RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 4/8 pp. 16-17
  • Madhemoni Ariko Chaizvoizvo Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Madhemoni Ariko Chaizvoizvo Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Murangariro Wakasununguka
  • Kusadavira Kunopa Chinetso
  • Vanyengeri Vakaipa
  • Bhaibheri Rinotii Nezvengirozi?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Simba raJesu Pamadhimoni
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Madhimoni Ndivanaani?
    Mukai!—2010
  • Rwisana naDhiyabhorosi
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 4/8 pp. 16-17

Murangariro weBhaibheri

Madhemoni Ariko Chaizvoizvo Here?

MUKATI mezana ramakore rechi17 nerechi18, nhimbe youpengo yokutambudza varoyi yakapararira murutivi rukurusa rweEurope. Vainzi varoyi vazhinji vakatambudzwa zvinotyisa. Vamwe vakapomerwa zvenhema vakabvuma uroyi kuti vangogumise bedzi kutambudzwa kwacho. Zviverengero zvisingatauriki zvakaurawa nemhaka yerunyerekupe kana kuti fungidziro.

Kunyange zvazvo zvairatidzika kuva zvakavakirwa paMagwaro zviito izvi mukurwisana nouroyi, chimiro choudhemoni, zvakanga zviri chaizvoizvo zvokunyanyisa. VaKristu havana kupiwa basa rokutambudza kana kuti rokuuraya varoyi kana kuti vamwe vashandisi vapi navapi vemidzimu. (VaRoma 12:19) Murangariroi wakapararira nhasi?

Murangariro Wakasununguka

Nhasi vanhu vakawanda zvikurusa vari muchiKristudhomu havarangariri miitiro yokudavira midzimu yakadaro nenzira yakakomba. Nemhaka yokuda kuziva, vamwe vangabatanidzwa mukunzvera mitumbi yomudenga, mapipi, kuuka, uye uroyi, asi havarangariri iyi miitiro isiri yamashiripiti soudhemoni. Padzimwe nguva, vavaraidzi, vanhu vezvemitambo, uye vezvematongerwe enyika vanobvuma pachena kubatanidzwa kwavo mumashiripiti. Mamwe mabhuku nemabhaisikopo zvinoratidzira varoyi nen’anga se“vanhu vanokwezva, vechienzi zvishomanene vane mabasa asiri emuzvarirwo asingakuvadzi munhu,” inodaro imwe enisaikoropidhiya. Zvinhu zvakagadzirirwa kuvaraidza nokudzidzisa vana zvingakurudzira misoro yamashiripiti.

Murangariro wakadaro wakasununguka uye wokusaitira hanya kuudhemoni unogona kutungamirira kukusadavira kuvako kwamadhemoni. Unodavira kuti madhemoni ariko uye ari kuedza nokushingaira kutikuvadza here? Pashure pezvose, vanhu vakawanda zvikurusa nhasi vaizoti havasati vambobatanidzwa namadhemoni kana kuti kupupurira basa rawo. Madhemoni ariko chaizvoizvo here?

Kusadavira Kunopa Chinetso

Avo vanotaura kuti vanogamuchira Bhaibheri asi vasina chokwadi nokuvako chaizvoizvo kwemadhemoni vakatarisana nechinetso. Kana vasingadaviri kuti madhemoni ariko chaizvoizvo, vari kuratidzira mwero wakati wokusadavira Bhaibheri. Nei? Nokuti murangariro wezvisikwa zvemidzimu yakaipa ine masimba anopfuura omunhu unodzidziswa muShoko raMwari, Bhaibheri.

Bhuku raro rokutanga, Genesi, rinorondedzera nzira iyo chisikwa chakangwara chakashandisa nayo nyoka kunyengedza Evha ndokumutungamirira mukupandukira Mwari. (Genesi 3:1-5) Bhuku rokupedzisira reBhaibheri, Zvakazarurwa, rinozivisa munyengeri uyu akaipa, “Nyoka yapakuvamba,” “inonzi Dhiyabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose.” (Zvakazarurwa 12:9) Satani akabudirira mukunyengera dzimwe ngirozi mukupandukira. (Judhasi 6) MuBhaibheri idzi ngirozi dzakawa dzinodanwa kuti madhemoni. Dzinoshandira munharaunda yepasi uye dzakashatirirwa Mwari naavo vanomubatira.—Zvakazarurwa 12:12.

Satani namadhemoni vane simba rokupesvedzera, kukuvadza, uye kukurukura navanhu. (Ruka 8:27-33) Vakafunda musikirwo womunhu kwezviuru zvamakore. Vanoziva nzira yokushandisa nayo utera hwavanhu. Bhaibheri rinoshuma zvinoitika apo akapinda, kana kuti akadzora zvizere, varume, vakadzi, uye vana. (Mateo 15:22; Marko 5:2) Anogona kuparira chirwere kana kuti kuvadziko yomuviri yakadai soupofu. (Jobho 2:6, 7; Mateo 9:32, 33; 12:22; 17:14-18) Anogonawo kupofumadza ndangariro dzavanhu. (2 VaKorinte 4:4) Madhemoni anoshingaira nguva dzose, sezvinoita mutungamiriri wawo, Satani, uyo akafanana ne“shumba inorira, ichitsvaka waingaparadza.” (1 Petro 5:8) Bhaibheri rine nhoroondo dzakawanda dzokuvako kwamadhemoni. Kana uchidavira Bhaibheri, ipapo unobvuma kuvako chaizvoizvo kwezvisikwa zvakaipa zvisingaoneki.

Vanyengeri Vakaipa

Asi madhemoni ane simba angagona sei kuvako nhasi pasina kuparira kutya nguva dzose munyika? Nei kuri kuti kuvako kwawo nezviito hazvisi pachena zvikuru? Bhaibheri rinopindura kuti: “Sataniwo anozvishandura, achizviita somutumwa wechiedza.” (2 VaKorinte 11:14) Dhiabhorosi munyengeri. Basa remadhemoni rinowanzovanzwa sechimwe chinhu chisingakuvadzi kana kuti kunyange chakanaka. Nokudaro, rakaoma kucherekedza.

Satani namadhemoni ake vanopfuurira kutambudza vanhu munzira dzakasiyana-siyana, sezvavakaita munguva dzeBhaibheri. Vamwe avo zvino vava vaKristu vechokwadi pane imwe nguva vakabatanidzwa nemashiripiti; vanogona kupupurira kutyisa kwedenho dzamadhemoni. Nhasi, zvichida pamwero mukuru zvikuru kupfuura nakare kose, madhemoni ari kushandisa masimba awo anopfuura omunhu kunyengedza vanhu kupinda mumiitiro yamashiripiti chose chose. Simba rawo harifaniri kudukupiswa. Zvisinei, anoita zvakawanda kupfurikidza nokukwezva vanhu kuti vabve kuna Mwari kupfuura kupfurikidza nokuvatambudza. Satani namadhemoni va“nyengeri [v]enyika yose,” rinodaro Bhaibheri. (Zvakazarurwa 12:9) Vanovavarira kukuvadza umudzimu munzira dzouchenjeri, dzisingacherechedzwi.

Madhemoni ariko chaizvoizvo. Nyota isingapedzwi yeropa nokuparadza yakajeka zvikuru pakati pavanhu nhasi ingagonazve kutsanangurwa sei? Vanhu nenzira yomuzvarirwo vanoda kugara murugare nomufaro. Asi madhemoni anokurudzira uipi uye ane simba rokupesvedzera nokushatisa ndangariro yomunhu.

Asi, Jehovha ndiMwari wamasimba ose—ane simba zvikuru kupfuura madhemoni. Anopa simba rake nedziviriro mukurwisana ne“mano aDhiyabhorosi.” (VaEfeso 6:11-18) Hatifaniri kutya madhemoni nenzira yakaipa, nokuti Mwari anopikira kuti: “Muzviise pasi paMwari: dzivisai Dhiyabhorosi, agokutizai.”—Jakobho 4:7.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 16]

Sipa Icono

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe