RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 6/8 pp. 8-11
  • Nziyo Dzazvino Uno—Kudzivisa Misungo

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nziyo Dzazvino Uno—Kudzivisa Misungo
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kudikanwa Kwedzikamo
  • Kombamiro Yokupembedza
  • Ita Chiito Nenzira Yakasimba
  • Ndingaita Sei Kuti Ndisanyanya Kukoshesa Mimhanzi?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Ndinogona Sei Kuchengeta Nziyo Dziri Munzvimbo Yadzo?
    Mukai!—1993
  • Kufarikanya Nziyo—Chii Chiri Chinhu Chikuru?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1989
  • Dzivisa Nziyo Dzisina Kunaka!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1993
Ona Zvimwe
Mukai!—1993
g93 6/8 pp. 8-11

Nziyo Dzazvino Uno—Kudzivisa Misungo

VAMWE vanotaura betsero nedzisati dziri betsero dzokunzvera nziyo dzerock. Vamwe vanoramba tapuro dzadzo dzinokuvadza pane vechiduku. Asi kana uri muKristu, uku kurangarira ndokwechipiri kunhau huru: Nziyo dzinogona sei kutapura ukama hwako naMwari?

Nhungamiro yomuKristu muupenyu iShoko raMwari, Bhaibheri. Iro rine nheyo pamusoro porudzi rwuri rwose rwoupenyu, kubatanidza varaidzo. Nhungamiro dzeBhaibheri dzinodzivirira vanoteerera pane zvakashata nezvinokuvadza. Kupfuurirazve, tendero yaMwari inotsamira pakuteerera Shoko rake. Naizvozvo, nheyo dziri muShoko raMwari dzinotungamirira kusarudza kwomuKristu nziyo. (Pisarema 43:3; 119:105; 2 Timotio 3:16, 17) Chii, ipapoka, chiri nhungamiro dzapaMagwaro idzo dzinotibetsera mukusarudza kwedu nziyo?

Kudikanwa Kwedzikamo

Muparidzi 7:16 inotinyevera, kuti: “Usava munhu akaisvorurama, usava akaisvochenjera; uchazviparadzireiko?” Usati waramba rekodhi seyakashata, zvibvunze umene kana nhau yacho zvichida iri yokunzwa kwomunhu oga. Yeuka, ungasada rekodhi, asi ikoko hakuiiti hako nziyo yakashata.

Rumwe rutivi muiyi nhau yedzikamo runopiwa muna Muparidzi 7:17, 18, kuti: “Usava munhu wakaisvoipa, uye usava benzi; uchafireiko nguva yako isati yasvika? Zvakanaka kuti ubatisise chinhu ichi, uye usabvisa ruoko rwako pane checho; nokuti unotya Mwari, uchapukunyuka pana izvozvo zvose.”

Zvakadiniko, ipapoka, kana muKristu achiteerera nziyo dzinokurudzira masimba masimba, udzinza, utere, kunamatwa kwaDhiabhorosi, uye kuzviuraya? VaEfeso 5:3, 4 inojekesa, kuti: “Upombwe, netsvina yose, kana kuchiva, ngazvirege kurehwa pakati penyu, sezvinofanira vatsvene; nezvakaipa, nokutaura zvoupenzi, nokunemera, izvo zvisina kufanira; asi zviri nani kuonga.” Hungu, avo vanoshuva ushamwari naJehovha havagoni kuita kuti nhau dzakashata dzive varaidzo yavo. Havasati vachizorangarira kuti chero bedzi vasingaiti zvinhu zvakashata izvozvi, kwakarurama kufadzwa nazvo.

Haasati ari bedzi mashoko ari marwuri rwiyo anoruita rwakanaka kana kuti rwakashata mumurangariro wapaMagwaro. Mudzimui warunokurudzira? Tapota rava VaGaratia 5:19 kusvikira ku 23 muBhaibheri rako. Ndeipi ndaza inorondedzera zvakanakisisa mudzimu wenziyo dzaunoteerera? Kana nziyo dzacho dzichiumba “mabasa enyama,” ipapo murangariro waJehovha wadzo wakajeka zvakakwana.

Kana muKristu akaedza kubatanidza upenyu hwake hwebasa rinoyera kuna Mwari nevaraidzo inoshatisa yenziyo, iye achadzidza kuti hazviwirirani chaizvoizvo. Kwakafanana nokunwa muvhenganiswa womusvi wemichero nechepfu. Musvi wemichero hausati uchizodzivisa chepfu kukuuraya. Mashoko ari pana 2 VaKorinte 6:14-17 anokujekesa, kuti: “Musasungwa zvisina kufanira pajoko pamwe chete navasingatendi; nokuti kururama kungava noukama hweiko nokusarurama? Chiedza chingayanana seiko nerima? Kristu unganzwana seiko naBeriari? Unotenda ungava nomugove weiko nousingatendi? . . . Saka budai pakati pavo, muzviravure; ndizvo zvinotaura [Jehovha, NW], Musabata chinhu chine tsvina.”

Idzodzi, ipapoka, ndidzo nhau dzapaMagwaro idzo dzinonangana naavo vanoshuva ukama hwapedyo naMwari. Kana uchikoshesa nheyo dzeBhaibheri, sanotarisisa, zvakakomba nziyo dzaunoteerera. Sanonzvera muunganidzwa wako wamarekodhi namavhidhiyo. Rasa idzo dzinoputsa nheyo dzeBhaibheri. Kana uchipanikira, dzirase hako. Nenzira yakafanana namakonzati ako chaiwoiwo namashoko okurava—dzura chinhu chipi nechipi chisina kuwirirana kwakarurama nokururama.

Kombamiro Yokupembedza

Kana uchikweverwa kunziyo dziri mukati kana kuti dziri kunze kwenhungamiro dzapaMagwaro, kungave kwakakuomera kunangana nenhau yacho nenzira yakananga. Vamwe vanopembedza munhamburiko dzokudzivirira nokururamisa chimiro chavo chokubvumirana pane zvisina kufanira. Kana uchiwana ikoku kuva kwechokwadi muchinoitika chako, mira ndokufunga. Kurangarira kwako kwakarurama here, kana kuti kunongoratidzirawo hako kubatana mumurangariro nenziyo dzacho. Rangarira kutaura kunotevera kwakapiwa navamwe uye cherekedza kuti, mukunzvera, kutaura kwakadaro kunova pembedzo bedzi.

Kwakakotsekana kwandiri kuteerera kuiri boka ravaimbi nemhaka yokuti mitezo yaro inorwisana nokushandiswa zvisina kufanira kwemirimo. Asi boka racho rinorwisana zvakasimba namamwe mabasa oushati here, zvakadai soufeve, masimba masimba, uye kusaremekedza chiremera? “Mbiriso shoma inovirisa bundu rose,” inodaro VaGaratia 5:9.—Enzanisa naJakobho 2:10.

Upenyu munyika ino hauna kururama kwazvo. Tinogona chaizvoizvo kupomera aya mapoka avaimbi nokuda kwokuratidzira kutsamwira kwavo migariro yenyika here? Bhaibheri rinokurudzira kutsamwa kwakarurama pamusoro pezvakaipa zvetsika ino asi rinonongedzera kuUmambo hwaMesia sechigadzikiso.—Dhanieri 2:44; Mateo 6:9, 10.

Tariro yakajeka yomuKristu yakasiana nokusava netariro kusingafadzi kwavaimbi vakawanda avo vanotsigira kuita madiro sechigadzikiso chenhamo yorudzi rwomunhu. Chaizvoizvo, kutsamwa kwenyika kunoparadza uye ndekwoumhuka, kuchiratidzira uchenjeri hwetsika yezvinhu.—VaRoma 12:9; Jakobho 3:15-18.

Vaimbi vacho vane unyanzvi, vakatorovedzwa nenzira younyanzvi. Asi unyanzvi uhwo muimbi anoita nahwo hahuwirirani nokuyera zviri murwiyo nenheyo dzeBhaibheri, handizvo here? Mambo Soromoni akanga ane unyanzvi mumabasa mazhinji, kubatanidza nziyo. Asi apo akawa pakutenda mukunamata kwechokwadi, Bhaibheri rinoshuma kuti, “Jehovha akatsamwira Soromoni, nokuti mwoyo wake wakatsauka kuna Jehovha.” Nenzira yakafanana, Nimirodhi akanga ari muvaki ane unyanzvi nomuvhimi, asi iye navasonganiri vake vakawana kusatendera kwaMwari. Neiko? Nemhaka yokuti Nimirodhi akanga ari “mudzimba mukuru mukurwisana naJehovha.”—1 Madzimambo 11:9; Genesi 10:8, 9, NW.

Shomanene dzenziyo dzeboka ravaimbi hadzina mhaka, kubatanidza nziyo dzakapfava dzakapomhodzwa. Ngozi pano ndeyokuti maimbire asina mhosva anogona kutungamirira mumwe kutenga ndokuteerera arubhamu yose, ine zvizhinjisa zvingave zviri zvisina kunaka nenzira yakajeka. Kungofanana nekomichi yemvura isingagoni kuyeredza murwi wamadhaka, nziyo isina mhaka yapanhambo nenhambo haisati ichichinja mudzimu wose zvawo wearubhamu inoshatisa kana kuti boka ravaimbi.

Nyanzvi dzacho hadzisati dzichinamata chaizvoizvo Satani kana kuti kurarama nenzira youtere. Dzinongoita pachikuva chete. Idi rinoramba riri rokuti nziyo dzavanoshandisa kuvaraidza vateereri vavo dzine ushati apo nepapo, kana dzisina kuzadzwa nahwo. VaKorose 3:8 inoraira maKristu, kuti asavaraidzwe nezvinhu zvakadai sokutsamwa nokutuka, asi “bvisai izvi zvose.” Pauro akaudza vaEfeso kuti “regai kuyanana namabasa erima asine zvibereko, asi zviri nani kuti muaraire.” Munhu anovaraidzwa namabasa erima anombokwanisa kutsiura avo vanoaita here?—VaEfeso 5:6, 11.

Handiteereri mashoko erwiyo. Ndinongonzwa marimba bedzi. Asi mashoko orwiyo anogona kuyeukwa mundangariro isingazivi zvizere ndokuparira zvinetso gare gare. Kunyange zvazvo tichifunga kuti mashoko abva mundangariro dzedu, haangatongokanganwiki. Kune ngozi sei, ipapoka, kuzviratidzira timene nenzira yamaune kumashoko anorwisana zvakananga nezano riri pana VaFiripi 4:8, kuti tichengete ndangariro dzedu dzakanangidzirwa pane zviri zvakachena, zvinodiwa, uye zvinorumbidzwa.

Yeukawo, kuti upi noupi “unoda kuva shamwari yenyika, unozviita muvengi waMwari.” Ikoku imhaka yokuti nyika yorudzi rwomunhu yakaparadzana naMwari nomudzimu wenyika zvibereko zvoMuvengi mukuru waJehovha, Satani Dhiabhorosi. Zvino funga pamusoro pako. Murume aizokunzwisisa here kana mudzimai wake akaratidzira mufananidzo wewaaichimbodanana naye kunyange kana iye achitaura kuti akanga asina kunzwa chaiko nokuda kwake asi kuti pikicha yacho yakanga ingoriwo zvayo yokushongedza. Aiwa, aizoda kuti ibude mumba make nomundangariro make. Zvakadiniko kana tikapinza mumisha yedu nomwoyo nziyo dzinobatira donzo roMuvengi waJehovha? Kunoita chaizvoizvo musiano here kuna Jehovha kana tikataura kuti, “Ndinofarira marimba bedzi; ndinofuratira mashoko enziyo”?—Jakobho 4:4; 1 VaKorinte 10:21, 22.

Ita Chiito Nenzira Yakasimba

Kana wave uchizviratidzira umene kunziyo dzinosimbisa kuitwa kwezvakaipa, ndechipi chiri chikonzero chako chaichoicho? Ungasabvumirana nepfungwa dzakaipa, asi nziyo dzimene dzingave dziri dzinofadza kwazvo kwauri—mutinhimira wacho uchipinda muropa kwazvo, uchibata kwazvo—zvokuti unokuwana kusingadzivisiki bedzi uye haudi kudzirega.

Asi kuita chinhu chakarurama hakusati kuri nyore nguva dzose. Tinoedzwa zvikurukuru apo mipimo yaMwari inotiraira kurega chimwe chinhu chatakabatanidzwa nacho mumurangariro. Tichataura kuti chinoitika chedu ndechechienzi, uye kuramba “[ti]chifunga mifungo miviri,” kana kuti tichaita chiito nenzira yakasimba mukurwisana neizvo Jehovha anovenga here?—1 Madzimambo 18:21.

Pasinei zvapo nokuzvibaira kwomunhu oga kunobatanidzwa, tichava vanofara zvikurusa kana tikaita chisarudzo chinofadza Jehovha. Ikoku kunoreva kuti tinofanira kurega kubata chinhu chisina kuchena. Kana tikadaro, ipapo Jehovha anopikira kuti achatigamuchira. Hungu, iye achativerenga pakati pavanhu vake vanodiwa.—2 VaKorinte 6:17.

Jehovha ane fariro dzedu dzakanakisisa pamwoyo. Iye akaumba mirairo yake kuti avandudze rudzi rwoupenyu hwedu. Gamuchira kukumbira kwake kwapachokwadi sokunowanwa pana Isaya 48:17, 18. “Ndini Jehovha Mwari wako, unokudzidzisa zvinokubatsira, unokutungamirira panzira yaunofanira kufamba nayo. Haiwa! dai wakateerera hako mirairo yangu! Rugare rwako rungadai rwakaita sorwizi, nokururama kwako samafungu egungwa.”

[Mufananidzo uri papeji 9]

Kana muKristu achiteerera nziyo dzinoshatisa, angapa zano vamwe pamusoro padzo nenzira yokutungamirirwa nehana here?

[Mufananidzo uri papeji 11]

Uchava anofara zvikurusa kana ukarasha idzo Jehovha anosema

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 10]

Mutoro Wavabereki

Kana uri mubereki, une mutoro wapaMagwaro wokudzidzisa vana vako kunzwisisa musiano pakati penziyo dzakanaka nedzakashata. Ikoku kunoreva kuzvirovedzanisa umene nezvavanoteerera. Kunoreva kuva kwako akasimba pamusoro pokuti inziyo dzipi dzauchabvumidza uye dzausati uchizobvumidza mumusha.

Rangarira navana vako. Dzivisa magakava ayo anosekesa kuvimbwa. Kutaura kwakadai sokuti, “Handigoni kunzwisisa chikonzero nei uchiteerera marara akadaro,” sezvingabvira kuchasunda vanhu vaduku kunamatira zvakatosimba zvikuru kuzvisarudzo zvavo zvomunhu oga. Kunongedzera kumararamiro omunhu oga akashata omuimbi nenzira yakafanana kungava kusingapwisi, zvikurukuru kana kusingaratidzirwi munziyo. Rimwe jaya rakakuwa, kuti: “Kuti mumwe munhu ataure kuti nziyo dzose dzerap dzakashata, ndinofunga chaizvoizvo kuti haazivi chete!”

Naizvozvo zvizivise umene. Dzidza kuti chii chiri murangariro waMwari panhau idzodzi. Zvapupu zvaJehovha zvingafara kukubatsira kupfurikidza nokukugovera zvinyorwa zvakavakirwa paBhaibheri zvinopinda muudzame hukuru. Ziva maidi. Kujekese kuti nhau yacho ndeiya yemipimo yeBhaibheri uye kwete yokugadza manzwire ako omunhu oga pavana vako.—VaEfeso 6:4.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe