RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 7/8 p. 32
  • Vasingapambadzi, Havashayiwi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vasingapambadzi, Havashayiwi
  • Mukai!—1996
Mukai!—1996
g96 7/8 p. 32

Vasingapambadzi, Havashayiwi

MUNZANGA yedu yazvino uno inoshanda, kuraswa kwemarara kusina ngozi nezviraswa zvine ngozi zvezvigadzirwa kwazova chinhu chinotyisa. Mukupesana, chisiko chaMwari chishamiso chokuchengetedza nokushandisazve zvamboshanda. Rangarira, somuenzaniso, zinga. Namo, yokuvakisa zinga, chinhu chinodhura—nyuchi inogadzira uchi inoda magiramu 16 euchi nomukume wakawanda zvisingazivikanwi kuti igadzire giramu rimwe chete renamo. Ko nyuchi dzinoronga sei namo yadzo? “Madziro enamo emabhokisi ezinga anosangana ari matatu matatu achiita makona emadhigiri 120, achigadzira mabhokisi ane mativi matanhatu,” rinotsanangura kudaro bhuku rinonzi By Nature’s Design. “Patani iyi inogonesa nyuchi kuderedza uwandu hwenamo yadzinoshandisa, nepo dzichigovera chivako chakasimba mokuchengetera uchi.” Naizvozvo chivako chounyanzvi chinobatanidza runako rwechimiro nokuchengetedza, uye rinogona kushandiswazve!

Kana uchifarikanya kurava nyaya dzesayenzi nezvishamiso zvomusikirwo uye ungada kugamuchira Mukai! nguva dzose, onana neZvapupu zvaJehovha zviri munharaunda mako kana kuti nyorera kero iri pedyosa yakarongwa papeji 5.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe