Apo Uhwana Hunova Chinoitika Chinotyisa
YAKANYORWA NOMUNYORI WAMUKAI! MUSPAIN
Nhasi—zuva rokufananidzira muma 1990—vana vane zviuru 200 vacharwa muhondo dzechimurenga, vana vezera rechikoro vane mamirioni 100 havasati vachizopinda chikoro, vana vane mamirioni 150 vacharara nenzara, vana vane mamirioni 30 vacharara mumigwagwa, uye vana vane zviuru 40 vachafa.
KANA nhamba dziri pamusoro apa dzichiratidzika kuva dzinotyisa, zviso zviri seri kweidzi nhamba zvinosuruvarisa. Pasi apa pane nhau pfupi dzavana vashanu vane migariro yokupererwa nezano rose inotibetsera kunzwisisa revo yeizvi zviverengero zvinotyisa.
Murwi ari mwana. Mohammad anongova bedzi namakore 13 okukura, asi anotova murwi akarovedzwa wokumadokero kweAsia, kwakadziva kumaodzanyemba, gamba rehondo nomwe. Aisimbofudza mbudzi asati aenda kuhondo—pazera ramakore gumi. Zvino, Mohammad anoshandisa mutyotya wakareruka wokudenha nawo weAK-47, uyo asingazenguriri kushandisa. Muno kumwe kurwisana akauraya varwi vaviri vari vavengi padaro pfupi. Paakabvunzwa manzwire aakaita pamusoro pokuuraya, akapindura, kuti: “Ndakafara nemhaka yokuti ndakavauraya.” Vana vanoita varwi vari nani, mukuru mukuru wake anotsanangura kudaro, “nemhaka yokuti havatyi.”
Mushandi ari mwana. Woodcaby ane makore mana okukura anogara muimba yamabhuroko amarasha pachitsuwa cheCaribbean. Anomuka na 6:00 a.m. kuti atarisire mabasa ake apamba ezuva nezuva: kubika, kuteka mvura, uye kuchenesa imba yatenzi wake. Haatambiri mubairo uye zvichida haasati achizotongoenda kuchikoro. Woodcaby anotaura kuti anoshaiwa vabereki vake, asi haazivi kwavari. Zuva rake rinopera pa 9:30 p.m., uye kana zvinhu zvikamunakira, haasati achizorara nenzara.
Mwana ane nzara. Mumusha weAfrica weComosawha, musikana ane makore gumi nerimwe okukura anopedza zuva rimwe nerimwe rinopedza simba achitsvaka nomutoo wokubishaira masora. Zviguri zvamasora ehanyanisi—zvinodokuva zvose zvinogona kumera muvhu rakaoma—zvinobatira kumuchengeta nemhuri yake vari vapenyu. Zviguri zvinoviriswa kana kuti zvimwe zvinokanyiwa ipapo zvokangiwa. Mubatanidzwa unouraya wokusanaya kwemvura nehondo yavagari vemo wakasvitsa vagari vomumisha kukuziya nenzara.
Mwana womumigwagwa. Edison anongova mumwe bedzi wezviuru zvavana vomumigwagwa muguta guru reSouth America. Anoita mari shoma achichenesa shangu, uye anorara papevhumendi pedyo nechiteshi chamabhazi, pamwe chete navamwe vana vanoswederana pedyo mukati mousiku hunotonhora. Pane dzimwe nguva anotendeukira kuutsotsi hwokuba zvinhu zviduku kuti atsigire miripo yake somukomana anochenesa shangu. Iye akakwapurwa kaviri namapurisa, uye akapedzera mwedzi mitatu mujeri. Edison anotaura kuti zvino iye “anenge” akarega kushandisa mirimo anofemba guruu. Iye ane chishuvo chikuru chokuva makanika, chokudzidzira basa.
Kufa kwomwana. Mangwanani anotonhora, akanyata pagomo reDugen muMiddle East. Mucheche, akamonerwa nejira rokuvigwa naro, anoiswa muguva risina kudzama. Mwana akafa norupanzo—chisakiso chinozivikanwa navose chokufa kwavana. Amai vari mupoteri uye mukaka wavo wakaoma mukati mokufamba kwavo rwendo runopedza simba kuenda kukotsekano. Mukupererwa nezano rose zvaro ivo vakadyisa mwana wavo shuga nemvura, asi mvura yakanga ine utachiona, uye mwana akafa. Kufanana navamwe vana vane 25 000 vakavigwa pazuva rimwe chetero, haana kutongosvika zuva rake rokutanga rokuberekwa.
Dzichiwanziridzwa nekanezviuru, idzi nhauro dzine ngwavaira dzinoratidzira zviri upenyu nokuda kwavakawanda vevana venyika. Uhwana, nguva yokudzidza nokukura muzivo muimba yemhuri ine rudo, nokuda kwaava vana yakava chinoitika chinotyisa umo vakawanda vasingazotongobvi machiri.
Peter Adamson, mupepeti womushumo unoti Mugariro Wavana Venyika, akazivisa muna 1990, kuti: “Rufu nokutambura pamwero uyu zvinongova bedzi zvisati zvichirizve zviri madikanwa; izvo naizvozvo hazvisichirizve zvinogamuchirika. Rudzi rwomunhu rune mano okupedza mugariro wacho uye naizvozvo runosungirwa mutsika kuita saizvozvo.”
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Photo: Godo-Foto