Munhu Upi Noupi Anogona Kuvimbwa Here?
“Akanga ari mumwe wavanhu vashomanene vari kunze kwemhuri avo vabereki vangu vaivimba zvizere navo. . . . Akazviratidzira amene somunhu akanaka neanoitira hanya uyo aisazotongoita chinhu chipi nechipi chinotigumbura. . . . Akanga ari mumwe wavanhu vashomanene muupenyu hwangu wandakasvika pakuvimba chose chose.”
NDIWO marondedzere ayo mumwe mukadzi muduku akaita chivimbo chaakanga anacho muna chiremba wemhuri yake. Nenzira inosuruvarisa, chakanga chiri chivimbo chakaiswa zvakakomba pasina kufanira. Kubvira apo akanga ane makore 16 okukura, uyu chiremba akamubata zvisina kufanira muvatano. “Akandinyepera nokundinyengedza,” akaudza zviremera zvedare kudaro, izvo ipapo zvakapa ruramisiro.—The Toronto Star.
Chivimbo Chakaparadzwa Kwose Kwose
Chivimbo, kufanana neruva rakaisvonaka bva rinoparadzwa nyore nyore, chinogona kubviswa nyore nyore ndokutsikwa pasi petsoka. Chiri kupwanywa kwose kwose! Michael Gaine, uyo akanga ari munyori wamabhishopi makuru ari makadhinari muEngland, akati: “Pakanga pane nguva apo munhu ari wose akanga achivimba muprista. Apo mhuri dzaichengetesa vana vadzo mutarisiro yake. Ndaisazokarira izvozvo zvino. Takabviswa muchivimbo ichocho nokusingaperi.”—The Guardian Weekend.
Vezvebhizimisi vanonyengedza vakwikwidzi. Vazivisi vane unyanzvi vanotsausa ndokushandisa zvisina kufanira vatengi. Mumwe mukuru mukuru asingarangariri akadya mari dzepenjeni dzekambani yake amene, achibira vashandi vake mari yavo yakachengeterwa nguva yemberi. Vashandi vanobira vashandirwi vavo nguva dzose. Mumwe mushumo wakatsinhira, somuenzaniso, kuti “mabhizimisi eCanada anorasikirwa nemabhiriyoni anofungidzirwa kuva $20 pagore muumbavha hwomukati.”—Canadian Business.
Havasi vose vezvamatongerwo enyika vasina kuvimbika. Asi mishumo yakafanana nounotevera inoshamisa vanhu vashomanene zvikuru: “Vhiki mbiri pashure pokuurawa kwemumwe wavakadzi vezvamatongerwo enyika vanomutsa kakavadzano zvikurusa veFrance, mapurisa ari kuwadzanyura unyengeri hwezvamatongerwo enyika nerangano dzematsotsi idzo dzakafukidza kwenguva refu basa rehurumende pamhenderekedzo yeMediterranean.”—The Sunday Times, London.
Kazhinji kazhinji, muukama hwapedyo chivimbo chinoputsanywa. Varume navadzimai vanova vasina kuvimbika kuvakwanyina vavo. Vabereki vanobata vana zvisina kufanira. Vana vanonyengedza vabereki. Apo zvinyorwa zvakachengetwa zveStasi, mapurisa apachivande muyaichimbova East Germany, zvakavhurwa, zvakaratidzira “muitiro usingadzorwi wokunyengera” wakaitwa navanhu vairangarirwa kuva shamwari. Muvanhu vakawanda zvikuru vanoshanda pamwe chete vokunyengera, mumwe mushumo unoti, “Udzori hwoutsinye hweStasi hwakatambanukira mukamuri rechikoro, nzvimbo yokuparidzira, kamuri rokurara, kunyange nzvimbo yokureuririra.”—Time.
MuIreland munyori wechikamu chepepanhau akanyora, kuti: “Takanyeperwa, takatsauswa uye takashandiswa nokushandiswa zvisina kufanira uye takazvidzwa naavo vatakaisa munzvimbo dzesimba.” (The Kerryman) Nemhaka yokuti vakawanzonyengerwa zvikuru, vanhu vazhinji havavimbi munhu upi noupi. Chii chatinogona kuita kuti tive nechokwadi chokuti chivimbo chedu hachisati chichiiswa pasina kufanira? Nyaya mbiri dzinotevera dzichanzvera uyu mubvunzo.