RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 5/8 p. 32
  • Mudzidzisi weMoscow Akabatsirwa neMukai!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mudzidzisi weMoscow Akabatsirwa neMukai!
  • Mukai!—1998
Mukai!—1998
g98 5/8 p. 32

Mudzidzisi weMoscow Akabatsirwa neMukai!

Mumwe mudzidzisi akanyorera hofisi yebazu yeZvapupu zvaJehovha muRussia kuti ataure kuti anoronga kushandisa nyaya dzinobva muMukai! muzvidzidzo zvake zvechikoro. Akatsanangura kuti:

“Ndinonzwa kuti Mukai! inondibatsira kuwana simba idzva rokurarama naro, inondipa pfungwa dzakanaka, uye inondisunungura pamirangariro inoodza mwoyo. Ndinokuongai nenyaya dzakaisvonaka pamusoro pehondo yomunhu neutachiona [chinyorwa chaMarch 8, 1996]. Ndine chokwadi chokuti magazini enyu anounza betsero kumusha uri wose unawo.” Akawedzera kuti: “Ndingada zvikuru kugamuchira Mukai! . . . Pasina mubvunzo magazini yenyu inogona kundibatsira.”

Tsamba yakafanana, yakagamuchirwa kubva kuStavropol, guta rine vanhu vanopfuura chikamu chimwe chemiriyoni, riri mamaira anopfuura 700 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweMoscow, inorava kuti: “Ndingada kuodha Mukai! Hakasi kare pandakagamuchira makopi maviri emagazini iyi. Nyaya dzacho dzakaratidza kunzwisiswa kwezvinetso izvo vanhu vanotarisana nazvo. Dzimwe dzakarondedzera maidi aiva matsva kwandiri. Aka ndekekutanga kuwana rondedzero yechokwadi yezvinhu.”

Kana ungafarira kugamuchira imwe kopi yeMukai! kana kuti ungada kuti mumwe munhu auye pamusha wako kuti akurukure newe Bhaibheri, tapota nyorera Watch Tower, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kero yakakodzera iri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe