Basa Rorudzidziso Muhondo Dzavanhu
“HAKUNA kutongova navanhu vakanga vasina chimiro chakati chorudzidziso,” rinodaro The World Book Encyclopedia (chinyorwa cha 1970). Bva, vezvenhau Will naAriel Durant vakanyora, kuti: “Hondo ndichimwe chezvinhu zvenguva dzose zvenhau.” Zvinhu izvi zviviri zvenguva dzose, hondo norudzidziso, zvine batano yakati kuti here?
Zvamazvirokwazvo, munhau yose, hondo norudzidziso zvave zvisingaparadzanisiki. NezveEgipita, rimwe ramasimba okutanga enyika enhau, Lionel Casson akatsanangura mubhuku rinonzi Ancient Egypt, kuti: “Vamwari vaipiwa muripo nokuda kworukundo rwuri rwose rwehondo; uye nokushuva kunyange nokuda kwepfuma yakakura zvikuru, vaprista vakakudziridza kudisa savanafarao nokuda kwokukundazve kwokumwe.”
Nomutoo wakafanana, mufundisi W. B. Wright akati nezveAsiria, rimwe simba rapakuvamba renyika: “Kurwa raiva basa rorudzi, uye vaprista vaiva vapesvedzeri venguva dzose vehondo. Vaitsigirwa zvikurukuru nezvinopambwa zvorukundo.”
Pamusoro peyaakadana kuti “Europe ine utsinye,” Gerald Simons akanyora, kuti: “Chaunga chavo chakanga chiri chakapfava, chakarongwa zvakajeka nokuda kwomubato mumwe, kurwiwa kwehondo.” Uye rudzidziso rwaibatanidzwa. “Ngano zhinji dzinotaura nezveminondo yaigarwa namadhemoni, kana kuti yaiita savamiriri vavamwari,” akadaro Simons.
Bva, mugariro muUmambo hweRoma, hwairangarirwa sohwakapepuka zvikuru, wakanga wakafanana. “VaRoma vairerwa nomurangariro wehondo,” akatsanangura kudaro Moses Hadas mubhuku rinonzi Imperial Rome. Varwi veRoma vaitakura muhondo mireza yaiva nezviratidziro zvavamwari vavo. Imwe enisaikoropedhia yakati: “Kwakanga kusiri kwechienzi kuti mutungamiriri wehondo araire kuti mureza ukandirwe kunzvimbo yomuvengi, kuwedzera rushingairo kudenho yamauto ake kupfurikidza nokuvanyandurira kuti vawanezve chaiva kwavari zvichida chinhu chinoyera zvikurusa icho pasi raiva nacho.”
Hondo Navanotaura Kuti maKristu
Kusvika kwakaita chiKristudhomu panyika hakuna kuchinja zvinhu. Kutaura idi, Anne Fremantle akanyora mubhuku rinonzi Age of Faith, kuti: “Pahondo dzose idzo vanhu vakarwa, hapana dzakaitwa norushingairo rukuru kupfuura idzo dzakaitwa nokuda kwokutenda. Uye nokuda kweidzi ‘hondo tsvene,’ hapana dzaiva neropa zvikuru nedzakareba zvikuru kupfuura Hondo dzechiKristu dzomuMiddle Ages.”
Nenzira inoshamisa, kunyange nhasi zvishomanene zvachinja. “Kurwa nokufira pasi pemireza yorudzidziso zvinopfuurira namasimba masimba anopfuurira,” magazini yeTime yakashuma kudaro. “VaPurotesitendi navaRoma Katurike muUlster vanopinda mukuurayana murudzi rwakati rwokuurayana kusina mufungo kunoratidzika sokusina mugumo. MaArabhu nemaIsraeri vanotarisa nenzira yokutya zvinoitika panhau dzekakavadzano yoruwa, tsika norudzidziso.” Kupfuurirazve, misiano yetsika norudzidziso zvave zvine mutoro nokuda kwokuuraya kwakashata muaichimbova marepublic eYugoslavia, kubatanidza nenyika dzechiAsia.
Nenzira isingadaviriki, vanotaura kuva maKristu kazhinji kazhinji vanoenda kuhondo mukurwisana nemitezo yokutenda kwavo vamene. Nokudaro, vaKaturike vanouraya vaKaturike panhandare dzokurwa. Wezvenhau wechiKaturike E. I. Watkin akabvuma, kuti: “Sokurwadza kubvuma kwacho kunofanira kuva, hatigoni mufariro dzedzidziso dzenhema kana kuti ruvimbiko rwokusatendeseka kuramba kana kuti kufuratira idi renhau rokuti maBhishopi akatsigira hondo dzose nenzira inopfuurira dzakarwiwa nehurumende yenyika yavo. Handizivi kutaura idi nezvechinoitika chimwe chete umo akatanhamara worudzi akashora seisina kururama hondo ipi neipi . . . Zvisinei nechingava rondedzero yehurumende, muzviito ‘nyika yangu yakarurama nguva dzose’ ndicho chave chiri chirevo chakateverwa munguva yehondo nemaBhishopi eKaturike.”
Bva, ichocho hachisati chiri chirevo chavaKaturike bedzi. Tsinhiro dzomupepeti wenhau dziri muSun yeVancouver, Canada, dzakati: “ChiPurotesitendi hachitongogoni kutaura kupukunyuka chose chose aya masimba ourudzi okuparadzanisa. Utera zvichida hworudzidziso rwose rwakarongwa kuti chechi inotevera mureza. . . . Ihondo ipi yati yamborwiwa umo Mwari asina kutaurwa kuva kudivi rimwe nerimwe?”
Sezviri pachena hapana kana imwe! Mufundisi wePurotesitendi Harry Emerson Fosdick akabvuma, kuti: “Kunyange mumachechi edu takaisa mireza yehondo . . . Norumwe rutivi rwomuromo wedu takarumbidza Muchinda Worugare uye norumwe rutivi takakudza hondo.” Uye munyori wenyaya dzepepanhau Mike Royko akataura kuti maKristu haana kuto“ngokatyamadzwa pamusoro pokurwa hondo namamwe maKristu.” Akatsanangura, kuti: “Kudai akanga adaro, zhinjisa dzehondo mhenyu zvikurusa muEurope dzingadai dzisina kutongoitika.” Yakakurumbira pamusoro paidzodzi yaiva Hondo yaMakore Makumi Matatu muGermany pakati pamaPurotesitendi navaKaturike.
Zvirokwazvo, maidi ose akajeka zvikuru. Rudzidziso rwave rwuri mutsigiri uye, padzimwe nguva, kunyange musimudziri wehondo. Nokudaro, vazhinji vakafungisisa mibvunzo, yokuti: Mwari chaizvoizvo anoda rudzi rumwe kukunda rumwe munguva yehondo here? Anotsigira apo marudzi anorwa here? Pachazombova nenguva apo hondo dzisachazombovapozve here?