RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 7/8 pp. 29-32
  • Vabetserei Kusarudza Mukwanyina Nomutoo Wokuchenjera

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabetserei Kusarudza Mukwanyina Nomutoo Wokuchenjera
  • Mukai!—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Vadzidzisei Kubvira Pazera Duku
  • Vagadzirirei Kubata Nezvinetso
  • Kurarama Mukuwirirana Netsika Munyika Youtere
  • Ndagadzirira Kuronga Misi Yokuvhakacha Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda
  • Ndagadzirira Kufambidzana Nomumwe Munhu Here?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda Bhuku 2
  • Nhungamiro yaMwari Pakusarudza Wokuroorana Naye
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Ndirini Pandinofanira Kutanga Kudanana Nomumwe Munhu?
    Mukai!—2007
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 7/8 pp. 29-32

Vabetserei Kusarudza Mukwanyina Nomutoo Wokuchenjera

KO VANA venyu vanoziva chokutsvaka here mumukwanyina uye nzira yokusarudza nayo nomutoo wokuchenjera? Kunokosha kufunga pamusoro penhau yacho uye kuvabetsera kuita chisarudzo chokuchenjera, sezvo ikoku kuchava kunokosha kumufarwa wavo womunguva yemberi.

Munyika umo kuronga misi yokuvhakacha kuri muitiro, pane dzvinyiriro inokura pavanhu vaduku yokuita vaviri vaviri pazera duku zvikuru. “Vabereki vevana vezera ramakore 10 vanondiudza kuti vari kudzvinyirirwa zvikuru kuti varege vana vavo varonge misi yokuvhakacha,” akadaro Dr. Ronald W. Taffel, nyanzvi yoruzivo rwendangariro yokunzvera mufambiro muNew York. “Kamwe kamwe vabereki vanozviwana vamene vachirwisana nenhau dzavasina kukarira kubata nadzo kutozosvikira pakuyaruka [kwavana vavo].”

Sezvinobvira chii chingava miuyo kana mukatera ndokubvumidza vana venyu kuvamba kuronga misi yokuvhakacha pazera duku? The Journal of the American Medical Association yakatsinhira, kuti: “Kuronga misi yokuvhakacha kwapazera duku uye kazhinji kazhinji kwakabatana nokutangwa kwe[vatano].” Hungu, zvimwe wakarava mishumo ye“chiverengero chinowedzera chamazera avasikana vane makore 10 kusvikira ku 14 vanobereka vana.”

Naizvozvo, chii chamunogona kuita kuti mubetsere vaduku venyu?

Vadzidzisei Kubvira Pazera Duku

Vabereki vanodikanirwa kupinza mavara akananga echiKristu muvana vavo ndokuvabetsera kukudziridza iwaya. Uye vanodikanirwawo kuvabetsera kuziva aya mavara mumukwanyina anokarirwa. Apo mwana wenyu anomutsa nhau yokuronga misi yokuvhakacha, tsanangurai kuti ikoku hakusati kuchirangarirwa nomutoo wakakodzera senguva yenhandaro yefambidzano nokuda kwavachiri kuyaruka kana kuti kunyange kuna vaya vachiri kutanga kuyaruka kwavo. Panzvimbo pezvo, vajekeserei kuti kuronga misi yokuvhakacha ndokwavanhu vakura zvakakwana kuva vanotsvakisisa mumwe munhu wokuroora.

Vana havana ruzivo rwokuzviwanira mukusarudza vara, sezvavanotofanira kubvuma. Mumwe musikana wechiIndia akambotsanangurira mupi zano weroorano, kuti: “Vabereki vedu vakura zvikuru uye vakachenjera zvikuru, uye havasati vachinyengedzwa nomutoo uri nyore sezvataizoitwa. . . . Kunokosha zvikuru kuti murume wandinoroorwa naye anofanira kuva uya akakodzera. Ndingagona kuva anoita mhosho nomutoo uri nyore kana ndichitofanira kuzvitsvakira iye ndimene.” Pwere dzinogona kubetserekana chaizvoizvo nebetsero yavakura!

Vanhu vaduku vanowanzorangarira vakwanyina veroorano vanokarirwa mukuwirirana nemipimo ine zvokuita zvishomanene kana vachizova varume vakanaka kana kuti vadzimai. Vakomana vangayevedzwa nechiso chakatsvinda nechimiro chinokweva—asi zvakadiniko napashure? Miviri nezviso zvinochinja, uye pashure mukomana pasina panikiro achada mavara omukadzi akura, kubatanidza ungwaru namano okuita mitoro. Vasikana vanowanzotanga kutsvaka kuva kwomukomana akatsvinda, anopfeka zvakachena, uye anonzwisisa nokukurumidza panzvimbo pamavara anokosha zvikuru okuva kwake nomutsa nokuva norudo nokuda kwaMwari navanhu biyake.

Naizvozvo, chii chamunogona kuita? Kuregererei kuzivisa vana venyu vanhu vavanoziva uye vane roorano dzakanaka. Mungaratidzira kuti vamwe vaava vanhu vakasarudza, asati hake ari munhu akaisvotsvinda kana kuti akaisvonakisisa mutaundi, asi mumwe munhu akanga ane mavara akaisvonaka uye akanga ane mirangariro yakafanana, fariro, uye nharidzano dzavaiva nadzo.

Kuregererei kukurukura idzi nhau navana venyu? Apo Ann akanga ava namakore 13, amai vake vakamubvunza mavara aaida mumurume. Vakakurukura izvi, uye iye akaita ndaza yamavara ayo iye aizomiririra kutozosvikira awana mumwe munhu ana mavara iwayo. Iyi yakanga isati iri ndaza isina huchokwadi. Yakabatanidza kuti iye aifanira kuva mumwe munhu waaigona kuremekedza, uye mirangariro yake nefariro zvaifanira kuwirirana nezvake. Zvino vava mbuya vanofara, Ann achiri kurumbidza kuti vamwe vatevere uyu muenzaniso.

KumuKristu, murairo weBhaibheri wokuroora “bedzi muna Ishe” murangariro unokosha. (1 VaKorinte 7:39, NW) Munhu ari “muna Ishe” ndimumwe ari muKristu akazvitsaurira, akabhapatidzwa uye uyo akazvipira kukugoverana mumubato wakafanana uyo Jesu akaita. Avo vanofuratira havo uyu murairo wokuroora bedzi muna Ishe kazhinji kazhinji vanotambura miuyo inosuruvarisa. Naizvozvo ivai nechokwadi chokuratidza vaduku venyu ukoshi hwokurangarira somukwanyina anokarirwa bedzi mumwe munhu anotevera tsika dzakafanana nenheyo dzomudzimu idzo vanotevera uye uyo nokudaro achakwanisa kuvabetsera kupinza idzodzi muvana vapi navapi vavangava navo.

Vagadzirirei Kubata Nezvinetso

Pamunenge masarudza kuti vana venyu vakura zvakaringanira kuti varonge misi yokuvhakacha, pinzai mavari uchenjeri hwokurovedzana neshamwari yavo munzvimbo dziri pamhene, kugoverana mibato, yakadai sokuenda kutumahotera, mamiyuziyemu, mazoo, kana kuti nzvimbo dzinoratidzirwa mabasa emifananidzo ounyanzvi, uko kunovabvumira kutaura ndokuzivana pasina kuva vanoitwa kuti vave vari voga kubva kuna vamwe vanhu. Vabetserei kunzwisisa chikonzero nei ikoku kuri kuchenjera zvikurusa kwazvo kupfuura kupedza nguva vari munzvimbo yakavandika yemotokari yakapakwa kana kuti mune imwe nzvimbo ipi neipi apo pasina mumwe munhuwo zvake aripo. Kunokoshawo, kuvadzidzisa kuti apo ivo vanouya kumba vachibva kunovhakacha, kwakanaka kutaura kuti chisara vari pasuo ndokusapinza munhuyo mukati kutoti, chokwadika, iwe mubereki wakamuka uye uripo.

Nyeverai vana venyu nezveicho chingaitika. Somuenzaniso, mushumo wepepanhau unozivisa nezvomudzidzi akakokera mukomana wake kukamuri rake rapakoreji pashure pezvokudya kuti vadzane vachitaura havo. Kunyange zvazvo mukomana akaita kutaura kwokukarakadzira zvisina kufanira, musikana haana kuomerera kuti mukomana aende. Panzvimbo pezvo, apo musikana airamba, mukomana aikumbira ruregerero nokuda kwezviito zvake, asi ipapo mukomana aizoedzazve kumunyengedza. Mushumo wacho unoti: “Pakupedzisira akagumisa kuitirana nharo” kupfurikidza nokumubata chibharo. Kunosuruvarisa sei!

Nokudaro ivai nechokwadi chokuti vana venyu vanoziva mutoo wokuita nawo nenzira inopedza nharo kana munhu upi noupi akadudza zviito zvoutere. Vanofanira kutiza mugariro wacho nenzira iyo Josefa muduku akatiza nayo mudzimai anoraira waPotifari. (Genesi 39:7-12) Vanofanira kuziva kuti mukumbiro wasakadzwa nenguva wokuti, “Kana uchindida uchavatana neni,” kazhinji kazhinji mutoo unonyengedza womunyengeri. Munhu upi noupi unoushandisa zvimwe anodaro nguva dzose zvikuru, ipapo anosiya nyajambwa wake ndokuenda kuno mukurirwi mutsva. Mwanakomana wenyu kana kuti mwanasikana anofanira kuziva kuti kutaura kwokuti handidi kwakatsiga, kwakananga ndiyo mhinduro yakanakisisa yechikarakadziro choutere.

Ivai nechokwadi chokudzidzisa mwanasikana wenyu kudzivisa migariro umo angava anobatwa chibharo mairi. Simbisai kudikanwa kwokusanoziva zvomenemene jaya ripi neripi raangave achidanana naro uye nokuda kwenyu, mubereki wake, kusanozivawo munhu akadaro. Kana vana venyu vasati vachagarazve munharaunda iri pedyo nemi, ipapo ivai nechokwadi chokuti ivo vanobvunza mutariri wechiKristu pamusoro pomukwanyina wavo anokarirwa. Yeukai, kuna vanonyengera vanotaura kuva maKristu uye avo vakapinda muungano, sezvo vakanga varipo muzana rokutanga ramakore.—2 Petro 2:13-15, 17, 18.

Mukuwedzera, munoda kudzidzisa vanakomana venyu kuti varume chaivo havakuvadzi vamwe vanhu vachiziva. Vanovadzivirira nokuvataviridzira. Varume chaivo vadzori, kwete varanda, vesundo dzavo. Vanofanira kubata nomutoo wakafanira vaya vomutezo wakasiana sezvavaizoita vanamai vavo vamene kana kuti hanzvadzi, norukudzo noruremekedzo.—1 Timotio 5:1, 2.

Musatongorege vana venyu vachikanganwa nheyo huru yeBhaibheri, yokuti: “Ushamwaridzani hwakashata hunoshatsa tsika dzakanaka.” (1 VaKorinte 15:33, Revised Standard Version) Nokudaro, vana venyu vanofanira kuziva kudikanwa kwokusashamwaridzana nomunhu upi noupi asingararami upenyu hwakachena mutsika. Kubvira paucheche, munofanira kukujekesa kwavari kuti nepo vamwe vangasaona chavari kuita, Mwari nguva dzose anodaro, uye achaita kune mumwe nomumwe wedu mukuwirirana nomubato wedu.—VaRoma 2:6.

Kurarama Mukuwirirana Netsika Munyika Youtere

Kunyange zvazvo zviremera zvenyika zvakataura kuti izvo “zvinoziva zvishomanene zvikuru pamusoro pomutoo wokudzivisa nawo vachiri kuyaruka vasina kuroorwa kutanga vatano,” vabereki vechiKristu vanoziva kuti kunogona kuitwa. Kupfurikidza nokupinza rudo nokuda kwaMwari noruremekedzo chairwoirwo nokuda kwemitemo yake muvaduku vavo, vabereki vanoshongedzera vana vavo kudzivisa miedzo yenyika ino youtere uye kurarama upenyu hwakarurama, hwetsika. Chaunga chikuru chamamirioni eZvapupu zvaJehovha zvakatanhamara mukuomerera kwazvo kumipimo yakakwirira yetsika yeShoko raMwari. Kunyange New Catholic Encyclopedia inotaura kuti “tsika dzokuroora nedzevatano [dzeiri boka] dzine rumano zvikuru.”—Volume 7, peji 864.

Vaduku vari pakati peZvapupu zvaJehovha vanorarama upenyu hune tsika vanoziva kuti vanodiwa uye vanoongwa kwete bedzi navabereki vavo asi namaKristu biyavo munyika yose. Vanonzwa zvakanaka pamusoro pavo vamene, vanova namativi mumisangano yeungano, vanokudziridza unyanzvi hwokudzidzisa, uye vanotora rutivi mudzidzo yeBhaibheri. Vanoratidzira tsika dzoumwari, vanofarikanya kunzwa kwakanaka kwokufanira kwavo vamene, uye vane tariro yenguva yemberi yakajeka munyika itsva yakarurama yaMwari.—1 Johane 2:17; Zvakazarurwa 21:3, 4.

[Bhokisi riri papeji 32]

Ndianiko Waucharoora?

Bhuku rinonzi Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rinogovera zvikarakadzo zvakaisvonaka pamusoro pokuti vechiduku vanogona sei kurovedzana nomumwe munhu wavangafarira kuroorana naye.a Rinoratidza kudikanwa kwokuziva mapfundo akasimba omunhu iyeyo pamwe chete namapfundo ake akaneta, izvo iye ari chaizvoizvo. Unogona sei kuita kudaro?

Kutanga, unogona kucherekedza munhu wacho. Anozvibata sei? Anobata sei vamwe vanhu? Anotaura sei kuvabereki vake kana kuti mimwe mitezo yemhuri? Izvi zvinhu zvinokosha nokuti zvinoratidzira mabatirwe aungaitwa pakupedzisira.

Kupfurikidza nekurukurirano yapanhambo nenhambo, unogona kuwana kana fariro dzake nenharidzano zvakafanana nezvako. Ungatowanawo izvo vamwe vanhu vanofunga pamusoro pouyu munhu.

Uchada kuziva kuti rudzii rwomunhu rwaari, pamusoro mifungo yake, pfungwa, uye munhu womukati. Anoita sei pakudzvinyirirwa? Shamwari dzake ndivanaani? Ko mhuri yakadini, uye vanobatana sei?

Kushandira pamwe kunogona kukupa nzwisiso iri nani zvikuru mumavara omunhu wacho. Bvumira nguva nokuda kwemiitiro isingafadzi kubuda. Ipapo, sokureva kunoita iri bhuku rakaisvonaka ravechiduku vakatevera pangiro yakadaro yakanaka: “Nameso akasvinura, vangagona kupinda muroorano vachivimba nezvokuva vanokwanisa kupedza kusabvumirana kuchamuka. Nyengano inobudirira yakavagadzirira nokuda kweroorano inobudirira neinofadza.”—Maganhuro 29-32.

[Mashoko Omuzasi]

a Iri bhuku rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., vabudisi vamagazini ino.

[Mufananidzo uri papeji 30]

Zvitarisiko zvomuviri zvinoyevedza zvinogona kuva zvinoorora, asi mavara akaisvonaka omukati anokosha zvikuru

[Mufananidzo uri papeji 31]

Kurovedzana munzvimbo dzapamhene kuchenjera zvikuru kupfuura kupedzera nguva munzvimbo yakavandika iri yoga

Kana pashure pokurava iyi magazini, une mibvunzo ipi neipi yeBhaibheri, tapota inzwa wakasununguka kuonana neZvapupu zvaJehovha paHoro yoUmambo munharaunda yenyu, kana kuti kunyorera vabudisi vamagazini ino. (Ona peji 5.)

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe