RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 7/8 p. 31
  • Tiibhii Inodzorera!

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tiibhii Inodzorera!
  • Mukai!—1996
  • Mashoko Akafanana
  • Rukundo Nenhamo
    Mukai!—1998
  • Kudzivirira Kutsva Mukurwisana—neTibhii
    Mukai!—1999
  • Kufa Kunokwikwidzana Nehondo
    Mukai!—1998
  • Mhinduro Yapasi Rose—Zvinobvira Here?
    Mukai!—1998
Ona Zvimwe
Mukai!—1996
g96 7/8 p. 31

Tiibhii Inodzorera!

CHIBVIRO chama1950, nhamba yezvirwere zvetiibhii (TB) yakaderera muUnited States pamwero we5 muzana pagore. Zvisinei, chibviro cha1985, kwave kune wedzero ye18 muzana muzvirwere zvakashumwa zveTB. Chinotovhiringidza zvikuru kuvapo kwerudzi rutsva rwechirwere chisingarapiki nemishonga. TB zvino inouraya vanhu vanofungidzirwa kuva mamiriyoni matatu gore rimwe nerimwe. Nemhaka yei kurwisana neTB kusiri kubudirira?

Chimwe chikonzero ndechokuti varwere vazhinji vanongokundikana kushandisa mushonga wavo kwenhambo inodikanwa—kazhinji kazhinji mwedzi mitanhatu kusvikira kumipfumbamwe. MuNew York City, somuenzaniso, imwe fundo yakaonesa kuti 89 muzana yeboka ravarwere vane 200 vane TB yakakwira havana kupedza kurapwa kwavo. “Ikoko kunotyisa zvikuru,” anodaro Dr. Lee Reichman, purezidhendi weAmerican Lung Association, “nemhaka yokuti vanhu avo (a) havasati vachizoporeswa, uye (b) Ivo sezvinobvira vachavamba TB isingarapiki nemishonga inowanzoshandiswa.” Asi ava vane chirwere chacho ivava vanogona kutapura zvinopfuura hutano hwavo vamene. “Kupfurikidza nokusashandisa mushonga wavo,” Dr. Reichman anowedzera kudaro, “vanogona kutapurirawo vamwe vanhu chirwere chacho.” Ichochi pasina panikiro ndicho chimwe chinoparira anofungidzirwa mumamiriyoni masere ezvirwere zvitsva zvinocherekedzwa gore rimwe nerimwe.

Vadzidzi veBhaibheri vanoziva kuti ‘nhenda munzvimbo nenzvimbo’ mativi echiratidzo chokuti tiri kurarama mu“mazuva okupedzisira” etsika ino yezvinhu. (Ruka 21:11; 2 Timotio 3:1) Chii chichatevera? Pasi idzva, umo “[musina] ugeremo, uchati: Ndinorwara.” (Isaya 33:24) Hungu, Jehovha Mwari anopikira, kwete zorodzo rechinguvana, asi kusunungurwa kwechigarire muchirwere norufu.—Zvakazarurwa 21:1-4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe