Nyika Itsva—Ichazombouya Here?
PANA April 13, 1991, George Bush, aichimbova purezidhendi weUnited States, akapa hurukuro muMontgomery, Alabama, ino musoro unoti: “Bviro yeNhevedzo yeNyika Itsva.” Mumhedziso akati: “Nyika itsva yakatitarira . . . , inyika inoshamisa yokuwana.”
Mwedzi miviri gare gare The Bulletin of the Atomic Scientists yakataura kuti nokuwa kwehurumende dzechiKomonisiti muEastern Europe, “nhevedzo yenyika itsva yakavakirwa parugare, ruramisiro, uye hurumende yokusarudza kwavoruzhinji zvairatidzika kuva zvava pedyo.”
Kutaurwa kwakadaro kwenyika itsva kwakapfuurira kupinda muna 1993. The New York Times yakashuma muna January pachibvumirano chakavimbisa kuderedzwa kwezvombo zvenyukireya. Pepanhau racho rakati: “Ikoko kunoisa America neRussia ‘pachikumbaridzo chenyika itsva yetariro,’ mumashoko akasanosarudzwa aPurezidhendi Bush.”
Mavhiki maviri pashure pezvi purezidhendi mutsva weUnited States, Bill Clinton, akazivisa muhurukuro yake yokuvamba, kuti: “Nhasi, sezvo nhevedzo yekare inopfuura, nyika itsva yakasununguka zvikuru asi yagadzikana zvishoma.” Akatotaura kuti: “Iyi nyika itsva yakatopfumisa upenyu hwamamirioni avaAmerica.”
Naizvozvo kwave kune kutaura kwakawanda pamusoro penyika itsva—yakasiana uye iri nani. Mukuwirirana nokumwe kuverenga, mukati menhambo pfupi zvikuru, George Bush akataura kane 42 mukutaura kwapachena nezve“Nhevedzo yeNyika Itsva.”
Asi kutaura kwakadaro ndokwechienzi here? Kwakambonzwiwa kare here?
Hapana Chitsva Chaizvoizvo
Muna May 1919, pashure chaipo peHondo yeNyika I, Federal Council of the Churches of Christ muAmerica yakaita musangano muCleveland, Ohio, apo ‘bviro yenyika iri nani neitsva’ yakaziviswa. Mumwe mukurukuri akazivisa, kuti: “Ichava nyika umo nheyo yamakwikwi ichave yatera kunheyo yesonganirano noushamwaridzani. Ichave nyika umo nheyo yechinzwano ichave yatsiva nheyo yokuparadzana . . . Ichave nyika itsva umo uhama noushamwaridzani zvichave zvatsiva kakavadzano kusiya bedzi rwisano nechakaipa.”
Chechi dzakadavira sei kuti iyi nyika itsva yaizouya? Kupfurikidza nehurumende yoUmambo hwaMwari yakapikirwa muBhaibheri here? Kwete. Aitarira kusangano rezvamatongerwe enyika kuti riunze nyika itsva yakadaro. “Chatinotaura nezvacho nhasi seChinzwano chaMarudzi,” mumwe mutungamiriri wechechi akati, “inhau inokosha uye isingadzivisiki yokutenda kwechiKristu nokuedza kwedu kwose munyika.” Vatungamiriri vechechi vomunhambo iyoyo vaitosimudzira Chinzwano chaMarudzi so“mufananidzo wezvamatongerwe enyika woUmambo hwaMwari pasi pano.”
Kune rumwe rutivi, mutungamiriri ane simba muGermany, Adolf Hitler, aishora Chinzwano chaMarudzi uye muma 1930 akatanga Germany’s Third Reich. Akati Umambo ihwohwo hwaizogara makore ane chiuru uye hwaizoita izvo Bhaibheri rinoti Umambo hwaMwari bedzi hunogona. “Ndiri kutanga navaduku,” Hitler akadaro. “Navo ndinogona kuita nyika itsva.”
Hitler akanga ane nhandare yakakura kwazvo yakavakwa muNuremberg nokuda kwokuratidzira simba reNazi. Nenzira yokufananidzira, mbiru dzine 144 dzakamiswa pachikuva chinodokuva mamita 300 kureba. Neiko mbiru 144? Bhaibheri rinotaura nezvevane 144 000 avo vaizotonga ne“Gwaiana” Jesu Kristu, uye kuti kutonga kwavo kwaizova makore ane chiuru. (Zvakazarurwa 14:1; 20:4, 6) Sezvinooneka, kumiswa munhandare yeNuremberg kwembiru 144 kwaisava tsaona yechiverengero, sezvo kushandiswa kwomutauro weBhaibheri uye kufananidzira kwakaitwa navakuru vakuru veNazi kuchisanobvumikiswa.
Ndeipi yakanga iri miuyo yenhamburiko dzavanhu kuzadzika icho Bhaibheri rinoti chichaitwa bedzi noUmambo hwaMwari?
Kukundikana Kwenhamburiko Dzomunhu
Nhau inopupurira zvikuru kuti Chinzwano chaMarudzi chakakundikana kuunza nyika itsva yorugare. Sangano iroro rakawa apo marudzi akava anomonzverwa muHondo yeNyika II. Uyezve, pashure pamakore 12 bedzi, Third Reich yakava matongo. Yakanga yakundikana chose chose, ruzvidzo kumhuri yavanhu.
Munhau yose nhamburiko dzomunhu dzokuita nyika itsva ine rugare dzakava dzisingabudiriri nenzira isingachinji. “Shambidziko yose iyo yakanguve iripo pakupedzisira yakawa,” akadaro aichimbova Munyori weUnited States weHurumende Henry Kissinger. “Nhau ingano dzenhamburiko idzo dzakakundikana, dzekariro dzisina kuzadzika.”
Zvakadiniko, ipapoka, nenhevedzo yenyika itsva iyo vatungamiriri venyika vakashora munguva ichangobva kupfuura iyi? Kugundika kwamasimba masimba ourudzi kwakaita kunyombwa kwepfungwa iyoyo yenyika itsva yakadaro. Somuenzaniso, March 6 akapfuura uyu, wezvenhau William Pfaff akaita musere, achiti: “Nhevedzo yenyika itsva yasvika. Inosanoshanda uye zvirokwazvo itsva, ichitsvenesa vhozhokero, kudenha uye kubvisa urudzi somufambiro unogamuchirwa wamarudzi.”
Kurwa kwakaipa uye utsinye zvakaitika chibviro chokuwa kwechiKomonizimu zvinotyisa kwazvo. Kunyange George Bush, chinguvana asati asiya nzvimbo yake muna January akabvuma, kuti: “Nyika itsva ingagona, munguva, kuva inotyisidzira seyekare.”
Chikonzeroi Chetariro?
Ikoku kunoreva here kuti mugariro wacho hauna tariro? Nyika itsva chishuvowo zvacho chefungidziro here? Nenzira yakajeka, vanhu vave vasingakwanisi kuita nyika itsva. Asi zvakadiniko nechipikirwa choMusiki chokuita kudaro? “Asi sezvaakapikira [Mwari], tinotarira denga idzva nenyika itsva,” Bhaibheri rinodaro.—2 Petro 3:13.
Matenga matsva ayo Mwari anopikira kutonga kutsva pamusoro papasi. Uku kutonga kutsva Umambo hwaMwari, hurumende yake iyo Jesu akadzidzisa vanhu kunyengeterera. (Mateo 6:9, 10) Hurumende iyoyo yokudenga panguva iyeyo ichaumbwa naJesu Kristu navatongi biyake vane 144 000, uye pasi idzva richava chaunga chitsva chavanhu. Hungu, vachararama munyika itsva ine mbiri vachitsigira utongi hwaMwari muruvimbiko.
Hurumende yoUmambo hwaMwari ichatonga pamusoro penyika itsva yakapikirwa. Naizvozvo iyi nyika itsva haisati ichizova yokuita kwomunhu. “Umambo hwaMwari hautongorevi chiito chinoitwa navanhu kana kuti nzvimbo yavanogadza,” inotsanangura kudaro imwe inisaikoropidhia yeBhaibheri. “Umambo chiito choumwari, kwete kuita kwohunhu kana kuti kunyange kuita kwamaKristu akazvitsaurira.”—The Zondervan Pictorial Encyclopedia of the Bible.
Nyika itsva inodzorwa noUmambo hwaMwari ine chokwadi chokuuya. Unogona kutsamira pachipikirwa chokuuya kwayo nemhaka yokuti chipikirwa ichocho chinoitwa na“Mwari, usingatongorevi nhema.” (Tito 1:2) Tapota rangarira rudzi rwenyika rwuchava nyika itsva yaMwari.
[Mufananidzo uri papeji 24]
NASA photo