Chii Chiri Ichi Chinhu Chinonzi Ruzivo Rwokuberekwa Narwo?
MAMWE madekwana muna 1893, mabharani wekambani yamarasha muDetroit, Michigan, U.S.A., akaona chinhu chinoshamisa chakagadzirwa namavhiri ebhasikiro chichiita ruzha mumugwagwa. Nokukurumidza, iye akava nokunzwa kwakasimba—ruzivo rwakamwe kamwe rwokuberekwa narwo. Anenge akangoziva bedzi kuti hechino chiitwa chine nguva yemberi. Nokukurumidza akadhurowa mari yake youpenyu yomubhangi yamadhora ane zviuru zvishanu ndokutenga goverano mukambani yomuiti, achifuratira zvishoro zvenyanzvi dzakaomerera kuti ichi chiitwa chechienzi hachisati chaizotongokurumbira zvikuru. Anenge makore 30 gare gare, akatengesa goverano dzake mukambani yemotokari yaHenry Ford nokuda kwamamirioni $175. Kutaura hedu zvishomanene, ruzivo rwake rwokuberekwa narwo rwakaita mhindu yakanaka!
Nyanzvi yesayenzi yakakurumbira Albert Einstein ndimumwe akashandira paruzivo rwokuberekwa narwo rwakamwe kamwe. Akava nomufungo—mumwe uyo akaidza gare gare kuti mufungo unofadza zvikurusa woupenyu hwake—uyo wakaparira kuberekwa kwerondedzero yakakurumbira yewirirano yose. Einstein akataura kuti ruzivo rwokuberekwa narwo rwakanga ruchikosha kukuwanwa kwemitemo yechisiko. Handi kunzwa kwakasimba kose kwaEinstein kwakabvumikisa kuva kunobudirira nomutoo wakanaka zvikuru, kunyange zvakadaro. Akabvuma kuti iye akamborasikirwa noukoshi hwamakore maviri ebasa rakasimba kupfurikidza nokuronda ruzivo rwokuberekwa narwo runonyengedza rusina kutongova nomuuyo wakanaka.
Chokwadika, ruzivo rwokuberekwa narwo harusati ruchigarosakisa mukurumbira nemari, uye harusatiwo ruri rutivi rwavakachenjera navana mazana akawanda emari. Kuna vazhinjisa vedu, ruzivo rwokuberekwa narwo rutiviwo zvarwo rwoupenyu hwezuva riri rose. Rungaita rutivi rwakati kuti muzvisarudzo zvizhinji zvatinoita: chisarudzo chokusavimba nomuenzi, utsungi hwokupinda mukutarisirwa kwebhizimisi, mufungo wokuti chimwe chinhu chakaipa pashamwari ine inzwi risina kunzwika zvakanaka chaizvo parunhare.
Vazhinji, kunyange zvakadaro, vanotsamira paruzivo rwokuberekwa narwo kuti vaite zvisarudzo zvinokosha zvikuru: riri basa rokuronda, kwokugara, wokuroora, kunyange rudzidziso rwokurarama mukuwirirana narwo. Apo ruzivo rwokuberekwa narwo muna aya mativi rusingavi nomuuyo wakanaka, kurasikirwa kungava kwakakura zvikuru kupinda kurasikirwa namakore maviri ebasa, sezvakaita Einstein. Chii, ipapoka, chiri “ruzivo rwokuberekwa narwo”? Runoshanda sei? Rwakavimbika sei?
Mumwe musikana achiri kuyaruka, akanokorwa mashoko muThe Intuitive Edge, rakanyorwa naPhilip Goldberg, rakapindura mubvunzo iwoyo kupfurikidza nokuti: “Ruzivo rwokuberekwa narwo runoitika apo iwe unoziva chimwe chinhu, asi, somuenzaniso, chakabva kupi?” Ruzivo rwokuberekwa narwo rwakarondedzerwa nomazvo zvikuru se“zivo inouya kumunhu pasina kuyeuka kupi nokupi kwokuziva kana kuti kurangarira.” Ruzivo rwokuberekwa narwo, runoratidzika kuti, runobatanidza kunenge kukwakuka—kubvira pakuona chaipo chinetso kusvikira kuchigadzikiso chacho. Nokukurumidza, tinoziva bedzi mhinduro kana kuti kunzwisisa mugariro wacho. Ikoko hakusati kuchireva, kunyange zvakadaro, kuti ruzivo rwokuberekwa narwo ndichinhu chakafanana nesundo kana kuti chishuvo.
“Apo ini ndakachiona, ndakaziva bedzi kuti ndaitofanira kuva nacho,” somuenzaniso, hakusati kuchiratidzira ruzivo rwokuberekwa narwo zvikuru kwazvo sechishuvo. Ruzivo rwokuberekwa narwo rungaratidzika kuva rwakafanana nechishuvo mukuti runoratidzika kuva runotisvikira tisina kurongeka, kurangarira kwenhano nenhano. Asi manyuko arwo haasati ari omurangariro neechakavanzika zvomenemene pane zvishuvo zvinonyuka mumwoyo yedu inowanzo“nyengera.”—Jeremia 17:9.
Sezviri pachena ruzivo rwokuberekwa narwo harusatiwo rwuri pfungwa yechitanhatu yakati kuti yakavanzika. Sokureva kunoita The World Book Encyclopedia, kuti: “Vamwe vanhu nomutoo usina kururama vanoidza ruzivo rwokuberekwa narwo kuva ‘pfungwa yechitanhatu.’ Asi kunzvera kunowanzoratidza kuti ruzivo rwokuberekwa narwo rwakavakirwa paruzivo rwokuzviwanira, zvikurukuru ruzivo rwokuzviwanira rwavanhu vamwe navamwe vane tapuriko huru.” Munhu anovaka “dura reyeuko nemirangariro,” rinodaro Encyclopedia, umo ndangariro ingawana “murangariro wakamwe kamwe [unonzi] ruzivo rwokuberekwa narwo, kana kuti ‘kunzwa kwakasimba.’”
Naizvozvo panzvimbo pokuva vara rakati kuti rakavanzika kana kuti ramashiripiti, ruzivo rwokuberekwa narwo runooneka kuva runoparirwa nomutoo womuzvarirwo apo munhu anowana unyanzvi. Sokutaura kwakaita magazini inonzi Psychology Today pamisi ichangobva kupfuura iyi: “Vanzveri vakawana kuti vanhu vane ruzivo rwokuberekwa narwo vanoratidzika kuva vane vara rimwe rinokosha: Ivo inyanzvi mumativi . . . akati kuti ezivo. Uye vanowana nenzira iri nyore zivo yavo yokugadzikisa zvinetso munzvimbo dzavo chaidzo. Kutaura idi, vanhu vanoratidzika kuva vane ruzivo rwokuberekwa narwo chaizvoizvo nokuti—uye kusvikira kutambanuko yokuti—vane unyanzvi.” Asi neiko unyanzvi huchibereka ruzivo rwokuberekwa narwo?
Michael Prietula, mubatsiri wapurofesa wokudzorwa kwenzvimbo yamabasa okugadzirwa kwezvinhu, anorondedzera kuti zvavanowana zivo yakawanda yenyaya, “pane chinjo yapashoma napashoma mumafungire namarangaririre anoita vanhu.” Ndangariro inoronga mashoko mukuva mabhuroko, kana kuti mavhinga. Iyi mitoo yakapamhama yamashoko padzimwe nguva inogonesa ndangariro kupfuura nhano dzakaderera zvikuru, dzinofinha, dzinotambudza ndokusvetukira zvakananga kumhedziso dzoruzivo rwokuberekwa narwo, kana kuti kunzwa kwakasimba. Mukuwirirana naPrietula, kunzwa kwakasimba kunovandudzika sezvo uropi hunobatanidza zvakawanda zveiyi mitoo yakapamhama.
Rangarira muenzaniso wezuva riri rose womubhuku rinonzi Brain Function: “Ona mugadziri wezvikiyiso achishanda sezvaapinza wayawo zvayo yakakombana muchikiyiso chakaoma kukiyinura ndokuchikechenura kuti chikiyinurike, sokunge kuti anotungamirirwa noruzivo rwokuberekwa narwo rwakavanzika.” Ruzivo rwokuberekwa narwo rwomugadziri wezvikiyiso rungasanoratidzika kuva rwakavanzika kumucherekedzi; chaizvoizvo, runobva mumakore oruzivo rwokuzviwanira. Tose zvedu tinoshandisa urwu rudzi rworuzivo rwokuberekwa narwo. Somuenzaniso, paunotasva bhasikiro, nomutoo wokuziva hausati uchitaura kwauri umene zvinhu zvakadai sokuti, ‘Ndinofunga kuti ndinotofanira hangu kutendeudzira vhiri rapamberi zvishomanene kurudyi, nokuti ndikasadero ndingaputsika.’ Aiwa, uropi hunoita zvisarudzo zvakadaro nomutoo woruzivo rwokuberekwa narwo, rwakavakirwa pazivo yawakawana muruzivo rwokuzviwanira.
Nomutoo wakafanana, ruzivo rwokuberekwa narwo rwaEinstein mumitemo yechisiko haruna kubva muchinhu chisipo. Akanga ane dura gurusa rounyanzvi rokutora mariri. Zvisinei, unyanzvi mune rumwe rutivi harungapariri ruzivo rwokuberekwa narwo mune rumwe. Ruzivo rwokuberekwa narwo rwaEinstein rwaisazomubetsera kugadzira chinetso chepombi yemvura.
Mundangariro dzavazhinji, mashoko okuti “vakadzi” uye “ruzivo rwokuberekwa narwo” anofambidzana. Ko vakadzi vanova noruzivo rwokuberekwa narwo rwakawanda kupinda varume here? Uye kana kwakadaro, ko kuwanwa kwounyanzvi kungatsanangura sei ichi chishamiso?
Rangarira muenzaniso wakarovedzeka. Mwana anochema. Amai vane ruzivo rwokuzviwanira, vakabatikana mune rimwe kamuri, vanotora mitambo panzvimbo pokudyisa mwana. Neiko? Vakakudziridza pfungwa yokuva noruzivo rwokuberekwa narwo pamusoro pokuchema kwomwana wavo. Vanoziva kuri kuchema kunoratidzira zviri zvinodikanwa uye zvine bviro huru yokuvapo panguva dzakati kuti. Muchinguvana, uye pasina kurangarira kupi nokupi kwokuziva, vanokwanisa kuwana chinodikanwa chomwana ndokuita mukuwirirana nacho. Ko pfungwa yechitanhatu yakavandika iri kushanda here? Aiwa, ruzivo rwavo rwokuberekwa narwo rwakavakirwa paunyanzvi hwavo samai, betsero inoparirwa nenhamburiko yokushingaira yoruzivo rwokuzviwanira. Amai vatsva kana kuti mupepi womwana pakutanga angakangaidzika mumugariro mumwe cheteyo.
Mufungo woruzivo rwokuberekwa narwo wavakadzi hauna kuganhurirwa kuhumai, kunyange zvakadaro. Vazhinji vakacherekedza kuti vakadzi vanowanzoratidzika kuva vanokwanisa kuumba mufungo pamusoro pamanomano emigariro inobatanidza vanhu nohunhu nokukurumidza zvikuru uye nomutoo woruzivo rwokuberekwa narwo kupinda varume. Masayendisiti haana chokwadi chokuti nei vanhurume navanhukadzi vachiratidzika kuva vanosiana muna ikoku.
Achivakira pafundo dzake dzenhau yacho, wezvoruzivo rwendangariro Weston Agor weUniversity of Texas, El Paso, akataura kuti nepo vakadzi, paavhareji, vari vanova noruzivo rukuru rwokuberekwa narwo kupinda varume, uyu musiano unovakirwa zvikuru patsika kupinda pauzivi. Dzimwe nyanzvi dzakataurawo kuti mabasa egamuchidzanwa avakadzi anovarovedza kuva vasarudzi vakanaka vevara iroro. Sokukutaura kunoita nyanzvi yamagariro avanhu Margaret Mead, kuti: “Nemhaka yerovedzo yavo yenguva refu muukama hwavanhu—nokuti ndizvo ruzivo rwokuberekwa narwo rwechikadzi rwuri zvomenemene—vakadzi vane betsero chaiyo yokuita kurushingairo rwupi norwupi rweboka.”
Nepo ruzivo rwokuberekwa narwo rwavakadzi sezvinobvumwa ruri nhau yokufungidzira, kune bvumirano inokura pakati penyanzvi yokuti ruzivo rwokuberekwa narwo mudziyo unonyanyobetsera zvikuru nokuda kwavose vari vaviri munhurume nomunhukadzi. Mune bhuku rake rinonzi The Process of Education, nyanzvi yendangariro Jerome Bruner anoti: “Rumbidzo youshamwari iyo nyanzvi dzesayenzi dzinopa avo vavashandi biyavo vanowana chiratidzo chokuti ‘ruzivo rwokuberekwa narwo’ ufakazi hukuru hwokuti ruzivo rwokuberekwa narwo ndichinhu chinokosha musayenzi uye icho tinofanira kutamburira kuchengeta muvadzidzi vedu.”
Havasati vachingova bedzi vadzidzi vesayenzi, kunyange zvakadaro, vanokoshesa mano oruzivo rwokuberekwa narwo uye vanoshuva kurukudziridza. Mubvunzo ndouyu, Kunogona kuitwa here? Sezvinobvumwa, vamwe vanhu vanongova havo vakapiwa ruzivo rwokuberekwa narwo kupinda vamwe. Asi sezvo ruzivo rwokuberekwa narwo rusati ruchiratidzika kuva rwakasanobatanidzwa zvikuru nokuwana unyanzvi, dzimwe nyanzvi dzinorangarira kuti tinogona kukudziridza mano okuberekwa nawo oruzivo rwokuberekwa narwo kupfurikidza nokusanopa ngwariro kunzira yatinodzidza nayo.
Somuenzaniso, pakurava, usangoedza bedzi kupinza maidi akawanda. Mutsa mibvunzo. Jekesa chinhu chipi nechipi chausinganzwisisi. Edza kupeta mapfundo makuru uye karira mhedziso. Panzvimbo pokuedza kubata udzame huzhinjisa, tsvaka mapoka akapamhama nomutoo, nheyo dzinosimbisa. Sokuona kunoita purofesa wendangariro Robert Glaser, “mano okucherekedza mitoo mikuru ine revo” ndiwo manyuko amene oruzivo rwokuberekwa narwo.
Chokwadika, handi ruzivo rwokuberekwa narwo rwuri rwose runobetsera. Zvakadini, somuenzaniso, kana zivo iyo ruzivo rwokuberekwa narwo rwakavakirwa pairi yakanga yakashata pakutanga? Mufungo iwoyo wakakomba ungatikuchidzira kuti tisanokuedza ururami hwezvatinodzidza. Anenge makore ane 2 000 akapfuura, Bhaibheri nomutoo wokuchenjera rakataura izvozvo chaizvo. VaFiripi 1:10 (NW), inotaura ichiti: “Iva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru.”—Onawo Mabasa 17:11.
Imwe mhinganidzo yoruzivo rwokuberekwa narwo ndeyokuti runogona kuchinjwa nemirangariro yedu. Ndokusaka kutsamira zvikurukuru paruzivo rwokuberekwa narwo pakuita zvisarudzo zvikuru kana kuti pakurangarira vanhu kuchigona kuva kune ngozi. “Apo unova nefungidziro yendangariro mune chimwe chinhu, ruzivo rwako rwokuberekwa narwo rungava rusingavimbiki kutoti ukagona kuisa kunzwa kwako mumurangariro,” inonyevera kudaro nyanzvi yendangariro Evelyn Vaughan. Hasha, rutyo, godo, uye ruvengo—uku kunzwa kwakasimba, nepo kusati kuri ruzivo rwokuberekwa narwo kumene, kunogona kupesvedzera kunyange kushatsa ruzivo rwedu rwokuberekwa narwo. Rangarira, somuenzaniso, vanhu vaviri vane nguva refu yokusadanana. Apo kupesana kutsva kunomuka, mumwe nomumwe wavo nomutoo woruzivo rwokuberekwa narwo anoziva bedzi kuti mumwe ane vavariro dzakashata. Nomutoo wokuchenjera, kunyange zvakadaro, Bhaibheri rinotinyevera pamusoro pouru rudzi rwokusarudza ‘mukuwirirana nechitarisiko chechiso.’—2 VaKorinte 10:7.
Kumwe kunzwa, rudado, zvingatiparira kunyanyokoshesa zvikuru ruzivo rwedu rwokuberekwa narwo, sokunge kuti rune ukoshi chaihwo hwakati mukuenzanisirwa nechisarudzo nemifungo yavamwe. Tingaita zvisarudzo zvokukurumidzira tisina kubvunza avo vanotapurwa. Kana kuti rudado rungatiparira kuomerera nomutoo wechisimbwa kuchisarudzo choruzivo rwokuberekwa narwo mukunangana nokunzwa kunokuvadza kana kuti zano rakasanorangarirwa ravamwe. Zvakare, Bhaibheri rine zano rokuchenjera: “Kana mumwe munhu achifunga kuti iye ndichimwe chinhu apo iye asiri chinhu, ari kunyengera ndangariro yake amene.”—VaGaratia 6:3, NW.
Pakupedzisira, kunyanyovimba noruzivo rwokuberekwa narwo kungaparira usimbe hwendangariro. Hapana dimburiro yokuwana nayo zivo, nzwisiso, uye uchenjeri; fundo yakarongwa ndiyo nzira bedzi. Naizvozvo panzvimbo pokuomerera pamufungo wokutanga woruzivo rwokuberekwa narwo unomuka, munhu akachenjera anovaka dura rezivo, iro rinobva rava manyuko enzwisiso, uchenjeri—uye kazhinji kazhinjiwo ruzivo rwokuberekwa narwo.
Ruzivo rwokuberekwa narwo, pashure pokurangarira zvose, nderwoukoshi hukuru bedzi apo runenge ruri mutsinhirano nendangariro hurusa muchisiko chapose pose—ndangariro yoMusiki. Iye ndiye manyuko ezivo yakarurama nouchenjeri hwechokwadi, uye iye anoda kuti tipinze zivo iyi inokosha. Kupfurikidza neBhaibheri, iye nomutoo womutsa anotibvumira kusvika kumifungo yake, kunzwa, uye zviito. Sezvatinoshandisa zivo yakadaro muupenyu hwedu, “masimba (edu) okufunga,” kubatanidza noruzivo rwokuberekwa narwo, zvinova zvino“rovedzwa.”—VaHebheru 5:14.
Naizvozvo wana unyanzvi mune urwu rutivi rwezivo pamusoro poMusiki noMwanakomana wake. (Johane 17:3) Hausati uchizotongowana chimwe chinhu chipi nechipi chinokosha zvikuru panhamburiko dzako. Hakuna manyuko ari nani zvikuru okuwana maari ruzivo rwokuberekwa narwo.
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 16]
Einstein akaisa ukoshi hukuru kuruzivo rwokuberekwa narwo
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Ruzivo rwokuberekwa narwo harusati rwuri pfungwa yechitanhatu yakavandika
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 17]
Ko vakadzi vane ruzivo rwokuberekwa narwo kupinda varume zvomenemene here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 19]
Ruzivo rwokuberekwa narwo harusati ruchivimbika apo rwunenge rwakavakirwa pazivo isina kururama
[Mufananidzo uri papeji 18]
Kupfurikidza noruzivo rwokuberekwa narwo amai vanoziva zvinodikanwa zvomwana wavo apo iye anochema