Unogona Kuvandudza Yeuko Yako
“Ndine hanganwa zvikuru.” Wakambotaura izvozvo here? Kana wakadaro, usapera mwoyo. Zvikarakadzo zvishomanene zvakapfava nenhamburiko duku zvinogona kuparira vandudziko inoshamisa. Usarerutsa uropi hwako. Mano ahwo anoshamisa.
UROPI hunoita sei mabasa ahwo anoshamisa? Mumakore mashoma apfuura uropi hwakanzverwa zvikuru kupfuura nakare kose. Asi kunyange zvazvo nzwisiso iri kuwedzera, tichiri vanoziva zvishomanene zvikuru pamusoro penzira iyo uropi hunoita nayo chaizvoizvo zvinhu zvahunoita.
Nzira yatinodzidza nayo ndokuyeuka mashoko haina kujeka, asi vanzveri vari kuedza kuwadzanyura ichi chakavanzika. Anobatanidzwa mukudzidza nokuyeuka masero etsinga nemaneuron anofungidzirwa kuva mabhiriyoni 10 kusvikira kumabhiriyoni 100, ari muuropi. Asi kune batano dzinopeta nekanenge kane uwandu ihwohwo dziri pakati pemaneuron. Imwe rondedzero ndeyokuti sezvo batano dzacho, kana kuti masynapse, dzinosimbiswa kupfurikidza nokushandiswa, kudzidza kunoitika.
Sezvatinokwegura, mano endangariro angaderera; kuita kwedu kungaderera. Masero europi haazvimutsidziri amene, uye vakura vanorasikirwa sezviri pachena nemamwe nenzira inopfuurira. Asi kusvika kumwero watinoshandisa nawo uropi hwedu, tingagona kuchengetedza mano edu endangariro kwenguva refu zvikuru.
Chimiro chedu chendangariro chinopesvedzera uropi. Chimiro chendangariro chokuva netariro, chokufara chinovandudza kushanda kwouropi pazera ripi neripi. Imwe dzvinyiriro ingava inobetsera, asi dzvinyiriro yenguva refu, yakanyanyisa inodzongonyedza kushanda zvakanaka kwouropi. Kurovedza muviri kunogona kubetsera kubvisa dzvinyiriro yendangariro.
Kunyange zvazvo ikoku kungava kunokurudzira idi nderokuti, tingava tichiri vanokanganwa zvinhu zvinokosha, pasinei zvapo nezera redu. Tinogona kuvandudza here? Imwe nharaunda umo vazhinjisa vane chinetso mukuyeuka mazita avanhu vatinosangana navo.
Kuyeuka Mazita Avanhu
Zvikarakadzo zvishomanene zvakapfava zvinogona kukubetsera zvikuru kuyeuka mazita zviri nani. Kufarira munhu wacho kunobetsera. Zita romunhu rinokosha kwaari. Kazhinji kazhinji hatigoni kuyeuka zita racho nemhaka yokuti hatina kurinzwisisa zvakarurama pakuvamba. Naizvozvo apo unosumwa, wana zita racho nenzira yakajeka. Kumbira munhu wacho kuridzokorora kana kuri madikanwa kana kuti kunyange kuriperetera. Rishandise kanoverengeka mukurukurirano yako. Apo unooneka, shandisa zita romunhu wacho. Uchashamiswa nenzira iyo aya mapfundo mashomanene achabetsera nayo.
Chimwe chikarakadzo icho chinogona kubetserazve yeuko yako nokuda kwamazita ndechokubatanidza zita romunhu nechimwe chinhu chaunogona kufungidzira mundangariro mako. Kana ungagona kuisa chiito mumufananidzo wacho, kuchava kunobetsera zvikuru.
Somuenzaniso, mumwe munhu akanga ane chinetso mukuyeuka zita rokutanga romuzivikanwiwo zvake, rakanga riri Munyaradzi. Nokudaro apo aiona munhu iyeyu, aifunga nezverevo yeshoko rokuti “nyaradza,” “kuita kuti munhu arege kuchema kana kuti kutambudzika.” Aiona murume wacho achinyaradza mwana nesiwiti. Kwakashanda nguva dzose; zita rokuti Munyaradzi raikurumidza kuuya mundangariro yake.
Mazita mazhinji angasava nerevo kwauri, naizvozvo uchafanira kutsiva neshoko rinofanana nezita racho. Hazvina mhosva kana shoko rako rinotsiva risinganyotsofanani nokunzwika kwezita racho. Yeuko yako ichava inoyeuka zviri nani zita racho kubva mukubatanidza kwacho. Apo unoumba mashoko ako umene nemifananidzo yendangariro, murangariro wacho wakasimba zvikuru.
Somuenzaniso, wakasumwa kuna vaThomas Chakazama. Ungatsiva nedomasi rakazara. Unoona domasi rakazara richichekererwa mupoto.
Unodikanirwa kuwanzoita ikoku nenzira yokushingaira kwechinguvana, asi kunoshanda chaizvoizvo. Harry Lorayne anotsanangura uyu mutoo mubhuku rake rinonzi How to Develop a Super-Power Memory, uye akaushandisa panhambo zhinji dzavose. Anoti: “Kazhinji kazhinji ndaifanira kusangana navanhu zana kusvikira kumazana maviri mumaminiti gumi namashanu kana kuti asingasviki, ndisingakanganwi zita rimwe!”
Nzira Yokuisa Nayo Ndaza Muyeuko
Unogona sei kuvandudza mano ako okuyeuka ndaza yezvinhu zvisina batano? Mutoo uri nyore unonzi muitiro wokubatanidza. Heano mashandire aunoita: Unoona muchiono chinhu chimwe nechimwe chiri mundaza ipapo ndokubatanidza mufananidzo wacho wechinhu chokutanga nomufananidzo wechinhu chechipiri, ipapo ita zvimwe chetezvo nokuda kwechinhu chechipiri nechechitatu, uye zvichingodaro.
Somuenzaniso, unofanira kuwana zvinhu zvishanu pasupamaketi: mukaka, chingwa, girobhu, hanyanisi, uye aizi kirimu. Tanga nokubatanidza mukaka nechingwa. Fungidzira uchidurura mukaka kubva murofu rechingwa. Nepo mufananidzo ungava uchisetsa zvikuru, uchakubetsera kuroverera zvinhu zvacho muyeuko yako. Uyewo, edza kupinza chiito muchiono chacho chendangariro icho chinokubatanidza mukudurura mukaka.
Pashure pokubatanidza mukaka nechingwa, pfuurira mberi kuchinhu chinotevera, girobhu. Ungabatanidza rofu rechingwa negirobhu kupfurikidza nokuzviona uchiedza kuisa rofu rechingwa panoiswa girobhu. Ipapo batanidza girobhu nehanyanisi kupfurikidza nokuzviona umene uchimenya girobhu guru uye uchichema sezvaunokuita. Chokwadika, kuri nani kana ukazviitira kubatanidza kwacho. Unogona kuita kubatanidza pakati pezvinhu zvokupedzisira here, hanyanisi neaizi kirimu? Zvimwe unogona kufungidzira uchidya aizi kirimu yehanyanisi!
Ona kana ungagona kuyeuka ndaza yacho. Ipapo edza yeuko yako nendaza yako umene. Iite yakareba sezvaunoda. Yeuka, kuita kuti kubatanidza kwacho kuve kunoyeukwa zvikuru, unogona kukuita kunosetsa kana kuti kunyange kusingadaviriki kana kuti kune ukuru husingawirirani. Edza kuisa chiito mumufananidzo wacho, uye tsiva chinhu chimwe nokuda kwechimwe chacho.
Vamwe vangaramba kuti uyu mutoo unotora nguva refu kupfuura kungoisa muyeuko ndaza yacho. Zvisinei, kunotora nguva refu kutsanangura kupfuura kukushandisa. Wangorovedza bedzi, uchaita kubatanidza nokukurumidza, uye kuyeuka kwako, pamwe chete nokukurumidza kwokudzidza, zvichava zviri nani zvikuru kupfuura kana ukaedza kudzidza pasina muitiro. Apo vanhu 15 vakakumbirwa kuyeuka ndaza yezvinhu 15 zvisina kurongwa vasingashandisi muitiro, avhareji yavo yezvinhu zvakagonwa yaiva 8,5. Richishandisa muitiro wokubatanidza kufananidzira kwomundangariro pane imwe ndaza, boka rimwe chetero rakaita avhareji ye14,3. Chokwadika, kana uchiyeuka kutakura ndaza yakanyorwa yeizvi zvinhu apo unoenda kunotenga, ikoko kwaizokupa nhamba yezvaunogona ye15—100 muzana!
Kuyeuka Zvaunorava
Munhambo ino yokuwedzera kwamashoko kukuru, imwe nharaunda umo vazhinjisa vedu tinoda betsero mukufunda zvakanaka. Fundo inokosha muchikoro, mubhizimisi, nokuda kwevandudziko yomunhu oga, uye mukugadzirira kutaura pamberi pavose. Mukuwedzera, muKristu anofanira kutsaura nguva yefundo yeBhaibheri yomunhu oga.—Johane 17:3.
‘Asi ndine chinetso chokuyeuka zvandakafunda,’ ungadaro. Chii chinogona kuitwa? Kudzidza kuita kuti uwane betsero hurusa munguva yako yefundo kunogona kukubetsera kuyeuka zvaunorava. Hezvino zvimwe zvikarakadzo.
Apo unofunda, kurongeka kwomunhu oga kunokosha. Iva namabhuku, zvinyoreso, uye pepa pedyo. Edza kufunda munharaunda inofadza ine zvinotsausa zvishoma uye nechiedza chakafanira. Dzima redhiyo neterevhizheni.
Iva nenguva yakarongwa yefundo. Nokuda kwavamwe, kufunda zuva rimwe nerimwe kwenhambo pfupi kungava kunobudirira zvikuru kupfuura kushandisa nguva refu panhambo imwe. Kwakanaka kukamura nguva yako kuva zvikamu. Panzvimbo pokufunda pasina kumira kwamaawa maviri, kungava kuri nani kukamuranisa nguva yacho kuva zvikamu zvamaminiti anobvira pa25 kusvikira ku40 chimwe nechimwe, nokutindika kupfupi kwamaminiti mashomanene pakati. Nzvero yakaratidza kuti ikoku kunoparira mwero wakakwirira zvikuru wokuyeuka.
Sarudza mashoko aunoda kurangarira mukati menhambo yako yefundo. Ikoku kunobetsera kupa ngwariro. Usati watanga bhuku, shandisa maminiti mashomanene kufanorinzvera. Tarira musoro wacho. Nzvera ndaza yezviri mukati, iyo inopfupikisa bhuku racho. Ipapo rava tsinhiro dzokutanga kana kuti sumo. Pano chinangwa chomunyori nomurangariro zvingadudzwa.
Usati watanga kurava ganhuro, fanorinzvera. Tarira misoro miduku, mifananidzo, machati, uye pfupiso, uye ndima dzokutanga nedzokupedzisira. Tarira mutsara wokutanga wendima imwe neimwe. Iyi mitsara inowanzova nezvibvumikiso zvikuru. Wana murangariro mukuru. Zvibvunze umene mibvunzo, yokuti: ‘Chii icho munyori aida kubvumikisa? Chii chandinogona kuwana kubva muaya mashoko? Ndezvipi zviri zvibvumikiso zvikuru?’
Kupa ngwariro kunokosha. Unofanira kuva anobatanidzwa chose chose. Chinokosha chacho kuita kuti nguva yako yefundo ive inonyandura zvikuru sezvinobvira. Mutsa mbavarira kupfurikidza nokurangarira mativi anoshanda amashoko acho. Isa muchiono. Shandisa pfungwa kupfurikidza nokufungidzira kunhuwira, munakiro, uye kubata kana zvakakodzera mashoko acho.
Wangobata bedzi revo yemashoko acho, wagadzirira kunyora zvinonyorwa. Kunyora zvinonyorwa kwakanaka kunogona kuwedzera kunzwisisa kwako nokuyeukwa kwamashoko. Zvinonyorwa hazvifaniri kuva mitsara yose asi zvinofanira kuva mashoko makuru kana kuti zvikamu zvamashoko izvo zvinokubetsera kuyeuka pfungwa huru.
Kunzwisisa mashoko hakusati kuchireva chaizvoizvo kuti uchava anokwanisa kuayeuka ose munguva yemberi. Idi nderokuti mukati mamaawa 24 okudzidza, mashoko akawanda se80 muzana angakanganikwa, zvichida kwechinguvana. Ikoko kunonzwika kuva kunoodza mwoyo, asi mamwe kana kuti akawanda e80 muzana anogona kuwanwazve kupfurikidza nokuhwirudzurazve mashoko acho. Pashure porusando rwefundo rumwe norumwe, hwirudzura kwemaminiti mashomanene. Kana kuchibvira, hwirudzurazve zuva rimwe gare gare, ipapo vhiki imwe gare gare, uye ipapo mwedzi mumwe gare gare. Kushandisa kwako aya mapfundo kungakubetsera mukuwana betsero huru zvikuru kubva munguva yako yefundo inokosha nokuyeuka zvawarava.
Naizvozvo usarerutsa uropi hwako. Mano ako okuyeuka zvinhu anogona kuvandudzwa. Mumwe musayendisiti akanongedzera kuuropi se“chinhu chakaoma kunzwisisa zvikuru chatinacho kusvikira panguva ino chinozivikanwa muchisiko chedu chose.” Mugumisiro wouchenjeri hunotyisa nesimba zvoMusiki wahwo, Jehovha.—Pisarema 139:14.
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kuti ugoyeuka ndaza, shandisa muitiro wokubatanidza: Funga mufananidzo wechinhu chimwe nechimwe. Ipapo batanidza mufananidzo wechokutanga nowechechipiri uye zvichingodaro
Ndaza yezvokutenga:
1. Mukaka 1 ne2 zvakabatana
2. Chingwa 2 ne3 zvakabatana
3. Girobhu 3 ne4 zvakabatana
4. Hanyanisi 4 ne5 zvakabatana
5. Aizi kirimu