini?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • 2000—Igore Rakasiyana Nemamwe Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mireniyumu Yechitatu—Ichazadzika Tariro Dzako Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Kukurumidzisa Kana Kuti Kunonokesa Here?
    Mukai!—1999
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 5/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

Gore Ra2000 Rinokosha Sei?

VANHU vakawanda zvikurusa havatombobatanidzi ukoshi hupi nohupi hworudzidziso neizvo nyika dzoKumadokero pamwe chete nedzimwe dzakawanda dzinoti zvichaitika mugore ra2000. Somuenzaniso, vaJudha, vaMuslim, uye vaHindu vose vane makarenda avo orudzidziso asina kufanana nekarenda rokuMadokero. Nokuda kwemazuva orudzidziso neetsika, vaChina vanotevera karenda yemwedzi wokudenga. Nokudaro, mabhiriyoni evanhu nhasi, zvichida vazhinjisa vevagari vepasi, havabatanidzi revo ipi neipi inokosha negore ra2000.a

Zvisinei, zvikurukuru munyika dzokuMadokero, vakawanda vari kumirira nokudisa kutanga kuri kusvika kwemireniyumu inotevera sekuratidzirwa kwainoitwa nekarenda yeGregory. Kune vamwe hakusi kungoda kuzivawo zvako chete. Vanorangarira gore ra2000 serinounza nhambo itsva, sepanochinja zvinhu munhau. Vakawanda vanozviti vanodavira Bhaibheri vanobatanidza kuzadzika kweuporofita negore ra2000. Vamwe vanokarira kuoneka kwezvinhu zvomudzimu kukurusa. Vamwe vanotya ngwavaira—kuguma kwenyika. Bhaibheri rinogovera hwaro hupi nehupi hwekariro idzi here?

Jehovha, Muchengeti Wenguva

Mwari weBhaibheri anorondedzerwa se“wakakwegura pamazuva.” (Dhanieri 7:9) Anodzora nguva nokururama kwakakwana, sezvinooneka mukushanda kwezvaakasika zvakawanda, kubva pakutenderera kwenyeredzi kusvika pakufamba kwezvinhu zviduku kupfuura atomu. Ane rudungwe rwenguva rwake amene rwaanoomerera kwarwuri asingapotsi. “Ambotara nguva dzavakatemerwa, nemiganhu yokugara kwavo,” rinodaro Bhaibheri. (Mabasa 17:26) Jehovha Muchengeti Wenguva akarurama.

Nenzira inowirirana, Bhaibheri rinopa kuverengwa kwenguva ngwariro chaiyo. Rinogovera chinyorwa chinopfuurira chinogonesa kuverenga zvine nhevedzano tichidzokera shure kusvika kumavambo enhau yomunhu. Kuverenga kwakadaro kunonongedzera kuna 4026 B.C.E. segore iro Mwari akasika Adhama. Anenge makore 2 000 gare gare, Abrahama akaberekwa. Mamwe makore 2 000 akanga apfuura panguva yakaberekwa Jesu.

Vamwe vanofunda kuverengwa kwenguva yeBhaibheri vakagadzira mafomura anonongedzera kumisi chaiyo yomunguva yemberi. Somuenzaniso, vachishandiswa hwaro hwenhambo dzinotevedzana dzemakore anenge 2 000 dzakaparadzanisa Adhama, Abrahama, uye Jesu, vamwe vanofanotaura chinoitika chinotyisa pakupera kwenhambo yemakore 2 000 kubva parufu rwaJesu. Uyu muenzaniso mumwe chete wemafomura okuverenga nawo nguva ayo anonzi akavakirwa pakuverengwa kwenguva yeBhaibheri.

Sezvinobvumwa, Bhaibheri rinotaura nezvenguva apo Jehovha Mwari achapindira munhau dzomunhu kupfurikidza nokubvisa uipi nokuunza nyika itsva. Uporofita hweBhaibheri hunotaura nezve“nguva yokupedzisira,” “kuguma kwenyika,” “mazuva okupedzisira,” uye “zuva raMwari.” (Dhanieri 8:17; Mateo 24:3; 2 Timotio 3:1; 2 Petro 3:12) Zvisinei, “kuguma” kwakaporofitwa muBhaibheri hakuna chekuita negore ra2000. MuMagwaro hamuna chinoti kupera kwemireniyumu yechipiri sekuverengwa kwainoitwa nekarenda yeGregory kune ukoshi chaihwo.

“Izvozvi Zvichagova Riniko?”

Vaapostora vaJesu vakaratidza kudisisa kuziva rudungwe rwenguva rwaMwari pavakabvunza Jesu kuti: “Tiudzei, kuti izvozvi zvichagova riniko? Nechiratidzo chokuuya kwenyu nechokuguma kwenyika chichava chipiko?” (Mateo 24:3) Vakawanda nhasi vane kudisisa kuziva kwakafanana pamusoro penguva yemberi. Kudisisa kuziva uporofita hunokosha hwakadaro nenguva yahunozadzika ndekwemuzvarirwo. Zvisinei, kuchenjera kubvuma nokuremekedza murangariro waMwari panhau yacho.

Kupfurikidza neMwanakomana wake, Jehovha akazivisa zvinangwa zvake uye akapa mhinduro yakananga panhau iyi. Nguva pfupi Jesu asati akwira kudenga, vadzidzi vake vakamubvunzazve pamusoro penguva yokuzadzikwa kwezvipikirwa zvaMwari. Jesu akapindura kuti: “Hazvina kufanira kuti muzive nguva kana misi yakatarwa nababa vamene nesimba ravo.” (Mabasa 1:7) Pane imwe nhambo izvi zvisati zvaitika, Jesu akaudza vadzidzi vake kuti: “Asi kana riri zuva iro nenguva iyi, hakuna unozviziva, kunyange vatumwa vokudenga, kunyange mwanakomana, asi baba voga.”—Mateo 24:36.

Nenzira yakajeka, “kuziva nguva kana misi,” zvikurukuru pamusoro pekuzadzikwa kwezviporofita zveBhaibheri kwemunguva yemberi, hazvisi musimba romunhu. Mwari akasarudza kusatizivisa mashoko akadaro. (Mateo 24:22-44) Tingagona kutapura chinangwa chaMwari munzira ipi neipi kupfurikidza nekuverenga toga nouchenjeri “zuva [iroro] kana nguva,” mukupesana nezvido zvake here? Sezviri pachena, izvi zvaizova zvisingabviri. (Numeri 23:19; VaRoma 11:33, 34) Bhaibheri rinotaura kuti: “Zano raJehovha rakasimba nokusingaperi.” (Pisarema 33:11) Zvaari Mwari wamasimba ose, anobudirira nguva dzose.—Isaya 55:8-11.

Pasinei zvapo nesimba raMwari rokuchengeta zivo ye“misi kana nguva . . . musimba ra[ke],” vakawanda vanoramba vachida kufungidzira. Vamwe vanova vaporofita vemugumo vakazvigadza pachavo. Nokuda kwechikonzero ichi muapostora Pauro akapa murayiro chaiwo kuvaTesaronika pamusoro pengozi yokuteerera vanofungidzira misi. Akanyora kuti: “Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuuya kwaShe wedu Jesu Kristu, nokuungana kwedu kwaari; kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu, kana kuvhunduswa, kana nomweya, kana neshoko, kana nenwadhi, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika; ngakurege kuva nomunhu unokunyengerai nomutoo upi noupi.”—2 VaTesaronika 2:1-3.

Zvapupu zvaJehovha zvinodavira zvakasimba kuti zvinangwa zvaMwari zvenguva yemberi zvine chokwadi chokuitwa panguva yake yaakafanotema, asingapotsi zuva chairo neawa yaakaronga. (Habhakuki 2:3; 2 Petro 3:9, 10) Uye tinodavira kuti zvinoitika izvi zvichaitika munguva yemberi isiri kure. (2 Timotio 3:1-5) Zvisinei, hatifungidziri kana kuti kutsigira pfungwa dziri kuwanda nhasi.b Chokwadi, gore ra2000, kunyange 2001, kunyange kutanga kweimwe nguva ipi neipi yakaitwa nemunhu hakuna chekuita chipi nechipi nerudungwe rwenguva rwaJehovha.

[Mashoko Omuzasi]

a Kungoverengawo zvako, inonzi mireniyumu yechitatu inotanga pana 1 January, 2001. Mireniyumu yokutanga haina kutanga negore razero asi, panzvimbo pezvo, negore ra1. Zvisinei, vanhu vanobatanidza mashoko okuti “mireniyumu yechitatu” negore ra2000. Nyaya ino inoisa ngwariro pakariro dzakakurumbira pamusoro pegore ra2000.

b Chinyorwa cheNharireyomurindi chaSeptember 1, 1997, peji 22, chakataura kuti: “Zvapupu zvaJehovha zvave zvichidisa kuziva pachaitika zuva raJehovha. Mukudisa kwazvo pane dzimwe nguva zvakaedza kufungidzira paringauya. Asi kupfurikidza nokuita kudaro, zvakakundikana, sezvakaita vadzidzi vaJesu vapakuvamba, kuteerera nyevero yaTenzi wavo yokuti hati“zivi kuti nguva ichasvika rini.” (Marko 13:32, 33) Vaseki vakaseka vaKristu vakatendeka nokuda kwekariro dzavo dzokunyanyokurumidza. (2 Petro 3:3, 4) Kunyange zvakadaro, zuva raJehovha richauya, Petro anosimbisa kudaro, maererano nerudungwe Rwake rwenguva.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe