RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g97 4/8 pp. 24-26
  • Roorano Inogona Kuponeswa Pashure Pokusavimbika Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Roorano Inogona Kuponeswa Pashure Pokusavimbika Here?
  • Mukai!—1997
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Imba Yaparadzwa
  • Roorano Yacho Inogona Kuponeswa Here?
  • Kubvisa “Marara”
  • Kuvakazve
  • Kuchengeta
  • Upenyu Pashure Pezuva Remuchato
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2022
  • Kuramba Wakazvipira Muimba Yako
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Kana Roorano Yava Kudokupunzika
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
Ona Zvimwe
Mukai!—1997
g97 4/8 pp. 24-26

Murangariro weBhaibheri

Roorano Inogona Kuponeswa Pashure Pokusavimbika Here?

“Ndinoti kwamuri: ani naani unorasha mukadzi wake, asi nemhaka youpombwe, akawana mumwe, unoita upombwe.”—MATEO 19:9.

NEMASHOKO iwayo Jesu Kristu akabvumira kuti muKristu asarudze kuchatanura mukwanyina asina kutendeka.a Zvisinei, zvakadini kana mukwanyina asina mhaka achisarudza kuchengeta roorano uye varoorani vakasarudza kuvakazve ukama hwavo? Idenhoi dziri mberi nokuda kwevaroorani vacho, uye vanogona sei kupedza denho idzodzo nokubudirira? Ngationei kuti Bhaibheri rinobetsera sei kupindura iyi mibvunzo.

Imba Yaparadzwa

Tinofanira kutanga kunzwisisa ukuru hwekuvadziko hunoparirwa nekusavimbika. Sekutsanangura kwakaita Jesu, Muvambi weroorano akaronga kuti murume nemudzimai vave “vasisiri vaviri, asi nyama imwe.” Akawedzera kuti: “Zvino izvo Mwari zvaakasonganisa, munhu ngaarege kuzviparadzanisa.” Hungu, roorano yakagadzirirwa kubatanidza vanhu zvisingaparadzanisiki. Apo munhu anoputsa mhiko yeroorano kupfurikidza nokuita upombwe, migumisiro inotambudza inotanga.—Mateo 19:6, NW; VaGaratia 6:7.

Kunopupurira ikoku inhamo inowanwa nemukwanyina asina mhaka. Migumisiro yeupombwe inogona kufananidzwa neiyo yedutu rinopunza misha. Dr. Shirley P. Glass akati: “Varwere vanoverengeka vandakarapa vakandiudza kuti kungadai kwakavaitira nyore zvikuru kudai mukwanyina wavo akanga afa.” Sezvinobvumwa, vamwe vakarasikirwa nevakwanyina vavo murufu vangasabvuma. Zvisinei, kwakajeka kuti upombwe hunoparira marwadzo makuru. Vamwe vanhu havatongonayi chose chose pakunyengera kwacho.

Nemhaka yenhamo yakadaro, munhu angabvunza kuti, ‘Upombwe hunofanira kugumisa roorano here?’ Kwete hazvo. Kutaura kwaJesu pamusoro peupombwe kunoratidza kuti mukwanyina akatendeka ane chisarudzo cheMagwaro chekuchatanura asi haasungirwi kuita kudaro. Vamwe varoorani vanosarudza kuvakazve ndokusimbisa chakapunzwa, kupfurikidza nokuita chinjo dzinodikanwa—kunyange zvazvo pasina chinhu chinopembedza upombwe.

Chokwadika, kuri nani kuita chinjo dziri madikanwa muukama hweroorano apo mativi ose ari maviri anenge akatendeka kumumwe nomumwe. Zvisinei, kunyange apo kusavimbika kunenge kwaitika, vamwe vakwanyina vasina mhaka vanosarudza kuchengeta roorano yacho. Panzvimbo pokuvakira chisarudzo chakadaro pazvishuvo, mukwanyina asina mhaka anofanira kuyera migumisiro yacho. Sezvingabvira acharangarira zvinodikanwa zvevana vake pamwe chete nezvinodikanwa zvake amene zvemudzimu, zvemirangariro, zvemuviri, uye zvemari.b Achava akachenjerawo kurangarira kana roorano yake ichigona kuponeswa.

Roorano Yacho Inogona Kuponeswa Here?

Asati aedza kuvakazve imba yaparadzwa nedutu, muvaki anofanira kusarudza kana ichigona kudzorerwa. Nenzira yakafanana, vasati vaedza kuvakazve ukama hwaparadzwa nekusavimbika muroorano, varoorani—zvikurukuru mukwanyina akatendeka—vachada kuyera kubvira kwekuva pedyo kunodzorerwa nechivimbo muroorano yacho.

Chimwe chinhu chinofanira kurangarirwa ndechokuti mukwanyina ane mhaka anoratidza kupfidza kwepachokwadi here kana kuti, panzvimbo pezvo, achiri kuita upombwe “mumwoyo make.” (Mateo 5:27, 28) Kunyange zvazvo achivimbisa kuchinja, anozengurira kugumisa pakarepo ukama hwake hwounzenza here? (Eksodho 20:14; Revhitiko 20:10; Dheuteronomio 5:18) Achiri kuchiva here? Anopomera mudzimai wake nokuda kweupombwe hwake here? Kana zvakadaro, nhamburiko dzekudzorera chivimbo muroorano yacho dzingasabudirira. Pane rumwe rutivi, kana akagumisa unzenza hwacho, akagamuchira mutoro nokuda kwechakashata chake, uye akaratidza kuti akazvipira chose chose kukuvakazve roorano yacho, mudzimai wake angaona chikonzero chokukarira kuti chivimbo chechokwadi rimwe zuva chinogona kudzorerwa.—Mateo 5:29.

Uyewo, mukwanyina akatendeka anogona here kuzviita amene anokanganwira? Ikoku hakurevi kuti haafaniri kutaura mirangariro yake yekukuvadzwa kukuru pamusoro pechakaitika kana kuti anofanira kunyepedzera kuti hapana chanjinja. Kunoreva kuti achaedza, munguva yakafanira, kusapfuurira kuva nepfundepfunde huru. Kukanganwira kwakadaro kunotora nguva asi kunogona kubetsera kuvamba hwaro hwakasimba hwokuvakirazve roorano yacho.

Kubvisa “Marara”

Pashure pokunge mukwanyina akatendeka asarudza kuponesa roorano yavo, matanhoi ayo varoorani vacho vangatevera kuita? Kungofanana nemarara ari pamba yaparadzwa zvakaipa nedutu anofanira kubviswa, “marara” ari muroorano anofanira kubviswa. Ikoku kunogona kuitwa kusvikira kumwero wakati kana varoorani vacho vakataura mirangariro yavo kumumwe nomumwe. Zvirevo 15:22 inoti: “Pasingaranganwi mano anokona.” Shoko rechiHebheru rinoshandurwa kuti “rangana” rinoreva kuva pedyo uye rinoshandurwa kuti “poteredza” paPisarema 89:7. Naizvozvo ringabatanidza, kwete kutauriranawo zvako, asi kurukurirano yokutendeseka uye yepachokwadi umo vose vari vaviri vanoratidza mirangariro yavo mikurusa.—Zvirevo 13:10.

Somuenzaniso, muzvimwe zviitiko mukwanyina akatendeka angava nemimwezve mibvunzo yekubvunza murume wake. Nyengano yacho yakatanga sei? Yakapfuurira kwenguva yakareba sei? Ndianizve anoziva nezvayo? Sezvinobvumwa, kuchava kunorwadza kuti varoorani vakurukure uhu udzame. Zvisinei, mukwanyina akatendeka angawana kuziva kwakadaro kuri madikanwa kukudzorerwa kwechivimbo. Kana zvakadaro, kwakanakisisa kuti mukwanyina asina kutendeseka apindure nokutendeseka uye nokurangarira. Anofanira kutsanangura zvinhu nemutoo une rudo uye une mutsa, achirangarira kuti donzo rekurukurirano kuporesa, kwete kukuvadza. (Zvirevo 12:18; VaEfeso 4:25, 26) Vose vari vaviri vachafanira kushandisa nzwisiso, kuzvidzora, uye kuteerera kwekunzwira tsitsi sezvavanotaura mirangariro yavo pamusoro pezvakaitika.c—Zvirevo 18:13; 1 VaKorinte 9:25; 2 Petro 1:6.

Avo vari Zvapupu zvaJehovha vangada kukumbira rubatsiro kubva kuvakuru veungano. Chokwadika, nokuda kwevaKristu, zvivi zvakakomba zvakadai seupombwe zvinofanira kureururwa nokukurumidza kuvakuru, avo vanoitira hanya garikano yemudzimu yevaroorani uye ungano. Kungava kuti apo yakasangana nevakuru, mhombwe yakaratidza kupfidza kwepachokwadi uye nokudaro yakabvumidzwa kuramba iri muungano. Muchiitiko chakadaro, vakuru vanogona kupa rubatsiro runopfuurira kuvakwanyina vose vari vaviri.—Jakobho 5:14, 15.

Kuvakazve

Pashure pokunge varoorani vadzikamisa mirangariro yavo kusvika kumwero unobvira, vanokwanisa zvakanaka kuvakazve mativi anokosha eroorano yavo. Kurukurirano yepachokwadi inopfuurira kudikanwa. Apo kuneta kunowanwa, chinjo dzakafanira dzinofanira kuitwa.

Kudikanwa kwekuita chinjo kuchawira zvikurukuru pamukwanyina ane mhaka. Zvisinei, mukwanyina akatendeka anofanira kuita rutivi rwake mukusimbisa nzvimbo dzakaneta muroorano yacho. Ikoku hakurevi kuti upombwe hwacho hwakanga huri mhaka yake kana kuti hunogona kupembedzwa—hakuna chikonzero chakanaka nokuda kwekuita chivi chakadaro. (Enzanisa naGenesi 3:12; 1 Johane 5:3.) Kunongoreva zvako kuti kungave kwakanga kune zvinetso muroorano izvo zvaida kupedzwa. Kuvakazve ibasa revaviri. Pane kudikanwa kwekusimbisirana mipimo nevavariro here? Mibato yomudzimu yakaregeredzwa here? Uyu mutoo wekuwana nawo kuneta kwakakomba uye kuita chinjo dzinodikanwa unokosha zvikuru mukuvakazve roorano yakuvadzwa zvikuru.

Kuchengeta

Kunyange imba yakavakwa zvakanaka inoda kuchengetwa kwenguva dzose. Kunokosha sei, ipapoka, kuchengeta ukama hwavakwazve. Varoorani havafaniri kubvumira kupfuura kwenguva kuparadza kutsunga kwavo kubatirira kuzvisarudzo zvavo zvitsva. Panzvimbo pokuodzwa mwoyo kana vakawana mhinganidzo duku, zvakadai sokudzokerazve mumiitiro yakaipa yekurukurirano, vanofanira kuita matanho ekukurumidza kudzokera zvekare mugwara uye kupfuurira kufambira mberi.—Zvirevo 24:16; VaGaratia 6:9.

Kupfuura zvose, murume nomudzimai vanofanira kupa rudungwe rwavo rwomudzimu nzvimbo yekutangisisa, vasingatongorubvumiri, kana kuti roorano yavo, kuva rwechipiri kumumwe mubato. Pisarema 127:1 rinoti: “Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanobata pasina.” Uyewo, Jesu akanyevera kuti: “Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akaaita, ungafananidzwa nomurume wakachenjera, wakavaka imba yake paruware. Mumwe nomumwe unonzwa mashoko angu awa, akasaaita, ungafananidzwa nomurume benzi, wakavaka imba yake pajecha. Mvura ikanaya, mvura zhinji ikauya, mitutu ikavhuvhuta, ikarova imba iyo, ikawa, kuwa kwayo kukava kukuru.”—Mateo 7:24-27.

Hungu, kana nheyo dzeBhaibheri dzikafuratirwa nemhaka yokuti dzakaoma kushandisa, roorano yacho icharamba iri isina dziviriro kumuedzo unotevera wakaoma wekuvimbika. Zvisinei, kana murume nomudzimai vakabatirira kumipimo yeBhaibheri muzvinhu zvose, roorano yavo ichava nechikomborero chaMwari. Vachavawo nesundo yakasimba zvikurusa yekutendeka muroorano—chishuvo chokufadza Muvambi weroorano, Jehovha Mwari.—Mateo 22:36-40; Muparidzi 4:12.

[Mashoko Omuzasi]

a Kune zvikonzero zvakanaka nei munhu angasarudza kuchatanura mukwanyina mhombwe. Nokuda kwekukurukurwa kune udzame kweiyi nhau, ona “Murangariro weBhaibheri: Upombwe—Kukanganwira kana kuti Kusakanganwira?” muchinyorwa cheMukai! chaAugust 8, 1995.

b Tinonongedzera kumukwanyina asina kutendeka semunhurume. Kumwe kunzvera kunofungidzira kuti varume vane mwero wekusavimbika unopfuura wevakadzi nekaviri. Zvisinei, nheyo dzinokurukurwa dzinoshanda zvakaenzana apo mukwanyina asina mhaka anenge ari murume wechiKristu.

c Nokuda kwemashoko pamusoro pekuteerera kwakanaka, ona Mukai! yaFebruary 8, 1994, mapeji 22-25, uye yaDecember 8, 1994, mapeji 10-13.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe