Unoda Rudzii Rwenyika?
KUDAI waiva nesimba, waizosika nyika itsva here, nyika isina zvinetso zvose zviri kutambudza vanhu nhasi? Kudai waizodaro, hakuna mufungo here kukarira kuti Musiki wedu ane rudo, Jehovha Mwari, ane simba, achasika nyika itsva yokururama?
Bhaibheri rinoti: “Jehovha uno mwoyo wakanaka kuna vose; ngoni dzake dziri pamabasa ake ose. Munotadzanura ruoko rwenyu, ndokugutisa zvipenyu zvose.” (Pisarema 145:9, 16) Ndezvipi zviri zvimwe zvezvishuvo zvako? Unokarira rudzii rwenyika?
Mubhuku ravo A Sane and Happy Life: A Family Guide, Abraham naRose Franzblau vakanyora, kuti: “Kudai taizonzvera chiverengero chavagari vemo chenyika ndokubvunza vanhu pamusoro porudzi rwenyika yataizoda tose kurarama mairi, kunobvira kuti isu tose taigona kubvumirana pazvinodikanwa zvakati zviduku.”
Ngatinzverei zvinodikanwa zvakarongwa naava vanachiremba ndokuona kana zvisiri zvinhu zvimwe chetezvo unoda. Sezvatinoita ikoku, tichaonawo kana Musiki wedu ane rudo akapikira kugovera zvinhu izvozvi chaizvo.
Chinodikanwa Chokutanga
Vanachiremba vakaronga kutanga “nyika isina hondo.” Pashure pokutambura chiverengero chakati chehondo dzakaipa zvikuru, vazhinji vanokarira nyika umo vanhu vasati vachizotongorwazve ndokuurayana. Tariro yavo inotaurwa murunyoro ruri pamadziro eUnited Nations Plaza muNew York City, runorava kuti: VACHAPFURA MINONDO YAVO KUVA MIROMO YAMAPADZA. NAMAPFUMO AVO KUVA ZVISANZAURISO: RUDZI HARUSATI RUCHIZOSIMUDZIRA RUMWE RUDZI MUNONDO. HAVACHAZODZIDZAZVE HONDO.
Waizviziva here kuti mashoko iwayo rutivi rwechipikirwa chakaitwa naJehovha Mwari? Mashoko acho akanyorwa muBhaibheri Dzvene pana Isaya ganhuro 2, ndima 4, muKing James Version. Kupfurikidza nokuravawo Pisarema 46:8, 9, uchaona kuti idonzo raMwari kuparadza zvombo zvose ndo“kugumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” Munyika ine rugare, isina hondo yokuita kwaMwari, ichi chiporofita cheBhaibheri chichazadzikwa: “Mumwe nomumwe uchagara pasi pomuzambiringa wake nomuonde wake, hakuna ungazovatyisa.”—Mika 4:4.
Hausati waizoronga here “nyika isina hondo” sechinodikanwa chikuru nokuda kworudzi rwenyika iyo unoda? Uye funga hako, Musiki wedu Mukuru akaipikira!
Nyika Yamafashafasha
Ndechipi chaizova chinodikanwa chako chechipiri? Chaizova chimwe chetecho sechinotevera kupiwa here, “nyika isina nzara, umo kurumwa nenzara uye kushaiwa zvichave zvabviswa nokusingaperi”? Hakusati kwaizova kunoshamisa here kudai kwaisazotongova nomwana anoziya? Chokwadika waizoda kurarama munyika yamafashafasha. Asi ndianiko anogona kuivimbisa?
Rangarira izvo Mwari anopikira: “Pasi pakabereka zvibereko zvapo.” “Kuchava nezviyo zvizhinji pasi pamusoro pamakomo.” (Pisarema 67:6; 72:16) Hungu, munyika itsva yaMwari, zvokudya zvakaisvonaka zvichava zvakawanda. Bhaibheri rinotivimbisa kuti Jehovha “uchagadzirira marudzi ose vanhu mutambo wezvakakora, mutambo wewaini yakagara pamasese, wezvakakora zvizere nomwongo.”—Isaya 25:6.
Nepo nyika isina nzara isingagoni kugoverwa nesimba ravanhu, haisati iri isingagoni kuitwa nesimba rwaMwari. Mwanakomana wake, Jesu Kristu, akaenzanisira kuti kugovera zvokudya vose hakusati kuchizova chinetso pasi poUmambo hwaMwari. Apo aiveri pasi pano, Jesu akadyisa zviuru kupfurikidza nokuwanziridza nenzira inoshamisa zvingwa zvishomanene nehove shomanene.—Mateo 14:14-21; 15:32-38.
