RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 4/8 pp. 3-4
  • Mitezo Yechechi Yakatendeka Iri Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mitezo Yechechi Yakatendeka Iri Kupi?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chiri Kuitika Kuvapindi Vechechi?
  • Mufarwa Nechisarudzo Zvinotangira Kuzvipira Kworudzidziso
  • Neiko Chechi Iri Kurasikirwa Nepesvedzero?
    Mukai!—1996
  • Zvinhu Zvinokosheswa Pakunamata—Zviri Kunangepi?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mugumo Worudzidziso Wava Pedyo Here?
    Mukai!—1996
  • Chikamu 22: 1900 kuchipfuurira—Rudzidziso Rwenhema Rwakurirwa Nenguva Yarwo Yakapfuura!
    Mukai!—1991
Mukai!—1996
g96 4/8 pp. 3-4

Mitezo Yechechi Yakatendeka Iri Kupi?

YAKANYORWA NOMUNYORI WEMUKAI! MUSPAIN

“Hapana chimwe chinhu chinoparadza zvikuru rudzidziso sokusaitira hanya.”

EDMUND BURKE, NYANZVI YEZVEHURUMENDE YEBRITAIN YEZANA RAMAKORE RECHI18.

MUNYIKA inovhuvhutwa nemhepo iri munharaunda yokuchamhembe kweSpain mune taundi duku reCaleruega. Taundi racho reMiddle Ages rine imba yamanani yakatanhamara inoorora yeRomanesque. Yakavakwa makore 700 akapfuura mukukudzwa kwaDomingo de Guzmán, muvambi wesangano reDominic, uyo akaberekerwa muno. Kwamazana manomwe amakore imba yacho yamanani yakagarwa namanani anosarudza kugara murunyararo uye oga.

Denga reimba yacho yamanani rinobvinza, uye madziro acho ekare ari kuvamba kukoromoka. Asi amai vari mutungamiriri weimba yacho yorudzidziso vanoitira hanya kuora kwakapararira zvikuru—kukoromoka kworudzidziso rwumene. “Apo ndakapinda muimba yamanani anenge makore 30 akapfuura, makanga mune manani 40 muno,” vanotsanangura kudaro. “Zvino munongova ne16 bedzi vedu. Hamuna echiduku. Basa rorudzidziso rinoratidzika kuva chimwe chinhu chomunguva yakapfuura.”

Zviri kuitika muCaleruega zviri kuitika murutivi rukurusa rweEurope. Kwave kusina fungu rokurangarira kunopesana norudzidziso, kungorega chinyararire bedzi, kusingachinjiki. Macathedral akakurumbira eEurope anobatira vashanyi panzvimbo pokukwezva “mitezo yechechi yakatendeka” yomunzvimbomo. Chechi yaimbova isingakurirwi—ingava Purotesitendi kana kuti Katurike—iri kukurirwa nokusaitira hanya. Itiro hanya dzenyika panzvimbo pedzorudzidziso dzinodzora upenyu hwavanhu—muitiro uyo vamiriri vechechi vanodana kuti kuitwa venyika. Rudzidziso harucharatidziki kuva runokoshazve. Mamiriro ezvorudzidziso muEurope angava here chiratidzo chapachine nguva mberi chokuderera kwakafanana kwava kuda kukukura mune mamwe mativi enyika?

Chii Chiri Kuitika Kuvapindi Vechechi?

Ichi chiitiko hachisati chiri chinhu chitsva murutivi rwokuchamhembe rweEurope. Inongova 5 muzana yavaLutheran veScandinavia inopinda chechi nguva dzose. MuBritain 3 muzana bedzi yavanonzi vaAnglican inoenda kuminamato yeSvondo. Asi zvino, vaKaturike vari kumaodzanyemba kweEurope vanoratidzika kuva vari kutevera muenzaniso wavavakidzani vavo vari kuchamhembe.

MuFrance, nyika inogarwa zvikurukuru navaKaturike, 1 bedzi kubva muvagari vemo 10 voga voga anoenda kuchechi kamwe chete pavhiki. Mumakore 25 akapfuura, pesendeji yavagari veSpain avo vanozvirangarira vamene kuva “vaKaturike vanoshingaira” yakaderera kubva ku83 muzana kuenda ku31 muzana. Muna 1992, bhishopi mukuru weSpain Romano Torrella akaudza vabvunzurudzi vepepanhau kuti “Spain haisi nyika yeKaturike; vanhu vanoenda kumidungwe yeHoly Week neMisa yeKrisimasi—asi kwete [kuMisa] vhiki iri yose.” Mukati meshanyo yapapa kuMadrid muna 1993, John Paul II akanyevera kuti “Spain inoda kudzokera kumavambo ayo echiKristu.”

Chimiro chendangariro chisiri chorudzidziso chakatapura vafundisi pamwe chete navanhuwo zvavo. Nhamba yavaprista vachangobva kugadzwa muFrance yakaderera kusvika ku140 muna 1988 (iri pasi pehafu yenhamba ya1970), nepo muSpain mune vanenge 8 000 avo vakasiya uprista kuti vagoroora. Kune rumwe rutivi, vamwe avo vanopfuurira kushumira mapoka avo vanopanikira pamusoro peshoko ravo. Vafundisi veLutheran veSweden vane 24 muzana bedzi vanorangarira kuti vanogona kuparidza pamusoro pedenga nehero “nokupwiswa,” nepo chikamu chimwe chezvina chevaprista veFrance chinotova chisina chokwadi pamusoro porumuko rwaJesu.

Mufarwa Nechisarudzo Zvinotangira Kuzvipira Kworudzidziso

Chii chiri kutsiva rudzidziso? Mumisha mizhinji nhandaro yakatsiva kunamata. PamaSvondo mhuri dzinoenda kumhenderekedzo yegungwa kana kuti kumakomo panzvimbo pokuchechi. “Kuenda kuMisa kunofinha,” akaratidza kusafarira kudaro Juan, wechiduku wokuSpain akafanana navamwe. Minamato yorudzidziso haigoni kukwikwidzana nemitambo yenhabvu kana kuti makonzati akakurumbira, zviitiko zvinokwezva mapoka ndokuzadza nhandare.

Kuderera kwavapindi vechechi hakusati kuri bedzi ufakazi hwokuderera kworudzidziso. VokuEurope vazhinji vanoda kusarudza pfungwa dzavo dzorudzidziso. Mazuva ano chitendero chechechi chapamutemo chingava chakafanana zvishomanene zvikuru nezvitendero zvomunhu oga zvaavo vanobvuma rudzidziso irworwo rwakati. Ruzhinji rwavokuEurope—vangava vaKaturike kana kuti vaPurotesitendi—haruchadavirizve muupenyu pashure porufu, nepo vanopfuura 50 muzana vavaKaturike veFrance, Italy, uye Spain vasingadaviriwo muzvishamiso.

Boka rinotonga ravafundisi rinoratidzika kuva risina simba rokudzivisa uku kukura kunokurumidza kwakamwe kamwe kwokusawirirana. Hakuna kupi kana kupi uko ikoku kwave kuchioneka zvikuru kupfuura munhimbe yapapa yokurwisana nokudzora kubereka. Muna 1990, Pope John Paul II akakurudzira vaKaturike vezvitoro zvemishonga kusatengesa zvinodzora kubata pamuviri. Akataura kuti izvi zvinhu “zvinopesana nemitemo yomusikirwo kusvikira kukuvadziko yokuremekedzwa kwomunhu.” Nenzira yakafanana, Catechism of the Catholic Church inosimbirira kuti “nokudaro rudo rweroorano rwomurume nomukadzi runoramba ruri mumusengwa wakapetwa kaviri wokuvimbika noruzvaro.”

Pasinei zvapo neidzi rayiro dzakaoma, varooraniwo zvavo vechiKaturike vanosarudza nomufaro nzira yavo vamene. Mhuri dzine vana vanopfuura vaviri ndidzo zvino dzisingabatanidzwi munyika dzechiKaturike dzekumaodzanyemba kweEurope. MuSpain, makondomu—ayo akanga achidokuva chinhu chinotengeswa pachivande makumi maviri amakore akapfuura—anoziviswa muterevhizheni nguva dzose, uye 3 muzana bedzi yavakadzi vechiKaturike veFrance vanotaura kuti vanonamatira kuchisarudzo chapamutemo cheKaturike pamusoro pokudzora kubereka.

Nenzira yakajeka, vokuEurope vari kufuratira machechi nedzidziso dzawo. Bhishopi mukuru weAnglican weCanterbury George Carey akarondedzera zvakajeka mumiriro wezvinhu muchechi yake, kuti: “Tave tichirasikirwa nemitezo yechechi zvokuda kuparara,” akadaro, “uye iyoyo inhau yekurumidziro zvikuru yatinofanira kunangana nayo.”

Kubvira panyongano yeChinjo muitiro wezvitendero worudzidziso weEurope hauna kumboratidzika kuva usina kutsiga kupfuura izvi. Neiko vokuEurope vazhinji vakava vasingaitiri hanya rudzidziso? Chii chiri nguva yemberi yorudzidziso?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe