Uri Muteereri Anonzwira Tsitsi Here?
FUNGIDZIRA kuti une pfuma yokupa munhu ari wose muupenyu hwako chipo chinodhura. Vaizova vanofara navanoonga sei! Zvomenemene, iwe unogona kupa vamwe chipo chaicho, chimwe chinhu chavanoda chaizvoizvo. Hachikudyiri mari ipi neipi. Chiiko? Ngwariro yako. Vanhu vazhinjisa vanoda ngwariro uye vanoita chiito nenzira yokuonga apo vanoigamuchira. Kuti upe ngwariro yakanaka, zvisinei, unofanira kuva muteereri anonzwira tsitsi.
Kana uri mubereki kana kuti mushandirwi kana kuti anobatira munzvimbo ipi neipi umo vanhu vanouya kwauri nokuda kwezano nenhungamiro, unofanira kuteerera nenzira yokunzwira tsitsi. Kana usingadaro, vanhu vachawana kushayiwa kwako kunzwira tsitsi, uye mukurumbira wako uchatambura.
Kunyange kana usingakumbirwi kazhinji kazhinji kupa zano, uchiri anofanira kuteerera vanhu munzira yokunzwira tsitsi, zvakadai seapo shamwari inouya kwauri nokuda kwenyaradzo. Sokutaura kunoita chirevo cheBhaibheri, kukundikana kuteerera usati wataura kunogona kuguma nokudukupiswa. (Zvirevo 18:13) Ndedzipi, ipapoka, dziri dzimwe dzenzira umo unogona kuzviratidzira umene kuva muteereri anonzwira tsitsi?
Iva Akabatikana Zvikuru
Chii chiri muteereri anonzwira tsitsi? Webster’s New Collegiate Dictionary rinorondedzera “kunzwira tsitsi”: “Simba rokutora rutivi mukunzwa kwomumwe kana kuti pfungwa.” Duramashoko rimwe chetero rinorondedzera “kuteerera”: “Kunzwa nengwariro yokufunga.” Naizvozvo muteereri anonzwira tsitsi anoita zvinopfuura kunzwa izvo mumwe munhu anotaura. Anoteerera ndokugoverana mumifungo nokunzwa zvomunhu iyeyo.
Ikoku kunoda kuva akabatikana zvikuru muizvo uri kunzwa, usingabvumiri ndangariro yako kudzungaira. Kunyange kufunga nezvamapindurire ako kuchaderedza kuteerera. Zvirange umene kuti urambe wakanangidzira ngwariro pane izvo mumwe munhu ari kutaura.
Tarira zvakananga munhu ari kutaura kwauri. Kana meso ako achidzungaira, ucharatidzika kuva asingafariri. Ona majangariko ake nechitarisiko chake. Ari kunyemwerera here kana kuti kurundumwara? Meso ake anoratidzira kufara, rusuruvaro, kana kuti kutya here? Zvaanosiya zvisingataurwi zvinokosha here? Usanetseke nemhinduro yako; ichauya somugumisiro womuzvarirwo wokuteerera kwako kwokunangidzira ngwariro.
Apo unoteerera, sezvinobvira uchagutsurira musoro wako nokushandisa kutaura kwokubvuma, kwakadai sokuti ‘Ndaona’ uye ‘Ndinonzwisisa.’ Ikoku kunogona kuratidza kuti muri mose. Zvisinei, usafunga kuti kugutsurira musoro nokubvuma kuchaita kuti vanhu vafunge kuti uri kuteerera nepo usiri chaizvoizvo. Kutaura idi, kugutsurira musoro kwokukurumidza kunopfuurira kunogona kuratidzira chinya. Kwakaita sokunge kuti uri kuti, ‘Chimbidza. Kurumidza kutaura zvaunoda. Pedza.’
Muchinoitika chipi nechipi, unofanira kusava anonyanyoitira hanya muitiro wokuteerera. Ingoita bedzi kuti kuteerera kwako kuve kwechokwadi, uye kuita kwako kucharatidzira kuva wapachokwadi kwako.
Mibvunzo yakanaka inoratidzawo kuti wakabatikana uye muri mose. Inoratidzira kuti unofarira. Kumbira kujekeswa kwamapfundo asina kutaurwa kana kuti asina kujeka. Bvunza mibvunzo inokumbira mumwe munhu kutsanangura uye kuzvitaurirazve. Usanetsekana nokuti ungadzongonyedza panhambo nenhambo, asi usanyanyokuita. Kuita kuti zvinhu zvijeke rutivi rwomuitiro wokuteerera. Kana kudzongonyedza kusati kuchinyanyoitwa, mumwe munhu achaonga chishuvo chako chokunzwisisa zvizere zvose zvaari kutaura.
Ratidzira Kunzwisisa
Urwu runogona kuva rutivi rwakaoma zvikurusa, kunyange kana uchinzwira tsitsi munhu anotaura kwauri. Apo mumwe munhu anotambudzika anouya kwauri, pakarepo unopa zvikarakadzo zvokuva netariro nezvigadzikiso here? Unokurumidza kuudza munhu wacho kuti mamirire ezvinhu haana kushata zvikuru pakuenzaniswa nokutambura kwomumwe munhuwo zvake here? Ikoku kungaratidzika kuva kunobetsera, asika kunogona kuva netapuro yakashata.
Kune zvikonzero zvakati nei ungava anoda kurega kuteerera ndokutanga kupedza chinetso. Ungafunga kuti zvikarakadzo zvako zvembavarira ndizvo bedzi zvinodikanwa kuita kuti mutamburi anzwe zviri nani. Kana kuti unganzwa kuti ibasa rako “kugadzira” chipi kana chipi chiri “chakashata” uye kuti kana usingadaro, hausati uri kuva anobetsera kana kuti hausati uri “kuita basa rako.”
Dirano yapakuvamba yezvigadzikiso, zvisinei, kazhinji kazhinji inobudisa mashoko asingakurudziri, akadai sokuti, ‘Ndinoona chinetso chako kuva chisina kukomba zvikuru kupfuura zvaunochitaura kuva chakaita.’ Kana kuti, ‘Ndinofarira zvikuru mukurumbira wangu ndimene somupedzi wechinetso kupfuura garikano yako.’ Kana kuti, zvichida, ‘Handinzwisisi chaizvo—uye handidi.’ Kuenzanisa chinetso chomutamburi neizvo zvavamwe kunowanzozivisa kuti, ‘Unofanira kuzvinyarira umene kunzwa kutambudzika apo vamwe vanotambura zvikuru kupfuura iwe.’
Kana iwe nenzira yokusaziva ukabudisa mashoko akadaro asingakurudziri, shamwari yako ichanzwa kuti hauna kuinzwa chaizvoizvo, kuti haasati ari kunzwisiswa. Angatogumisa kuti unofunga kuti uri nani kwaari. Nguva inotevera, achatendeukira kune mumwe munhuwo zvake nokuda kwenyaradzo.—VaFiripi 2:3, 4.
Zvakadiniko kana shamwari yako ichitambudzika zvisiri hazvo madikanwa? Somuenzaniso, anganzwa kuva nemhaka pasina chisakiso chinoshanda. Unofanira kukurumidza kumuudza izvozvo kuti iye agone kutanga kunzwa zvakanaka here? Aiwa, nokuti kana usina kumuteerera pakutanga, kuvimbisazve kwako kuchava kwenyaradzo duku. Panzvimbo pokunzwa asunungurwa, achanzwa kuti achigere kuzviturira amene mutoro, kuti achakatakura mhaka yake. Sokutaura kwakaita muzivi womuzana ramakore rechi 19 Henry David Thoreau, “kutaura zvokwadi kunoda vaviri: mumwe wokuitaura nomumwe wokuinzwa.”
Yakakodzera sei nhungamiro yeBhaibheri, inoti: “Kurumidza kunzwa, nonoka kutaura.” (Jakobho 1:19, NW) Uye kunokoshawo zvikuru kuteerera nokunzwira tsitsi! Tora rutivi mukunzwa kwouyo anokuvimba. Bvuma kuoma kwechinetso chake, udzame hwokutambudzika kwake. Usadukupisa chinetso chake nokutaura kwakadai sokuti, ‘Haiwa, uri kungova bedzi nezuva rakaoma’ kana kuti, ‘Zvinhu hazvina kushata chaizvoizvo kudaro.’ Nenzira inosetsa, kudukupisa kwakadaro kungatokudziridza kunzwa kwake kwokutambudzika. Iye achakangaidzika nokuti hausiri kurangarira shoko rake zvakakomba. Naizvozvo kuita kwako ngakuratidze kuti unonzwa zviri kutaurwa uye kuti unobvuma kuti iwaya ndiwo manzwire aanoita pamusoro pezvinhu zvazvino.
Kuteerera kwokunzwira tsitsi hakusati kuchida kuti ubvumirane nomunhu ari kukuvimba. Ungadavira kuti munhu haaruramiswi mukudanidzira kuti, “Ndinovenga basa rangu!” Asi kana ukaita nokusatendera (‘Haufaniri kunzwa nenzira iyeyo’) kana kuti kuramba (‘Haurevi izvozvo chaizvoizvo’), iye achagumisa kuti haunzwisisi. Tsinhiro dzako dzinofanira kuratidzira kunzwisisa kwako. Kumunhu anovenga basa rake, ungati, ‘Rinofanira kuva rinodzvinyirira.’ Ipapo kumbira udzame hunojekesa. Nokudaro hausati uri kubvuma hako kuti iye anofanira kuvenga basa rake asi kungobvuma bedzi kuti ndiwo manzwire ake zvino. Kupfurikidza nenzira iyoyo unomupa gutsikano yokuva anzwiwa, yokuva akurukura zvizere kunzwa kwake. Kazhinji kazhinji, kugoverana chinetso kungachideredza.
Nenzira yakafanana, munhu anoti, “Mudzimai wangu ari kunzverwa nhasi,” angareva kuti, “Ndiri kunetseka.” Mhinduro yako ngaibvume ikoku. Inoratidza kuti wateerera revo inoratidzirwa namashoko ake, uko kuri kunonyaradza zvikuru kupfuura kana iwe ukafuratira revo yake, ukairamba, kana kuti kuedza kumugadziridza kupfurikidza nokumuudza kuti haafaniri kunetseka.—VaRoma 12:15.
Vateereri Vakanaka Vanotaurawo!
The Art of Conversation rinotaura nezveavo vanoteerera asi vanotaura zvishoma zvikuru, “vachifunga kuti kunovapa kunzwa kwokuzvikudza.” Ikoku kunogombedzera mumwe munhu kutakura mutoro wose wekurukurirano, uko kuri kuvirima. Kuno rumwe rutivi, kuvirimawo, uye kunopedza simba, kana munhu wauri kuteerera akapfuurira kutaura asingamiri asingakubvumiri kuti uzvitaurire. Naizvozvo, nepo uchida kuva muteereri akanaka, ungadawo kuita kuti mumwe munhu azive kuti une chimwe chinhu chinobetsera chokutaura.
Ungataureiko? Uchinge wateerera nenzira yokuremekedza kutaura kweshamwari yako, zvino unofanira kupa zano here? Zvichida, kana uchikwaniriswa kuripa. Kana une chigadzikiso chechinetso cheshamwari yako, zvamazvirokwazvo unofanira kumupa. Mashoko ako achava anopesvedzera, sezvo wakashandisa nguva yokuteerera pakutanga. Kana usina zvipupuriro zviri madikanwa kuti upe shamwari yako rudzi rwenhungamiro kana kuti betsero yaanoda, edza kumuita kuti aonane nomumwe munhu anokwanisa kuipa.
Zvisinei, mune zvimwe zviitiko zano haridikanwi kana kuti kukumbirwa. Naizvozvo ngwarira kunetesa tapuro yakanaka yokuteerera kwako kupfurikidza nokuwedzera mashoko akawanda. Shamwari yako ingangofanira hayo kutsungirira mamirire ezvinhu asingadzoreki kana kuti kuva nenguva yokukurira kunzwa kwake kwakashata. Akauya kwauri kuti akuudze chinetso chake. Wakateerera. Wakava nokunzwa kwake, wakamuvimbisa kuti unoitira hanya uye uchamufunga nokumunyengeterera. Muite kuti azive kuti akasununguka kuuya kwauri zvakare uye kuti ucharemekedza kuvanzika kwezvinetso zvake. Angasanoda nyaradzo yakadaro kupfuura kuita kuti iwe uedze kugadzikisa chinetso chake.—Zvirevo 10:19; 17:17; 1 VaTesaronika 5:14.
Kana kuteerera kuchiperekedzwa nezano kana kuti kwete, kunobetsera mativi ose ari maviri anobatanidzwa. Uyo anotaura ane gutsikano yokuva anonzwiwa naanonzwisiswa. Anonyaradzwa mukuziva kuti mumwe munhu anoitira hanya zvikuru kunzwa zvose zvaanoda kutaura. Muteereri anotuswawo. Vamwe vanoonga itiro hanya yake. Kana akapa zano, rinova rinovimbwa zvikuru nokuti haatauri kutozosvikira anzwisisa zvizere mamirire ezvinhu aunzwa kwaari. Ichokwadi kuti kuteerera kwokunzwira tsitsi kunotora nguva. Asi ibetsero inokosha yakadini! Zvirokwazvo, kupfurikidza nokupa vanhu ngwariro yako ine mufungo, unovapa chipo chinokosha.