Nyika Isina Kurwara
Waisazowana munhu anorwara munzvimbo ipi neipi murudzi rwenyika tose zvedu tinoda. Nokudaro chinodikanwa chechitatu hachishamisi. “Ingava nyika isina chirwere,” vakanyora kudaro vanachiremba, “nyika umo vose vaizova nebanza rokukura muutano hwakanaka ndokurarama mazuva ose oupenyu hwavo pasina kurwara kusingadzivisiki nokusingaperi.”
Funga nezvokusununguka kwacho kudai pasina munhu anombonzwa dzihwa kana kuti kumwe kurwadziwa kupi nokupi! Vanhu havagoni kubvisa kurwara, asi Jehovha Mwari anogona. Uye anopikira kuti munyika yake itsva “hakuna ugeremo uchati: ‘Ndinorwara.’” Panzvimbo pezvo, “meso amapofu achasvinudzwa, nenzeve dzematsi dzichadziurwa. Ipapo unokamhina uchakwakuka senondo, rurimi rwembeveve ruchaimba.” (Isaya 33:24; 35:5, 6) Hungu, Mwari “uchapisika misodzi yose pameso avo, rufu haruchavipo, kana kuchema, kana kurira, kana kutambudzika hazvingavipo.”—Zvakazarurwa 21:4.
Apo Jesu Kristu aiveri pasi pano, akaratidzira izvo tinogona kukarira pamwero mukuru zvikuru munyika itsva yaMwari. Akadzorera kuona kwamapofu, akazarura nzeve dzamatsi, akasunungura ndimi dzembeveve, akagonesa vakaremara kufamba, uye kunyange kudzorera vakafa kuupenyu.—Mateo 15:30, 31; Ruka 7:21, 22.
Basa Rinogutsa Neruramisiro Nokuda Kwavose
Pasina panikiro, basa rinogutsa neruramisiro nokuda kwavose zvichavapo munyika iyo iwe uye anenge munhu ari wose aizoda. Nokudaro vanachiremba vakanyora, kuti: “Chechina, yaizova nyika ine basa nokuda kwaavo vanoshuva kuwana chokuzviraramisa nacho kuti vazvigovere vamene nemhuri dzavo.” Uye vakawedzera, kuti: “Chechishanu, yaizova nyika umo munhu ari wose aizofarikanya rusununguko pasi pomutemo, une ruramisiro nokuda kwavose.”
Kutonga kwomunhu hakuna kutongokwanisa kuzadzika izvi zvinodikanwa nokuda kwokurarama kunofadza. Asi nyika itsva yaMwari ichazadzika. Bhaibheri rinopikira nezvebasa rinobetsera iro vanhu vachaita panguva iyoyo: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. . . . Vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo. Havangabatiri zvisina maturo.”—Isaya 65:21-23.
Zvakadiniko norusununguko neruramisiro nokuda kwavose? Pasinei zvapo nokuti vatongi vavanhu vakaedza sei, vakakundikana kugovera izvi nokuda kwomunhu ari wose. Kusaruramisira nokudzvinyirira zvinopfuurira kutonga pasi rose. Naizvozvo vanhu havatongogoni kugutsa ichi chinodikanwa. Asi Mwari Wamasimba ose anogona. Mutongi wake akagadzwa ndiJesu Kristu akamutswa, uye nezvake Jehovha anoti: “Musanangurwa wangu unofadza mweya wangu. . . . Uchavigira marudzi kururamisirwa.”—Isaya 42:1; Mateo 12:18.
Hungu, Bhaibheri rinopikira kuti muUmambo hwaMwari “zvisikwa zvimene zvisunungurwe pauranda hwokuora, zviiswe pakusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Ichava nyika itsva yakadini apo panova norusununguko neruramisiro nokuda kwavose!
Mabanza Nefarikanyo
Zvirokwazvo murudzi rwenyika yaunoda, vagari vemo vose vachafarikanya mabanza akaenzana pasinei zvapo nedzinza kana kuti norudzi. Hakushamisi, naizvozvo, chinodikanwa chiduku chechitanhatu chakarongwa navanachiremba ndeichi: “Yaizova nyika umo munhu ari wose aizova nebanza rokukudziridza mano ake uye unyanzvi zvakazara, ndokutuswa nokuda kwokuedza kwake, pasina fungira mano akaipa.”
Vanhu havana kutongokwanisa kutanga nyika umo vanhu vose vakafarikanya kubatwa kwakanaka. Fungira mano akaipa uye kunyange kutambudzwa kwavorushoma vasingadiwi kunopfuurira kusingaderedzwi. Bva, Mambo wenyika itsva yaMwari, Jesu Kristu, achatevedzera muenzaniso waJehovha, Baba vake, vasi“ngatsauri vanhu, kana kugamuchira mubairo.” (Dheuteronomio 10:17; VaRoma 2:11) Chichaita nyika itsva iri kuuya inoshamisa yakadaro ndicho kuti vanhu vose havasati vachizodzidziswa bedzi kusasarura kwaJehovha Mwari asi vachakuita.—Isaya 54:13.
Kazhinji kazhinji upenyu hwavanhu hwave hwakapirwa kubasa risina kuzorora nezororo duku kana kusava naro. Naizvozvo zvirokwazvo uchabvumirana nechinodikanwa chiduku chinotevera, ndiko kuti: “Chechinomwe, yaizova nyika umo vanhu vose vaizova nezororo rakaringanira kufarikanya zvinhu izvozvo zvavanorangarira sezvinhu zvakanaka muupenyu.”
Achiziva chinodikanwa chomunhu nokuda kwenhambo dzokuzorora nokufaranuka, Jehovha Mwari muMutemo wake wakare akagovera zuva rezororo revhiki nevhiki. (Eksodho 20:8-11) Naizvozvo, tinogona kuva nechokwadi chokuti munyika itsva yake, Mwari achatarisira kuti chinodikanwa chedu chokufaranuka uye zvimiro zvinovaka zvenhandaro zvinozadzikwa.
Rudzi Rwavagari Vacho
Chinodikanwa chokupedzisira chakapiwa navanachiremba chinotsanangura mavara ane avo vachagara “rudzi rwenyika taizoda tose kurarama marwuri.” Bvumikisa kana iwewo usingarangariri mavara avakaronga kuva anokosha. “Rechisere, yaizova nyika umo ukoshi hukuru zvikuru hwaizoiswa pamavara iwayo anoparadzanisa munhu nemhuka, akadai soungwaru uye unyanzvi hwokugadzira zvinhu, rukudzo neperero, rudo noruvimbiko, kuzviremekedza nokusava noudyire, uye itiro hanya nokuda kwavanhu biyake.”
Hawaizofarikanya kurarama munyika umo munhu ari wose aizoratidzira mavara etsika eperero, rudo, ruvimbiko, kusava noudyire, uye itiro hanya vanhu biyako here? Chokwadika urwu ndirwo rudzi rwenyika yaunoda! Hapana vatongi vohunhu vaigona kugovera urwu. Jehovha Mwari bedzi anogona. Uye acharugovera nemhaka yokuti nyika itsva haisati iri isiri chaiyoiyo, yokufungidzira.—Pisarema 85:10, 11.
Ichauya Rini?
Sezvanyorwa munyaya yatangireyi, musonganiri wapedyo waJesu Kristu akanyora, kuti: “Asi sezvaakapikira [Mwari], tinotarira denga idzva nenyika itsva munogara kururama mazviri.” (2 Petro 3:13) Nguva yezadziko yeichi chipikirwa ichava, seizvo Jesu akataura, “pakuberekwa kutsva, kana Mwanakomana womunhu achizogara pachigaro choushe chinobwinya.”—Mateo 19:28.
Pakuvamba Mwari akarairidza Adhama naEvha, vaviri vokutanga vohunhu kukudziridza bindu reParadhiso umo Iye akavaisa. Aida kuti vabereke vana uye pamwe navo vaite pasi rose bindu rakaisvonaka reEdheni. (Genesi 1:26-28; 2:7-9, 15) Kunyange zvazvo Adhama naEvha vakakundikana kuita iri donzo, kuchava nedzorerwo yeParadhiso yapasi mukusikazve, naKristu achitonga muUmambo. Pakupedzisira, migariro yeEdheni ichatambanudzirwa mupasi rose. Nokudaro Musiki wedu ane rudo achazadzika donzo rake rapakuvamba rokuva nenyika ine rugare, yakarurama. Asi ichauya rini?
Unofunga savakawanda here avo vanoti, ‘Haiwa, ichauya pane imwe nguva asi kwete munduramo yedu.’ Bva, tinoziva sei? Nguva yedu yenhamo yenyika isingaenzaniswi ingava chiratidzo chokuti nyika itsva yaMwari yava pedyo here? Tinogona sei kuziva?
[Mufananidzo uri papeji 28]
Munyika itsva, muchava norugare, utano hwakakwana, uye rubudiriro
[Kwazvakatorwa]
Cubs: Courtesy of Hartebeespoortdam Snake and Animal Park
[Mufananidzo uri papeji 29]
Munyika itsva, vanhu vachafarikanya basa rinobereka zvibereko
[Mufananidzo uri papeji 30]
Munyika itsva, kuchava nenguva nokuda kwemibato yokufaranuka