Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Ndinogona Sei Kuva Shamwari yaMwari?
“RUVIMBIKO.” “Kuzvipira kwomunhu oga.” Aya mashoko vanhu vanoshandisa kazhinji kazhinji kurondedzera batano yavo neshamwari dzavo dzepedyosa. Waiziva here kuti uku kutaura kunogonawo kurondedzera batano neMusiki Mukuru weichi chisiko chose chinotyisa—kuti Mwari amene anogona kuva shamwari yako yomunhu oga? Hungu, Bhaibheri rinotaura nezvekuva nekuzvipira kwoumwari, uye kutaura ikoko kunobatanidza kwete bedzi kuteerera asiwo batano yomunhu oga naMwari, kuva pedyo kunobva mumwoyo unoonga.
Nyaya dzakapfuura muiyi nhevedzano dzakaratidza kuti batano yakadaro iri zvose zviri zviviri inobvira uye inobetsera.a Asi unowana sei chaizvo uhu ushamwari hwomunhu oga naMwari? Hachisi chimwe chinhu chaunoberekwa unacho kana kuti chaunoerekana wagara nhaka chichibva kuvabereki voumwari. Panzvimbo pezvo, chimwe chinhu chinouya bedzi kupfurikidza nenhamburiko yepachokwadi. Muapostora Pauro akaudza murume muduku Timotio ku‘zvirovedza amene nekuzvipira kwoumwari sevavariro yake.’ Hungu, aifanira kushandisa rudzi rwenhamburiko urwo mumhanyi anoshandisa mukurovedza! (1 Timotio 4:7, 8, 10) Unofanira kuita nenzira yakafanana kana Mwari achizova shamwari yako. Asi unogona sei kuvamba kurovedza muna ikoku?
Kuziva Mwari Kwemunhu Oga
Sezvo kuzvipira kwoumwari kuchibva mumwoyo, unofanira kuzadza mwoyo wako nekuziva Mwari. Zvisingafadzi kutaura, apo pwere dzinopfuura 500 dzakabvunzwa kuti “Kazhinji sei kaunorava Bhaibheri uri oga?” 87 muzana dzakataura kuti “panhambo nenhambo,” “nenguva iri kure,” kana kuti zvimwe “nyangwe.” Sezviri pachena pwere zhinjisa dzinofunga kuti kurava Bhaibheri hakufadzi uye kunofinha. Asi hakufaniri kuva kwakadaro! Rangarira: Nei dzimwe pwere dzichidzidza nomusoro marudzi ose emashoko emitambo kana kuti kudzidza mashoko enziyo dzadzinofarira zvikuru? Nemhaka yokuti dzinofarira zvinhu izvozvo. Nenzira yakafanana, kufunda Bhaibheri kunova kunofadza kana uchinyura makuri. (1 Timotio 4:15) Muapostora Petro akakurudzira kuti: “Pangai mukaka womweya, usina kushatiswa.” (1 Petro 2:2) Hungu, unofanira kuumba, kana kuti kukudziridza, fariro yakadaro muMagwaro. Ikoku kungada nhamburiko, asi tuso dzacho dzakakufanira.b
Imwe betsero, kurava nokufunda Shoko raMwari nezvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri kucharatidza “kunaka kwaJehovha.” (Pisarema 27:4) Mumwe muKristu muduku anonzi Amber akakuita nharidzano yake kurava Bhaibheri rose. Ikoku kwakatora rinodokusvika gore. “Handina chokwadi kuti kuchava nezvinhu zvakawanda muupenyu hwangu zvinoda nguva yakawanda kwazvo nenhamburiko asi zvichiunza tuso dzakawanda kwazvo,” akatsanangura kudaro Amber. “Apo ndakanga ndichirirava, ndakanzwa sokunge Jehovha akanga akandigarisa pachidya chake sababa uye achindidzidzisa. Ndakadzidza zvakawanda kwazvo pamusoro paJehovha—zvinhu zvakandiswededza pedyo zvikuru naye uye zvakandiita kuti ndide kumutya kweupenyu hwangu hwose hwasara.”
Apo unorava Bhaibheri, unodzidza nezvezviitiko zvakawanda apo Mwari akatsigira nokuvimbika shamwari dzake. (Pisarema 18:25; 27:10) Unowana kuti mipimo yake nguva dzose yakanakisisa uye ndeyokubetserwa kwedu kusingaperi. (Isaya 48:17) Kurava pamusoro pemavara asingaenzaniswi aMwari, akadai serudo rwake neuchenjeri, kunokupesvedzera kuda kumutevedzera. (VaEfeso 5:1) Asi kuti mashoko akadaro anyandure mwoyo wako, unofanirawo kufungisisa. Sezvaunorava, zvibvunze umene kuti: ‘Izvi zvinondiudzei pamusoro paJehovha? Ndinogona sei kushandisa izvozvi mukufunga kwangu nezviito? Izvi zvinoratidza sei kuti Mwari ndiye shamwari yakanakisisa yandinogona kuva nayo?’
Zivo yaunowana pamusoro paMwari kupfurikidza nefundo yemunhu oga neyeungano ichakubetsera kuswedera pedyo zvikuru naye muimwe nzira. Chirevo chechiFrench chinoti: “Shamwari bedzi dzechokwadi dzinofunga semunhu mumwe.” Asi unogona sei ku“funga semunhu mumwe” naMwari? Denise muduku anotsanangura kuti: “Kana ukafunda zvikuru ndokunzvera nhau, uchawana zvikuru murangariro waJehovha pairi. Kunobetsera apo unoziva manzwire aanoita pamusoro pechimwe chinhu.”
Mufambiro Wakarurama Unokosha
Mwari anosarudza seshamwari dzake avo bedzi vanoremekedza mipimo yake yetsika. “Ane ukama navakarurama,” inodaro Zvirevo 3:32. Pwere inovavarira kuva yakarurama icha“famba nomwoyo wose nomurayiro waJehovha.” (2 Madzimambo 10:31) Mufambiro wakadaro wokuteerera uchaswededza munhu pedyo naMwari sei? Jesu Kristu akati: “Baba vangu vachamuda, tichauya kwaari, tikaita hugaro hwedu maari.” (Johane 14:21-24) Chiono chinofadza zvakadini! Fungidzira, vanhu vaviri vakurusa muchisiko chose vachipa kufunga kwavo kwenguva dzose neitiro hanya kumunhu! Izvozvo zvichaitika kwauri kana ukangwarira kufamba mumutemo waJehovha!
Kuva akarurama kunoreva here kuti unofanira kuva akakwana? Nyangwe! Kuita chikanganiso nemhaka yeutera hakurevi kuti warega ‘kufamba munzira yemirayiro yaMwari.’ (Pisarema 119:35) Rangarira izvo Bhaibheri rinotiudza pamusoro paMambo Dhavhidhi. Pasinei zvapo nokuva shamwari yakavimbika yaMwari, akaita zvikanganiso zvakakomba zvikuru nemhaka yeutera. Kunyange zvazvo zvakadaro, Jehovha akataura kuti akanga afamba “nomwoyo usinganyengeri, nokururama.” (1 Madzimambo 9:4) Mambo Dhavhidhi nguva dzose akaratidza kupfidza kwemwoyo wose nokuda kwechakashata chipi nechipi chaakaita uye akaedza zvakasimba kuita zvakanga zvichifadza kuna Mwari.—Pisarema 51:1-4.
Kunyange zvazvo Dhavhidhi aida Mwari, aiziva kuoma kwakwaigona kuva padzimwe nguva kuita chinhu chakarurama. Ndicho chikonzero nei akakumbira Mwari kuti: “Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu.” Hungu, akakudziridza kutya kwechokwadi, kana kuti rutyo, rwokugumbura Mwari. Nokudaro Dhavhidhi aigona kuti: “Zvakavanzwa zvaJehovha ndezvavanomutya.” (Pisarema 25:5, 14) Urwu harusi rutyo rwakaipa asi ruremekedzo rukuru rwunonzwiwa nokuda kweMusiki uye rutyo rwakanaka rwekusamufadza. Urwu rutyo rwoumwari ndirwo hwaro apo mufambiro wakafanira unovakirwa. Kuenzanisira, rangarira muenzaniso wepwere yechiKristu inonzi Joshua.
