RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 7/8 pp. 23-26
  • Kushanda Zvakaoma—Apo Kuri Kwakanaka

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanda Zvakaoma—Apo Kuri Kwakanaka
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvikonzero Zvokuisa Upenyu Hwako Mungozi Here?
  • Murangariro Wakadzikama Wokushanda Zvakaoma
  • Apo Kushanda Zvakaoma Kunova Kwakanaka
  • Zvaungaita Kuti Ufarire Kushanda Nesimba
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2015
  • Ko Basa Rakaoma Rinounza Mufarwa Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Farira Basa Rako
    Ramba Uri Murudo rwaMwari
  • Fadzwa Nekushanda Nesimba
    “Rambai Muri Murudo rwaMwari”
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 7/8 pp. 23-26

Kushanda Zvakaoma—Apo Kuri Kwakanaka

MUSOUTHEAST Asia mose, vasikana vakawanda vanoshanda mudzimba vanoisa parutivi basa ravo romukicheni ndokugara vakabatikana zvikuru neterevhizheni dzavo apo nhau yeTV inonzi Oshin yakaitwa muJapan inobudiswa muzvikamu inobuda. Inhau yokubva muurombo kuenda kupfuma kwomukadzi uyo anobudirira pashure pokutsungirira makore akawanda okutambura nenhamo. Nemisodzi mumeso avo, vasikana vanofananidza mugariro wavo naOshin, gambakadzi. Zvikamu zvacho zvinoratidzika kuva zvavanoda chaizvo kuvabetsera kunangana nezuva rebasa rakaoma.

Zvamazvirokwazvo, apo vanhu vanoshanda zuva nezuva kusvikira kupfundo rokuisa mungozi utano hwavo noupenyu, vanofanira kuva nezvikonzero zvokuita saizvozvo. Neiko vachikuita? Savasikana vanoshanda mudzimba vokuAsia, kuda kuvandudza upenyu hwomumwe zvirokwazvo kunozivikanwa navose uye isundo ine simba yokushanda zvakaoma. Sezviri pachena, kunyanguvezvo, tuso yokunyama haisati iri yoga inobatanidzwa.

“Tuso yezvemari isundo, inoshuviwa, asi inodokuva youkoshi huduku,” anonyora kudaro Stephen D. Cohen pamusoro petsika yokushanda yeJapan. Chii, ipapoka, chinosunda maJapan kushanda zvakaoma kwazvo? “Kubudirira kwokutengwa kwezvinhu kwekambani mukuwirirana navakwikwidzi vayo manyuko orudado rukuru nokuzvigutsa. Basa rakaoma iro rinobetsera kudonzo irori ituso yaro rimene,” anotsanangura kudaro Cohen. Ruvimbiko kukambani yavo runova chikonzero chokuti vashandi vashande zvakaoma, uye basa rinova nzira bedzi yokuti varatidzire nayo kubetsera kwavo. Chisingafaniri kufuratirwawo, isundo yokuva nenzvimbo yebasa yakakwirira. Bviro yokusvika pamusoro rimwe zuva inoramba iri sundo yakasimba yebasa rakaoma.

Zvikonzero Zvokuisa Upenyu Hwako Mungozi Here?

Izvi zvikonzero zvakafanira zvokuisa utano hwomumwe noupenyu mungozi here? Nezveuyo anoshanda zvakaoma nokuda kwepfuma yokunyama, Bhaibheri rinoonesa kuti, “meso ake haaguti nefuma.” Pakupedzisira munhu akadaro angasvika pakushamisika, kuti: “Zvino ndinobatira ani, ndichinyima mweya wangu zvinhu zvakanaka?” (Muparidzi 4:8) Avo vanoshanda zvakaoma havaratidziki kuva vanoziva kuti ndirini uye ndepapi pavanofanira kumira. Vanozvibatisa vamene muzvinetso zvinoramba zvichipfuurira zvebasa, basa, uye rimwe basa. Bhaibheri rinongonyevera, kuti: “Usazvinetsa kuwana fuma.”—Zvirevo 23:4.

Zvakadiniko noruvimbiko rwekambani? Apo kunogona kuva kwakanaka, muuyo unobvira wokunyanyoshanda unofanira kurangarirwa. “Kana munhu ari kuneta,” mumwe mukuru mukuru wekambani yokuAmerica akadaro, “handimudi hangu somushandi wangu.” Mudzimai we“mutungamiriri webhizimisi” akanyorera pepanhau pashure pokunge murume wake afa nokunyanyoshanda asati asvika zera ramakore 40, kuti: “Kunyaradzwai kwatinofanira kuwana mukutaura kwavo kuti, ‘Tine urombo kuva tarasikirwa nomunhu anokosha akadaro’? Vanofira bhizimisi ivavo, vangofa bedzi, vanobatwa sokunge ‘mararawo zvawo.’”

Kunyange kana mumwe akapukunyuka kuneta nebasa kana kuti kufa nokunyanyoshanda, chii chinoitika apo anosvika pakurega basa? “Pasinei zvapo nokushandira makambani avo zvakaoma zvikuru,” anodaro Motoyo Yamane, mutepfenyuri wenhepfenyuro wokuJapan, “vanoziviswa idi rokuti kambani haichavadizve uye kuti havabetseri.” Kukambani ine utsinye, vashandi vanoshanda zvakaoma havakoshi mubhizimisi ravo rakakura, kuti vatsiviwe apo vanoneta. Hakushamisi kuti maJapan akawanda ari kurasikirwa nokutenda mumakambani avo! Vanovamba kuziva kuti kuzvipira kwavo kukambani rudo rusingadzorerwi.

Chii chinogona kutaurwa pamusoro pokuva nenzvimbo yebasa yakakwirira? Avo vakasvika danho routarisiri hwapakati napakati vanokurumidza kuziva kuti haasati ari munhu ari wose achasvika panzvimbo yakakwirira. Ipapoka chii chinoitika? Vatorerwa kariro dzokusimudzirwa, vanotanga kuchinja-chinja basa. Ruvimbiko kukambani haruna kubvumikisa kuva runobetsera!

Murangariro Wakadzikama Wokushanda Zvakaoma

Kunyange zvazvo basa rakaoma rinosundwa nokuda mari, ruvimbiko kubhizimisi, kana kuti mudzimu wamakwikwi pakupedzisira richikangaidza uye richitsamwisa, Bhaibheri harifuratiri ukoshi hwebasa rakaoma. “Chipo chaMwari kuti munhu mumwe nomumwe adye, anwe, afarire zvinhu zvakanaka pakubata kwake kwose.” (Muparidzi 3:13) Bhaibheri rinorumbidza kufarikanya chibereko chebasa rako rakaoma. Ikoku kunotibetsera kuziva pamusoro pokuti ndoupi ungava murangariro wakakodzera webasa rakaoma.

Bato Routano Negarikano reJapan misi ichangobva kupfuura iyi rakapa zano vashandi kuti va“kanganwe pamusoro pebasa kana nguva yebasa yapfuura (uye) kudya zvokudya nemhuri dzavo.” Vamwe vatungamiriri vezvebhizimisi sezvinooneka vanonzwisisa uchenjeri hweiri zano. Somuenzaniso, purezidhendi wefemu inokura yebiotechnology akazivisa, kuti: “Ndinoda kuti vashandi vedu vose vatarisire zvakanaka mhuri dzavo pamberi pechinhu chipi nechipiwo zvacho. Basa ravo pakambani yedu harisati riri chimwe chinhu kunze kwomutoo wokuwana nawo zvokurarama nazvo.”

Zvamazvirokwazvo, ukama hwakanaka hwemhuri zvamazvirokwazvo inharidzano inokosha yokushandira zvakaoma. Kana mugariro woushamwari wemhuri ukaiswa mungozi kana kuti utano hwako hukatambura nemhaka yebasa rako, hausi kuona zvakanaka nokuda kwebasa rako rose rakaoma.

Zvisinei, munzanga yeJapan, uko muitiro woukuru unodzora, vamwe vakakudziridza chimiro chendangariro chokuti: “Usave usiripo, kana kuti kunonozeka, kana kuti kushanda.” Vanoedzesera kuva vanoshingaira kupfurikidza nokunonoka kubva kubasa asi vanomirira bedzi kuti mutarisiri aende kumusha. Kenji, serezimani wekambani inoshongedza mukati mezvivako muHiroshima, akanga ane murangariro iwoyo. Iye aifamba-famba ari pabasa, achipedza nguva ari muchitoro munotengeswa zvokudya kana kuti pamuchina wepinball.

Chimiro chendangariro chakadaro chinoguma nomufarwa here? “Vanousimbe vachabatiswa chibharo,” chinodaro chirevo cheBhaibheri. Nhasi, mumwe angasava muchibharo chaichoicho nemhaka yousimbe hwake. Kunyanguvezvo, basa racho ringagona kuva rokunonozeka, chibharo kutaura mumurangariro. Pane rumwe rutivi, chirevo chimwe chetecho chinoonesa betsero yokushingaira, kuti: “Ruoko rwavasinousimbe ruchabata ushe.” (Zvirevo 12:24) Kunyange kana usingasviki pakutonga nyika kana kuti kambani, zvisinei ucharemekedzwa nemhuri yako uye uchava tenzi wako umene. Mukuwedzera ungawana chivimbo chomushandirwi wako, pamwe chete nokuwana hana yakachena.

Kenji akawana ikoku kuva kwakadaro. Iye akasarudza kufunda Bhaibheri, uye upenyu hwake hwakachinja nenzira inoshamisa. “Kupfurikidza nokushandisa nheyo yokutendeseka mubasa,” iye anodaro, “ndakavamba kushanda nenzira yokutungamirirwa nehana kana mushandirwi akanga aripo kana kuti kwete. Ikoko kwakawana kuvimba kwake neni.”

Apo Kushanda Zvakaoma Kunova Kwakanaka

Zvokwadi ndeyokuti, kuti basa rive rine revo, rinofanira kubetsera vamwe. ‘Basa rinogutsa,’ akarondedzera kudaro mumwe mabharani, ‘ibasa rinounza nakirwo, nyaradzo kana kuti mufarwa kuupenyu hwavanhu vakawanda.’ Basa rakadaro rinounza gutsikano huru kumushandi. Kuri sokutaura kwakaita Jesu Kristu, kuti: “Kupa kune mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.”—Mabasa 20:35.

Kunyange zvazvo kushandira nakirwo yavamwe kuchirumbidzwa, kune chimwezve chinhu chinokosha kukuwana gutsikano mubasa nomuupenyu. Mambo Soromoni, pashure pokunge awana umbozha hwose nepfuma izvo upenyu hunazvo zvokupa, akasvika kuiyi mhedziso huru: “Itya Mwari, uchengete mirairo yake; nokuti ndizvo zvakafanira vanhu vose.”—Muparidzi 12:13.

Nenzira yakajeka, tinofanira kurangarira kuda kwaMwari muchinhu chipi nechipi chatinoita. Tiri kushanda mutsinhirano nokuda kwake here kana kuti kushanda mukurwisana nako? Tiri kuvavarira kumufadza here kana kuti kuzvifadza chete? Kana tikaregeredza kuita kuda kwaMwari, hativi chinhu kunze kwokuva vanodisa zvenyika kana kuti vanodisa mifarwa uye pakupedzisira tichatambura marwadzo oukata, kusava namaturo, uye kuora mwoyo.

Naizvozvo yeuka kuti kubatira Jehovha Mwari—kuita basa rinofadza Musiki wedu—hakusati kuchizotongotisiya tisina kugutsikana. Jehovha amene anoshanda zvakaoma, uye anotikoka kuti timukumbanire ndokuva “vabati pamwe chete.” (1 VaKorinte 3:9; Johane 5:17) Asi basa rakaoma rakadaro rinounza zvomenemene mufarwa wechokwadi here?

Mumwe mutarisiri anotungamirira wefemu inotsikirira akamboshanyira nzvimbo yokutsikirira yeWatch Tower muJapan kuti afunde mamiriro ayo. Ngwariro yake yakakweverwa kuzvinopfuura michina. Iye akaona majaya achifarikanya basa ravo, uye akashamiswa kunzwa kuti vose vazvipiri uye kuti vamwe vasingaverengeki vakakumbira nokudisa kuti vavakumbanire. Neiko akashamiswa? “Pakambani yedu,” iye akatsanangura kudaro, “apo tinopinza basa vanhu gumi, tinofanira kukurangarira kuva kwakanaka zvikuru kana vana vavo vachinesu pashure pegore rimwe. Imi vanhu veWatchtower mune pfuma muava vashandi vaduku!”

Chii chinoita kuti aya majaya ave anofara kwazvo navanoshanda zvakaoma vakadaro? Savazvipiri, ivo sezviri pachena havasiri kushandira mari. Chii, ipapoka, chinovasunda? Tsauriro yavo kuna Jehovha, Musiki wavo nokumuonga, uye rudo rwavo nokuda kwomuvakidzani wavo. Chimiro chavo chendangariro chinoratidza kuti havasati vari kushanda “savafadzi vavanhu, asi savaranda vaKristu, vanoita kuda kwaMwari nomwoyo wose.”—VaEfeso 6:6.

Kwose ikoku kudeya kuonwa bedzi kwezvichauya. Avo zvino vari kushanda zvakaoma kuti vabatire Jehovha vanogona kutarira mberi kunguva apo achakurumidza kudzorera Paradhiso uye pasi rose richazadzwa namabasa anokosha. Isaya, muporofita wakare waMwari, akadeya kutaura pamusoro poupenyu panguva iyoyo, kuti: “Vachavaka dzimba nokugaramo; vachasima minda yemizambiringa, nokudya michero yayo. Havangavaki dzimba, mumwe achizogaramo, havangasimi, mumwe achizodya; . . . vasanangurwa vangu vachapedza nguva huru vachifarira mabasa amaoko avo.”—Isaya 65:21, 22.

Panguva iyoyo basa richava chikomborero chakadini! Kupfurikidza nokudzidza chiri kuda kwaMwari nokuda kwako uye kushanda mutsinhirano nako, iva pakati pavakakomborerwa vaJehovha uye nguva dzose ‘ona zvakanaka zvebasa rako rose rakaoma.’—Muparidzi 3:13.

[Bhokisi riri papeji 24]

Murangariro Wakadzikama Webasa Unoponesa Roorano

Nokuda kwaYasuo, uyo anogara muHokkaido, Japan, basa rakanga riri chokuvaraidzwa nacho bedzi kutozosvikira makore mashomanene apfuura. Iye aiva nenzvimbo youtarisiri hwapakati napakati, uye iye akanga akazadzwa mundangariro nokuwedzera kutengwa kwezvinhu. Zuva nezuva aishanda kutozosvikira usiku se 11:00 p.m. asingatori mazororo api naapi. Ipapo, anoyeuka, kuti: “Ndakaziva kuti pasinei zvapo nokuti ndakanga ndichizvishandisa ndimene zvakaoma sei, ndakanga ndisati ndiri kuwana mufaro upi noupi mubasa rangu.” Mugariro womumuviri waYasuo wakavamba kuderera. Achitaura nomudzimai wake, akaziva kuti pakanga pane chimwe chinhu chinokosha zvikuru kupfuura basa rake—mhuri yake. Akachinja mararamire ake ndokukumbanira mudzimai wake mukufunda Bhaibheri. Zvino iye musoro unodiwa nounoremekedzwa wemhuri inofara.

[Mufananidzo uri papeji 24]

Basa rako harifaniri kuisa mungozi kuwirirana kwemhuri

[Mufananidzo uri papeji 25]

Nokukurumidza vose vachafarikanya kushanda kuti vaite kuti pasi rive paradhiso

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe