Kuvimba Kana Kuti Kusavimba
KUNOGONA kuva kwakaoma kuziva kana ungavimba kana kuti kwete. Nzira imwe neimwe ine ngozi dzayo, zvikurukuru munyika umo unyengeri nokutsausa zvakapararira zvikuru. Bva tose zvedu tinoda shamwari dzinovimbwa idzo dzichatitsigira munguva yechinetso. (Zvirevo 17:17) Anenge makore ane zviuru zviviri akapfuura, munyori weRome Phaedrus akataura chinetso chacho neiyi nzira: “Kuvimba kana kusavimba kune ngozi.”
Kuvimba Kunogona Kuva Kune Ngozi
Neiko kuvimba mumwe munhuwo zvake kungava kune ngozi? Eya, rangarira nyevero inopiwa mumagazini yePsychology Today. Inorondedzera vamwe vanoshandisa zvisina kufanira chivimbo chavanhu se“zvikara zvinoshandisa kukwezva nounyanzvi hwokuvanda hwakafanana nerwaivhi kunyengedza nokushandisa avo vakavapoteredza ndokukuvadza upenyu hwavo.” Sezviri pachena, navanyengeri vakadaro varipo, kuva anonyanyovimba kune ngozi zvikuru kwazvo.
Mumwe munhu anonyanyovimba angava anonyengerwa nyore nyore uye, somugumisiro, anonyengerwa nyore nyore ndokushandiswa. Mumwe muenzaniso wakatanhamara wokunyengerwa nyore nyore akanga ari Sir Arthur Conan Doyle, muvambi womutikitivha anofunga zvakaisvonaka ari nyanzvi Sherlock Holmes. Muna 1917 vasikana vaduku vaviri, Elsie Wright nomuzukuru wake, Frances Griffiths, vakataura kuti vakanga vatamba navanhu vekare vokufungidzira mubindu romusha wavo muCottingley, England. Vakatobudisa mapikicha evanhu vekare vokufungidzira kuedza kukubvumikisa.
Conan Doyle, uyo aifarira zvikuru kudavira midzimu pashure porufu rwomwanakomana wake, akavavimba ndokudavira nyaya dzacho dzevanhu vekare vokufungidzira—sezvakaita vanhu vazhinji panguva yacho. Kwaisava kutozosvikira makore 55 gare gare apo vasikana vacho vaviri vakabvuma kuti yakanga ichingova nyengedzo uye kuti vakanga vacheka “vanhu [vacho] vekare vokufungidzira” mubhuku vasati vatora mapikicha. Frances Griffiths akaratidza kukatyamadzwa kuti munhu upi noupi akadavira nyaya yavo. Akati: “Kuti ani naani papasi angava anonyengerwa nyore nyore zvikuru zvokudavira kuti vakanga vari chaivoivo chakanga chiri chakavanzika nguva dzose kwandiri.”—Hoaxers and Their Victims.
Unogona kuona here musungo uyo Conan Doyle akawira mauri? Akavimba nenzira yokusapanikira nyaya yacho nemhaka bedzi yokuti akanga achida kuti ive yechokwadi. Munyori Norman Moss anoti: “Tinogona kunyengedzwa nemhaka bedzi yokuti kunzwisisa kwedu kunoderedzwa nomuitiro, uye tinotarira zvinhu tisinganyatsooni. . . . Pane dzimwe nguva, tinobvuma chinhu sechechokwadi nemhaka yokuti ndechimwe chinhu chatinoda kuti chive chechokwadi.” (The Pleasures of Deception) Ikoko kunodzokorora nyevero yakapiwa nenyanzvi yokukurukura yakakurumbira yechiGiriki Demosthenes anenge makore 350 Nguva Yedu Yavose isati yasvika, yokuti: “Chinhu chiri nyore zvikurusa chazvose ndiko kuzvinyengera, nokuti icho munhu anoshuva anochidavira kazhinji kazhinji kuva chechokwadi.” Kuvimba nemirangariro yedu bedzi kunogona kuva kune ngozi.
Chokwadika, ungafunga kuti uyu muenzaniso wakanyanyisa uye kuti Conan Doyle akanga ari fuza zvikuru kupfuura zvawati waizombova. Asi havasati vari vanonyengerwa nyore nyore bedzi avo vari mungozi yokunyengedzwa. Vanhu vazhinji vanongwarira navanowanzosvinurira vakanyeperwa ndokunyengedzwa navanhu vanoratidzika kuva vakavimbika.
Kusavimba Kunogona Kuva Kune Ngozi
Kune ngozi, kunyange zvazvo zvakadaro, mukusavimba munhu upi noupi kana chinhu chipi kana chipi. Kusavimba kwakaita sengura inoparadza. Kunogona kubvisa ndokuparadza icho chingava zvimwe ukama hunofadza, hwapedyo. Kusavimba kwakasimba nokusavimba kusingachinji zvinogona kukuita munhu asingafari zvikuru, asina shamwari. Kunogona kuva kunokuvadza zvikuru ukama navamwe vanhu zvokuti munyori wechiNgezi Samuel Johnson akanyora kuti, “kunofadza zvikuru pane dzimwe nguva kunyengerwa pane kusavimba.”
Kusavimba kunogona kunyange kuisa mungozi utano hwako hwomuviri. Ungave uchiziva kuti mirangariro yakasimba yakafanana nehasha inogona kukuratidzira kungozi yehosha yomwoyo. Asi waiziva here kuti dzimwe nzvero dzinokarakadza kuti kuva asingavimbi kunogona kuita zvimwe chetezvo? Magazini inonzi Chatelaine inoti: “Vanhu vanoshatirwa nyore nyore havazati vari ivo bedzi vangawedzera mikana yavo yokutanga hosha yomwoyo nemhaka yomufambiro wavo. Nzvero itsva inoratidzira kuti kunyange zvimiro zvamanomano zvoutsinye, zvakadai somuitiro wokuva mutsoropodzi anonyanyisa, uye asingavimbi, zvinogona kukuisa mungozi.”
Rangarira Nhano Dzako Nokungwarira
Chii chaunogona kuita? Bhaibheri rinopa zano rakanaka paiyi nhau. “Usina mano unotenda mashoko ose,” inodaro Zvirevo 14:15. Ikoku hakusati kuri kusavimba kunoparadza. Chiyeuchidzo chaichoicho chokudikanwa kwokungwarira. Munhu asingazivi zvakakwana bedzi, asina ruzivo rwokuzviwanira achavimba nokusarangarira shoko riri rose raanonzwa. Nechikonzero chakanaka chirevo cheBhaibheri chinopfuurira, kuti: “Asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.” Munyori wemitambo wechiNgezi William Shakespeare akanyora, kuti: “Usavimba nemapuranga akaora.” Munhu upi noupi anofunga kuti mapuranga ari pabhiriji riri panzvimbo yakadzika angava akaora aizova fuza zvikuru kufamba paari. Ipapoka, unogona sei, ku‘ngwarira nhano dzako’ zvokuti hauisi chivimbo chako pasina kufanira?
Bhaibheri rinotikurudzira kuedza izvo vanhu vanotaura panzvimbo pokungobvuma pasina kunzvera chinhu chiri chose chatinonzwa. “Nzeve ndiyo inoidza mashoko, sezvinoravira mukanwa zvokudya,” rinodaro. (Jobho 34:3) Ikoko hakuzi kwechokwadi here? Hatiwanzoravidza zvokudya here tisati tazvimedza? Tinofanirawo kuedza mashoko avanhu nezviito tisati tazvigamuchira. Hapana uyo ari wapachokwadi achagumbuka kana tikanzvera zvipupuriro zvake. Kuti tinofanira kunzvera kuti tione kuti chimwe chinhu ndechechokwadi kunotsigirwa nechirevo cheScotland icho chinoti: “Uyo anondinyengera kamwe, nyadzi ngadzive paari; kana akandinyengera kaviri, nyadzi ngadzive pandiri.”
Muapostora Pauro akapa zano, kuti: “Edzai zvinhu zvose.” (1 VaTesaronika 5:21, Today’s English Version) Shoko rakashandiswa nomuapostora Pauro nokuda kwa“edza” rakashandiswawo pamusoro pokuedza simbi dzinokosha kuona kana dzakanga dziri dzechokwadi. Munhu akangwara aiedza nguva dzose kuti aone kana chaakanga achitenga chakanga chiri chechokwadi. Nezvisizvo aizoguma ava neicho chainzi ndarama yokunyepedzera—chimwe chinhu chairatidzika sendarama asi icho chakanga chiri, kutaura idi, chisingakoshi.
Iva Ane Mufungo Naakadzikama
Chokwadika, tinoda kuva vane mufungo muiyi nhau ndokusava vanonyanyonyumwira vamwe. (VaFiripi 4:5) Usakurumidza kupomera vavariro dzakashata kumunhu upi noupi. Kunzwisisa zvisina kururama vavariro kunogona kuva nzira yokukurumidza zvikuru yokuparadza nayo ukama hwakaisvonaka, hwapedyo. Kunowanzova kwakanakisisa kufungidzira kuti shamwari dzako dzinoda kuita chakanakisisa nokuda kwako panzvimbo pokuti dzaiva nevavariro dzakashata apo mamiriro ezvinhu akaoma anomuka.
Bvumira nzvimbo nokuda kwokusakwana nezvikanganiso zvavamwe. “Kunyengera kunoitwa neshamwari kunoreva kuputswa kwechivimbo,” anodaro munyori Kristin von Kreisler. Zvisinei, kutsausa kwakadaro kungava kwokusada kana kuti kungava kwave kuri mugumisiro woutera hunodembwa zvikuru zvino. Naizvozvo, anopfuurira, kuti: “Usafungisisa pamusoro pokutsausa kwacho—kana kuti usakubvumire kubva mukuvimba vamwe.” Usarega zviitiko zvinorwadza, zvakashata zvichikutorera mifarwa iyo inogona kubva mukuumba ukama hwokuvimba navamwe.
Iva akadzikama. Haufaniri kusaona zvakapoteredza pakunzvera vanhu; munhu akangwarira anoramba akasvinurira. Kune rumwe rutivi, Doctor Redford Williams anokarakadza kuti tiedze kufungidzira kuti vamwe vari kuita zvakanakisisa zvavanogona, tiedze kunzwisisa murangariro wavo, uye “tivimbe vamwe” papi napapi pakunobvira. Kungava kuri nani kunyanyovimba zvikuru pane kusatongovimba zvachose.
Munyori webhuku reBhaibheri raZvirevo anobvuma kuti “munhu une shamwari zhinji unoparadzwa”—ndiko kuti, vanhu vachaedza kushandisa zvisina kufanira chivimbo chako. Nyika izere navo. Asi ipa vamwe nguva nemukana wokuratidzira kuti vakavimbika, uye uchawana shamwari idzo, kutaura idi, dzicha‘namatira zvikuru kupfuura hama.’—Zvirevo 18:24.
Ipapoka, pane here munhu upi noupi kana kuti chinhu chipi nechipi, icho unogona kuvimba chose chose, pasina rutyo rupi norupi rwokuti chivimbo chako chichashandiswa zvisina kufanira kana kuti kutsauswa? Hungu, chiripo zvirokwazvo. Nyaya inotevera icharangarira nokupfupikisa paunogona kuisa chivimbo chako nokuvimba kwakazara.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Usina mano unotenda mashoko ose; asi wakangwara unongwarira mafambiro ake.”—Zvirevo 14:15
[Mufananidzo uri papeji 7]
Bvumira nzvimbo nokuda kwokusakwana nezvikanganiso zvavamwe