Murangariro weBhaibheri
Unofanira Kurega Hana Yako Ichiva Nhungamiro Yako Here?
SEZVAUNOFAMBA mumugwagwa wakabatikana, unopfuudzana nomukadzi akapfeka zvakanaka uyo anodonhedza asingazivi chitsama chemari yamapepa yakapetwa. Sezvaunokotama kuti uinhonge, unomuona achikurumidza kupinda mumotokari youmbozha. Chii chauchaita? Kumushevedza here kana kuti kuisa chitsama chacho chemari yamapepa muhomwe yako?
Mhinduro inotsamira pahana yako. Yaizokuudza kuti uitei? Chinokosha zvikuru, unogona kuvimba nezvainokuudza here? Unogona kurega hana yako ichiva nhungamiro yako nenzira yakakotsekana here?
Icho Iri
Hana yakarondedzerwa sepfungwa yomuzvarirwo yechiri chakanaka nechakaipa, chakarurama nechisina kururama, chisati chiri choutere nechoutere. Bhaibheri rinotsanangura kushanda kwehana pana VaRoma 2:14, 15, kuti: “Nokuti kana vahedheni vasino murairo vachiita pachavo zvinhu zvomurairo, vava murairo wavo vamene; nokuti vanoratidza basa romurairo wakanyorwa mumwoyo yavo, hana yavo ichipupura pamwe chete nazvo, nezvavanofunga pakati pavo zvichavapa mhosva kana kuvapembedza.” Nokudaro, hana yako yakashongedzerwa kukugonesa kuyera migariro, kuita zvisarudzo zvakarurama, uye kuzvitonga umene pamusoro pezvisarudzo zvawaita. Asi unogona kuvimba nayo here?
Ikoko kunotsamira pamigariro. Pashure pokurangarira zvose, kune ufakazi hwakawanda hwokubvumikisa kuti hana inokanganisa inogona kupinza mumwe mumufambiro usina kururama. Idi rokuti hana yomumwe inobvumira mufambiro wakati harisati riri vimbiso yokuti Mwari anouregerera. Somuenzaniso, asati ava muKristu, Sauro weTarso akatungamirira mukutambudzwa kwamaKristu. Iye akatotendera ndokubatanidzwa mukuurawa kwomufiri kutendeka wechiKristu Stefano. Muna ikoku kwose, hana yake haina kumushurikidza.—Mabasa 7:58, 59; VaGaratia 1:13, 14; 1 Timotio 1:12-16.
MuGermany yeNazi mukati meHondo yeNyika II, mauto akawanda eSS akataura kuti akanga ari kungotevera bedzi mirairo apo aitambudza nokuuraya mamirioni mumisasa yechibharo yaHitler. Hana dzavo dzakavabvumira kukuita. Asi rutongeso rwenyika—tisingatauri hedu rutongeso rwaMwari—haruna kuregerera zviito zvavo. Nenzira yakarurama, ivo vakashurikidzwa.
Neiko Isingashandi Nenzira Yakakodzera?
Neiko chimwe chinhu chakasikwa naMwari chaisazoshanda nenzira yakakodzera? Bhaibheri rinotsanangura. Nemhaka yokuwira kwomunhu muchivi kupfurikidza nokusateerera kwaAdhama, chivi chinotaurwa kuva chino“bata ushe,” chichigombedzera vanhu kuteerera zvishuvo zvacho. (VaRoma 5:12; 6:12) Hana yomunhu, iyo pakuvamba yakanga yakakwana, yakashatiswa; simba rinosunda rechivi zvino rinokwikwidzana nayo. (VaRoma 7:18-20) Ikoku kunotanga rwisano yakarovedzana nesu kwazvo: “Naizvozvo ndinowana murairo uyu kuti kana ndichida kuita zvakanaka, zvakaipa zviripo kwandiri. . . . ndinoona mumwe murairo pamitezo yangu, unorwa nomurairo womurangariro wangu, unonditapira kumurairo wezvivi uri pamitezo yangu.”—VaRoma 7:21-23.
Mukuwedzera kuuhu utera hwakagarwa nhaka, hana dzedu dzinotapurwawo nesundo yokunze. Somuenzaniso, dzvinyiriro yavaenzani sezviri pachena yakashatisa kana kuti kudzvinyirira hana dzamauto eNazi eSS adudzwa pakuvamba. (Enzanisa naZvirevo 29:25.) Uyezve, kudyisa ndangariro zvinhu zvakashata, zvakadai soutere namasimba masimba muTV nomumabhaisikopo namabhuku, nenzira yakafanana zvine tapuro. Kana tichiratidzirwa nguva dzose kuzvinhu zvakadaro, pakupedzisira hazvisati zvichizoratidzika kuva zvakashata zvikuru, uye hana yedu ichaneteswa. Kuchitaurwa nenzira yakasiana, “ushamwari hwakaipa hunoodza tsika dzakanaka.”—1 VaKorinte 15:33.
Kana munhu akarovedzwa kuziva nokuremekedza mitemo yaMwari, hana yake sezviri pachena ichava nhungamiro inovimbwa nayo zvikuru kupfuura kudai akanga asina kurovedzwa kudaro. Kunyanguvezvo, kunyange munhu ane kunzwisisa nenzwisiso huru yenzira dzaMwari panhambo nenhambo achiri angawana kuti nemhaka yechivi chakagarwa nhaka nokusakwana, uye zvichida pesvedzero dzokunze, hana yake haisati iri nhungamiro inovimbwa nayo.
Chii Chatinogona Kuita?
Hana inogona kuchinjwa here, kuitwa kuti ive inotapurwa zvikuru nenheyo dzakarurama? Hungu. Pauro akapa zano maKristu kuti vangagona “nokuziva kwakadzidziswa, nenzira yokurovedzwa, kuzivisa zvakanaka nezvakaipa.” (VaHebheru 5:11-14) Kushandisa kwakadaro nokurovedza kunobatanidza kufunda Bhaibheri, kupa ngwariro chaiyo kumuenzaniso wakakwana watakasiirwa naJesu Kristu. (1 Petro 2:21, 22) Pashure pacho, sezvatinoshandisa masimba edu okunzwisisa mukuita zvisarudzo, hana dzedu dzicharamba dzichitibvisa pamifungo isina kururama nezviito uye ichatisunda kuti tiite zvinokudzwa nezvakarurama.
Kunyange zvazvo zvakadaro, hatitongofaniri kuva vanozviruramisa kana kuti kutaura kuti kana chimwe chinhu “chisinganetsi hana yangu,” chakarurama. Kushandiswa kwakafanira nokwakakotsekana kwehana muvanhu vasina kukwana kunogona kuenzanisirwa nemiitiro yokungwarira yomuchairi anongwarira. Apo muchairi anenge achida kuchinja rutivi rwomugwagwa, iye anoringa nguva dzose girazi rake rinoratidza zviri shure. Kana akaona motokari, iye anoziva kuti hakuna kukotsekana kuenda kune rumwe rutivi rwomugwagwa. Zvisinei, kunyange kana asina chinhu chaanoona, muchairi akachenjera anoziva kuti kune dzimwe nzvimbo dzakavandika—hachisati chiri chinhu chiri chose chinogona kuoneka panguva dzose kupfurikidza nokutsamira pagirazi chete. Naizvozvo, haatariri mugirazi bedzi. Iye anocheuka kuti atarire, achiva nechokwadi chokuti rutivi rwomugwagwa haruna motokari asati achinja. Zvimwe chetezvo ndezvechokwadi nezvehana. Kana ikakunyevera, iteerere! Asi kunyange kana pakutanga isingazivisi nyevero, iva akafanana nomuchairi wemotokari akachenjera—nzverazve kuva nechokwadi chokuti hakuna ngozi.
Nzvera kufunga kwako kuti uone kana kuchitsinhirana nokufunga kwaMwari. Shandisa Shoko rake sechiyereso kuti uyere hana yako. Zvirevo 3:5, 6 inotaura nenzira yokuchenjera, kuti: “Vimba naJehovha nomwoyo wako wose, urege kusendama panjere dzako. Umutende panzira dzako dzose, agoruramisa makwara ako ose.”
Naizvozvo kuchenjera kuteerera hana yako. Asi kuchiri kuchenjera zvikuru kuenzanisa zvose zvatinoita nokuda kwaMwari sokunoziviswa muShoko rake. Panguva iyoyo bedzi apo tinogona kutaura nechivimbo kuti, “Tine hana yakanaka.”—VaHebheru 13:18; 2 VaKorinte 1:12.
[Mufananidzo uri papeji 27]
“Kutendeuka kwaSt. Paul”
[Kwazvakatorwa]
Painting by Caravaggio: Scala/Art Resource, N.Y.