Murangariro weBhaibheri
Chii Chinofanira Kuitwa Kana Mushumiri Akatadza?
MUFAMBIRO wakashata unoitwa navatungamiriri vorudzidziso uri kubata ngwariro yavazhinji zvikuru nhasi kupfuura nakare kose. VaPurotesitendi vakakwenudzwa nomufambiro unozvidzwa wavashumiri vomuTV. Pashure pokunge mumwe muevhangeri womuterevhizheni abatwa aine hure misi ichangobva kupfuura iyi kwenguva yechipiri mumakore matatu, iye akazivisa vateveri vake kuti Mwari akanga amuudza kuti mufambiro wake wakanga usiri itiro hanya yomunhu upi noupi asi yake amene.
Ichishuma pafundo yamakore 25, magazini yeTime yakati: “Aichimbova mumonk weBenedict . . . anofungidzira kuti hafu yavaprista veRoma Katurike vane 53 000 muU.S. vari kuputsa mhiko yavo yokusaroora.” Uyewo, mushumo wenhau wa 1990 pamusoro pechiverengero chavaprista veCanada chakapomerwa nezvokubata vana zvisina kufanira muvatano unoti: “Vatungamiriri vamachechi vakanga vafuratira, kuramba kana kuti zvimwe kugamuchira nenzira isina muuyo kukunyunyuta kwokubatwa zvisina kufanira muvatano, kunyange zvazvo vakanga vagamuchira kunyunyuta kwakadaro kuvanyajambwa, vateveri, mapurisa, vashandi vomunzanga navamwe vaprista.”
“Kusvikira misi ichangobva kupfuura iyi,” yakadaro Time, “vaprista vanotadza vaingotumirwa kubva mudunhu kuenda kudunhu.” Asi sezvo mari inoripirwa vanyajambwa vomufambiro wakaipa wavaprista vanoendesa mhaka kudare yasvika $15 000 muUnited States, vaprista kazhinji kazhinji vanorapwa mundangariro vasati vadzokera kubasa rorudzidziso.
Chii chinofanira kuitwa kana mushumiri, muprista, kana kuti mukuru akatadza? Inhungamiroi iyo Bhaibheri rinogovera pamabatirwe omufambiro usina kururama unosuruvarisa wakadaro? Ngatinzverei magwaro makuru maviri eBhaibheri—Tito 1:7 na 1 Timotio 3:2.
Anofanira Kuva “Asitongorina Pomero”
Bhaibheri rinoti: “Mutariri [“bhishopi,” The New American Bible (shanduro yeKaturike)] anofanira kuva asitongorina pomero somutariri waMwari.” (Tito 1:7, NW) Pauro akapa uyu murairo kuna Tito paakanga achimugovera kugadza vakuru muungano dzeKrete. Zvisinei, muapostora akareveiko?
Kutaura kwokuti “asitongorina pomero” kunoshandurwa kubva mushoko rechiGiriki rokuti a·negʹkle·tos. Richitsinhira pamusoro peshoko irori, The New International Dictionary of New Testament Theology rinoti: “Anenklētos nderamarongerwe apamutemo epomero mudare, uye rinoratidzira mufambiro uyo uri usina mhaka, usina pomero inogona kuitwa mukurwisana nawo.” Nokudaro, chinyorwa chomurume chinofanira kuva chakachena iye asati agadzwa somukuru; haangagoni kuva anozvidzwa, kana kuti anopomerwa. Uye kana bedzi iye akaramba asitongorina pomero mukuwirirana nomutemo mukuru angagona kupfuurira ari mubasa racho.—Enzanisa na 1 Timotio 3:10.
Mukuru haafaniri bedzi kugovera utungamiriri muungano asi anofanirawo kubatira ungano. Anofanira kugamuchira mutoro woutariri hwake. Iye mutariri waMwari; iye anofudza makwai maduku aMwari. Nokudaro, iye anozvidavirira kutanga kuMuridzi weboka, Jehovha, uye ipapo kuvanhu avo Mwari akamupa mutoro wetarisiro.—1 Petro 5:2, 3.
Anofanira Kuva “Asina Chaanopomerwa”
Bhaibheri rinoti: “Naizvozvo mutariri [“bhishopi,” NAB] anofanira kuva asina chaanopomerwa.” (1 Timotio 3:2, NW) Shoko rechiGiriki rokuti a·ne·piʹlem·ptos rinoshandurwa kuti “asina chaanopomerwa” uye rinoreva chaizvoizvo “kusabatwa.” Namamwe mashoko upenyu hwomutariri hunofanira kusagovera chinhu icho mupomeri anogona kubata ndokushandisa mukurwisana naye. Richitambanuka parevo yeshoko iroro rechiGiriki, Theological Dictionary of the New Testament rinotaura kuti mutariri “haagoni kudenhwa (kunyange navasiri maKristu) nemhaka yomufambiro wake wetsika.”
Mwari anogadza mipimo yakakwirira nokuda kwaavo vanotarisira vanhu vake nokudzidzisa Shoko rake. Jakobho akati nezvake amene navamwe vakuru: “Tichagamuchira rutongeso rukuru zvikuru.” Uye Jesu akadudza iyi nheyo inotungamirira, kuti: “Uyo vanhu vanoronzesa zvakawanda, vacharaira zvakawanda kupfuura zvenguva dzose kwaari.”—Jakobho 3:1; Ruka 12:48, NW.
Naizvozvo, kana mutariri wechiKristu akatadza zvakakomba asi akapfidza, angaramba ari mutezo weungano, asi iye anofanira kubviswa mubasa rake romutariri. Haachisirizve asina chaanopomerwa. Kungatora makore kuti atangezve mukurumbira wakaisvonaka kuti ave asitongorinazve pomero. Nhau yake ingafananidzirwa neiyo yomutariri waHezekia, Shebna. Nokuda kwomufambiro wake usina kururama Jehovha akamutsiura namashoko, anoti: “Ndichakubvisa munzvimbo yako; uye mumwe uchakudzikisa panzvimbo yako yebasa.” Asi gare gare Shebna anofanira kuve akawanazve mukurumbira wake wakaisvonaka nemhaka yokuti tinorava kuti akavazve mubasa ramambo somunyori.—Isaya 22:15-22; 36:3.
Zvakadiniko Kana Mushumiri Asingapfidzi?
Marudzidziso mazhinji echiKristudhomu akashivirira vashumiri vanoita chivi. Muna 1459 mukuru mukuru Rodrigo Borgia akava mutevedzeri womukuru mukuru wehurumende yavapapa, nzvimbo yokudzora yakakwirira zvikurusa muCatholic Curia. Nokuda kwoutere kwake hune mukurumbira wakashata, iye akatukwa naPapa Pius II. Bva, kunyange zvazvo akanga abereka vana vana vasiri vapamutemo, muna 1492 koreji yavakuru vakuru yakamusarudzira kuchigaro choumambo choupapa! Akapfuuridzira basa rake rinozvidzisa saPapa Alexander VI. Kushivirirwa kwavashumiri vasingapfidzi, voutere munhau yose yechiKristudhomu kwakabetsera nenzira isingapanikirwi kuuipi hwatinoona machiri nhasi. Chii, ipapoka, chinofanira kuitwa kana mushumiri asingapfidzi?
Mushumiri wechiKristu anoita chivi chakakomba uye anokundikana kugovera ufakazi hworupfidzo anofanira kudzingwa muungano. Muapostora Pauro akanyora, kuti: “Regai kusonganirana nomunhu upi noupi anonzi hama uyo ari chifeve kana kuti munhu ane makaro kana kuti munamati wezvidhori kana kuti mutuki kana kuti chidhakwa kana kuti gororo, kwete kunyange kudya nomunhu akadaro. . . . ‘Bvisai munhu akaipa pakati penyu mumene.’”—1 VaKorinte 5:11-13, NW.
Chiito chakasimba chinodzivirira mukurumbira weungano uye chinoiparadzanisa naavo vano‘zivisa pachena kuti vanoziva Mwari asi vanomuramba kupfurikidza namabasa avo.’ Nzira iyo rudzidziso runobata nayo chinetso chomushumiri anotadza ichakubetsera kuziva kana rudzidziso irworwo rwuri rwechiKristu zvirokwazvo.—Tito 1:16; Mateo 7:15, 16.
[Mufananidzo uri papeji 22]
Papa Alexander VI
[Kwazvakatorwa]
Alinari/Art Resource, N.Y.