RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g96 3/8 pp. 30-31
  • VaKristu Vanofanira Kutsigira Chirango Cherufu Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • VaKristu Vanofanira Kutsigira Chirango Cherufu Here?
  • Mukai!—1996
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuisa “Munondo” Pazviremera Zvavanhu
  • “Munondo” Wakashandiswa Zvisina Kufanira
  • Kusatora Rutivi kwechiKristu
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Basa Rezviremera Zvikuru
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1990
  • Tiri Munyika Asi Hatisi Rutivi Rwayo
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Machechi Anofanira Kupindira Mune Zvematongerwo Enyika Here?
    Dzimwe Nyaya
Mukai!—1996
g96 3/8 pp. 30-31

Murangariro weBhaibheri

VaKristu Vanofanira Kutsigira Chirango Cherufu Here?

“CHAKAIPA mutsika nomumufambiro.” “Chakakwana uye chakarurama.” Iyi mirangariro inopokanidzana yakabva kune vafundisi vaviri, vose vari vaviri vaKristu vezita. Vakanga vachiitirana nharo pamusoro peimwe yenhau dzinokosha zvikuru dzanhasi—chirango chorufu. Nyaya yepepanhau yainokora mashoko yakati: “Apo vatungamiriri vorudzidziso vanokurukura chirango norufu, mativi ose ari maviri anonongedzera kuzvikamu zvemashoko zveBhaibheri kuti vatsigire mirangariro yavo.”

Vamwe vanoita nharo kuti chirango chorufu chinodzivirira asina mhaka, chinosimudzira ruramisiro, uye chinodzivisa mhaka yakakomba. Vamwe vanoti chakaipa—nzira yokuita nayo masimba masimba namasimba masimba makuru uye yakaderera zvikuru pane basa rakanaka zvikuru rokuvandudza matsotsi, nokuvabetsera kuva mitezo inobetsera yenzanga.

Mune zvematongerwe enyika muUnited States, kurukurirano iyi yakakomba zvikuru, uye vatungamiriri vorudzidziso havana kuzengurira kubatanidzwa. Ungashamiswa, kunyange zvazvo zvakadaro, ‘Ko Bhaibheri rine chinhu chipi nechipi chokutaura panhau yechirango chorufu here?’ Kutaura idi, rinacho.

Kuisa “Munondo” Pazviremera Zvavanhu

Nokukurumidza mushure meMafashamo ezuva raNoa, Jehovha Mwari akasimbisa kukosha kwoupenyu hwomunhu uye ipapo akati: “Ani naani unoteura ropa romunhu, ropa rake richateurwawo nomunhu.” (Genesi 9:6) Chokwadika, ikoku kwakanga kusiri tenderwo isina kuganhurirwa yamatsive. Panzvimbo pezvo, kwakareva kuti zviremera zvavanhu zvakagadzwa nenzira yakafanira kubvira panguva iyoyo zvichienda mberi zvaizobvumirwa kuuraya avo vaiuraya upenyu hwavamwe.

Muna Israeri wekare Mutemo uyo Mwari akapa kupfurikidza naMosesi wakarayira chirango nokuda kwemhaka dzakati dzakakomba. (Revhitiko 18:29) Zvisinei, Mutemo wakagoverawo kutonga kusina rusaruro, chipupuriro chechapupu chakaona, uye zvinodzivirira ushati. (Revhitiko 19:15; Dheuteronomio 16:18-20; 19:15) Vatongi vaifanira kuva varume vakazvipira uye vaizvidavirira kuna Mwari amene! (Dheuteronomio 1:16, 17; 2 Makoronike 19:6-10) Nokudaro kwakanga kune zvaidzivisa kushatiswa kwechirango cherufu.

Nhasi hapana hurumende papasi rino inomirira zvirokwazvo ruramisiro youmwari seizvo Israeri wekare akaita. Asi hurumende dzinoshanda munzira zhinji sa‘vashumiri’ vaMwari, kana kuti vamiririri, mukuti dzinochengeta mwero wakati wenhevedzano nokuterama uye dzinogovera mabasa anodikanwa avose. Muapostora Pauro akayeuchidza vaKristu kuva vanoteerera izvi “zviremera zvikuru” (NW), uye ipapo akawedzera, kuti: “Kana uchiita zvakaipa, chitya; nokuti iye haabati munondo pasina; nokuti ndiye mushumiri waMwari, mutsivi wokutsamwa kune unoita zvakaipa.”—VaRoma 13:1-4.

“Munondo” uyo Pauro akadudza unofananidzira kodzero yehurumende yokuranga matsotsi—kunyange norufu. VaKristu vanoremekedza kodzero iyoyo, asika vanofanira kutsvaga kuti vave nechokutaura pakuti unoshandiswa sei here?

“Munondo” Wakashandiswa Zvisina Kufanira

Hurumende dzavanhu dzakashandisa zvirokwazo “munondo” nokuda kweruramisiro nguva zhinji. Asi kunofanira kubvumwa kuti dzave dzinewo mhaka yokuushandisa zvisina kufanira. (Muparidzi 8:9) Hurumende yeRoma yakare yakanga ine mhaka yokushandisa “munondo” wokuuraya nokutonga mukurwisana nevabatiri vaMwari vasina mhaka. Johane Mubhapatidzi, Jakobho, uye kunyange Jesu Kristu vakanga vari pakati pevanyajambwa vayo.—Mateo 14:8-11; Marko 15:15; Mabasa 12:1, 2.

Munguva dzazvino uno chimwe chinhu chakafanana chakaitika. Vabatiri vasina mhaka vaJehovha vakaurawa munyika dzakasiyana-siyana—neboka rinopfura, nomuchina wokudimura musoro, nokuturikwa, nekamuri dzine gasi—kwose kuchiitwa “nenzira yapamutemo” nehurumende dzichiedza kudzvinyirira chiKristu. Masimba ose anoshandisa zvisina kufanira chiremera chawo achazvidavirira kuna Mwari. Imhaka yeropa inotyisa zvakadini iyo vanayo!—Zvakazarurwa 6:9, 10.

VaKristu vechokwadi vanodedereswa nomufungo wokuva nemhaka yeropa pamberi paJehovha Mwari. Nokudaro, nepo vachiremekedza kodzero yehurumende yokushandisa “munondo” vanosanoziva kwazvo kushandiswa uko wave uchiitwa zvisina kufanira. Wakabatira sechishandiso nokuda kwechitambudzo uyewo padzimwe nguva wakashandiswawo nehasha dzokufungira mano akaipa mukupesana nevamwe uye kuregerera vamwe kusina kufanira.a Naizvozvo vaKristu vanoita sei kukurukurirano iri pamusoro pechirango chorufu? Vanobatanidzwa ndokukurudzirwa nokuda kwechinjo here?

Kusatora Rutivi kwechiKristu

Kusafanana nevafundisi vayo vadudzwa pakutanga, vaKristu vechokwadi vanoedza kurangarira nheyo inokosha: Jesu Kristu akaudza vateveri vake kusava “rutivi rwenyika.”—Johane 15:19; 17:16.

MuKristu anogona kuteerera murayiro iwoyo ndokungokumbanira kurukurirano pamusoro petongerwo yerufu here? Sezviri pachena kwete. Izvozvi, pashure pokurangarira zvose, inhau yenzanga uye yezvematongerwe enyika. MuUnited States, vakwikwidzi venzvimbo yezvematongerwe enyika kazhinji kazhinji vanowanzoshandisa murangariro wavo pachirango chorufu—kungave kutsigira kana kuti kusatsigira—somuitiro unokosha wokutsigira nhimbe yavo. Vanokurukura nhau yacho zvakasimba ndokushandisa mirangariro yakasimba zvokuti iyi nhau inonyandura kazhinjizhinji inoshanda sechishandiso chokupesvedzera vavhoti kuenda kuvavariro yavo.

Zvichida mubvunzo wokuti muKristu arangarire pamusoro pawo ndouyu: Jesu angadai akazvibatanidza amene here mukakavadzano pamusoro pokuti hurumende dzenyika ino dzinoshandisa sei “munondo”? Yeuka, apo vanhu vokunyika yake vakaedza kuti abatanidzwe mune zvematongerwe enyika, Jesu “akabvazve, akaenda mugomo ari oga.” (Johane 6:15) Kunoratidzika sezvingabvira zvikuru, ipapoka, kuti angadai akasiyira mhaka iyi payakaiswa naMwari—mumaoko ehurumende.

Nenzira yakafanana nhasi, munhu angakarira vaKristu kuva vanongwarira kuti vasabatanidzwe munharo pamusoro penhau iyi. Vangaziva kodzero yehurumende yokuita sezvadzinoda. Asi savashumiri vechiKristu vasati vari rutivi rwenyika, havangatsigiri chirango chorufu kana kuti zvimwe kutsigira kubviswa kwacho.

Panzvimbo pezvo, vanorangarira mashoko aMuparidzi 8:4, anoti: “Nokuti shoko ramambo rine simba; ndiani ungati kwaari: Munoiteiko?” Hungu, ‘madzimambo’ enyika, kana kuti vatongi, vakapiwa simba rokuita kuda kwavo vamene. Hapana muKristu ane chiremera chokuvatsiura. Asi Jehovha anogona. Uye achadaro. Bhaibheri rinotibvumidza kutarira mberi kuzuva apo Mwari achaparira ruramisiro yokupedzisira nokuda kweutsotsi huri hwose uye kushandiswa zvisina kufanira kuri kwose kwe“munondo” munyika ino yekare.—Jeremia 25:31-33; Zvakazarurwa 19:11-21.

[Mashoko Omuzasi]

a Somuenzaniso, muitiro wetorongo reU.S. wakatsoropodzwa nokuda kwokuuraya iri pasi pe2 muzana yematsotsi ayo ari munzvimbo dzevakatongerwa rufu gore rimwe nerimwe. Vazhinji vavo vanofa nezvikonzero zvomuzvarirwo kupfuura nokuurawa. Kwave kunewo pomero dzefungira mano akaipa—seizvo nhamba dzinokarakadza kuti mhondi sezvingabvira zvikuru inogamuchira tongerwo yorufu kana nyajambwa ari muchena kupfuura kana ari mutema.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 30]

The Bettmann Archive

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe