RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g92 5/8 p. 24
  • Uchatevera Pangiro Yachiremba Here?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Uchatevera Pangiro Yachiremba Here?
  • Mukai!—1992
  • Mashoko Akafanana
  • Midzanga Unoiramba Here?
    Mukai!—1996
  • Ndinofanira Kuzivei Nezvokusvuta?
    Mibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda, Bhuku 1
  • Kusvuta Kwakaipa Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
Mukai!—1992
g92 5/8 p. 24

Uchatevera Pangiro Yachiremba Here?

PAKUNOUYA kukusvuta fodya, chii chiri mutoro wachiremba? Kungorapa avo vanotambura zvirwere zvine chokuita nokusvuta here? Dr. Louis Sullivan, munyori weU.S. Department of Health and Human Services, anonzwa kuti vanachiremba vanofanira kuita zvakawanda zvikuru kupfuura izvozvo. Akanyora misi ichangobva kupfuura iyi muThe Journal of the American Medical Association, kuti: “Vanachiremba vane mutoro wokuzivisa varwere nezvemiuyo youtano yokusvuta, kuyamura varwere vasingasvuti pakutanga, uye kubetsera vasvuti kurega tsika yacho.”

Neiko vanachiremba vachifanira kubatanidzwa kwazvo noupenyu hwavarwere vavo nezvisarudzo? Dr. Sullivan anobvuma, kuti: “Kusvuta chisarudzo, asi ndechakashata.” Iye anopa ufakazi hunogombedzera: “Gore rimwe nerimwe, kusvuta kunouraya vanenge vaAmerica vane 400 000; ndiko kuti vanhu vanopfuura 1 000 pazuva, kuchiparira runopfuura rumwe rwenzufu nhanhatu dziri dzose munyika yedu. Chiverengero chavaAmerica avo vanofa gore rimwe nerimwe nezvirwere zvinoparirwa nokusvuta chinopfuura chiverengero chavaAmerica chakafa muHondo yeNyika II.”

Achinangidzira ngwariro pavakadzi, Sullivan anodudza zvimwe zviwanikwa zvinovhiringidza: “Kenza yamapapu yapfuura kenza yamazamu sechisakiso chakapararira zvikurusa chorufu runoparirwa nekenza muvakadzi. Vakadzi vanosvuta sezvingabvira vangava nehosha yemwoyo nekane katatu kupfuura vakadzi vasina kumbosvuta, uye vakadzi vanosvuta vanopinda mungozi youtano hwakashata norufu zvinoparirwa nokupfundirirwa nezvimwe zvirwere zvine chokuita nokusvuta. Vakadzi vanosvuta mukati mokuva napamuviri sezvingabvira zvikuru vangabva pamuviri, kuva navacheche vanoberekwa vaine uremu hwakaderera hwomuviri, uye vana vanofa vachiri vacheche.”

Mukutarisana naaya maidi asingafadzi, Dr. Sullivan anotsinhira kuti pachine dzvinyiriro yakati yokuti vanhu vasvute. Anomhura se“anofanira kuzvidzwa” mazano okuzivisa emidzanga ayo anonanga mapoka avorushoma. Anonyeverawo pamusoro pokushandiswa kwounyanzi kwevanoratidza zvinhu muzvitoro vaduku, vanokwezva muzvinoitika zvakajeka, zvinofadza kukarakadza kupwere kuti kusvuta kwakanaka uye kunofadza. Chaizvoizvo, kana mwero yokusvuta isingachinji, vana vane mamirioni mashanu vapenyu nhasi vangaguma vafa nezvirwere zvine chokuita nokusvuta. “Iyoyo,” Dr. Sullivan anokurudzira kudaro vanachiremba biyake, “ingwavaira yatinofanira kudzivisa.”

Kana vanachiremba vachizodzivisa chaizvoizvo iyi ngwavaira kana kuti kwete kunoramba kuchipanikirwa. Sokutaura kunoita Dr. Sullivan: “Nenzira isingafadzi, vamwe vanachiremba vanopfuurira kusvuta, vachigadza muenzaniso wakashata nokuda kwavarwere vavo navashandi nokupa shoko rinopesana noutano kuvose vanovaziva.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe