RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 6/8 pp. 3-4
  • Ndiani Anoda Kuva Mirioneya?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Ndiani Anoda Kuva Mirioneya?
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Chii Chakaipa Nokubhejera?
    Mukai!—2002
  • Bhaibheri Rinorambidza Zvokubheja Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Kubhejera NdokwavaKristu Here?
    Mukai!—1994
  • Dzivisa Musungo Wokubhejera
    Mukai!—2002
Ona Zvimwe
Mukai!—1992
g92 6/8 pp. 3-4

Ndiani Anoda Kuva Mirioneya?

MHINDURO inoratidzika kuva yokuti: anenge munhu ari wose. Uye nzira iri nyore zvikurusa yokuva mumwe—mukuwirirana nomufungo wakakurumbira—iri kupfurikidza nokuwana mari yakawanda pakarepo murotari kana kuti mari yokubhejera miuyo yenhabvu.a

Kuzvifadza nomukurumbira unokurira—uye kuda mari yomuraudzo iyo marotari anoita—hurumende kubvira kuMoscow kusvikira kuMadrid, kubvira kuManila kusvikira kuGuta reMexico, Hurumende inogovera marotari anopa mibairo yakakwirira samadhora ane mamirioni mazana mashanu.

Vanhu vashomanene vanova chaizvo mamirioneya. Mumwe murume weEngland akanga azadza mafomu okubhejera okupinda nawo munhabvu kwamakore 25 iye asati awina pakupedzisira chitsama chakanyanyowandisa chemari yomubairo. Nokuda kwokubhejera kwe $2,50, akawina anenge mamirioni $7,5. Kunotokatyamadza zvikuru kwakanga kuri kuripirwa kwomukadzi wokuNew York, akava mumwe wavawini vakurusa venyika apo iye akawina mamirioni $275 murotari yeHurumende yeFlorida.

Asi ivo ndevechienzi. Akafanana zvikuru ndiye mabharani weSpania ana makore apakati aitenga matikiti erotari vhiki riri rose kwamakore 30. Kunyange zvazvo iye akanga asina kutongowina chinhu chipi nechipi chaichoicho, akaramba asingaodzwi mwoyo. “Ndinogarokarira kuwina,” anodaro. Nenzira yakafanana, mumwe murume muMontreal, akapedza miripo yose yevhiki parotari yeCanada, akapeta murangariro wavazhinji apo iye akatsanangura, kuti: “Kutora mari kwakafanana nouku kunongova nzira bedzi vanhu vasina simba kana kuti pesvedzero vanogona kurangarira nayo zvimwe upenyu huri nani zvikuru.” Bva iye haana kuwina.

Pasinei zvapo nenyengedzo yamarotari, chimwe chimiro chokubhejera ndechokufarikanya mukurumbira unowedzera: kutamba michina yokubhejera inopinzwa mari. Kunyange zvazvo matsotsi ane ruoko rumwe asati achigovera pfuma usiku, anopa mutambi banza rapakarepo rokuwina mubairo mukurusa—uyo ungava mukurusa chaizvo. Uye ivo havasati vachiganhurirwazve kuimba dzokubhejera. Nziyo dzine mitinhimira, magetsi anovaima, uye kungwenjereka kwemari inodirana zvinozivisa kuvapo kwazvo kwakashata mutumahotera tuzhinji tweEurope, mabandiko, nzvimbo dzokudyira, uye mahotera.

Frances ichirikadzi yakwegura inogara muGuta reNew York. Kaviri kana kuti katatu vhiki riri rose, anokwira bhazi kwamaawa maviri nehafu kuenda kuGuta reAtlantic, New Jersey. Pakusvika anopinda muimwe yedzimba dzokubhejera dzeguta, uye imomo anotamba michina yokubhejera inopinzwa mari kwamaawa matanhatu kana kuti anopfuura asati adzokera kumba. “Handizivi chandaizoita pasina Guta reAtlantic,” anodaro. “Uyu ndiwo mufaro wedu, munozivaka, izvi ndizvo zvatinoita.”

Kuna vamwe, kubhejera kunopfuura zvikuru zvinofadzawo zvazvo, sununguko mumuitiro wezuva riri rose, kana kuti kuedza kwokukarira kuwana pfuma. Muchinoitika chavo rutivi runokosha—kana rusati rwakatanhamara—rwoupenyu.

“Ndiri mubhejeri nokuti ndinofarikanya ngozi inobatanidzwa,” anotsanangura kudaro Luciano, wokuCórdoba, Spain. “Handisi kuita pembedzo nokuda kwangu ndimene,” anowedzera kudaro, “asi idi nderokuti ndakanga ndichinzwa kuora mwoyo, uye ndokusaka ndakatanga kutamba bingo. Ipapo ndakatsvaka mimwe mitambo yemhanza. Unonzwa uri mukuru apo unenge une homwe yakazara nemari uye wakagadzirira kutamba.” Mumwe mubhejeri akapindwa muropa, akarasikirwa nebasa rake somutarisiri wekambani, akabvunzwa kana akamborangarira kurega uipi hwake. “Kuhurega nhai?” akapindura kudaro. “Handingagoni kuita kudaro. Ndiwo mararamire angu.”

Kunyange zvazvo vavariro dzingasiana, zvamazvirokwazvo vabhejeri havasi boka duku. Kumwero mukuru zvikuru kana kuti muduku zvikuru, 3 muvaAmerica vakura 4 vanobhejera; mwero muSpain, imwe nyika umo kubhejera kwakapararira, wakafanana. Uye kubhejera ibhizimisi guru. Mishandira pamwe yamabasa okugadzirwa kwezvinhu mishomanene bedzi munyika ine kutengesa kwegore negore kunopfuura kuya kunoitwa namarotari munyika 39.

Sezvinooneka, mashiripiti okubhejera ane simba. Asika mufaro usingakuvadzi here, kana kuti unochengeta ngozi dzakavandika? Chirevo chekare chinonyevera, kuti: “Iye unochimbidzikira kuwana pfuma haazorambi ari asina mhaka.” (Zvirevo 28:20, NW) Ikoku ndokwechokwadi here muchinoitika chaavo vangava vanopfuma kupfurikidza nokubhejera?

[Mashoko Omuzasi]

a Kubhejera miuyo yemitambo yenhabvu.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe