Nguva Yokutanga Uye Kuwanda Kwezvokutaura
VABEREKI vakawanda vanoitira hanya vanoratidzika kuva vanofunga kuti dzidzo yevatano inogona kubatwa nayo mukati mekurukurirano pamusoro pamaidi anoreva ‘nezvevatano nokubereka’ mukati mokufamba kwamaminiti ane gumi mumasango vaine mwana wavo wezera ramakore 13. Asi kazhinji kazhinji zvikuru ikoku kunobvumikisa kusangova bedzi kwakanyanyova kushoma asi kunyanyononoka mumakore. Hakusi kwechienzi kuti mubereki ane rudo atsinhire, kuti: “Chinenge chinhu chiri chose chandakaedza kuvaudza, kunoratidzika kuti vaitoziva.”
Pane nzira iri nani zvikuru yokudzidzisa idzi nhau dzinokosha here? Kana zvakadaro, vabereki vanofanira kutanga rini, uye chii chavanogona kuita uye kutaura?
Nomutoo wokuchenjera, kuvambira panenge pakuberekwa kwomwana, unofanira kutanga kuvanzarika hwaro nokuda kwokupa uyu muraidzo unokosha. Kana ukatanga apo mwana anenge ari muduku, unogona kupa mashoko nomutoo wakaterama, zvishoma panguva nenguva nenzira inogona kunzwisisika nyore mukuwirirana namano omwana wako kuti abetserekane.
Vabereki zvavanogeza vaduku vavo, vangavadzidzisa mativi avo omuviri: “Ichi chipfuva chako . . . dumbu rako . . . ibvi rako.” Kudarikirei kubva padumbu kuenda kuibvi? Ko chiri pakati chinonyadzisa here? Kana kuti chakavanzika bedzi here? Chokwadi, hatisati taizoshandisa mashoko anotsverudza nokuda kwaaya mativi akavandika. Asika kuregererei kungoti bedzi “chirema” kana kuti “muromo wesikarudzi”? Ayawo rutivi rwokusika uko Mwari akaidza kuti “zvakanaka zvikuru.”—Genesi 1:31; 1 VaKorinte 12:21-24.
Gare gare, zvimwe apo mwana anoona mutambo uchichinjwa, nomutoo wokuremekedza unogona kutaura kuti vakomana vane chirema uye vasikana vane sikarudzi. Unogona kutsanangura zvinyoro kuti izvi zvinhu ndezvomunhu oga. Zvinofanira kutaurwa pamusoro pazvo bedzi mumhuri, kwete navamwe vana kana kuti vamwe vanhu vari kunze kwemhuri.
Nokudaro, unogona kutsanangura zvinhu zvizhinji izvozvi zvisati zvava zvinhu zvinotsverudza, kutanga pazera duku uye ndokufamba pashoma napashoma sezvo mano omwana okunzwisisa anokura.
Kutsanangura Kubereka
Apo anenge ava nezera ramakore matatu kusvikira kumashanu,a mwana angavamba kushamisika pamusoro pokubereka uye angabvunza kuti: “Vana vanobva kupi?” Ungangopindura bedzi kuti: “Unokurira munzvimbo inodziya, yakakotsekana iri mukati mamai.” Iyoyi zvimwe ingagutsa nokuda kwenguva ino. Gare gare mwana angabvunza, kuti: “Mwana anobuda sei?” Ungapindura, kuti: “Mwari akaita buri chairo rokuti mwana abude naro.” Nhambo yengwariro yavana vaduku ipfupi, naizvozvo mhinduro dzakanakisisa dzakapfava uye dzakananga. Govera mashoko anodikanwa mashomanene panguva nenguva, uchichengetera akawanda gare gare.
Kana vabereki vakasvinurira, vanogona kuwana mabanza akawanda okudzidzisa. Kana hama yokunyama yapedyo ichikarira kusununguka mwana, amai vangati: “Mainini Susan zvimwe vachava nomwana nokukurumidza—ini ndakanga ndine nhumbu yakakura kudaro mavhiki mashomanene iwe usati waberekwa.” Kuberekwa kunokarirwa kwomunun’una kana kuti hanzvadzi kunogona kupa mwedzi yedzidzo yokufara neinofadza.
Gare gare mwana angabvunza, kuti: “Ko mwana akatanga sei?” Mhinduro yakapfava ndeiyi: “Mbeu inobva kuna baba inosangana nesero rezai riri muna mai uye mwana anotanga kukura, kungofanana nembeu iri muvhu ichakura kuva ruva kana kuti muti.” Paimwe nguva mwana anobvunza, kuti: “Ko mbeu yababa inopinda sei muna mai?” Ungati hako, nomutoo woruremekedzo: “Unoziva maitirwe akaitwa mukomana. Ane chirema. Mai vane buri riri mumuviri mavo iro rinopinda chirema, uye mbeu inodyarwa. Mwari akatiita neiyi nzira kuti vana vagone kukurira munzvimbo yakanaka, inodziya kutozosvikira vakura zvakaringanira kuti vazviraramire vamene. Ipapo mwana mutsva akaisvonaka anoberekwa!” Unogona kutaura nomudzimu wokushamisika panzira inoshamisa Mwari akarongedzera nayo izvi zvinhu.b
Unofanira kungwarira kusatongodzivisa mibvunzo nokutaura kwokutsveruka kwokuti: “Ndichakuudza gare gare kana wakura zvakaringanira.” Ikoku kunogona kukudziridza kuda kuziva kwavana uye kungatovakurudzira kutsvaka mashoko kuna manyuko asina kukodzera kumwewo zvako. Mwana akura zvakaringanira kubvunza mubvunzo akura zvakaringanira kuwana mhinduro yakapfava neinoremekedzeka. Kundikano yokugovera imwe ingadzivisa vana vako kusachavimbazve newe nokuda kwamashoko.
Pazera Rakadini?
Vabereki vakawanda vanofunga kuti vana vavo vanofanira kuva nenzwisiso yehwaro yezvinhu izvozvi zvimwe vasati vatanga chikoro, uko vanganzwa mashoko asina kururama zvikuru kuna vamwe vana.
Mumwe sekuru akatsanangura, kuti: “Ndakanga ndisina kubvunza mibvunzo, asi pandakanga ndava nezera ramakore matanhatu, baba vangu vakasarudza kuti yakanga yava nguva yokutsanangura kunobva vana. Vakati vatano yomurume nomukadzi ingabereka mwana yakanga iri yomuzvarirwo sezvokudya, asi Mwari akati iyoyi yakanga iri bedzi nokuda kwavanhu vakaroorana. Nokudaro, paizova navose vari vaviri mai nababa vokuti vade mwana ndokumutarisira.” Ava sekuru vakawedzera, kuti: “Tsananguro yavakapa yakanga iri panguva chaipo. Ndakanga ndatoona vana vezera ramakore matanhatu vachiseka pamusoro pemifananidzo youtere yavainyora yandisina kunzwisisa.”
Chokwadi, tsananguro dzakadaro dzinofanira kupiwa, kwete sechimwe chinhu chinotsverudza, asi sechimwe chinhu chakavandika. Unogona kudzokorora kuti ndichakavanzika chemhuri chisingafaniri kududzirwa vamwe vana kana kuti vanhu vari kunze kwemhuri. Kana mwana wako akapotsa muna ikoku, unogona kutaura nounyoro, kuti: “Shhh! Yeuka, ndichakavanzika chedu. Tinotaura pamusoro pacho bedzi mumhuri yedu.”
Haikatyamadzi
Kana kudikanwa kweiyi kurukurirano kuchikatyamadza muravi upi noupi, chimbofunga hako kuti vabereki vaduku vazhinji vanoitira hanya vari kutsvaka sei nzira inoremekedzeka yokutsanangura nayo idzi nhau kuvana vavo. Ko tsananguro dzakananga mumusha une rudo hadzisi dziri nani zvikuru kupinda nzira yakatanga kudzidza nayo vabereki vazhinji izvi zvinhu here, mumanyuko akashata ari kunze kwemhuri?
Kana ukateerera zvomenemene uye kana ukapindura mibvunzo nomutoo wakapfava uye unoremekedzeka, uchakuita kuve nyore zvikuru kuvana vako kuti vauye kwauri nemimwe mibvunzo makore zvaanopfuura uye chinodikanwa chavo chamashoko chinokura.
[Mashoko Omuzasi]
a Mwana mumwe nomumwe akasiana. Nokudaro, nongedzero ipi neipi kuzera mune idzi nyaya inongoitwa bedzi munzira inobatanidza zvizhinji, kuratidza muitiro unofambira mberi wouku kudzidzisa.
b Bhuku rinonzi Kuita Kuti Upenyu Hwenyu Hwemhuri Hufadze rinokurukura ikoku namamwe mativi mazhinji okurera vana mutsika uye upenyu hwemhuri. Ungarikumbira kuna vanhu vakakuunzira iyi magazini kana kuti kuvabudisi vayo pakero dzinowanwa papeji 5.
[Mufananidzo uri papeji 6]
Kubereka kwoswedera pedyo kunogovera banza nokuda kwomuraidzo unokosha