Murangariro weBhaibheri
Kudzorerei Hasha Dzako?
AKANGA ari mavambo anotyisa. “Zvino zvandava musoro weimba ino, hausati uchizondinyadzisa nokuva anonoka,” akadanidzira kudaro John kumwenga wake mutsva, Ginger.a Kwemaminiti anopfuura 45, akamuzhambira achirayira kuti arambe akagara pachigaro. Kutaura kwakashata kwakava kwenguva dzose muroorano yavo. Nenzira isingafadzi, kushatirwa kwaJohn kwakawedzera. Airovera masuo, kurova tafura yemukicheni, uye aityaira noupengo achibhomodza chidhiraivho, nokudaro achiisa mungozi upenyu hwevamwe.
Nenzira isingafadzi, sezvaunoziva zvikuru pasina mubvunzo, zviitiko zvakadaro zvinowanzoitika. Hasha dzeuyu murume dzinoruramiswa here, kana kuti akanga achirasikirwa nokuzvidzora? Hasha dzose dzakaipa here? Ndirini apo hasha dzinenge dzisingadzorwi? Ndirini padzinonyanyisa?
Hasha dzinodzorwa dzingaruramiswa. Somuenzaniso, hasha dzaMwari dzakaitirwa maguta ekare, ane unzenza eSodhoma neGomora. (Genesi 19:24) Nei? Nemhaka yokuti vaigara mumaguta iwayo vaiita miitiro yevatano yemasimba masimba uye yakashata, sezvaisanozivikanwa munharaunda yacho yose. Somuenzaniso, apo nhumwa dzengirozi dzakashanyira murume akarurama Roti, mhomho yevarume vaduku pamwe chete nevarume vakura yakaedza kubata chibharo kweboka vaenzi vaRoti. Jehovha Mwari akashatiriswa zvinoruramiswa nounzenza hwavo hwakakomba.—Genesi 18:20; 19:4, 5, 9.
SaBaba vake, munhu akakwana Jesu Kristu aiva nenguva yokushatirwa. Temberi muJerusarema yakanga ichifanira kuva nzvimbo yekunamatira yevanhu vakasarudzwa vaMwari. Yaifanira kuva “imba yokunyengetera,” umo vanhu vamwe nevamwe vaigona kupa zvibayiro zvemunhu oga nezvipiriso kuna Mwari uye umo vaigona kurayiridzwa munzira dzake ndokukanganwirwa zvivi zvavo. Patemberi vaigona, sokunge zvakadaro, kukurukura naJehovha. Panzvimbo pezvo, vatungamiriri verudzidziso muzuva raJesu vakachinja temberi kuva “bako remakororo” uye “imba yokutengesera.” (Mateo 21:12, 13; Johane 2:14-17) Vakaita mhindu semunhu oga mukutengeswa kwemhuka dzaifanira kushandiswa sezvibayiro. Kutaura idi, vakanga vachidyeredzera boka. Nokudaro, Mwanakomana waMwari airuramiswa zvakakwana apo akadzinga makororo iwayo muimba yaBaba vake. Jesu nenzira inonzwisisika akashatirwa!
Apo Vanhu Vasina Kukwana Vanoshatirwa
Vanhu vasina kukwana padzimwe nguva vanogonawo kushatiriswa nenzira yakarurama. Rangarira chakaitika kuna Mosesi. Rudzi rwaIsraeri rwakanga ruchangobva kununurwa nenzira inoshamisa kubva kuEgipita. Jehovha akanga aratidza simba rake nenzira inoshamisa pana vamwari venhema veEgipita kupfurikidza nokurova vaEgipita nematambudziko gumi. Ipapo akazarurira vaJudha nzira yekupukunyuka nayo, kupfurikidza nokuparadzanisa Gungwa Dzvuku. Pashure pezvo, vakatungamirirwa kuenda kujinga reGomo reSinai, uko vakarongwa kuva rudzi. Achibatira semurevereri, Mosesi akakwira mugomo racho kunogamuchira mitemo yaMwari. Pamwe chete nemimwe mitemo yose, Jehovha akapa Mosesi Mirayiro Gumi, yakanyorwa “nomunwe waMwari” pamahwendefa ematombo ayo Mwari amene akanga aveza mugomo. Zvisinei, apo Mosesi akaburuka, akawanei? Vanhu vakanga vatendeukira kukunamata mufananidzo wemhuru! Vakakanganwa nokukurumidza sei! Mavhiki mashomanene akanga apera. Nenzira yakarurama, “shungu dzaMosesi dz[a]kamuka.” Akaputsa mahwendefa ematombo ndokupfuurira kuparadza mufananidzo wemhuru.—Eksodho 31:18; 32:16, 19, 20.
Pane imwe nhambo yepashure, Mosesi akashatirwa apo vanhu vakanyunyuta pamusoro pekuperevedza kwemvura. Ashatiriswa, kwechinguvana akarasikirwa nounyoro hwake hwakakurumbira, kana kuti kuzvidzora. Ikoku kwakatungamirira kuchikanganiso chakakomba. Panzvimbo pokurumbidza Jehovha soMugoveri waIsraeri, Mosesi akataura nehasha kuvanhu uye akatungamidzira ngwariro kumukoma wake Aroni naiye amene. Nokudaro, Mwari akakuona kwakafanira kuranga Mosesi. Akanga asingazobvumirwi kupinda munyika yechipikirwa. Pashure peichi chiitiko paMeribha, Mosesi haadudzwizve achishatirwa. Sezviri pachena, akadzidza chidzidzo chake.—Numeri 20:1-12; Dheuteronomio 34:4; Pisarema 106:32, 33.
Nokudaro, pane musiyano pakati paMwari nemunhu. Jehovha anogona ku‘dzora hasha dzake’ uye nenzira yakarurama anorondedzerwa se“anononoka kutsamwa” nemhaka yokuti rudo, kwete hasha, ndiro vara rake guru. Hasha dzake nguva dzose dzakarurama, nguva dzose dzinoruramiswa, nguva dzose dzinodzorwa. (Eksodho 34:6; Isaya 48:9; 1 Johane 4:8) Murume akakwana Jesu Kristu nguva dzose aikwanisa kudzora kuratidzwa kwehasha dzake; akarondedzerwa seaiva “munyoro.” (Mateo 11:29) Pane rumwe rutivi, vanhu vasina kukwana, kunyange varume vokutenda vakadai saMosesi, vakava nechinetso mukudzora hasha dzavo.
Uyewo, vanhu kazhinji kazhinji vanokundikana kurangarira zvakafanira migumisiro. Panogona kuva nemugumisiro usina kunaka nokuda kwekurasikirwa nokudzora hasha dzemunhu. Somuenzaniso, migumisiroi iri pachena kana murume akashatirirwa mudzimai wake kusvika pakuboora buri pamadziro nechibhakera chake? Midziyo inokuvadzwa. Ruoko rwake rungakuvadzwa. Asi kupfuura izvozvo, hasha dzake dzichava nemugumisiroi parudo noruremekedzo izvo mudzimai wake anazvo nokuda kwake? Madziro angagadzirwa mumazuva mashomanene, uye ruoko rwake rungapora mumavhiki mashomanene; asi kuchamutorera nguva yakareba sei kuti awanezve chivimbo noruremekedzo zvomudzimai wake?
Chaizvoizvo, Bhaibheri rakazadzwa nemienzaniso yevanhu vakakundikana kudzora hasha dzavo uye vakatambura migumisiro yacho. Rangarira mishomanene bedzi. Kaini akadzingwa pashure pokunge auraya munin’ina wake Abheri. Simeoni naRevhi vakatukwa nababa vavo nemhaka yekuuraya varume veShekemi. Jehovha akarova Uziya nemaperembudzi pashure pokunge Uziya ashatiriswa nevapirisita vaiedza kumururamisa. Apo Jona “akatsamwa,” Jehovha akamutsiura. Vose vaifanira kuzvidavirira nokuda kwehasha dzavo.—Genesi 4:5, 8-16; 34:25-30; 49:5-7; 2 Makoronike 26:19; Jona 4:1-11.
VaKristu Vanozvidavirira
Nenzira yakafanana, vaKristu nhasi vanofanira kuzvidavirira nokuda kwezviito zvavo kuvose vari vaviri Mwari uye, kusvika kutambanuko yakati, vatendi biyavo. Ikoku kunogona kuonwa zviri nyore mukushandisa kweBhaibheri mashoko echiGiriki anoratidzira hasha. Rimwe remashoko maviri anowanzoshandiswa ndior·geʹ. Kazhinji kazhinji rinoshandurwa kuti “kutsamwa” uye rine mufungo wekuziva uye kunyange kurangarira, kazhinji kazhinji nemurangariro wekutsiva. Nokudaro, Pauro akakurudzira vaKristu veRoma kuti: “Musatsiva vadikanwa, asi mudzivurire kutsamwa [or·geʹ]; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Kutsiva ndokwangu—ndizvo zvinoreva Ishe.’” Panzvimbo pokuchengeta kusafarira hama dzavo, vaikurudzirwa “[kukunda] zvakaipa nezvakanaka.”—VaRoma 12:19, 21.
Rimwe shoko rinowanzoshandiswa ndithy·mosʹ. Shoko guru “pakuvamba-vamba rinoratidzira kufamba kwemasimba masimba kwemhepo, mvura, pasi, mhuka, kana kuti kwevanhu.” Nokudaro, shoko racho rinorondedzerwa nenzira dzakasiyana-siyana se“kubudiswa kwakasimba kweutsinye,” “kuputika nehasha,” kana kuti “mirangariro yekusadzikama, inovhiringidza kutsinhirana kwendangariro, uye inoparira kakavadzano dzemhuri nedzevanhu uye funganyo.” Sekuputika kwegomo kungaitika pasina nyevero ndokuburitsa dota rinopisa, matombo, uye dhaka rinopisa, kungakuvadza, kuremadza, uye kuuraya, ndizvo zvakaita murume kana kuti mukadzi asingagoni kudzora hasha dzake. Chimiro chezvakawanda chathy·mosʹ chinoshandiswa pana VaGaratia 5:20, apo Pauro anoronga “kutsamwa” pamwe chete nemamwe “mabasa enyama” (VaGaratia 5 ndima 19), akadai seufeve, kusazvibata, uye udhakwa. Zvirokwazvo, mufambiro waJohn—warondedzerwa pakuvamba—unoratidzira zvakanaka “kutsamwa.”
Naizvozvo, ungano yechiKristu inofanira kurangarira sei vanhu vamwe nevamwe vanosonganira nayo avo vanoita mabasa emasimba masimba anodzokororwa mukurwisana nemunhu kana kuti chinhu chemumwe? Hasha dzisingadzorwi dzinoparadza uye dzinotungamirira zviri nyore kumasimba masimba. Nechikonzero chakanaka ipapoka, Jesu akati: “Ini ndinoti kwamuri: Unotsamwira hama yake uchapara mhosva ichatongwa.” (Mateo 5:21, 22) Varume vanorayirwa kuti: “Varume, idai vakadzi venyu, regai kuva nehasha navo.” Munhu a“[nokurumidza] kutsamwa” haakwanirisi semutariri muungano. Nokudaro, vanhu vamwe nevamwe vasingagoni kudzora hasha dzavo havafaniri kurangarirwa somuenzaniso kuungano. (VaKorose 3:19; Tito 1:7; 1 Timotio 2:8) Kutaura idi, pashure pokunge chimiro chendangariro, mufambiro, uye kukomba kwekuvadziko kuupenyu hwevamwe zvarangarirwa, munhu asingagoni kudzora kutsamwa angagona kudzingwa muungano—mugumisiro unotyisa zvirokwazvo.
John, ataurwa nezvake pakuvamba, akazombodzora mirangariro yake here? Akazombokwanisa kudzora kuwira kwake kwekukurumidza, kunodzika kungwavaira here? Zvisingafadzi kutaura, kudanidzira kwakakura kuva kusaidzira nokusunda. Kunongedza nomunwe kwakatungamirira kukudyunga chaikoiko nechigunwe, kunorwadza, kunokuvadza. John akanga achingwarira kudzivisa kukuvadza nzvimbo dzaioneka zviri nyore uye aiedza kuvanza mufambiro wake. Pakupedzisira, kunyange zvakadaro, akatanga kubanha, kurova nezvibhakera, kudhonza vhudzi, uye zvakaipa zvikuru. Ginger zvino akaparadzana naJohn.
Izvi zvakanga zvisingafaniri kuitika. Vakawanda vari mumamiriro ezvinhu akafanana vakakwanisa kudzora hasha dzavo. Kunokosha sei, naizvozvo, kutevedzera muenzaniso wakakwana waJesu Kristu. Haana kutongova nemhaka kunyange yokutsamwa kumwe kusingadzorwi. Hasha dzake nguva dzose dzakanga dzakarurama; haana kutongorasikirwa nokuzvidzora. Nenzira yokuchenjera, Pauro akatirayira tose: “Tsamwai, musingatadzi; zuva ngarirege kuvira muchakatsamwa.” (VaEfeso 4:26) Kubvuma nokuzvininipisa kuti tine ganhuriro sevanhu uye kuti tichakohwa zvatinodyara, tine chikonzero chakanaka chokudzora hasha.
[Mashoko Omuzasi]
a Mazita akachinjwa.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 11]
Sauro Anoedza Kuuraya Dhavhidhi/The Doré Bible Illustrations/Dover Publications, Inc.