Kuda Mari—Ndiwo Mudzi Wezvakaipa Zvizhinji
CHIZVARWA chimwe nechimwe chingataura kuti chakaona kutsvakwa kukurusa kwekose kwechinhu chinotengwa ichocho chinotsvakwa zvikurusa pamusoro papasi—mari! Chimwe nechimwe chinogona kunongedzera kuhondo dzachakarwa kuti chiwane pfuma noupfumi, urefu hwehondo kazhinji kazhinji huchitemwa nokuti mari yaigara zvakadini.
Munyika yose, vanhu vakaurawa mumamirioni nokuda kwemari. Vana vavabereki vakapfuma vakanyerudzwa ndokuchengetwa nokuda kworudzikinuro—mari icharipirwa navabereki nokuda kwokudzoka kwavo kwakakotsekana. Vananyajambwa vasingakariri vakakorovherwa mari yose yavakachengeta muupenyu hwavo navanyengedzi vane unyanzvi. Misha yavanhu yakabiwa ndokupazwa nokuda kwemari. Varume vakashinga vakanzi “Muvengi Mukurusa Wavose” nemhaka yokuti vakaita ugororo pabhangi rimwe chete. Hapana chimwe chizvarwa chinogona kutaura kuti ndicho bedzi chakaona aya mabasa anonyadzisa. Hapana chizvarwa, somuenzaniso, chakapupurira kutsvaka mari kwamakaro makuru zvikuru kupfuura icho chakaona muiti wechakaipa anozvidzwa achitengesa shamwari yake chaiyo, munhu mukurusa ati amborarama, nokuda kwezvidimbu 30 zvemari.
Zvino uno muchizvarwa chino, zvisinei, kurondwa kweichi chinogamuchirwa zvikuru mukutsinhanisa chisingabatiki nguva dzose, chinotsanangurwa nomumwe munyori weAmerica se“dhora ramasimba ose, chinhu chiya chikuru chokuzvipira kwenzvimbo yose,” chaderera zvikuru kusvika kumwero mitsva. Hapana chimwe chizvarwa chakapupura kupazwa kuzhinji kwoushingi kwamabhengi—mamirioni amadhora achibvutwa kuvagamuchiri navapi vemari vomubhangi vachityisidzirwa nepfuti, kwete bedzi navarume navakadzi asi kunyange nepwere. Umbavha hwakadaro hwapararira zvikuru zvino zvokuti hunowana ngwariro duku muzvinobudisa nhau. Masangano ezvemari akawanda akundikana nemhaka yokuti varidzi vana makaro vakashandisa zvisiri pamutemo mamirioni emari yavachengetesi nokuda kwokushandisa kwavo vamene, nokudaro vachipedza pfuma yamabhangi vachisiya vachengetesi vemari vazhinji vaparadzwa mune zvemari.
Chii chinogona kutaurwa nezvavashandi vomuhofisi avo vanoba mamirioni amadhora kubva kuvashandirwi vavo kuti vaedze kutevedzera mararamire avapfumi navakakurumbira? Mashoko mazhinji angagona kunyorwa pamusoro pavanhu vanohwandira mumigwagwa isingavhenikwi zvakajeka kuti vabire vapfuuri zviri mukati memahandibhegi avo nezvikwama. Uye zvakadiniko nezveugororo hwoushingi hunopupurirwa navazhinji mukati mamaawa amasikati, vananyajambwa vachiurawa uye homwe dzavo dzichikuturwa? Munharaunda dzomumaguta, vagari vanochema, kuti: “Hakusi kuti ndichabirwa here pamugwagwa wangu asi kuti kazhinji kazhinji sei.” Vamwe vanototakura kunyange ‘chitsama chemari’ chokupa pakurairwa kuita kudaro kuti vafadze gororo, iro somuuyo ringasavauraya. Nomutoo usingafadzi, ichi chizvarwa chokupedzisira chezana ramakore rechi 20 chiri kuona kutsvaka mari kwoutsinye kukurusa uko nyika isati yamboziva.
Simba Remari Mumhuri
Pupurira kupopotedzana kwezuva nezuva pakati pavarume navadzimai pamusoro pemari. “Mari igwezvo iro rinokwezva vhiringidziko dzose muupenyu hwedu,” akanyora kudaro mumwe munzveri. “Unofanira kunzwisisa nzira iyo iwe nomukwanyina wako munorangarira nayo uye munoshandisa nayo mari kana muchizorega kurwa pamusoro payo,” akadaro. Mhuri dzingave dzakapfuma kana kuti dzine urombo kana kuti dziri pakati nepakati, nyanzvi zhinji dzinobvuma kuti vanyakuroorana vanorwa zvikurukuru pamusoro pemari. “Kunondishamisa,” anodaro mumwe munzveri, “kuti kurwa kungani kunobatanidza kushandiswa kana kuti kuchengetwa kwemari.” Rangarira, somuenzaniso, vakapfuma zvinoshamisa. Kazhinji kazhinji mukwanyina ane rutsuta anotsvaka kuchengetedza mari yake, nepo anopambadza anotsvaka kuishandisa. Pasinei zvapo nepfuma yacho, kurwa kunoitika—kwete nemhaka yokushaikwa kwemari asi nemhaka yokuwanda kwayo. Pane avo vanoroorwa nokuroora nokuda kwemari, vanofarikanya mararamire ari nani kupfuura ayo vakatongofungidzira, uye pakupedzisira vanochatanura ndokuwana zvitsama zvikuru zvemari yemetenenzi.
Mutsika ino yezvinhu yapengeswa nemari, mari mufananidzo wesimba nokuzvikudza. Ikoku kazhinji kazhinji kunoita kusafara apo mudzimai anotambira yakawanda kupfuura mukwanyina wake. Apo anodaro, murume wake anganzwa kuti simba rake nokuzvikudza zvarasika. Godo rinoita kuoneka kwaro kusingafadzi—kwete nemhaka yomunhu—asi nemhaka yedhora ramasimba ose iroro rinochiviwa iro rakashinga kuparira kukamukana. Mukurwisana pakati pemari nerudo, kazhinji kazhinji zvikuru mari mukundi asingapanikiriki.
Uye nokudaro unopfuurira. Zvirokwazvo “kuda mari ndiwo mudzi wezvakaipa zvose.” (1 Timotio 6:10) Bva, kushaya mari kwakaunza nhamo huru nokutambura kuavo vakaitwa vananyajambwa naavo vari kuitsvaka.
Mari, Mari Munzvimbo Iri Yose
Kunotaurwa kazhinji kazhinji kuti mari inodikanwa kuita mari yakawanda. Cherekedza zvitsama zvikuru zvemari—mamirioni—zvinopedzerwa kukwezva vaizova vatengi mukutenga zvinhu zvinotengeswa navashambadzi. Nzvera tsamba dzako dzinouya—zvimwe uchava anotevera “kuwina mamirioni gumi amadhora.” Hapana anoratidzika kuva anofarirazve mirioni bedzi yamadhora; zvino ava mamirioni gumi uye kupfuura. Chiverengero chakati chinonyoresa kumagazini avasingadi, uye zvichida havasati vachizotongoarava, kutyira kurasikirwa nemhindu isingakarirwi yemari. Vimbiso yakaziviswa yokuti “Haufaniri kutenga kuti ukwaniriswe kuwina” inoratidzika kuva inopanikirika kuvazhinji.
Rangarira nyika dziri muAmerica idzo zvino dzine marotari ane mhindu inogona kusvika mamirioni amadhora nokuda kwavawini! Mamirioni mashomanene chi“tsama chiduku chemari.” Mazuva ano, kubva pamamirioni 50 kusvika kumamirioni 100 amadhora angawinwa pakubhejera kumwe. Hakuratidziki kuva nomugumo wemari inowanikwa nokuda kwemari inounganidzwa yemibairo isingawinwi. Munyika zhinji, marotari enyika yose ave aripo kwezvizvarwa. Vanhu vakapedza mari inotambirwa yevhiki yose pabanza rimwe rokuwina chitsama chikuru chemari. Mhuri dzakararama dzisina zvokudya nezvokupfeka zvakaringanira—mari inobairwa kuna “mwari weMhanza Yakanaka” panzvimbo pezvo.—Isaya 65:11, NW.
Cherekedza mamirioni ayo anorota achiwina zvitsama zvikuru mumitambo yokubhejera. Rangarira avo vanoedza kuita zvavakafungidzira pamusoro pokuwina mari yakawanda mumacasino okubhejera munyika yose. Kupfurikidza nokutamba dhaisi kamwe, mumwe anowana kadhi rokuwina, kukweva kumwe chibatiso chomuchina wokubhejera, vanokarira kuzadzika zviroto zvavo. Nguva dzose, zvisinei, kwaizova kwakaoma kwazvo nokuda kwavakadai kuzadzika zviroto zvavo.
Nokudaro kuronda kusingazununguki dhora iroro risingabatiki kunopfuurira pamwero mukuru, kudzingana nemhepo chaiko. Kunyange zvazvo vamwe vakaunganidza pfuma, vakawana kuti kamwe kamwe, munhambo imwe isingakarirwi, yaenda. Mashoko aMambo akachenjera Soromoni anofanira kuva nerevo inokosha nokuda kwavo ipapoka: “Pfuma inozviitira mapapiro, segondo rinobhururukira kudenga.”—Zvirevo 23:5, Today’s English Version.
Rondedzero Mumusiyano
Hakungarambwi kuti pane avo vakazviunzira vamene kutambura kukuru nemhuri dzavo kupfurikidza nokupedza mari yavo yose pamutambo wemhanza. Kazhinji kazhinji varombo, vane zvishomanene, vanowana zvishomanene zvokurarama nazvo. Vamwe vane usimbe uye vanosarudza kubhejera mukutsvakwa kwemari iyo vasingafaniri kushandira. Nhasi, zvisinei, vazhinji vevarombo venyika ndivananyajambwa vezvinoitika zvavasingakwanisi kudzora. Avo vane dzidzo shomanene iri madikanwa kuti vakwanise kunyora mazita avo vamene vanogona kuverengwa mumamirioni asingadudzwi. Navamwe vasingaverengeki, migariro yezvemari yomunzvimbomo inokundikana yakaderedza mari yavanotambira kumwero wourombo. Kunyange avo vane madhigirii ekoreji vaitofanira kutarisana nokurambwa kwetsamba dzavo dzekumbiriso yebasa. Sezvo masangano makuru anoderedza kubudiswa kwezvinhu nemhaka yokuti mugove wezvinhu zvavo mukuru kupfuura kudikanwa, zviuru zvakawanda zvinozviwana zvimene zvisichashandi. Zvinogonana sei nako?
Mabanza okuwana mari nemitoo yokusatendeseka angaratidzika kuva akanaka kwavari. Vangarangarira kuti mutoo upi noupi unoshandiswa unogamuchirika kana ukawana muuyo unodikanwa. “Ndichaita chinhu chipi nechipi kuriritira mhuri yangu” chimiro chendangariro chinozivikanwa pakati paavo vari kutarisana nenhamo huru yemari. Nzira dzokusatendeseka izhinji, uhure hwavakadzi, umbavha hwavarume. Ko kusatendeseka, kuba, kana kuti kubhejera—kuronda dhora risingawanwi—kungambogamuchirwa here? Nyika yakazara naavo vanofunga kudaro.
Unodavira muMusiki Mukuru, Jehovha Mwari here? Zano rake kukandira mitoro yako paari, kuvimba netsigiro yake munguva dzokushaiwa. Pashure pamakore 25 oruzivo rwokuzviwanira rwechiKristu, muapostora Pauro aigona kunyora, kuti: “Ndinoziva urombo, ndinozivawo kuva nezvakawanda; pachinhu chipi nechipi napazvinhu zvose ndakadzidziswa kuti ndizive kuguta nokunzwa nzara, kuva nezvizhinji nokushaiwa. Ndingaita zvose naiye unondipa simba.” (VaFiripi 4:12, 13) Sezvinooneka, Pauro haana kutendeukira kumitoo yokusatendeseka apo akanga aine zvinhu zvishoma, asi akavimba naJehovha uye akatsigirwa.
Naizvozvo kana uri murombo, uchishaiwa, usatsvaka mhindu yokusatendeseka. Zvamazvirokwazvo hakuna kushata kuita mari nokutendeseka; Jesu amene akataura kuti “mubati wakafanirwa nomubairo wake.” (Ruka 10:7) Kana kuti pane chakaipa mukuva akapfuma. Asi usatongotendeukira kukubvumirana pane zvisina kufanira kwetsika kuti usvitse zvinodikanwa zvako. Vaka ukama noMusiki wako Mukuru, Jehovha Mwari, uye vimba naye kuti akubetsere kugonana nenhamo dzoupenyu nezvinetso. “Kandirai pamusoro pake kufunganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuchengetai.”—1 Petro 5:6, 7.