RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g98 2/8 pp. 13-15
  • Ko Kubatana kwechiKristu Kunobvumira Mhatsa Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ko Kubatana kwechiKristu Kunobvumira Mhatsa Here?
  • Mukai!—1998
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Mwari Anotifadza Somunhu Mumwe Nomumwe
  • Marongero Apakuvamba aMwari
  • Kuitira Hanya Vamwe
  • Kubatana Nemhatsa—Dzikamo Inoda Kungwarirwa
  • Kubatana kwechiKristu Kunoda Kuti Vafanane Pazvose Here?
    Mukai!—2003
  • Ipai Mbiri Kuna Mwari “Nomuromo Mumwe”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2004
  • Kubatana kwevaKristu Kunokudza Mwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Chengeta Chinzwano Mumazuva Ano Okupedzisira
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
Ona Zvimwe
Mukai!—1998
g98 2/8 pp. 13-15

Murangariro weBhaibheri

Ko Kubatana kwechiKristu Kunobvumira Mhatsa Here?

KUBATANA muungano yechiKristu kunokosha. Kusabatana muchitendero chorudzidziso kungaparira nharo dzinotyisa, gakava, uye kunyange ruvengo. (Mabasa 23:6-10) Bhaibheri rinoti “Mwari haazi Mwari wenyonganiso, asi worugare.” (1 VaKorinte 14:33) Nokudaro, vaKristu vanorayirwa kutaura vachibvumirana uye kubatana mundangariro imwe cheteyo uye mupfungwa imwe cheteyo.—1 VaKorinte 1:10.

Mashoko aya nezvikamu zvakafanana zveBhaibheri anokurudzira kufanana kwakakwana pakati pevaKristu munzira iri yose here? (Johane 17:20-23; VaGaratia 3:28) Ko chiKristu chechokwadi chinorondedzerwa muBhaibheri chinoshora mhatsa pamusoro pounhu hwomunhu mumwe nomumwe here? Ko vaKristu vose vanokarirwa kupinda murudzi rwakati rwounhu hwakakwana here?

Mwari Anotifadza Somunhu Mumwe Nomumwe

Vamwe vanhu vanodavira zvakasimba kuti Bhaibheri chinongova chimwe chombo chokudzoresa nacho vanhu nekudzvinyirira. Sezvinobvumwa, rakashandiswa kazhinji kazhinji zvisina kufanira nenzira iyoyo nemamwe masekete. Jesu, zvisinei, akapa chiono chakasiyana zvikuru cheMagwaro noMunyori wawo Mwari. Akarondedzera Mwari souyo anofarira zvikuru zvisikwa zvake zvimwe nezvimwe.

Pana Johane 6:44, Jesu akatsanangura kuti: “Hakuna munhu ungauya kwandiri, kana Baba vakandituma vasingamukwevi.” Shoko rechiito rakashandiswa pano harikarakadzi kuti Mwari anozvuva vanhu, vasingadi. Panzvimbo pako, Mwari anokwezva zvinyoronyoro, achifadza mwoyo. Sokutaura kwakaita imwe nyanzvi yeBhaibheri, pane ‘pesvedzero inobva kuna Mwari inoita kuti ndangariro idavire.’ Musiki haarangariri mhuri yevanhu seboka revanhu vakafanana. Anoongorora vanhu vamwe navamwe uye anokwevera kwaari zvinyoronyoro avo vane mwoyo yakatendeseka.—Pisarema 11:5; Zvirevo 21:2; Mabasa 13:48.

Cherechedza kuti muapostora Pauro aichinjika sei. Akaziva zvinodikanwa chaizvo zvevanhu vamwe navamwe uye akabvuma kuti mimwe mirangariro yaizivikanwa kumarudzi akati kana kuti mamiriro ezvinhu ekare. Ipapo akachinja maitire ake nenzira inowirirana. Akanyora kuti: “KuvaJudha ndakava somuJudha, kuti ndiwane vaJudha . . . Kuna vasina simba ndakava usine simba, kuti ndiwane vasine simba; ndakava zvose kuna vose kuti ndiponese vamwe nemitoo yose.”—1 VaKorinte 9:20-22.

Nenzira yakajeka, Pauro haana kumanikidza vanhu kuti vafanane kana kuti kuvabata vose zvakafanana. Akavapa kurudziro iyi: “Kutaura kwenyu ngakuve nenyasha nguva dzose, kwakarungwa nomunyu, kuti muzive kupindura mumwe nomumwe sezvamunofanira kuita.” (VaKorose 4:6) Hongu, Pauro nevamwe vaKristu vaifanira kuziva nokuremekedza kusiyana kwomunhu mumwe nomumwe kuti amubatsire.

Marongero Apakuvamba aMwari

Uku kuremekedza munhu somunhu mumwe nomumwe kunopfuurira pashure pokunge munhu ava rutivi rweungano yechiKristu. Vanhu vaMwari havarasikirwi nokuva zvavari ndokuva vakafanana zvakakwana vachitevedzera zvido zveavo vane chiremera. Panzvimbo pezvo, vanofarikanya mhatsa huru younhu uye vane mano akasiyana-siyana, miitiro, uye mirangariro. Unhu hwomumwe nomumwe hahurangarirwi sohunofurusa kana kuti hunonyangadza. Rutivi rwemarongero aMwari apakuvamba.

Nokudaro, munyika itsva yakapikirwa vakarurama muBhaibheri, kukwana pakati pevanhu kuchabvumidza mhatsa huru. (2 Peter 3:13) Enisaikoropidhiya yeBhaibheri inonzi Insight on the Scripturesa pasi pomusoro unoti “Perfection,” nenzira yakakodzera inoita tsinhiro inotevera: “Kukwana hazvirevi magumo emhatsa, zvisinei, sezvinofungidzira vanhu kazhinji kazhinji. Mhuka, idzo dziri mugumisiro we‘basa rakakwana’ raJehovha (Ge[nesi] 1:20-24; Dhe[uteronomio] 32:4), dzine mhatsa huru.”

Insight inowedzera kuti: “Kukwana kwePasi nenzira yakafanana hakupesani nemhatsa, kuchinja, kana kuti kusiyana; kunobvumira zvakapfava nezvakaoma, zvakajeka nezvine zvitaira, zvinovava nezvinotapira, zvinomara nezvakakwenenzverwa, mapani nemasango, makomo nemipata. Kunobatanidza kunaka kunofadza kwemavambo echirimo, kudziya kwezhizha rine matenga ebhuruu, kunaka kwemavara ematsutso, rutsvindo rwesinou ichangobva kudonha. (Ge[nesi] 8:22) Vanhu vakakwana nokudaro havazovi vanhu vakamanikidzwa kuva nounhu hwakafanana, unyanzvi, uye mano.”

Kuitira Hanya Vamwe

Zvisinei, chiKristu chechokwadi chinoshora kuzvidzwa kwokuzvifunga kweavo vakatipoteredza. Muapostora Pauro akangwarira zvikuru rutivi rwuri rwose rwoupenyu hwake nomufambiro kuti adzivise kugumbura vamwe. Akataura mutsamba yake kuungano yeKorinte kuti: “Hatigumbusi vamwe nechinhu, kuti kushumira kwedu kurege kuzvidzwa.” (2 VaKorinte 6:3) Pane dzimwe nguva, tinofanira kudzora zvishuvo zvedu pachedu ndokuisa zvinodikanwa zvevamwe pamberi pezvatinoda. Somuenzaniso, Pauro akanyora kuvaKristu veRoma kuti: “Zvakanaka kusadya nyama, kana kusanwa waini, kana kusaita chimwe chinhu chingagumbusa hama yako.”—VaRoma 14:21.

Nenzira yakafanana nhasi, mumwe munhu angasarudza kusanwa zvinodhaka kana pane mumwe munhu ane chinetso chokudzora kunwa kwake. (1 VaKorinte 10:23, 24) Izvi zvinoitwa, kwete nokumanikidzwa nomumwe munhu, asi sechiito chakanaka chomutsa norudo. “Kristuwo haana kuzvifadza.” Jesu aiva munhu akazvimiririra, asi haana kumanikidzira vamwe kuita zvido zvake zvichiparira kukuvara kwemirangariro yevamwe.—VaRoma 15:3.

Kunyange zvakadaro, rumwe rwemativi anozorodza zvikurusa echiKristu chechokwadi kuremekedzwa kworusununguko rwevamwe nezvido zvinowirirana nenhungamiro dzeBhaibheri. Rinodzidzisa kuti Mwari akatiita kuti tisiyane uye nemutoo wedu toga. Pana 1 VaKorinte 2:11, tinorava kuti: “Nokuti munhu ndoupiko unoziva zvomunhu, asi mweya womunhu uri maari?” Tinoedza kunzwisisa vamwe zvikuru sezvatinogona. Asi ndima iyi inoreva kuti somunhu mumwe nomumwe tine kusiyana kunonzwisiswa bedzi nesu pachedu noMusiki wedu. Tine “munhu wakavanzika womwoyo” watinoburitsa patinoda.—1 Petro 3:4.

Kubatana Nemhatsa—Dzikamo Inoda Kungwarirwa

Muapostora Pauro akagadza muenzaniso wakanaka wedzikamo yechiKristu. Kunyange zvazvo aive nechiremera somuapostora waKristu, aingwarira kusamanikidzira murangariro wake pane vamwe.

Somuenzaniso, Pauro aiva nomurangariro wakasimba pamusoro pebetsero dzokusaroora kana kuroorwa munyika ino isina kukwana. Iye pachake akanga asina kuroora panguva yaakanyora kuti: “Asi vakadaro [kuroora kana kuti kuroorwa] vachava nedambudziko panyama,” uye, “[chirikadzi] [i]nganyanya kufara kana [i]chigara [y]akadaro, pakufunga kwangu ini.” Idi rokuti mashoko ake akava rutivi rweShoko rakafuridzirwa raMwari rinoratidza kuti pakanga pasina chisina kururama nomurangariro wake. Bva, akatsanangurawo kuti: “Zvino kana wawana hauna kutadza.”—1 VaKorinte 7:28, 40.

Sezviri pachena, vaapostora vazhinjisa vaiva varume vakaroora, seizvo Pauro akabvuma nemashoko anoti: “Hatine simba rokufamba nomukadzi iri hama, savamwe vaapostora navanun’una vaShe, naKefasi here?” (1 VaKorinte 9:5) VaKristu vaiziva kuti munhau iyi vaigona kuita zvisarudzo zvakasiyana nezvaPauro uye aigona kungovaremekedza zvakadaro.

Vanamati vaMwari nguva dzose vave vachibvumirwa kuratidza kutenda kwavo mutsinhirano nounhu hwavo hwakasiyana. Kutaura idi, Mwari akatobvumidza vanyori veBhaibheri kushandisa manyorero avo omunhu mumwe nomumwe apo vainyora. Somuenzaniso, achizvininipisa zvikuru Nehemia akanyora nhoroondo yake sokunge ndiye ari kutaura. (Nehemia 5:6, 19) Kune rumwe rutivi, nemhaka yokuzvininipisa muapostora Johane haana kumboshandisa zita rake munhoroondo yake yeEvhangeri uye kashoma kuzvinongedzera. Mwari akatendera manyorero ose ari maviri uye akaita kuti achengetedzwe muBhaibheri.

Mienzaniso yakafanana yedzikamo uye kuva nemufungo inowanika muMagwaro ose. Nenzira yakajeka, kubatana kwechiKristu kunobvumira mhatsa. Chokwadika, mhatsa yemamiriro ezvinhu ekare uye mirangariro zvinogona kutungamirira pakusabatana apo mavara omudzimu anenge asipo. (VaRoma 16:17, 18) Asi apo tino‘zvipfekedza rudo, chisungo chakakwana chokubatana,’ tinodzidza kugamuchira ndokufarikanya unhu hwakasiyana hwevamwe.—VaKorose 3:14.

“Saka gamuchiranai,” rinodaro Bhaibheri, “Kristu sezvaakatigamuchira, kuti Mwari akudzwe.” (VaRoma 15:7) Nebetsero yomudzimu waMwari, vaKristu vanogona kuwana dzikamo inoda kungwarira yokuchengetedza kubatana nepo vachifarikanya mhatsa younhu hwakasiyana muungano.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 14]

Musiki haarangariri mhuri yevanhu seboka revanhu vakafanana

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 15]

Somunhu mumwe nomumwe tine kusiyana kunonzwisiswa bedzi nesu pachedu noMusiki wedu

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe