Rangarira Ndyiko Yokutama!
YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSOUTH AFRICA
URI kufunga zvokutamira kune imwe nyika here? Wakarangarira ndyiko yacho here? Hatingorevi ndyiko yezvemari bedzi. Kunyange zvakadaro, zvisinei vanhu vazhinji vanorangarira kutama nokuda kwechengeteko yezvemari. Tinoreva ndyiko dzakavandika idzo dzinova dzinooneka bedzi pashure pokunge kutama chaikoiko kwapera. Kusvika panguva iyeyo kunowanzova kunyanyononoka kudzokera. Mifungo inotevera haina kuitirwa kukutyisa, asi yakafanirwa nokurangarira:
“Kudzidza mutauro mutsva kunoda kuzvininipisa nenhamburiko. Kunoodza mwoyo munhu mukuru kuziva kuti kunyange vana vaduku vanofunga kuti ndewechienzi nemhaka yokuti havagoni kumunzwisisa. Kuramba uchingoita zvikanganiso uchingosekwa nguva nenguva nemhaka yezvikanganiso zvako muedzo mukuru zvikuru wokuzviremekedza kuvazhinji. Upenyu hune ushoma zvikuru nokuda kwevokudzimwe nyika avo vasingagoni kutaura mutauro womunzvimbomo.”—Rosemary, mufundisi ari muJapan.
Zvimwe unorangarira kuti unoziva zvakakwana mutauro wacho kuti uve nezvakakwana zvokurarama nazvo. Asi une chokwadi chokuti mhuri yako yose inoziva zvakakwana kuti ifare pamusoro pokutama kwacho here?
Paizova netapuroi pamhuri kudai mimwe mitezo yaizonyengetedzwa kutama mukupesana nokuda kwayo? “Vamwe vakadzi [vokuMexico],” inodaro magazini inonzi Psychology of Women Quarterly, “vaisava nezvokutaura muchisarudzo chokutama uye vaisatongoda kutama, uyewo vaisada kusara muUnited States pashure pokutama.” Mumamiriro ezvinhu akadaro, kutama kwokumanikidzirwa kungagona kukuvadza kubatana kwemhuri. Asi zvakadiniko kana mugoveri wezvokudya akazvitamira pachake?
Kunofungidzirwa mubhuku rinonzi Population, Migration, and Urbanization in Africa kuti mune imwe nyika duku yokumaruwa yokumaodzanyemba kweAfrica, inopfuura 50 muzana ye“vanhurume vakura havapo pamba panguva ipi neipi.” Uku kusavapo kunogona kubira mhuri gutsikano nokudzikama. Kunosiyawo kwakazarukira bviro yokutera kuunzenza kwevakwanyina veroorano. Kuri nani zvikuru sei apo mhuri, kana ikasarudza kutama kana kuti kwete, inokwanisa kuramba iri pamwe chete! Kubatana kwemhuri ndechimwe chinhu icho mari isingagoni kutenga.
Ipapo, pane mutoro unorema wokugonana norusaruro. “Kwaisava kutozosvikira ndatamira kuEngland pandakaziva ‘chinetso chourudzi,’” anoyeuka kudaro mumwe mutami wokuIndia. “[Kuziva] ikoko kwakanga kwakaipa zvikuru. Katyamadzo inorwadza. Ndaida kudzokera kumba, kuti ndizvidzivise zvachose.”—The Un-melting Pot.
Naizvozvo usati watama, zvibvunze kuti: ‘Ndezvipi zvinotsiva? Hatigoni kuita gadziridzo tiri pamba here? Kutamira kuimwe nyika kwakafanira chaizvoizvo here?’ Kungava kana kuti kungasava, asi usati wasarudza, rangarira iri zano rakanaka rinobva kuna Jesu rinoti: “Ndiani kwamuri, kana achida kuvaka svingo, usingatangi kugara pasi, akaverenga kukosha kwayo, kuona kana ane mari yokuipedzisa nayo?”—Ruka 14:28.