Joshua akagamuchira tsamba yakabva kuwemuchikoro biyake yaitaura kuti aimuda uye aida “kudanana” naye. Joshua, kunyange zvazvo aikwezvwa naye, akaziva kuti kusonganira neasingatendi kwaigona kutungamirira kuunzenza uye kwaigona kukuvadza ushamwari hwake naJehovha. Naizvozvo akamuudza nenzira yakajeka kuti akanga asingafariri! Apo gare gare akaudza amai vake mabatire aakanga aita mamiriro acho ezvinhu, vakakuwa vasina kufunga kuti: “Haiwa, Joshua, zvimwe wamugumbura!” Joshua akapindura kuti: “Asi, Amai. Ndingasva hangu ndamugumbura panzvimbo pokugumbura Jehovha.” Rutyo rwake rwoumwari, kutya kwake kusafadza Shamwari yake yokudenga, zvakamusunda kuchengeta mufambiro wakarurama.
Tsvaka Vasonganiri Vakanaka
Pwere inonzi Lynn, zvisinei, yakaramba ichipinda muchinetso. Chinetso chacho? Akanga achisonganirana neboka rakashata. (Eksodho 23:2; 1 VaKorinte 15:33) Mhinduro yacho? Kutsvaka shamwari itsva! “Kana une shamwari dzinoda Jehovha,” Lynn akagumisa kudaro, “kunokubetsera kuchengeta hana yakaisvonaka ndokusapinda muzvinetso. Apo dzinoratidza kunyangadzwa nechakashata, kunokuita kuti unzwe nenzira imwe cheteyo.”
Chaizvoizvo, chisarudzo chakashata cheshamwari chinogona kuva mhinganidzo hurusa kukuva neushamwari naMwari. Ann ane makore gumi nemasere okukura akabvuma kuti: “Vasonganiri vako vane pesvedzero huru. Pane imwe nguva uchava akafanana navo. Vanokupesvedzera kufunga sezvavanoita. Kurukurirano dzacho zvikurusa dzingava pamusoro pevatano. Kungakuita kuti uve anoda kuziva. Unoshamisika kuti ichava yakaita sei.” Ann akaziva izvozvi nenzira yakaoma. Anoti: “Ndinoziva kuti ikoku ichokwadi. Ndakabatanidzwa muunzenza uye ndakava nepamuviri ndine makore 15.”
Ann pakupedzisira akasvika pakunzwisisa uchokwadi hwemashoko eBhaibheri okuti: “Naizvozvo mumwe nomumwe, unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” (Jakobho 4:4) Hungu, Ann aida kuva—akanga akatsunga kuva—shamwari yenyika. Asi ikoku kwakatungamirira bedzi kunhamo imwe pashure peimwe. Nenzira inofadza, Ann akafunga zvakanaka. Akazvidemba zvikuru pamusoro penzira yake uye akatsvaka betsero kuvabereki vake nevakuru vemuungano yake. Akazviwanirawo amene boka idzva reshamwari. (Pisarema 111:1) Nenhamburiko yake huru, Ann akakwanisa zvekare kuva shamwari yaMwari. Zvino, makore anoverengeka gare gare, iye anoti: “Ukama hwangu naJehovha hwava pedyo zvikuru.”
Kupfurikidza nefundo yemunhu oga yeBhaibheri, fungisiso, mufambiro wakarurama, uye songaniro dzakanaka, iwewo unogona kusakurira ushamwari hwepedyo naMwari. Zvisinei, kuchengeta ushamwari ihwohwo ndeimwe nhau. Kunobvira sei kuita saizvozvo pasinei zvapo nezvinetso uye utera hwomunhu oga? Nyaya yenguva yemberi munhevedzano ino ichakurukura iyi nhau.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona zvinyorwa zvechiNgezi zveMukai! zvaAugust 8 naDecember 8, 1995.
b Ona zvinyorwa zvechiNgezi zveMukai! zvaJuly 22 naNovember 22, 1995.
[Mufananidzo uri papeji 24]
Vasonganiri vangu vachandibetsera here kuva shamwari yaMwari?