Nziyo Dzinogona Kukukuvadza Chaizvoizvo Here?
FUNGIDZIRA izvi, kuti: Mumwe muzivikanwi pabasa anokukoka kuzvokudya mumusha wake. Unobvuma. Sezvo manheru anopfuura, unodzidza chiverengero chakati chamaidi anokatyamadza pamusoro pomugamuchiri wako. Iye ndewohunhu hwoutsinye, anoratidzira kombamiro dzokuzviuraya, anoshandisa mutauro unonyadzisa, uye anosimudzira kunamatwa kwaDhiabhorosi. Zvino, waizoda kupedza mamwe manheru uinaye here? “Aiwa!” unopindura kudaro.
Kupfuurirazve, zvakadiniko kana uyu muzivikanwi akarekodha zvitendero zvake zvakatsauka nezvimiro zvendangariro usiku ihwohwo ndokukupa tepi yacho? Waizozviratidzira umene kukurira yarirazve kwayo here? Kwete sezvingabvira.
Zvisinei, idi nderokuti mamirioni nhasi anozviratidzira amene neiyi nzira. Somuuyo, vakawanda avo vanoteerera kuidzi nziyo vanogamuchira kufunga nomufambiro zvadzinokurudzira.
Tiri kunongedzera kunziyo dzipi? Pesvedzero dzinoshatisa dzinogona kuwanwa munodokuva murudzi rupi norupi rwenziyo. Kana mumwe achida hake dzechinyakare, dzakapomhodzwa, kana kuti rumwe rudzi rwenziyo, kune kudikanwa kwokungwarira nokusarudza.
Zvisinei, kune zvimiro zvakati zvenziyo umo dzakashatisisa dzenhau dzinosimbiswa nenzira yakajeka. Ikoku kunopa denho chaiyo. U.S.News & World Report inorondedzera musoro mukuru wenziyo dzeheavy metal so“kuita madiro, kwakakwana nevatano yamasimba masimba yamadiro nemifungo yapanhambo nenhambo yokuzviuraya.” Dr. David Elkind anotaura nezvemamwe mapoka erock ayo “anozvibata nenzira yakaipa kwazvo pamusoro pomutauro unonyangadza nomufambiro zvokuti anozvidzisa nzvimbo dzamabasa okugadzirwa kwenziyo dzose dzerock.” Munharaunda dzakati maarubhamu akati anotoratidzirwa nenyevero yezviri maari inonyangadza.
Vanhu vari kuita nenzira yokunyanyisa chete kunziyo dzavasingadi pachavo here, kana kuti kune chisakiso chaichoicho cheitiro hanya? Ngationgororei dzimwe dzenziyo dzerock idzo zvino dziri kusvika mativi makuru evoruzhinji kupfurikidza namaarubhamu, mavhidhiyo enziyo muterevhizheni, uye makonzati chaiwoiwo. Nzvera kuti vanhu vanotapurwa sei nadzo. Ipapo zvisarudzire umene kana iyi varaidzo iri mufaro usingakuvadzi kana kuti chepfu yendangariro. Chimwe chinhu icho iwe kana kuti mhuri yako munofanira kusanova pamwe chete nacho kana kuti kunyange kuratidzirwa kwachiri here?