Itariroi Iripo nokuda Kwokuguma Kwehondo?
HONDO YENYIKA I, yakarwiwa kubva muna 1914 kusvikira muna 1918, yakanzi hondo yokupedza hondo dzose. Asi chifo chaipapo kwave kune hondo dzinopfuura 200, kubatanidza hurusa kusvika nhasi—Hondo yeNyika II.
Nenzira yakajeka, nhamburiko dzavanhu dzokugumisa hondo dzave dziri kukundikana kwakakwana. Kunoshamisa here, ipapo, kuti vazhinji vanoti, “Kuchava kune hondo nguva dzose”? Ndizvo zvaunodavira here?
Kugadzwa kweChibatanwa chaMarudzi muna 1945 pashure peHondo yeNyika II kwakanga kwaitirwa kupa vanhu vaneta nehondo tariro nokuda kwenyika isina hondo. Tariro iyoyo inotaurwa norunyoro rwuri pamadziro eCM panzvimbo yavose muGuta reNew York, runorava kuti: VACHAPFURA MINONDO YAVO KUVA MIROMO YAMAPADZA. UYE MAPFUMO AVO KUVA MAPANGA OKUCHEKERESA: RUDZI HARUCHAZOSIMUDZIRI MUNONDO RUMWE RUDZI. KUNYANGE KANA KUDZIDZAZVE HONDO.
Nenzira inosuruvarisa, marudzi kupfurikidza nokuda kwavo hondo vakaita musere weiyi tariro yorugare yakataurwa nenzira yakanaka. Kunyanguvezvo, aya mashoko achazadzikwa! Ikoku imhaka yokuti akavamba anopfuura makore 2 500 akapfuura naManyuko akakwirira zvikuru kupfuura vanhu vasina kukwana. Anomirira chipikirwa chakaitwa naMwari Wamasimba ose.—Isaya 2:4.
Tariro Yenhema
Vazhinji vakatarira kumachechi kuti abetsere kusika nyika isina hondo. Asi machechi, kutaura idi, akabvumikisa kuva mamwe amauto anoparadzanisa zvikurusa, enhau. Somuenzaniso, Frank P. Crozier, mukuru wamauto eBritain mukati meHondo yeNyika I, akati: “Machechi echiKristu ndivo vasimudziri vakaisvonaka vokudeurwa kweropa vatinavo uye nezvavo takaita kushandisa kwapachena.”
Nokudaro, kunokosha kuti tisiyanise pakati pechiKristu chechokwadi nechenhema. Kutibetsera kuita ikoku, Jesu akagovera mutemo wakapfava: “Muchavaziva nezvibereko zvavo.” (Mateo 7:16) Mashoko, kana kuti zvitendero zvinodavirwa, hazvina kukwana. Kuenzanisira ikoku Steve Whysall, munyori ane chiremera weVancouver Sun, akati: “Havasi vanhu vose vakapfeka mahovhorosi ebhuruu akasvibiswa namafuta vari vanamakanika, kunyange vachitarisika savanamakanika, . . . kunyange kana vakati ‘Tiri vanamakanika.’”
Achishandisira muenzanisiro wake kuchiKristu, Whysall akati: “Kazhinji kazhinji uchanzwa vanhu vachitaura pamusoro pokuti ichi kana kuti icho chakaitwa sei muzita rechiKristu uye chaiva chinhu chakaipa zvikuru sei kuita. Eya, hungu, chakanga chakaipa zvikuru. . . . Asi ndiani akambotaura kuti aiva maKristu akaita zvinhu izvozvo zvakaipa zvikuru kudaro?
“Haiwa, unodaro, machechi akagadzwa anodaro. Eya, ndiani akambotaura kuti machechi akagadzwa ndeechiKristu?
“Naizvozvo papa akakomborera Mussolini, uye pane ufakazi hwavamwe vanapapa vakaita zviito nenzira inozvidzika munguva yakapfuura. Naizvozvo ndiani akati vaiva maKristu?
“Munofunga kuti nemhaka yokuti munhu ndipapa anofanira kuva muKristu here? Nemhaka bedzi yokuti munhu anoti ‘Ndiri muKristu’ hakurevi kuti akadaro—kungofanana nomunhu anotaura kuva makanika angasava makanika.
“Bhaibheri rinotonyevera maKristu pamusoro pavanhu vanoita samaKristu . . . Hapana muKristu angarwa nomumwe muKristu—kwaizofanana nomunhu anozvirwisa amene.
“MaKristu echokwadi ihama nehanzvadzi muna Jesu Kristu. . . . Havaizotongokuvadzi, kunyange namaune mumwe nomumwe.”
Naizvozvo tinodikanirwa kushandisa mutemo waJesu ndokutarisa pazvibereko zvakaberekwa namachechi. Asi zviberekoi? Bhaibheri rinonongedzera kune chimwe zvikurukuru, richiti: “Vana vaMwari vanooneswa naizvozvi, navana vaDhiabhorosi; mumwe nomumwe usingaiti zvakarurama, haazi waMwari, naiyewo usingadi hama yake. Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubva pakutanga, kuti tidane; tisingaiti saKaini, wakanga ari wowakaipa, akauraya munun’una wake.”—1 Johane 3:10-12.
Panzvimbo pokukurudzira rudo nokuda kwehama yako, chechi dzakatsigira uye kunyange kusimudzira kuuraya hama dzako muhondo. Nokudaro, vazova zvinodzorwa zvaSatani Dhiabhorosi kungofanana zvirokwazvo namarudzidziso akare avaEgipita, vaAsiria, vaBhabhironi, uye vaRoma. Jesu Kristu akaidza Satani “muchinda wenyika ino” uye akati pamusoro pavateveri Vake vechokwadi: “Havazi venyika, seni ndisi wenyika.” (Johane 12:31; 17:16; 2 VaKorinte 4:4) Bva, machechi akazviita amene rutivi rukuru rwenyika ino.
Nenzira yakajeka, ipapoka, Mwari haasi kushandisa machechi kuzadzika donzo rake rokusika nyika isina hondo. Pasinei hapo neizvo vafundisi navamwe vamiriri vechechi vanotaura, Mwari haatsigiri hondo dzamarudzi.
Chipikirwa chaMwari chokugumisa hondo chichazadzika sei? Vanhu vapi navapi vakapfura zvechokwadi minondo yavo kuva miromo yamapadza here? Zvamazvirokwazvo vamwe vakadaro.
Avo Vari Kuzadzika Chipikirwa chaMwari
Akatanhamhara wezvenhau dzechechi C. J. Cadoux akati: “MaKristu apakuvamba akadavira Jesu . . . Vakazivisa zvikuru rudzidziso rwavo norugare; nenzira yakasimba vakashurikidza hondo nokuda kwokuteura ropa kwayaibatanidza; vakashandisira kwavari vamene uporofita hweTestamente Yekare hwakadeya kutaura kuchinjwa kwezvombo zvehondo mukuva zvishandiso zvokurimisa.”—Isaya 2:4.
Asi zvakadiniko nhasi? Pane vanhu vari kudavira Jesu ndokudanana zvirokwazvo here? Ivava, chaizvoizvo, vakapfura minondo yavo kuva miromo yamapadza here? Eya, Encyclopedia Canadiana inoti: “Basa reZvapupu zvaJehovha imutsidzirwo nokutangazve kwechiKristu chakare chaishandiswa naJesu navadzidzi vake mukati mamazana amakore rokutanga nerechipiri enhambo yedu. . . . Zvose ihama.”
Nokudaro, mukuwirirana nomurairo waKristu wokudanana, Zvapupu zvaJehovha zvinoramba kuvenga kana kuti kuuraya hama dzazvo, kunyange idzi dzingava mitezo yerimwe dzinza kana kuti rudzi. (Johane 13:34, 35) Martin Niemöller, mutungamiriri wechiPurotesitendi muGermany, akataura kuti “mukati mezera rose, [machechi] aibvuma nguva dzose kukomborera hondo, mapoka avarwi nezvombo uye kuti vakanyengetera munzira iri yose isati iri yechiKristu nokuda kwokuparadzwa kwomuvengi wavo.” Bva, mukusiana, akati, Zvapupu “namazana uye nezviuru zvakaenda mumisasa yechibharo ndokufa nemhaka yokuti zvakaramba kubatira muhondo ndokuramba kupfura pavanhu.”
Hungu, mukusafanana navanhu vamamwe marudzidziso, Zvapupu zvaJehovha zvirokwazvo zvakapfura minondo yazvo kuva miromo yamapadza. Kupfurikidza nokuramba “zvisiri rutivi rwenyika,” seizvo Kristu akaraira, zvakasiana zvamazvirokwazvo namamwe marudzidziso. (Johane 15:19, NW) St. Anthony’s Messenger yeRoma Katurike yakati: “Zvapupu zvaJehovha hazvisi rutivi rwe‘chaunga chenyika’ uye hazvigamuchiri mutoro wokukomborera chiri chose icho hurumende yenyika inosarudza kuita.”
Chipikirwa chaMwari pamusoro pokukanda zvombo pasi chichavapo bedzi somuuyo wamamirioni mashomanene avanhu anobva mumarudzi ose achipfura minondo yavo kuiita miromo yamapadza here? Nyangwe napaduku pose! Chipikirwa chaMwari chichazadzika pamwero mukuru zvikuru uye nenzira inoshamisa.
Nzira Iyo Kuguma Kwehondo Kuchauya Nayo
Musiki, Jehovha Mwari, achagumisa hondo kupfurikidza nokubvisa zvombo zvose zvehondo uye avo vane mutoro nokuda kwazvo. Wezvamapisarema weBhaibheri akakoka varavi kurangarira iyi kariro inofadza. “Uyai,” akanyora kudaro, “muone mabasa aJehovha, zvishamiso zvaakaita panyika. Unogumisa kurwa kusvikira pakuguma kwenyika.” (Pisarema 46:8, 9) Chiziviso chinoshamisa, chinonyandura zvakadini!
Kariro yenyika isina hondo yakanyanyonaka zvokusagona kuva yechokwadi here? Vapanikiri vangafunga kudaro. Kunyange wezvenhau wehondo Gillett Griswold aifunga kudaro. Asi akatora nguva yokunzvera ufakazi nenzira yokungwarira. Somuuyo, akazvibvumikisa amene kuti Bhaibheri zvirokwazvo rakavimbika. Akawana kuti uporofita hweBhaibheri pamusoro pezvinoitika zvenhau zvapakuvamba, pasina kundikano, zvakazadzika panguva chaipo. Ikoku kwakamupa chikonzero chokudavira kuti zvinoitika izvozvo zvakaporofitwa zvisati zvaitika zvichaitika panguva chaipo.
Somuenzaniso, rangarira kuti zvinoitika zvinozunungusa pasi zviri kuitika zvino zvinoenzana sei nenzira yakakwana nezvinoitika Bhaibheri rakadeya kutaura kuti zvaizoratidzira mazuva okupedzisira etsika ino yezvinhu. (Mateo 24:3-14; 2 Timotio 3:1-5) Ikoku kunoreva kuti tiri kurarama zvino panguva yokuti Umambo hwaMwari huuye, mukuzadzika kwomunyengetero uyo Jesu akadzidzisa vateveri vake, wokuti: “Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe noutsvene. [Umambo, NW] hwenyu ngahuuye; kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvakunoitwa kudenga.”—Mateo 6:9, 10.
Mumutooi watinofanira kukarira Umambo hwaMwari kuuya? Uporofita hweBhaibheri hunoti pamusoro paikoku: “Zvino namazuva amadzimambo iwayo [kureva, hurumende idzo dziri musimba zvino] Mwari wokudenga uchamutsa ushe, husingatongozoparadzwi, uye simba rahwo haringapfuuri kunorumwe rudzi rwavanhu; asi ihwo huchaputsanya nokuparadza ushe uhwo hwose, [kana kuti, hurumende] ihwo [Umambo hwaMwari hwehurumende] huchamira nokusingaperi.”—Dhanieri 2:44.
Hungu, Umambo hwaMwari huchauya munzira inoshamisa kuzobvisa hurumende dzose dziripo, kunyange sezvo Mafashamo enyika yose akadeya kutaurwa akauya muzuva raNoa. (Mateo 24:36-39; 1 Johane 2:17) Mukurangarira ruparadziko rwoswedera rwehurumende dzose dziripo, pamwe chete norwemarudzidziso anodzitsigira, kunokosha kuti isu savanhu vamwe navamwe tinzvere mugariro wedu timene. Tichaita nhamburiko dzokudzidza pamusoro paJehovha Mwari noMwanakomana wake, Jesu Kristu, uye ipapo ndokuita zvavanoda nokuda kwedu here? (Johane 17:3) Tichadanana, tichiramba kuita kuvadziko kumunhu biyedu, uye nokudaro ndokuratidza kuti takapfura minondo yedu mukuva mapadza here?
Kana uchibvuma kuti hondo haina mufungo uye kuti waizoda kurarama pasi pano apo rugare runenge rwava rwapose pose, tsvaka Zvapupu zvaJehovha. Zvichafara kukubetsera kudzidza zvakawanda pamusoro pokuti hondo ichave isipo nokukurumidza sei, muutongi hwoUmambo hwaMwari.
[Bhokisi riri papeji 31]
Gadziriro dzaHimmler nokuda kweZvapupu zvaJehovha
HEINRICH HIMMLER akanga ari mutungamiriri wamaSS eNazi kana kuti Murindi waVakasarudzwa, uye muHondo yeNyika II akanga ari murume ane simba zvikurusa wechipiri muGermany, anotevera Adolf Hitler. Kunyange zvazvo Himmler aivenga Zvapupu zvaJehovha nokuda kwokuramba kwazvo kutora rutivi mugadziriro dzeNazi dzokukundwa kwenyika, akasvika pakuzviremekedza. Mune imwe yetsamba dzake yokumukuru mukuru weGestapo Ernst Kaltenbrunner, Himmler akanyora, kuti:
“Mashoko akati uye cherekedzo zvomusi uchangobva kupfuura uyu zvakanditungamirira kuti ndiite gadziriro dzandingada kukuzivisai. Iwaya ane chokuita neZvapupu zvaJehovha. . . . Tichadzora sei uye kunyaradza Russia apo . . . tichave takunda nharaunda hurusa yoruwa rwayo? . . . Zvimiro zvose zvorudzidziso namasekete anovenga hondo zvinofanira kutsigirwa . . . , pakati pezvimwe zvose zvitendero zveZvapupu zvaJehovha. Kunosanozivikanwa kuti Zvapupu zvaJehovha zvine mavara angatibetsera: Kunze kweidi rokuti zvinoramba hazvo basa rehondo uye chinhu chipi nechipi chine chokuita nehondo . . . , zvakavimbika zvikuru, hazvinwi, hazvisvuti; vashandi vasingateri uye vakatendeseka nomutoo wechienzi. Icho Zvapupu zvaJehovha zvinotaura chakavimbika. Aya mavara akanaka . . . , mavara anoshuviwa.”
Aiwa, Himmler haasati aizotongonyengetedza Zvapupu kuti zvishandire maNazi. Haana kuda mavara anoda rugare eZvapupu nokuda kwake kana kuti vanhu vake, asi akada kuti aya mavara akanaka awanwe navaRussia. Ikoku kwaizovaita vanhu vane rugare, kuchivasakisa kuti vapfure minondo yavo kuva miromo yamapadza.