RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 5/8 p. 32
  • Rakamusundira kuchiito!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Rakamusundira kuchiito!
  • Mukai!—1997
Mukai!—1997
g97 5/8 p. 32

Rakamusundira kuchiito!

Mumwe murume wokuCaracas, dzimbahwe reVenezuela, akashanyira baba vake vakwegura, Rufino. Baba vacho vaigara muLa Loma, musha uri kure mumaruwa. Mwanakomana wacho akaunzira Rufino bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano.

Gare gare, Zvapupu zvaJehovha zvokuLos Humocaros zvakaenda kunoparidza muLa Loma. Kukushamiswa kwazvo, vanhu vaingoramba vachitaura kuti chimwe Chapupu chakanga chichitovashanyira. Zvapupu zvacho zvakashamiswa nokuti zvaiziva kuti paisava neZvapupu zvaigara munharaunda yacho. Ipapo mumwe munhu akanongedzera kuimba yechainzi Chapupu chacho—yaiva imba yaRufino!

Rufino akafara zvikuru kusangana nevaeni vake. Nei avo vomumusha wake vakanga vamuzivisa somumwe weZvapupu zvaJehovha? Eya, Rufino akanga avamba kurava bhuku raKurarama Nokusingaperi, uye apo akasvika paganhuro 13, akaona mufananidzo waJesu achituma vateveri vake mubasa rokuparidza. Rufino akasvika mhedziso yokuti Vakristu nhasi vanofanira kuva vachiita basa rimwe chetero. Naizvozvo akavamba kugoverana nevavakidzani vake zvokwadi dzeBhaibheri dzaakanga achidzidza.

Fundo yeBhaibheri yenguva dzose yakatangwa naRufino, uye akaudzwa pamusoro pemisangano yeungano. Musi weSvondo wakatevera akanga aripo paHoro yoUmambo. Kunyange zvazvo Rufino akanga ava nemakore 80 okukura, akanga afamba maawa matatu kuti ave ikoko! Kubvira pazuva irero zvichienda mberi, haana kutongopotsa musangano mumwe kutoti kana akanga achirwara zvikuru. Akatonyoresa muChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari ndokupa hurukuro yakaisvonaka. Rufino akarwara gore rakapera, uye akafa muna July 1996, aine tariro yakasimba yokumukira kuparadhiso yepasi.

Tinodavira kuti iwewo uchabetserwa nokurava bhuku rine mapeji 256, rine mifananidzo inokwezva raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. Kana ungada kugamuchira kopi yaro kana kuti ungada kuva nefundo yeBhaibheri yapamusha yepachena, tapota nyorera Watch Tower Society, Private Bag A-6113, Avondale, Zimbabwe, kana kuti kukero yakarurama iri papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe